0% found this document useful (0 votes)
69 views1,391 pages

NAKAI

The document narrates a story involving a king who wakes up and reflects on his kingdom, only to be confronted with troubling news about his daughter. He learns that she has been seen with a young man, which angers him as he believes she should only marry within royalty. The narrative unfolds with discussions among the king and his advisors, revealing tensions and concerns about the daughter's future and the implications of her actions.

Uploaded by

pchingwaru544
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
69 views1,391 pages

NAKAI

The document narrates a story involving a king who wakes up and reflects on his kingdom, only to be confronted with troubling news about his daughter. He learns that she has been seen with a young man, which angers him as he believes she should only marry within royalty. The narrative unfolds with discussions among the king and his advisors, revealing tensions and concerns about the daughter's future and the implications of her actions.

Uploaded by

pchingwaru544
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 1391

NAKAI

Akanyora ndi

Nickiewacho
~Nicola~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(1)

Mambo Zvandareva
Ndakamuka mangwanani
ndikatanga kufamba zvangu
ndichiona dunhu rangu
zvarakanga rakaita.Ndakatarisa
Tinei jinda rangu
ndikanyemwerera .

"Zvirikuyevedza kaizvi ishe


wangu" akadaro akanditarisa
,ndakagutsirira musoro wangu
ndichingonyemwerera .Pese
pandaifamba paiyevedza
zvapo.Ndakadzokera ndikagara
padare.Makurukota angu
akauya akagarawo neni
tikatanga hedu kutaura
nezvedunhu redu iri.Ndaifara
kwazvo musi uyu
.Ndakazosimuka zvangu
patakapedza kuzeya ,ndakange
ndakuenda zvangu muimba
yekurara ndaida kuona kuti
mudzimai wangu aibatana nei
anga asina kumbobvira
abudawo panze kubva panga
pabuda zuva.Mudzimai ndaive
nemumwechete zvangu nevana
vaviri ,mukomana nemusikana.
Ndakafamba mbichana
ndokubva ndanzwa izwi raidana
kwandiri.

"Mambo wangu"

Ndakacheuka ndikaona
ndikaona ari mumwe
wemachinda angu
Tinazvo.Ndakamutarisa kuti
ataure nyaya yake zvakanaka.

"Ndine hurombo
nezvandavekutaura asi ndaona
zvakakodzera kuti ndikuudzei
nekuti handina kuzvifarirawo
kana ini"

"Tinazvo,iti dyoo panyaya yako


handina nguva yekutambisa
kaini"

"Mambo,ndaona mujaya anga


akambundikira mwanasikana
wenyu pasi pemuonde wekuzasi
uko"
"Dzokorora zvawareva Tinazvo!"
ndakadaro ndatotsamwa kare
.Ndiyo nyaya yandaisada
kumbonzwa zvangu kubvira
nekubvira .Nyaya yekuti
mwanasikana wangu adanane
netuvakomana tune mbare
pamuromo ndizvo zvandaisada
.Mwana wamambo aifanira
kuroorwa muimba yehumambo
chete.
"Nyatsotaura nyaya yako
Tinazvo"

"Hakasi kekutanga ndichivaona


Ishe wangu"

"Saka wainyararirei heee ?


Waizvichengeta uchida kuzoitei
nazvo heeeee?,Ndati
wainyararireiko?!"ndakadaro
ndichishevedzera.
"Ndi ndii ndine hurombo mambo
wangu.Ndaiti zvimwe....."

"Haaaa nyarara!,sheedza
Ndinindabaya naHondondizvo
vasvike pano ndisati ndabwaira
katatu".

"Ehoi mambo nda...."


"Ndati izvozvi!!!" Ndakadaro
ndichifamba ndichidzokera
padare.Ndakasvikogara
pachigaro changu asi ndainzwa
kunge parikubaya baya
.Ndakasimuka ndikatanga
kufamba famba ndipo pakasvika
machinda andakange
ndasheedzawo.

"Manga muchibuda mumwena


here heee.Chamatorera nguva
musingauye chii,ndakusheedzai
nguvaiko inini heee.Murikuona
kunge ndinenge ndichida
zvekutamba nemi handiti".

"Ndine hurombo ishe


wangu,ndekupi kwamuka
hondo?"Akadaro Hondondizvo
achikwiza kwiza maoko ake
semunhu agadzirira hake
kuenda kuhondo.
Aya machinda maviri aya
ndaimadira kuti anga akati
changamukei kudarika vamwe
.Pavakabvunza ndipo
pandakazvituka kuti ndakanga
ndisina kunzwa zita rembeva
yainzi yaidanana nemwana
wangu.

"Wonai Tinazvo,akuudzei
munhu waarikuti
arikufambidzana
naNakai.Munhu iyeye
ndirikumuda pano pasina
kukundikana mazvinzwa here"
ndakadaro ndichisimuka
pandanga ndagara.

"Hongu ishe wangu" ndakanzwa


vachidaro vese ndikabva ndati:

"Handidi kunzwa nyaya dzatsuro


nagudo.Ngarisanyure zvaro
zuva ranhasi musati madzoka
pano nemunhu wandirikuda "
Ndakafamba ndikaenda
kunotsvaga mwanasikana
wangu ndikasvika ndichinzi
haapo pamuzinda .Ndakabva
ndatoona hangu kuti Tinazvo
akange areva idi paakati
arikufambidzana neumwe
munhu nekuti Nakai
aisambofamba famba
.Ndakaenda kuimba yekurara
ndakasvika mudzimai wangu
asimowo ndakabva ndangorara
nemanhede.Ndakazoita
zvekumutswa nemudzimai
wangu Mamoyo.Ndakada
kutaura naye nezvaNakai asi
ndakaona kuti aizongovhariridza
mwana wake .Handina
zvandakamuudza hangu
takatotaura dzimwe nyaya hedu
zvakanaka naka.

Ndakazoona Nakai asvika


mumba mataive .Akauya
akatanga kutaura kuti ainge
anzwa kuti ndanga
ndichimutsvaga.

"Urikubva kupi mwanasikana


wangu"

"Ndanga ndichitwasanudza
makumbo baba,hakuna kure
kwandaenda hangu".

Handina kumupindura
ndakangoti heyaa ndokubva
ndanyarara zvangu.Akatanga
kutaura naamai vake zvake
,ndakatanga ndakazvisunga
ndakazopedzisirawo ndave
kutoseka hangu .Nyaya
yekudanana kwaNakai
nemukomana wake haina
kubuda mumusoro
mangu.Ndakaramba ndichifunga
nezvazvo,apa moyo wanga
usina kugadzikana ndichifunga
kuti machinda akange asati
adzoka akange aonana nei.
Nguva yekuti tidye zvemasikati
yakasvika .Takadya tikapedza
ndipo pakasvikawo mambo
Mupiniwaguka.Ndakavatambira
ndega ,ndaiziva zvangu kuti
vakange vafambira nyaya yekuti
mwana wavo aroorane
naNakai.Takanga tambotaura
nyaya yacho kare saka apa
tanga tasarirwa nekuronga zuva
ravaizoroorana.Takakwazisana
tikanogara zvedu mumba
.Takataura tikaronga kuti
vaizouya kuzoroorana svondo
raitevera racho.

