Muromo
Mataridziko
Muromo (lips) inhengo iri pasi pemhuno yakapendera mukanwa munotambira chikafu pakudya. Nekumwe kutaura mukanwa mukati, muromo ndiko kunze asi mazwi aya anoshandiswa achichinjaniswa.
Tsika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Muromo hauzarirwi nerwizi.
- Chinopa mawoko; muromo haupi.
- Ane pamuromo.
- Muromo chipfuto unopedza matura.
- Mumuromo momukuru munonhuwa kamwe, mangwana munoreva zvibvira. Kureva kuti - Zvinogarotaurwa navanhu vakuru vachiyambira munhu ndizvo zvinowanzoitika kana akasazviterera. Vakuru havarevi zvinhu zvenhando, kazhinji zvavanoreva ndizvo zvinowanzoitika.
Zvirevo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Tsuro kotsa muromo. Hare, mind your mouth.
- Muromo unodya chawapiwa.
- Muromo itsvimbo unozvidzivirira. A mouth is like a knobkerrie; it defends itself.
- Muromo ipfumo ungozvikanira. A mouth is (like) a spear; it fights for itself.
- Muromo chiponza unopotsera. A mouth is like a knobkerrie which you can throw.
- Muromo chipwere mukutumika. A mouth is like a young boy when it comes to sending him.
Mazwi eBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaFwe vanoti muromo (mouth) kureva muromo. VaTaita vanoti mlomo (n. mouth) kureva muromo. Baila vanoti mulomo.
- VaKikuyu vanoti muromo kana miromo (n. door; gate; ingress) kureva musuwo.
- VaGwere vanoti kanwa (n. entry point; tip of the mouth of something) kureva pekupindira.
- VaMaconde vanoti ikanywa (n. mouth). VaBukusu vanoti mukhanwa (adv. inside the mouth).
- Bushong vanoti munya (n. mouth) kureva muromo.