Dhamu reKariba
Dhamu reKariba idhamu gurusa muZimbabwe rakavakwa paRwizi Zambezi nechinangwa chokuwanisa mvura yokusunda magwenya emagesti.
Dhamu rakamira 128 mita kukwira mudenga pakureba ne579 mita kutwasuka. Dhamu reKariba rinobata mvura reLake Kariba rakareba zve280 kilomita richibata 185 cubic kilomita emvura.
Vanamazvikokota vezvekuvaka (engineers) vanonzi Coyne et Bellier ndivo vakagadzira mavakirwo edhamu. Chikamu chekutanga chakavakwa neachi yekongiri mumakore ekubva 1955 kusvika 1959. Chivakwa chakapera mugore 1977 nemutengo wose unosvika $480,000,000. Pakati pekuvaka pakafa vanhu vanosvika 86.
57000 rudzi rwechiTonga raigara nemativi ose pedyo neRwizi Zambezi vakatamiswa nekuda kwekuzara kweDhamu reKariba.