Zuva ropinda muna mai


varo,mambo vakaoneka zvavo
,ndakambovati varare
pamuzinda asi vakarambisisa
.Vakafamba vachidzokera
kwavo iniwo ndakabuda
ndikatanga kutsvaga anaHondo
vandakanga ndatuma.Izvi
ndaisazvida zvekuti ndinotuma
munhu chinhu oita zuva rese
asina kundiudza kuti
zvazofamba sei.Hondondizvo
naNdinindabaya ndaivatemba
kwazvo asi apa vakanga vakuda
kupesana neni manje.

Rakasvika pakupinda muna


amai varo ndisati ndanzwa kuti
vadii.Ndaida kumuona
mukomana ainzi arikudanana
naNakai.Ndakabuda muimba
yekurara ndikaenda kwairara
Nakai.Ndakasvika pedyo
nenhanga yake ndikafunga kuti
vanhu vanondiona ndichipinda
mumba make husiku ihwohu
vaizoti kudii.Ndakaridza tsamwa
zvangu ndikabva ndatendeuka
ndavekudzokera kuimba
yekurara.

Ndakasangana naTakunda
mwanakomana wangu nguva
iyoyo.Ndanga ndisina
kumbobvira ndamuona zuva
rese .
"Mambo wangu,maswera
zvakanaka here" akadaro
achigwadama pamberi
pangu.Ndakamubata
ndikamusimudza
ndikamumbundikira
ndichisekerera
zvangu.Ndakamupindura
ndikazoti:

"Ko waswera kupiko mujaya


wangu.Ranhasi rasvika
pakupinda muna amai varo
ndisina kukuona".

"Ndanga ndichitenderera
zvangu mumasango umu zvino
iii ndapotsa ndauraiwa
nechikara "

"Kuuraiwa nechikara?,chikara
chakadii ichocho,ko wazokunda
sei?"ndakabvunza
"Maisazomboona kana mutumbi
wangu baba.Zvanga
zvakaoma.Ndanga ndadyiwa
neshumba chaiyo.Ko ndanga
ndamboinzwa here ,ndanga
ndakadekara zvangu ndiri
pamumvuri.Ndatozocheuka
ndanzwa yadzvova kumashure
kwangu.Ndaona yaiswa pfumo
,museve uchitevera ".
Akadaro Takunda
.Ndakasekerera zve ndichinzwa
zvanga zvaitika
zvacho.Ndakanzwa mweya
wangu kuzorora apa hana
yakange yambobika manhanga
ndichifunga kuti saka mwana
aigona kungotsakatika
ndototadza kuziva kuti chii
chaitika
kwaari.Ndakamumbundira
zvakare ndikati:
"Ko ndiani abaya shumba
yacho.Ndinoda kumutenda
nezvese zvaachareva "

"Mubvunzo wenyu ndiwo


mubvunzo wandiinawowo
baba,Abaya shumba
handisikumuzivawo ini".

"Unorevei kana uchidaro


Takunda "
"Handina kumuona
baba.Ndambotsvaga pese pese
asi abaya shumba
ndamushaya.Ndazongokwanisa
kutora pfumo rake ndariisa
mumba mangu umo.Pfumo iroro
ndiro richaita kuti ndimuone
munhu
iyeye.Handingambokwanise
kufema mweya wakanaka
ndisina kumutenda munhu
iyeye"
"Ndirikuzvinzwa zvaurikutaura
.Saka iwewe urikureva kuti
wapinda mukati mesango usina
kana jinda rimwechete?"

"Hongu baba,ndanga ndichida


nguva yangu ndega.Ndanga
ndichida kungofamba hangu
kusvika pedyo apa.Handina
kutozomboona kuti ndasvika sei
mukati kati mesango makadaro
ini".
"Chii chirikukudya moyo
mwanakomana
wangu"ndakabvunza achibva
azunguza musoro
akanyemwerera akati:

"Inyaya dzemoyo baba.Hapana


hapo nyaya hombe apa endai
zvenyu munokotsira .Amai
varikukutsvagai uko".akadaro
achibva atofamba achienda
mugota rake .Ndakangozunguza
musoro ndikambotarisa tarisa
anaHondo asi handina kuona
kana mumvuri mvuri yavo zvavo
.Ndakangoti ndaizovaona
mangwana.

"Mune
chamurikutsvaga?",ndakanzwa
izwi raTakunda
richidaro.Ndakacheuka
ndikatarisana naye ndikati:
"Aewa ndirikungofurwa
nekamhepo zvangu ndichifunga
kuti angange auraya shumba
iyoyo ndiani.Kuti haasi
Ndinindabaya kana
Hondondizvo.Ndivoka
vatinotemba pamuzinda pano
panyaya dzekukanda mapfumo
nemuseve".

"Vamataura vese havasi


ndatosangana navo mumisha
umu hameno munhu wavanga
vachitotsvaga.Nguva yandabva
musango nenguva yandavaona
nezvavanga vachiita
hazvipindirane.Hazvigone kuti
nditi ndivo.Vatoshamisikawo
vachindiona ndichibva
nechekusango ikoko"

"Aah saka angave ani manje?"

"Panenge pane imwe shasha


mumuzinda medu muno
baba.Munhu angakande pfumo
ari kwandisingaone rotosvika
richibaya shumba,hazvisizvo
chete ba,abva atatamura
museve haana kupotsa ,dai
arimumwe andibaya ka zvino
haana,abaya shumba zvekare
.Munhu iyeye igamba ndabvuma
hangu.Apa haana kuitira izvozvo
kuti atendwe sezvinoita ana
Ndinindabaya venyu ava.Aita
chinhu chakanaka achibva
atotiza zvakare panzvimbo kuti
ndisaone kuti ndiani.Hazviitwe
nevakawanda izvozvo.Kana ini
chaiye ndinenge ndichitoda
kuonekwa kuti ndaita chakati asi
iye aiwa
andikatyamadza".akadaro
Takunda .Ndakaramba
ndakanyarara ndichifunga .

"Zvino angave aniko


manje"ndakadaro ndichizama
kufunga.
"Endai munorara baba,nyaya iyi
isiirei kwandiri ,ndichatsvaga
munhu iyeye
ndichamuwana.Kana
ndikasamuwana handikodzere
kuita mambo wedunhu rino".

