Mwero wehunhu
(runangakatsva kubva kuMushazhi)
Gwaro rino riri kuunganidza mashoko anotaura pamusoro pehunhu hwevanhu.
- Barapara (superficial character).
- Baradza, baradzi (disturber of the peace, antisocial person) zvichireva munhu anobvoronga pane rugare.
- Biribidi kana mabiribidi (Trick. Deceit). Tsuro ina mabiribidi: a hare is full of tricks. Kune zita remhuri rinonzi Mhiribidi.
- Busa (passive person) apa kureva munhu akapusa.
- Chimbinyu (Short-tempered person) apa kureva munhu ane hasha dziri pedyo, anonzi jenamwa.
- Chikuyo (moral depravity in women) zvichireva kushaya tsika muvakadzi.
- Chinyai (slowly, softly, gradually, gently, stealthily) kuita zvinyoronyoro.
- Chigebenga kana zvigebenga pakuwanda (violent person) apa kureva munhu anoda zvekurwa. Izwi iri rinotaurwa kuChiNdau - Psalm 17:4.
- Chivhinyu (irascibility; easily provoked to anger; very irritable). Kune zita remhuri rokuti Mavhinyu.
- Chikwede (compliant person) munhu anongotevedzera zvaari kuudzwa asina kudzikama pachitsungo chimwe. Kamukwede izita remhuri.
- Chikwedeya (gadabout) zvichireva swerakuenda.
- Chiramwa
- Chinemo (1. vanity, 2. To wear smart clothes) apa kureva mandionekwe okuita zvinhu nechinangwa chokuonekwa zviri zvinhu zvisina rubatsiro kana chiguro kuvanhu.
- Chitambo chemunhu (A fine or pretty person).
- Dharakubhe (Adult person with no sense of self-respect or dignity).
- Derenge kana maderenge (Lazy person who lives by the quarrels he picks).
- Dzikiti (ideophone of being self-possessed).
- Dzenga kana madzenga (1. Unconventional person (careless of speech, food clothing 2. Rough, tough type of person) apa kureva munhu ane tsika dzisingagamuchirike.
- Kusasavara (vain) kutsvakana nezvinhu zvisina maturo. Muduni kana musasavari (vain person).
- Kukavanga (Doubt the favourable outcome of an action). Zvichida ndipo panobva zita rinonzi Gavanga??
- Kukondonoka (Act half-heartedly). Kondono (ideophone of Acting half-heartedly).
- Kukwangwavara (distant physically or emotionally; reserved and remote, stand aloof).
- Kubima kana kukundundika (Sit quietly (as a stranger does).
- Kufumuka (to have a bad name or bad reputation).
- Kuva nenjefe kana kuva nemano (behaving craftily).
- Njefe kana mano (craftiness). Chinamano naManomano mazita emhuri.
yunjenda
- Gone kana vana gone pakuwanda (Trickster) apa kureva gube. Gone ana gone wakewo: there is always someone to outsmart the smart fellow.
- Gumbire (liberal person ; one who attracts all).
- Guvire kana makuvire (One who acts greedily, more or less as a joke) apa kukuvira zvichireva kudya zvamakaro kuchiitwa sekusetsa vanhu. Makuvire izita remhuri.
- Gonyora (anti-social person) munhu ane tsika dzisingagamuchirike pavanhu.
- Gonya kana makonya, (Insolence of one who relies on a powerful backer e.g of son of a chief). Maitiro acho anonzi mukonyo.
- Goshi (Hardness, unyieldingness in bargaining). Kukosha. Une goshi: you are a hard bargainer.
- Goronyera (Fraud; fraudulent person) apa kureva munhu ane tsika yekuba nehunyengeri anoita zvekukoronyera.
- Guyakuya kana maguyakuya (Two-faced person) apa kureva gunyengu. Munhu akadai anonzi ane chiguyakuya.
- Gororo
- Gumba
- Gwetairwa kana magwetairwa (Loafer) zvichireva munhu anokwetaira pamusha asina basa raari kuita.
- Gube, rugube, kana chinyange (Smooth talker who deceives. 2. Confidence trickster) kureva munhu anonyngera nemashoko anofadza vanonzwa.
- Gwenga (very wicked person) kureva munhu akaipa pamoyo nemabasa.
- Maorera (Humble person (does not answer back).
- Matatapure (1. Fault-finding person. 2. Provocative person) apa kureva muparanzvongo. Kutatapura.
- Maunganidze (A benevolent person. One who is friendly to everyone.)
- Mharapatsetsetse munhu anokanganisa runyararo kana kugarisana kwevanhu nekutaura makuhwa kana kuti netsika dzakaipa.
- Makuvise (one who gathers or causes to gather) kureva munhu anounganidza kana anokonzera kuungana.
- Mafararikwa kana mafariswa.
- Mudano (Personal charm - of attracting people to a place - not magical).
- Mhandakadzi (woman with a quarrelsome disposition) zvichireva mukadzi ane katsika kekuda kurwa kana kupopotedzana nevamwe.
- Manhanha (Admirable genuineness). Munhu wamanhanha: a truly admirable person.
- Mutunhiri (one who gives up parental responsibility for their children’s conduct).
- Mhupu kana hambuko (Impulsivess, rash, hasty).
- Mushazhi (humorous person).
- Pfutsi (a troublesome person; a persecutor; a quarrelsome person).
- Funzi kana mutsaratsara (person of a disordered mind) zvichireva mhandu kana munhu ane plunger dzisina kuti tsvikiti.
- Kudada (impudence, vain, disrespectful).
- Kuvhaira (to be prideful).
- Kuchenama
- Kushonha (to despise, to spurn, to snort) apa kureva kuzvidza. Shonhiwa, Shonhayi, Mushonhiwa mazita emhuri.
- Kusodza (to despise) zvinoreva kuzvidza. Mandisoza izita remhuri.
- Rushinga, zivhinyu, zirudu (Restlessness, impatience) apa kureva kusagadzikana mupfungwa kana mumoyo - kazhinji kunoitika kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka.
- Munhu akativa (reserved person).
- Rutekairo (of a person, habit of moving about, itchy feet) apa kureva munhu ane rufambo asingadi kugara pasi, asi anogarofamba.
- Ruchamiro (perseverance; earnestness).
- Shunguwasha kana doro (Gentle person) apa kureva munhu ane moyo munyoro.
- Kuzerekeza (fidget, be restless).
- Zengeya (a giddy or excitable person).
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Mukomana uyu imharapatsetsetse chaiyo nekuti anoita basa rekutevererana nevakadzi vevamwe.
- Vakomana ava vanogara vachida kutaura ngezvekugumba vamwe: these boys always want to speak ill of others.
- Chikuriri chine chimwe chikuriri chacho. Every power is subject to another power.
- Gone ana gone wakewo. 'I-am-able' also has his master.