Mazita eMhuri
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuNyakotyo)
Chinorwa chino chinotaura zvinoreva mazita emhuri dzeChishona dzemuZimbabwe. Mazita achadudzirwa pano ndeayo anenge akati hwandei.
Achinjanja
- Banga,
- Bangamuseve,
- Bangira,
- Barangiro,
- Baya - tarisa zita rokuti Mabaya.
- Bharu,
- Bhamu,
- Bhasera,
- Bhiza
- Bongo kana Bere (Hyena) zita rokuti Bongo izwi reChiNdau.
- Bonyongwa
- Bepura (recovering consciousness). Nyaudzosingwi yokuti bepu inodudza kupepuka - ideophone of recovering consciousness.
- Besa (cold in the head). Vamwe vatauri vanoti mabesa kana mabesha.
- Bure kana nhoto (Sadza cooked unsatisfactorily because of insufficient heat in the final stage of cooking) apa kureva sadza raburwa pamoto risina kushinyira.
- Chabvonga (that which mixes up things or gatherings).
- Chebundo - iri izita rinopiwa munhu asingagare pamba, mugaradzakasungwa.
- Chideu kana Chidewu
- Chikaka (Kukaka to be stiff - of a person, animal or thing that moves with difficulty).
- Chihera - tsapi ndiki - small granary.
- Chihoboya. Kune izwi rinoti kuhobodza rinoreva kuonza muviri - (Make thin or emaciated). Zvichida izwi iri rinotodzana nezita rinonzi Chihoboya?
- Chiguvare, Chipare - (door sill, threshold) iri ipuranga rakachinjika pamusuwo paunoyambuka kubva panze kupinda mumba.
- Chikwavaire - munhu mupfumi, njonda.
- Chipere (hyena) Kureha bere.
- Chirunga (Sharp stake in a game pit) zvichireva chimuti chakapinza chinodzimikwa mugomba rekuteya mhuka dzesango. Pahumwe chonzi runga. Vamwe vanoti dika.
- Chivizhe (one who inteferes in talking)?? Kukamukira, kubizha (to intefere).
- Chenje - zvinoreva mbesa dzemhando imwe dzisina kusanganiswa. Sokuti chibage chenje chinenge chiri chibage chega.
- Chinamasa. Kusakara kwechari kunotanga masa. When a shawl wears out it begins at the fringes.
- Chigumo (Marvelous occurrence) zvichireva maminimini kana gumo.
- Chimbwanda. Kune izwi reShona rinoti kumbwandaira (Walk humbly, shyly). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chimbwanda?
- Chimwanda - (bundle or grass) zvinoreva dzama rehuswa zvikurusei huswa hunoshandiswa kupfirira denga remba.
- Chinganga (Impetuous person) munhu anokasira kuita zvaafunga achibva aita neganyavhu.
- Chinhoi - aka kapuka kaya kanonzi chitaitai - fire-fly.
- Chirau, Chiro - iyi inzvimbo inorara mapfeni.
- Chisamba (Small bag) apa kureva kahomwe.
- Chisunguro (Beer strainer)
- Chisirimunhu
- Chivero kana kuti chirodzero idombo rokurodzera mapanga.
- Chitara (Beacon to mark land allocation) chiro chinopangidza pane miganhu yenzvimbo yakapiwa kumunhu.
- Chitembwe (Patch of cloth) apa kureva kajira.
- Dambi kana Madambi (Marvelous occurrence or event) zvichireva maminimini.
- Dhinyero - iri zita rinobva kuPortuguese inoti dinheiro - kureva gold money.
- Dowera
- Dutiro - iri zita rinokwanisa kunge riri remumhu aidutira hwahwa achinwa zvakapfuuridza.
- Dzapata (old reed mat) zvichireva tsapata kana rukukwe rwasakara.
- Dzangare
- Dzimano
- Dzimbanhete
- Dzingire
- Gama (Astonishing act or thing). Pahuwandu kwonzi Magama.
- Gambe - hari inoshandiswa kubikira doro. Rukambe.
- Gambiza (water ditches, vleis, marshes).
- Gambinga - garwe gono rachembera.
- Gwanha - iri ishizha remuriwo rakomba risisina kufanira kuti ritanhwe kana kubikwa.
- Gara (Inaccessible place).
- Gweshe - ibanga rakagomara kana banga rinoshandiswa kucheka mupunga kana rukweza.
- Gumbi - shoko iri rinoreva danga kana boka remombe dzakawandasa.
- Gundidza (probably one who grinds coarsely??). Izwi rokuti gundira rinoreva kumanza pakukuya kana pakugaya.
- Goba (Quiver) apa kureva goba rinobangirwa miseve.
- Gope (1. Peak of a cap, 2. Hair hanging down face - generally of animal). Zvichida mazita anoti Makope naNyamakope anotodzana nezita iri zvakare.