"Ndinodada newe mujaya


wangu.Ndinoziva kuti
hazvikutorere nguva kuti
umuwane munhu
iyeye.Ndinovimba newe
unomuwana chete".ndakadaro
ndichimurova rova pabendekete
apa.Akanyemwerera hake
achibva ati :

"Musataurire amai nyaya


iyi.Vangatomuka vachida kuona
kuti handina mavanga
here.Ndirimutano ini,hapana
chandiwana hangu vasiyei
varare zvavo.Ndichavaona
mangwana kwayedza".
"Zvakanaka mwanakomana
wangu.Urare zvakanaka"

"Nemiwo mambo" akadaro


tikabva taparadzana hedu
achienda kwake ndichiendawo
kwangu.Ndakasvika mudzimai
wangu atokotsira zvake
.Ndakarara nemanhede
ndichifunga kuti anaNdini
vakanga vabatwawo nei
chakavatadzisa kudzoka.
Ndakazobatwa nehope
ndikakotsira .Hope
dzandakarota dzakandinetsa
.Ndakamuka ndikanzwa musoro
wangu uchitema
zvawo.Kwakanga kusati
kwamboedza zvako
pandakapepuka ipapo.Mamoyo
akamukawo akaona ndakagara.

"Ndaabvira kare ndichikuonai


muchinetsekana mambo .Chii
chirikukudyai moyo
Shumba.Taurai neni pamwe
ndingabatsire".akadaro
mudzimai wangu nekazwi katete
tete kakaita kuti
ndimbokanganwa nhamo
dzangu .Maive nerambi saka
ndainyatsomuona
zvangu.Ndakamutarisa
ndikanyemwerera ndichiti:

"Ko wazorara nehembe sei


iwewe zvakatanga rinhi izvozvo"
,iye akaseka akati:

"Musavhare nyaya baba


Takunda .Ndabvunza ini ndikati
chii chaizvo chatadzisa mambo
wedunhu rino kurara.Chii
chirikukudyai moyo kusvika
pakugara pakati pehusiku
kudai".

"Urikutizawo mubvunzo wangu


mukadzi wamambo.Ndati
wakazotanga rinhi kurara
wakasimira".ndakadaro
ndichitosimudzira rokwe
raakanga akapfeka.Haana
kundirambidza
kuribvisa.Ndakatanga kubata
mukadzi wangu zvangu tikabva
tatoita mutambo
wevakuru.Takapedza
hedu,mamoyo achibva
asimudzira nemubvunzo wake
wekuti ndaishungurudzwa
nei.Ndizvo zvaaive mudzimai
wangu,aisanyengedzeka
zvemhanga mhanga.Kana paine
zvaarikuda kunzwa
waitomuudza chete.

"Hapana zvakanyanya
zvirikunetsa mukadzi
wangu.Kungoti ndatuma Ndini
naHondo zuva richirikurova
nhongonya,nanhasi havasati
vadzoka.Havana kubvira
vatumira shoko rekuti chii
chanetsa uyezve nyaya
yekuroorwa kwaNakai ndiyo
imwe yandirikufunga nezvayo
.Mupiniwaguka anga aripano
kauyu tati tozviita svondo
rinouya irori"

"Kutsvene here kwamatuma


Ndinindabaya naHondo.Hakusi
kure here zvekuti pamwe
vakundikana kuenda nekudzoka
nhasi.Iyi nyaya yekuroorwa
kwaNakai iyi umm arikubatikana
nayi ndamuona zvangu
haasikuda kuroorwa uyu"

"Achiramba kuroorwa kuti


kwauyei?,Mwana wamambo uyu
anofanira kuroorwa nemwana
wamambo inga isu ndizvo
zvatakaita wani.Iye arikuramba
nekuda kwekuti arikufambidzana
neshindi yemuno mudunhu
manje ndinozvipedza "

"Munorevei kana
muchidaro?,arikufambidzana
nani Nakai?Mazviwana kupi
zvamurikutaura zvandisina
kunge ndanzwa ini mai vake ."

"Iye arikuti chirikumutadzisa


kuroorwa chii?Zvaabva zera
wani arikuda kuzoroorwa nani
kana achiramba mwana
waMupini"

"Angoti zvemba haasati


avekuzvida .Haasati achembera
kauyu tingamumhanyise here
kana asati ada ,angori
nemakore makumi maviri
kauyu,haasati ambokura
.Takunda chaiye akura uyu
haasati aroora ko Nakai ndiye
adii"

"Mamoyo iwewe ndakakuroora


uine makore mangani,wakanga
usina kuyenzana naye Nakai
here"
"Zvasiyana mambo.Ini nemi
takanga tabvira kare
tichifambidzana.Anababa
vakange vave kutoziva kuti
tinodanana ndokusaka
vakakurumidza kutibatanidza
vachitya kuti mungandityore
gumbo zvikanyadzisa.Nakai
neuyo Panganai
wekwaMupiniwaguka
havazivane kaava.Tadii taita
zvinoda mwana"
"Zvimwe zvese ungataure
mamoyo asi ndanzwa
chirikukonzera kuti mwana wako
arambe kuroorwa manje
ndinozvipedza chete.Ndakati
Nakai arikuroorwa naPanganai
iyeye ndiko kupera kurikuita
nyaya yacho ndinonzi
Zvandareva inini.Zvake zvekuda
kuroorwa nekakomana
kemudunhu rino izvo
ngaazvikande kure .Hakuna
zvakadaro zvichaitika kana ndiri
mupenyu.Rega kuyedze ndibve
ndagadzirisa kakomana kacho
ikako zvachose .Handinetswe
nevana vachirinemukaka
pamhuno ini" ndakadaro
ndichiita kuvira
nehasha.Mamoyo haana
kundidaira akangofuratira
akarara zvake ndakabva
ndatoziva kuti akanga
atodumbirwawo.
Handina kuzomborara kusvika
kwayedza .Ndakamuka
ndikanogeza ,mbatya dzakange
dzaburitswa dzekupfeka
ndakabva ndapfeka .Mamoyo
aisavemo mumba macho
ndakaziva kuti aisada kundiona
ndizvo zvaaiita kana
tagumburana.

Ndakabuda ndikaona Takunda


achibudawo muimba yake
,aitoratidza kuti aida kubva
pamuzinda.Achindiona akauya
akandikwazisa hake .

"Wafunga kupiko mangwanani


akadai"

"Ndirikutsvaga munhu uye


baba.Ndikaverengera
ndinozotadza kumuwana.Regai
nditotanga izvozvi pamwe
ndingakurumidze kumuwana
moyo wangu wosunungukawo"
"Zvakanaka mujaya wangu.Asi
chirega kuenda musango rine
zvikara iro.Tsuro haipone
murutsva kaviri,ungagone
kusangana nerimwe
dambudziko ipapa worega
kukunda .Gara warega zvako"

"Musandityire
baba.Chakachenjedza
ndechakatanga.Apa
ndavekuziva zvangu
handidzokereko zvekare
.Ndichatamba tsoro dzangu
ndakangwarira"

"Zvakanaka
mwanangu.Ndinenge ndiripano
pamuzinda .Ukawana
chawawana usaregedze
kunditaurira"

"Zvakanakai baba" akadaro


achiisa kanhava kake kumusana
ndokubva atopesanisa
makumbo ake achienda
.Ndakamboita kanguva
ndakamutarisa zvangu
ndikazofamba ndichienda
padare.

