Vatonga
Vatonga kana Watonga vanhu vekuZambia neZimbabwe (vanozviti Batonga) idzinza reBhantu riri kuchamhembe kweZambia nekwakavakidzana neZimbabwe nechekuchamhembe, uye zvishoma, kuMozambiki. Vane ukama naVatoka avo vari rutivi rwevanhu veVatokaleya munzvimbo imwe cheteyo, asi kwete naVatonga vokuMarawi. Kumaodzanyemba kweZambia vari vatsigiri veVakafue Twa. Vanosiyana patsika nemutauro kubva kuvanhu vechiTsonga vekuAfurika Chamhembe nekumaodzanyemba kwe Mozambiki.
Vatonga veZimbabwe
chinjirudzaVaTonga muZimbabwe vanowanikwa munzvimbo dzakatenderedza dunhu reBinga, musha weBinga kuDhamu reKaribha, nedzimwe nzvimbo dzeMatabeleland. Vanosvika mazana matatu ezviuru uye vazhinji vavo varimi vekurima. MuZimbabwe mutauro wevaTonga unonzi chitonga.
Vatonga vakagara pedyo neNyanza Kariva mushure mekuvakwa kwemudhuri weDhamu reKaribha.[1] Vanobva kuChirundu, Kariba town, Mola, Binga kusvika Victoria Falls.
Mabviro eruzivo
chinjirudza- ↑ Colson, Elizabeth (1971). The social consequences of resettlement: The impact of the Kariba resettlement upon the Gwembe Tonga. Human problems of Kariba, No. 4. Manchester, England: Manchester University Press on behalf of the Institute for African Studies, University of Zambia.