- Gwata kana Makwata (1. Hopper of migratory locust, 2. Big group).
- Handisumbe (I do not hesitate) rinotaura munhu asingazengurire kana kuzeza kuita chinhu.
- Hondo
- Hondonga
- Hondokosa
- Hodza
- Hwedza - izvi zvinoreva chiumbwa chakavezwa nemuti chinokamirwa mukaka.
- Hwengwere
Jera - iri zita rinodaro richibva pashoko rokuti jerandoga rinoreva mukono wegudo kana handira inogara kana kufamba yega.
- Kadziyanike
- Kadzirange
- Katsande
- Katsukunye
- Kandeya kana Mandeya (one who goes around, rotation).
- Kanoyangwa
- Karakadzai (remember) izwi reChiNdau rinoreva kuti yeukai.
- Karuwo (sponger) apa kureva muruwi kana munhu ane rukwato - uye ane katsika kekukwata mudzimba dzevamwe.
- Mabaya. Kune izwi rokuti baya kana mabaya (1. Uncongenial task. 2. Misfortune e.g continual ill-health) rinoreva basa rinodzimba kana jambwa.
- Mabeza kana Nyabeze. Kune nyaudzosingwi yokuti beza inoreva kugara pasi wakanyarara - sitting quietly.
- Mabikwa (Delayed, harmful effeet of some action).
- Machote. Kune nyaudzosingwi yokuti chote (ideo of Speaking inconsequentially). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Machote?
- Made - Kuita zvinhu nenzira inosiya vamwe vataika. (tricky way of acting). Tsuro ine made painodzinganiswa nembwa inosvetuka kuti isasiya hwema hwayo pavhu.
- Madongorere, Matongorere (Peeping) izvi zvinotaura munhu ane katsika kekudongorera.
- Manhando, Madavo kana Chiro (whim, vanity).
- Mudzamba - masese edoro - beer sediment.
- Madzimbamuto - munhu anotora muriwo kana usavi hwakawanda kudarika mugove wemunhu umwe. Vamwe vatauri voti anokambura.
- Madyangwe - (pranks, jokes) zvinoreva jee, saka munhu ane zita iri anenge ari munhu anoita zvinosetsa vanhu.
- Mahwite. Mazwi ekuti hwiti uye hwitira anoreva kukasira pakuita kana kufamba rapidity of movement.
- Mahoka kana hoka (hoeing bee) apa kureva mubisho unounganidza vanhu vemhuri dzakatsukana vachikusakura munda wemuvakidzani wavo.
- Makuvire kana Guvire (One who acts greedily, more or less as a joke) apa kukuvira zvichireva kudya zvamakaro kuchiitwa sekusetsa vanhu. Makuvire izita remhuri.
- Maminimini, Marere - izvi zvinhu zvinoshamisa, zvakarurama - astonishing and marvelous occurrence, sight or things.
- Makwenha (one who dishonors or disgraces another).
- Maorera sezita (Humble person who does not answer back).
- Mangaza (one who looks longingly).
- Mapfudza - kupfudza zvinoreva kugaroenda kunhu kuri murehwa - to go constantly to a place.
- Matika (1. sharp pointed sticks; 2. Sharp Stakes in a game-pit; 3. Wooden beetle for beating floors). Tarisa chinyorwa chinonzi dika.
- Matamisa zvichida zvinoreva uyo anokonzera kuti vanhu vatame kubva panzvimbo. Mazwi okuti thama (do; make) kana thamisa (cause to do something) anotaurwa kuKalanga.
- Mashanyare Kune izwi rinoti kushanyarika (to wallow, roll) rinoreva kuumburuka kana kubidirika.
- Mawadzure (one who grinds a little meal). Kuwadzura kana kukwadzura (grind a little meal)
- Mhiribidi (Tricks or deceit??). Tsuro ina mabiribidi: a hare is full of tricks.
- Muchira kana Machiri. Izwi rokuti ichili (living person; well-off person) rinotaurwa kuKalanga kureva munhu ari kurarama kana munhu mupfumi. Zvichida ndpo panobva mazita maviri aya.
- Muchirahondo. Izwi rokuti chila (live; survive) rinotaurwa kuKalanga kureva kurarama kana kupona. Zvichida Muchirahondo kutaura kuti munhu akapona muhondo.
- Mudzamba - bota rakabikwa kuchishandiswa hupfu hune mukaka panzvimbo yemvura.
- Madzudzo - iri rinoreva kuva nezvinonetsa pfungwa.
- Muganyi - kuganya (become rich) zvinoreva kupfuma kuChiNdau.
- Makumbe - iri zita rinotaura munhu anotora nokuunganidza kose kaawana.
- Makoni (the able one).
- Maketo tarisai chinyorwa chinonzi nzungu.
- Mandisodza - Kusodza ishoko reChiNdau rinoreva kuzvidza - (to despise) .