Ndakasvikoona paine mamwe


machinda akange
akandimirira.Vese vakati
vaisaziva kuna Ndini
naHondo.Ndakange
ndavekunetseka nekuti vanhu
ivavo pese pandavatuma chinhu
vaisanonoka .Havana
pavakambondimisa kwenguva
yakareba kudai nekuti vaiziva
kuti zvaindigumbura.

"Pada vasangana
nezvimhingaidzo zvakawanda
mambo,imbomirai kufungisisa"
akadaro Macheka umwe
wemachinda.Takataura hedu
zvaida kutaurwa ,tichipedzawo
ndipo pandakaona Hondo
naNdini vachisvika nemunhu
wavanga vakabatirana.

Ndakafamba ndichienda
kunosangana
navo.Pandakasvika pedyo ndipo
pandakaona kuti vanga
vakabata...........

*Tosangana pane chimwe


chikamu*

*Magumo echitsauko 1*

[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(2)

*Tashinga*

"Tsviiiiiiiiiiii tsviyoooooooo!"

"Hu huu huuu" akadaro


Muchandiriga achimhanyira
mumakumbo angu.

"Saaaaaa bata bata bata


,Muchandiriga
,Tenzindimambo,Hohwamuchiri
mo batai bata
saaa,tsviyoooooo"ndakadaro
ndichikuza imbwa dzangu.Inini
ndakange ndotevera
mumashure nepfumo
ndichimhanya kwadzanga
dzamutsa njiri.
Mhepo ndiyo yaive shamwari
yangu yepamoyo .Zvitsitsino
zvairova gotsi ndichimhanya
ndakananga kwakange
kwaendwa
nanaMuchandiriga.Ndakasvika
njiri yave pasi ichiumburudzwa
nembwa dzangu.Hameno
yakapukunyuka sei ipapo
ndakaona yasimuka ichida
kutiza ndichibva ndangokanda
pfumo ichibva yatoti bhidhiri
pasi.Ndakanyemwerera
ndichiburitsa bakatwa rangu
ndichibva ndaipedzisa
.Ndakaona imbwa dzangu
dzichijamba jamba ndikaziva
kuti dzaifarira nyama.Ndakaisa
nguruve iye pamafudzi apa
ndikatanga kufamba
ndichidzokera
kumba.Ndakasvika ndikawana
hanzvadzi yangu Chipo akagara
achicheka muboora .Achindiona
ndakatakura mutumbi
wenguruve akakuturira karusero
kemuboora kure achibva atanga
kutamba tamba achiridza
mhururu.Ndakanyemwerera
ndichipinda mumba
ndichinogadzika nyama iye
mumba.

"Maita dziva ,Maita


sambiri.Mazviita shuwa hungwe
,mushaya chiraswa ,mafuta
tinozora ,ganda tinokakisa
ngoma .Iiii maita
mhukahuru"akadaro
akapfugama achiombera apa
inini ndakanga ndisisagone
nekuseka zvangu.

"Ndochii chaunondiitira ichi


Chipo.Wasanganisa mitupo
mingani ipapa nhai,munhu
anosvika makumi maviri
nerimwe asingagone kudetemba
mutupo wake .Wave zera
rekuroorwa kaiwe mutupo
wemurume ungazougona
uchitadza wako?"
"Matanga mukoma .Unonzi
chiiko mutupo wacho,aa aiwa
imbomirai mozondikudza
mumwe musi.Apa
ndichekereiwo kaa yekugocha"
akadaro achitomhanya panze
kunotora banga rekuchekesa
.Ndakasara ndichiseka zvangu
,haana kumbotora nguva anga
atodzoka naro banga.Ndakasara
ndichicheka nhindi yekugocha
yacho iye abuda panze
.Ndakaona adzoka akabata
mhiripiri ndikaseka.

"Unoruta Chipo"

"Ndisiyei mukoma aiwa


.Mukanwa manga manzwa
nebonongwe nemuboora .Regai
nditore dota ndikweshe mazino"
akadaro achitotora dota racho
achibva atobuda
.Ndakazunguza musoro zvangu
ndikasara ndichiti:

"Akasaroorwa nemuvhimi
achatinetsa Chipo uyu".

"Haa ndikasaroorwa nemuvhimi


ndogara ndichiuya kumba
kwenyu kaa handiti munenge
muchivhima" akadaro akamira
pamukova.Ini ndanga ndataura
ndisina kumuonaka.
Nyama yakagochwa ini
ndichitema tema mutumbi
wenguruve .Akapedza kugocha
akapakura sadza ranga rabikwa
kare .Takadyira pamwechete
nemwana wamai
vangu.Akaridya sadza
zvaaisamboita mazuva ese
ndakabva ndatoziva kuti
ndaimutadzira pandaisaenda
kusango kunovhima.
Ndakazviudza kuti ndaisazofa
ndakaita kuti hanzvadzi yangu
iseve nemuriwo nyangwe
zvidii.Ndaizofira zvangu
musango ndaedzawo kuti adye
nenyama,chero ndikabatawo
shiri zvayo .Muriwo aifanira
kutoita wekuisawo parutivi
zvinoita vana vevamwe.

Baba vachiri vapenyu


vakandidzidzisa kuvhima
nekurima.Taisatambura hedu
nezvekudya nehanzvadzi
yangu.Apa kungoti zvekuvhima
ndainge ndisirikuzviita nekuneta
nekumunda.Amai vakanga
vakateterekewawo nenyika
zvavo.Kubva zvavakanetsana
nababa havana
kuzomboticheuka,hatitozive kuti
varipi,vapenyu here kana
kuti.Pakafawo baba hameno
kana shoko rakasvika munzeve
dzavo asi parufu pacho hatina
kana kuvaona.Taigara tiri vaviri
nehanzvadzi yangu.
"Shupikai haana nguva abva
pano"

",Aika,ati anga avingei?"

"Kuzokuonai ka mukoma,ko
makakonana papiko inga munhu
kwaye wani?Ko
makanyanyoitana seiko"
"Inyaya hombe
Chipo.Tichaitaura mumwe
musi,zvanhasi ndirikuda
kupindazve musango "

"Nyama mauya nayo wani


inosvika pakuora ka kana
ikawandisa mukoma ko
murikuda kunobatei zvakare
musango macho"
"Aewa handisi kunovhima
ba,ndirikuda kunotora zvombo
zvangu handina kuzokwanisa
kuzvibata nekuda kwemutumbi
wenjiri wandanga ndakatakura
.Sara uchifashaidza nyama
yandatema tema iyo.Gumbo
remberi nereshure iro
ndichaenda naro kwatete
madeko".

"Ko ndikangoifashaidza yose


mozoendesa henyu mangwana
kwatete kure uko
munombozororawo nhasi
mukoma"

"Aewa mangwana ndine


hurongwa hwangu.Ndinodzoka
manje manje
ndoendako,ndinopinda nenzira
yekudimbudzira iyo "ndakadaro
ndichitobuda ndichidzokera
musango.Ndakasvika
pandakanga ndasiya zvombo
zvangu ndakawana
zviripo.Ndakatakura ndichibva
ndatotanga kufamba
ndichidzokera kumba.

