Huroro
Huroro (kureva yellow) ruvara rwuri pakati peruvara rwe ranjisi ne zerere panangazira rwe chiedza chinooneka.
Zvinhu zvineruvara rwehuroro izuva, kana ruva iro rinofanazuva, rinonzi Ringazuva kana 'ruvarezuva' kutodza chirevo che Chingezi.
Horongodzwa
chinjirudzaMavara mahuroro
chinjirudzaMuhunhu hwe Vashona
chinjirudzaRuvara rwehuroro rwakakosha mutsika dze Vashona, zvinoonekwa munzira iyo inoratidzirwa seruvara rwe ndarama, zuva, uye tsime rehupfumi.
Nhoroondo panguva ye Ubwami wa Mutapa uye kunyangwe Umambo we Zimbabwe ndarama yaive chicherwa chakakosha. Yaitengeswa pakati penyika dze Vashona nedzimwe nyika, kuenda kuYuropu, Mabvazuva Epakatai, Vuarabhu ne Ezhiya.
Vanhu vaShona vaipfeka ndarama pamuviri wavo wese kubva kumakumbo kusvika kumusoro, sechiratidzo chepfuma muchimiro chaNdoro uye nezvimwe. Patsika nemagariro echiShona, zvishongo zvakadai zvinopfekwa panguva dzemitambo yakaita semichato; michato ye chivanhu (roora) neyechizvino-zvino.
Huroro mumitauro ye Chibantu
chinjirudzaMarevo kuVabantu
chinjirudzaRuvara rwe huroro rwakagara rwunoonekwa seruvara rwefuraro, ruvara runopenya uye rwakajeka. Chirevo chakadaro chakachengetedzwa mune dzimwe tsika dzakawanda (with exceptions).
Mumarudzi e Vazulu, ruvara rwehuroro runowanikwawo pamureza weAfruika Chamhembe rinomiririra 'hupfumi hwenyika' kunyanya hwenyika ye Afurika Chamhembe.
Mabviro eruzivo
chinjirudza1. Marhaw, 16/15/2020, Colours in Colourful Africa: Symbolism and Meaning