- Mangwende (one who trembles) iri zita rinotaura uyo anogwenda pakutya
- Mapereke - (generous person) zita iri rinotaura munhu anopa zvakanyanya asinganyime.
- Marambakuyana - zvinoreva munhu anoramba kuyanana kana kuregererana.
- Mashakada - (boiled maize grain) zita iri rinoreva mangayi.
- Mushininga - (hard work) shoko iri rinoreva basa rinorema, rakaoma.
- Masona - ( person who exaggerates) zita iri rinopiwa munhu anowedzeredza pakutaura nyaya.
- Mataranyika zita iri rinorevei? Kune izwi rokuti kutara murwere. Kune izwi rokuti -dara. Kune izwi rokuti nhara, sokuti - Chaukura akanhara kuIndia - Chaukura appeared in India.
- Matimba, Mangisi - (sweet beer) iri idoro rinotapira.
- Mbanga - zvinoreva bhegi rinorukwa netambo.
- Mazvimbakupa (one who yearns to give) zvinotaura munhu ane chishuvo chekupa - apa kuzvimba kusiri kukuvara kwenyama asi chishuvo - yearning.
- Maunga (Hairy caterpillars).
- Mbirimi (industrious person, champion) munhu anoshanda basa nemazvo asina nungo.
- Mombeshora (cow of the colour Shora).
- Mubvuwi zvinoreva munhu anobika doro.
- Mudede zvinoreva chibage chinyoro chave kuda kusvika pakusimba kwekuti chidyiwe.
- Mufunda. Kune mazwi anoti: kufunda kana kufundura (give liberally, generous). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mufunda?
- Mukombwe (one who is surrounded).
- Mukwaira kana Muhwayira (a narrow path, a track through grass).
- Munemo - (playfullness) kureva munhu ane maitiro ekuda kutamba, nekusekesa vanhu.
- Mungwariri (one who is in charge of; one who watches over) apa kureva mutariri wemushando uri kurehwa.
- Munyongani (crooked).
- Mushonhiwa tarisa mazita anoti Shonhiwa Shonhayi.
- Mupari - kutsvaga tsvaga sezvinoita huku kupara chikafu pane marara - iZita remhuri inoyera mutupo we *mbizi : Mazvimbakupa.
- Mutambikwa - kutambika ishoko reChiNdau rinoreva zvimwe nokuchinjika - to lay one thing across another or others; to cross things.
- Mutaira - kutaira (to warm oneself in the sun) izwi reChiNdau rinoreva kuzambira zuva.
- Mvenge kana Bvenge (1. Mixed gathering - male, female, young, old, 2. Mixture of different things - not liquids).
- Muushi (a shepherd). Kuusha (to shephered sheep) zvoreva kufudza hwayi. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Muusha??
- Mushuna (steak, fleshy meat) apa kureva nyama yemunyepfu. Chishashavira chowadya ganda kukunda wadya mushuna: Boasting about what was eaten with skin praises it more than the one who has eaten steak. (which has same meaning as empty barrels make the loudest noise.
- Nyabepu. Izwi rokuti bepu rinoreva (1. Ideophone of being a coward, 2. Herb called triumfetta pilosa, 3. Cowardice).
- Nyamupingidza
- Nyarukunda
- Nyamauya kana Nyambuya
- Nyamayaro
- Nyakabau. Izwi rokuti kubaukira (Be quick) rinoreva kuita nokukasira. Kune nyaudzosingwi inoti bau (Acting quickly).Muenzaniso: Aifamba achibaukira: he walked quickly.
- Nyamweda
- Nyakunikwa
- Nyamadzawo
- Nyamuranga
- Nyakotyo. Zvichida zita iri rinobva pazwi rokuti mukotyo rinoreva dzvinyu?
- Nyamuswa - kune izwi rinoti muswa (Stale beer) rinoreva doro rashata nekugarisa.
- Nyaruwata. Kune izwi rinoti mbwata kureva dumbu (belly); kwoitazve izwi rinoti nyabwata (Person with protruding stomach) apa kureva munhu ane chitumbu. Zvichida izwi rokuti nyabwata rinotodzana nezita rokuti Nyaruwata?
- Nyaruviro - izwi rokuti luwilo rinoreva spidhi mururimi rweLenje.
- Raza (that which came or has come).
- Rupiya - iri zita rinobva kuPortuguese inoti rupia kureva twenty cent piece.
- Rugundiya - iri zita ringava nechekureva pakuita gunda - walking too closely.
- Rubwe kureva ibwe kana dombo.
- Rukambe - hari inoshandiswa kubikira doro.
- Rushwaya. Izwi rokuti shwaya (hook out; poke at) rinotaurwa kuKalanga.
- Sinyoro iri zita rinobva kuPortuguese inoti senhor - kureva Lord/Sir.
- Tizora - chigero. Izwi rokuti tizora rinobva kuPortuguese inoti tesoura.
- Tarovedza (cause to become accustomed, train)