Hameno chakaita kuti nditarise


pasi pemuti waive nechekure
.Ndakaona mwanakomana
waMambo akagara hake
ipapo.Ndakamira ndichifungq
kuti ko aitsvagei musango maive
nezvikara imomu
ariega.Ndakamboda
kunomubvunza asi ndakasiyana
nazvo.Ndakati ndavekuda
kuenda kumba ndakabva
ndaona shumba ichitofamba
ichienda kumwana
wamambo.Ndakamboita
kanguva ndakamira ndichishaya
kuti
ndodii.Ndakatombokanganwa
kuti ndakabata pfumo
ka.Munamato wangu wakange
wave wekuti asacheuke shure
nekuti akaona shumba
zvaizonetsa.Ndakatarisa pfumo
rangu ndichibva ndakanda
.Handina musi
wandakambopotsa chinhu saka
kukanda kwandakaita ndakabva
ndatobaya shumba
iye.Ndakatatamura museve
wangu ndikainama
zvakare.Ndakaona achicheuka
mwana wamambo ndakaona
achishamisika .Haana
kukwanisa kundiona nekuti
ndakanga ndahwanda
nemakwenzi.Zvekutendwa
ndaisazvida hangu.Ndakaona
achipedzisa kuuraya shumba iye
.Akatanga kutsvaga tsvaga
kwakanga kwabva pfumo asi
haana kundiwana.Ndakanga
ndakamirira kuti abvepo
ndizokwanisa kutora pfumo
rangu asi zvandaida sandizvo
zvakaitika.Ndakaona atora
pfumo rangu akaripukuta pukuta
nemashizha achibva atotanga
kufamba naro achienda naro
kumuzinda .

Ndakabata muchiuno ndaperwa


zvangu,ko ndaizombotadza here
.Pfumo iroro ndiro randaivhima
naro zvichireva kuti ipapa
ndaisazopinda musango
kusvikira ndanotora pfumo
rangu.Ndaizonoritora hangu
pasina andiona .Handizive kuti
ndaizozviita sei asi ndaisada
kuonekwa kana nani
zvake.Ndakafamba hangu
ndichidzokera kumba
.Ndakasvika Chipo achiri
mushishi kukwatisana nenyama
yake .Imwe yakanga ichiri
kukwata imwe yakanga
yatoturikwa pamutariko.Imwe
yaive pamoto ichigochwa.

"Wotonwa ndorani kaa nekuti


uchaita mudumbu nayo nyama
iyi" ndakadaro achibva aseka
hake

"Ko pfumo racho hamuna


kudzoka naro wani mukoma"
"Ha inyaya hombe asi usataurire
kana ani zvake kuti handina
pfumo iroro wazvinzwa .Chero
pakauya anaro achibvunza kuti
nderani usabvume kuti
nderepano"

"Mauraya munhu here mukoma


Tashinga" akadaro
akanyatsonditi ndeee
,ndakamutarisa ndikasika
ndikati:
"Handiuraye munhu pasina
hondo Chipo.Handina
wandauraya .Nyaya yacho
yakakurisa ndichakuudza kana
ndaane mukana"

"Mukoma inyaya nganiko


dzamurikunditi muchandiudza"

"Eheka ndichakuudza ,dzikama


chete iwewe"

"Iii ehoi,ko ndikaendeserawo


ana Shupikai nyama pane
wandinenge ndakanganisira
here "

"Ndeipi yaurikuda kuvapa?"

"Iyo yandaisa murusero iyo"


"Ndipe kuno ndiendese "
ndakadaro ndichitotora rusero
rwacho .Ndakamira pamukova
ndikasheedza
Muchandiriga,Hohwamuchirimo
naTenzindimambo.Ndakadzikan
dira nyama imbwa dzangu
dzikapembera.

"Ah nhai mukoma munorevesa


nezvamunoita here imimi.Inga
ndati ah mungabva mapa imbwa
here dai manga musirikuda
mungadai maramba ka iii"

"Urikuchema chema nekuti


nsapirei imbwa nyama sandidzo
here dzamutsa nguruve yacho
musango umo.Shupikai wacho
chii chako waurikuda
kupa?,anokubatsira nei hee.Inini
naShupikai takapesa na
ndakakutaurira iwewe kuti
handidi kukuona uina Shupikai
wonditi urikuda kumupa nyama
yei nayo?,yekuti awedzere kuita
magar* anobatwa naTinazvo
kwana iwe"ndakadaro
ndichimutambidza rusero .

Ndakapinda mumba ndikatora


nyama yandaida kunopa
tete.Ndakabuda nayo ndikabuda
ndakananga kudunhu ramambo
Zvenyika kwaigara
tete.Ndakasvika vakafara havo
vachindiona.Vaitida tete vedu
,vakatomboda kugara nesu
pakashaya baba asi
ndakaramba
hangu.Pandakarambawo Chipo
akabva ati anogara
neni.Vakaombera kwazvo vaona
muriwo wandanga ndavaigira
.Mubatsiri naMutsai vana vavo
vakafara
vachindionawo.NaMubatsiri
taive vezera rimwe hedu uyuwo
Mutsai aive mukuru kuna Chipo
asi ari mudiki kwatiri.Takagara
tikambodya nyaya tichiseka
.Ndakapakurirwa mutakura
ndikadya ndichinwa
svutugadzike .

"Urikuda kubuda mugota rinhi


Tashinga?"wakakandwa
mubvunzo natete.Ndakatarisa
tarisa kurutivi ndikasekerera
ndikati:

"Ndingazvigone here zvemba


tete ndichiri nemukaka pamhuno
ini" ivo vakarova chikwe-e
vachibatsirana naMutsai

"Iyewe mutsikapanotinhira ndiwe


urikuti uchiri mwana?.Rume
rakayamwa rikaguta.Ita mushe
Tashinga"

"Haa tete handisati ndawana


anorooreka kani"

"Uchimushaya nei?,Iyewe
vasikana vanokurwira nekuti
urimunhu chaiye ka,ndiani
asingakude mudunhu menyu
muye,kana imo muno tusikana
tunoshamwaridzana naMutsai
uyu nekuda iyewe naiye
Mubatsiri uyu zvino mese ah
munoita kunge mune
zvakakugarai"

"Kana nguva ichinge yakwana


tete muchaona ndichiuya
ndichikuratidzai wandinenge
ndada kuroora "

"Nguva ndiyo irikufamba


Tashinga newe Mubatsiri.Mune
makore manganiko pamuri
ipapa?"

"Makumi maviri nemashanu


amai" akapundura Mubatsiri.

"Zvino munoti
mashoma?,Munoti murikudzoka
kuita pwere?Kutokura
kwamurikuita uku vezera renyu
vave nemhuri imi makangoti
vavava.Itai zvinoita vakomana
.Nguva haisi yedu iyi"

"Tazvinzwa tete
tichapagadzirisa"

"Totenda dzanwa dzaswera


nebenzi"vakadaro tete
ndikatarisana naMubatsiri
tikaseka zvedu .Ndakabuda
naMubatsiri tikambotanga
kutenderera hedu tichiona
nzvimbo.Ndakaona tuvasikana
tuchipesuka pesuka kuti tituone
ndaingoseka hangu pasina
wandataura naye.Shupikai
wandakanga ndada akanga
andirwadzisa hake
.Takazodzokera kuna tete
tikasvika vatopedza kubvonga
sadza ,muriwo wakanga
watokangwa kare .Takamirira
hedu tikadya .Ndaida kudzokera
musi iwowo asi tete
vakandirambidza .

Ndakangoti ndaizoendawo
mangwana kumba
kwacho.Takagara tichiudzwa
nyambo natete tichiseka hedu
.Takazoenda kugota naMubatsiri
tikambotanga kutaura nyaya
hedu .
"Saka mazuvano kunaaniko?"
Ndakabvunza iye akanzwisisa
zvandaireva achibva ati:

"Haa pane anonzi Rudo.Ane


rudo sezita rake uye
ndinomudawo zvekuenda
nekudzoka.Anogara kudunhu
raMambo Mupiniwaguka
uko.Kozoitawo Tarisai wemuno
mudunhu haa uyo
ndewekungofambisawo nguva
naye uyo"
"Uchadzikama rinhi Mubatsiri "
ndakadaro ndichiseka .

"Haa ndadzikama ini ,vaviri


chete wani"

"Manje Tarisai wako iyeye


akangoziikanwa natete zvapera
zvaRudo wako uyo unenge
wakutonzi roora wandinoziva"
"Wabaya dede
nemukanwa.Rega nditogara
ndasiyana naye zvisati zvanetsa
nekuti pana Rudo ndakaperera
zvangu"

"Ndozvatinoda kaizvo he,saka


murikuroora rinhiko"

"Haaa zvekuroora izvo haa


manje manje" akadaro
ndikaseka zvangu.Takataura
dzimwe nyaya hedu.Ndiye
munhu wandakakwanisa kuudza
kuti ndakanga ndanunura
mwanakomana wamambo
kubva mumukanwa meshumba.

"Haaa saka wabva watosiya


achienda asina kukuona.Haa
wakaita seiko iwewe .Ndiriini
ndaitoti andipe mukadzi .Zvekuti
vana vehumambo vanoroorana
ndezvavo izvo"

"Hazvinzwarwo kani
,kungobatsirana batsirana "

"Kubatsirana kwekudiiko ipapa


,haa mapudzi anowira kusina
hari ndazozviona"Akadaro
ndikaseka hangu.

"Saka pfumo racho uchanoritora


sei manje?"

"Hameno kuti ndichapafambisa


sei handisati ndave nezano"

Takamboizeya nyaya yacho


mbichana kusvika tabatwa
nehope .Takakotsira hedu
ndakamutswa naMubatsiri
pakati pehusiku.
"Kwaitikeiko husiku huno"
ndakadaro ndichitamura

"Ndinenge ndanga
ndichirota.Ndirikuda kunzwisisa
wambotaura zvekuti wanunura
mwana wamambo anga odyiwa
nechikara"akadaro ndikaseka
kugegedzera chaiko.

"Ehe ndadaro,saka
ndozvawandimutsira izvozvo"
ndakadaro ndichirikungoseka.

"Aaaa ndanga ndichitika ndanga


ndichirota saka ichokwadi nhai"

"Haa rara uko"ndakadaro


ndichitokotsira.Nguva
dzerushambanzou ndakamuka
ndikagadzirira zvekubuda
.Ndakanosheedzera tete
ndichivaoneka.Ndakazovavimbis
a kuti ndaizodzoka naChipo
tomboita mazuva ,vakafara
nazvo.Ndakanomutsa Mubatsiri
tikabuda tese achindiperekedza
.Akandisiya ndayambuka
parukova akadzokera kwavo
ndikaenda kwedu.

Ndakasvika kuchakasviba
ndakabva ndangotora badza
ndikaenda kumunda.Kumunda
kwacho kwaive nemufambo
saka ndakazosvika
kwatochenerera.Ndakarova
ndima yangu ndikaisa badza
pamufudzi zuva rakwira
ndikafamba ndichidzokera
kumba.

Ndakasvika chivanze
chatotsvairwa nemumba manga
maitsvairwawo.Sadza raive
pedyo nemoto
richishinyira.Ndanga ndaziya
nenzara asi ndaimirira
hanzvadzi yangu kuti tizodya
tose pamwechete.Ndaingotarisa
mugwagwa asi mwana waamai
vangu ndaisamuona.

"Ndinozvikuvadza nenzara
ndakamirira munhu arikutamba
nanaShupikai".ndakadaro
ndichitopakura sadza rangu
ndikatanga kudya.Ndakadya
ndikapedza .Ndakapinda
munzira yekutsime ndichitsvaga
mwana wamai
vangu.Ndakasangana naNetsai
mumwe aigara pedyo nesu.
"Wamukasei
Netsai,wamboonawo Chipo here
kutsime kwawabva uko"

"Aah unorevei kana uchidaro


,asi hauna kuudzwa zvaitika
here inga Shupikai ati arikuuya
kuzokutaurira wani"

"Achinditauririra kutiiko handina


kumbomuona ini chii chaitika
zve" ndakadaro ndichinzwa
hana kurova.

"Chipo atorwa naNdinindabaya


naHondondizvo"

"Aaaah Ndinindabaya
naHondondizvo?!Ko vati
mhosva yake
ndeyeiko?"ndakadaro
ndichifamba famba.Ndanga
ndatotsamwa .

"Ndambonzwa zvichinzi
vaikutsvaga nezuro hameno kuti
nyaya yacho ndeyei"

"Kutsvaga inini,hanzi ndadii?"

"Handina ruzivo ini"


"Zvakanaka Netsai waita hako
rega ndiende kumuzinda"
ndakadaro ndichidzokera
kumba.Ndakanovhara mukova
ndikatanga kufamba
ndakananga
kumuzinda.Ndakatanga kufunga
kuti ingave nyaya yei manje
yandaitsvagirwa
nemachinda.Chandaiziva
ndechekuti Ndinindabaya
naHondo vaitsvaga
nhunzvatunzva ,ini ndainge
ndadii zvangu.Ko kuzotora
mwana wamai vangu ndiko
kudii,vakadii kungomusiira
shoko rekuti ndizoenda
kumuzinda .

"Kuti inyaya yepfumo,asi


raziikanwa kuti nderangu here?"
Ndakazvibvunza ndichienda
kumuzinda .Ndakasvika zvangu
ndakamira nechekure.Ndakavira
nehasha ndichiona...........
*Tosangana pane chimwe
chikamu*

*Magumo echitsauko 2*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vanoda kubva pekutanga,pindai


mugurupu riripazasi
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_ :
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(3)

*Nakai*
"Hiiii Wadzanai,hiiiiii ko wasvika
nguvaiko hiiii ndafara kani"
ndakadaro ndichimbundikira
Wadza wacho.Ndakaramba
ndakamumbundikira ,misodzi
yakatanga kubuda ipapo ipapo.

"Urikuchemei Nakai" akadaro


achindibata achinditarisa
.Ndakapukuta misodzi ndikati:
"Ndirikufara ndakuona Wadza"
,iye akanditarisa akazunguza
musoro achibva ati:

"Haisi misodzi yekufara iyi,pane


zvirikukudya moyo Nakai.Taura
neni ,handifare kana
uchishungurudzika .Chii
chirikutora nzvimbo".

"Aa Wadzanai mwanangu ko


wasvika nguvaiko" ndakanzwa
izwi raamai richidaro kumashure
kwangu.Wadza akavamhanyira
vakambundirana.

"Amai vemunhu makadiiko"


akadaro Wadza achikwazisa
amai.Ivowo vakamubata vakati:

"Ndafara manje pandakuona


kudai,pamwe ungataurewo
neumwe wako
mukanzwanana.Ane
zvirikumunetsa asi haasikuda
kunditaurira ,arikungovanza
achiti zvese zvakanaka asi
ndirikumuona zvangu kuti
mumoyo make mune
hondo.Ndinoziva kuti iwewe
anokuudza nyaya dzese haana
chaanokuvanzira "

"Ndatomuona ipapa kana muviri


chaiwo haachina apera uyu
ndirikushaya kuti nyaya yacho
yakanyanyokura zverudziiko
yaonza mwanasikana
wamambo"

"Mukazondireva sendisipo
kudaro" ndakadaro
ndakavatarisa amai
nemwana.Ivo vakabva
vanditarisa vakaseka zvavo.

"Amai nababa ndauya


navo.Ndavasiya mumba muna
babamukuru umu".Akadaro
Wadzanai.Ndakafamba
ndikavasiya vari vaviri
ndikanomhoresana
nababamunini namaininini
vangu.Ndakataura navo
mbichana ndikavasiya nababa
ndikabva
ndabuda.Ndakasangana naamai
pamukova ndichibuda ivo
vachipindawo.Ndakaona Wadza
akandimirira pamusiwo.

"Mukoma Takunda varikupi


handina kuvaona pandasvika"
akadaro Wadza tichienda
kunhanga kwangu.

"Mukoma Takunda handizive


kuti aripi,mazuvano
handisikumbomuonawo
ini,arikungobuda kuseni seni
odzoka madeko"

"Pamwe kwaane muroora "


akadaro Wadza ndikaseka
ndikati:

"Haa izvo zvekunzi vehumambo


vanoroorana pachavo saka
arikucheka matunhi ese aya
zuva nezuva here achinoona
mukunda wamambo".Ndakadaro
Wadza akaseka akati:

"Aaah ndochii ichocho ,saka


iwewe urikunzi urikuroorwa
waionekwa sei manje "
"Kuonekwa naniko Wadza
.Zvakaoma zvatinoitirwa
nevabereki ava .Handitomuzive
arikunzi arikundiroora wacho ini"

"Heee unoreveiko kana uchidaro


nhai Nakai.Ko haumuzive
sei,aiwa gara pasi apa undiudze
nyaya yacho zvakakwana"
"Wadza ,baba ndivo vakaronga
kuti ndiroorwe naPanganai
mwana wamambo
Mupiniwaguka.Handimuzive ini
handina kumbotaura naye
hameno kuti varikuti ndichaita
zvekudii.Ini handisikuzvida
ini.Handisikumboziva kuti ndoita
seiko inini" ndakapedza kutaura
ndave kutochema neshungu.

"Chirega kuchema Nakai.Mira


titaure .Saka amai varikutiiko
nenyaya iyoyi"

"Amai ndakangovaudza kuti


handisikuda kuroorwa nemunhu
wandisingazive,nhasi apa ndipo
pavanga vachinditaurira kuti
baba vati ndirikuramba nekuti
ndirikudanana neumwe munhu
wemudunhu rino"

"Eheka nyangwe mukadanana


munofanira kuroorana ka .Ko
zvakaipei manje ,sandivo here
vakuru vanoti moyo muti
unomera paunoda .Ko kana
wamerera pamunhu wemuno
mudunhu woitawo seiko.Asi
aripo here waurikudanana naye
wacho"

"Hapana Wadza"

"Nakai Nakai nditarise


mumaziso wopindura mubvunzo
wangu".

"Chokwadi ndechekuti handina


wandirikufambidzana naye inini
asi ah eeh asii" ndakadaro
ndikabata kumeso kwangu.

"Ndirikuziva kuti pane waurikuda


chete.Hapana pauchasvika zera
rino usina wawada hazvibvire
.Chinditaurira zvakanaka ndiani
hake ane rombo rakanaka
akasarudzwa nemoyo wemwana
wamambo".

"Pane mumwe mukomana


Wadza .Ndakasangana naye
mumugwagwa umu ndichiona
hangu dunhu rino.Akarurama
mukomana iyeye.Akange
akabata magoriyondo achibva
akamurira akasara
nemashoma.Ndakangotaura
naye zvishoma asi izwi rake
rakandikomborera
Wadza.Handina kuzombomuona
zvakare.Kana zita rake handina
kurinzwa ini".

"Nhai Nakai. Wakatadza neiko


kubvunza zita rake nhai?"

"Ndakabvunza asi haana


kumbopindura uyu.Hameno
kwaaimhanyira zvaakataura
handina kuzvinzwa ini".
",Ko vasikana vaunofamba navo
vakanga varipi?"

"Unoziva wani kuti


handiwanzoda zvekufamba
nevanhu .Musi iwowo ndakange
ndirindega zvangu.Asi nanhasi
ndichirikuzvituka nekufamba
ndega musi iwowo.Dai ndaive
newandaifamba naye musi
iwowo ndingadai ndichiziva zita
rake nekwaanogara".
"Nyaya yacho yakakura iyi zvino
tinotangira papi manje .Asi
ndafara ,matauriro aurikuita
anoratidza kuti unomuda
mukomana iyeye ,ndizvo
zvatinoda izvi"

"Nhai Wadzanai mwana wababa


vangu.Mukomana uyu ndati
handitomuzive.Ko kana aine
mukadzi wake.Ininiwo
ndirikuenda kwaMupiniwaguka
svondo rinouya .Hazvichina
basa izvi kutongoita zviripo
izvozvo".

"Hatiite kaa zviripo isu tiine


zvatinoda.Nakai,urimwana
waMambo iwewe wa......"

"Eh usaite sekuti hausi mwana


wehumambowo kaiwewe"
"Eho ,tiri vana vamambo
,masimba edu aboshanda papi
kana tidingabvumidzwe kutaura
zvatinoda.Tinofanira kumira mira
toita zvinoda moyo
yedu.Kuroorwa nemunhu
wausingazive kuti zviite sei ipo
paine wawada .Hatina nguva
handei tinomutsvaga"

"Chimira ndiende kunogeza"


"Handei tinogeza tese" akadaro
Wadza tikanogeza.Takadzoka
tikapfeka dzimwe mbatya dzedu
tichibva tazobuda hedu
tichifamba.Hapana watakaoneka
nekuti ndaiziva kuti baba vaida
kutondivhima.Vasikana
vandinofamba navo vakatevera
asi takazovati vatimirire pane
umwe muti.

"Pakaita anouya achititsvaga


munoti vaenda kunozvibatsira
pakasango apo ,tirikunzwanana"
akadaro Wadza vese
vakagutsirira musoro
vachibvumirana
nazvo.Takafamba kusvika zuva
rorova nhongonya asi munhu
wataitsvaga hatina kumuwana.

"Maswera sei vanasikana


vamambo"
"Taswera waswera sei zvako "
takadaira pamwechete
tichicheuka kutarisa kwainge
kwabva izwi.

"Ko watotura huni dzako nhaiwe


,chimira ndikutakurire"
ndakadaro ndichinobata huni
dzainge dzazendamiswa pamuti.

"Aiwa musadaro ndinotakura


zvangu ,dzakawandisa idzi"
"Ndiwe ani unoramba zvataurwa
nemukunda wamambo"
ndakadaro ndaita sendakwidza
izwi,iye akaita kakuvhundukira
achibva ati:

"Ndine hurombo.Ndinoitwa
Chipo,ndanga ndichiti...."

"Ndirikuda kukubatsira
Chipo.Ndirimunhuwo anenge
iwewe.Ndinokwanisa kuita
zvese zvaunoitawo
iwe.Chindibatsira kutsiga tione"
.Ndakataura ndichitoisa hata
pakati pemusoro
wangu.Ndakabatsirwa kutsiga
ndikambodzedzereka
ndichitadza kumira zvakanaka
nekuremerwa.Ndakazokwanisa
kufamba,Chipo aindirairidza
pekufamba napo.Ndaiti
ndikafamba nhanho mbiri
ndainzwa oti:
"Kana maneta ndipei nditakure "

Ndakatakura zvangu kusvika


tasvika pamba pavo .Ndakaita
dzekukanda huni dzacho
,ndakanzwa izwi raiti:

"Chipo unokanda huni kudaro


kuti zviite sei,unotakurirei
dzausingagone .Uchazviita
kwauchawanikwa ukatishoresa
.Ko wazoenda kuhuni sei ,ko
anaNdinindabaya
vakakubata.",izwi racho rakaita
kuti ndimerere.Ndakaona munhu
wacho achibuda mumba
akaramba akamira akanditarisa
.Akamboita seaita chadzimira
akanditarisa .Ndakatarisa
Wadza ndikaona akanditarisa
.Ndakabva ndamhoresa munhu
uye .
"Ndine hurombo,ndazenge
ndayeverwa ne ah makadii
mukunda wamambo" akadaro
achigwadama nebvi
rimwechete.Ndakabva
ndapfugamawo ndikati.

"Ndinofara makadiiwo"

Iye ndakaona achishamisika


nekupfugama kwandanga
ndaita.Akanditi ndisimuke
ndikamuudza kuti atange
asimuka iye.Haana kunonoka
akasimuka hake ndikabva
ndasimukawo.

"Pindai henyu mumba


vanasikana vamambo" akadaro
Chipo ,Wadza akabva
atotungamira hake
ndikateverawo.

"Zvino zvandanga ndabika


munozvikwanisa here ?"
Akadaro Chipo

"Chiiko chatinonzi tingabva


tatadza "

"Ndabika mutakura "

"Hiiii idi here ,ndiwo wandinoda


chaiwo iiii nhasi zvangu akadaro
Wadza achinanzva
muromo.Ndakatarisa mukomana
uye ndikaona akanditarisa zvake
.Ndakatanga kunyara nyara apa
ndaida kutotaura kuti ndinouda
kudarika madirwo aunoitwa
naWadzanai.

"Nakai akasanzwa mudumbu


haatosiye hameno wanga
wabika wakawanda here?"
Akadaro Wadza vachibva
vaseka naChipo .Vakatanga
kutaura vari vaviri ini
ndakatarisa mukomana uye
ndikati:

"Ndambonzwa muchiti Chipo


anobatwazve nanaNdinindabaya
,ko arikunzi aparei?"

"Mukoma Tashinga
,ndakunotora mugomo
wandasiya kutsime ndodzoka
manje manje ,svutugadzike
inenge yadziyawo.Mutakura
haudi kudyiwa wega"

"Rega.ndikuperekedze"
akadarowo Wadza.Vakasiya
vavhara gonhi,mumba macho
makabva maita karima
mbichana".

"Hapana zvaakapara
Chipo.Abatwa nekuti vanga
vachida kuwana kubata inini"
"Ko zvirikunzi wakapara mhosva
yei?"ndakabvunza nekuti
aisaratidza semunhu angapare
mhosva.

"Handina yandati ndapara .Asi


yandirikunetserwa ndogona
kuzoipara manje
manje.Ndofunga svikiro ndiro
ragara rataura kuti ndichapara
mhosva yakadaro chete".
"Imhosva rudziiko ingatoita
zvekurongerwa kudaro".

"Yekudanana nemwana
wamambo" ,hana yangu
yakarova pandakanzwa
mashoko iwawo .

"Aaah eeeh
ummm"ndakagadzirisa pahuro
pakange pasina kana
chinhu.Ndakasimudza kumeso
ndikaona akanditarisa neziso
rizere rudo.Ndakakurumidza
kutizisa maziso angu ndakabva
ndatosimuka ndikabvunza nzira
inoenda kutsime.

Ndakaona asimukawo akauya


akamira pedyo neni.Hana yangu
yaiitakutamba mbakumba
handina kukwanisa kuimisa
.Simba rekudzokera kumashure
handina kukwanisa kuriwana
ndakaramba ndakamira
pandakanga ndiri ipapo .

"Mwanasikana
wamambo".akadaro achindibata
chirebvu kuti nditarise chiso
chake.Ko ndaimbozvigona here
,ndakangoti:

"Na-Na-Nakai" ndichitarisa pasi


zvekare .Ndaisada kuti anditi
mwanasikana wamambo .
"Svusvurandadya,mhodzi
yechingwa,Nakai.Tsvarakadeng
a".

Ndakasimudza musoro
ndikaona akanditarisa
achisekerera .Nyemwerero yake
yakaita kuti ndinzwe zvimwe
zvinhu zvichifamba mudumbu
mangu umu.
"Handidi kurova imbwa
ndakaviga mupini Nakai.Mukana
wandawana ndiwowu,sekuziva
kwako midzimu haipe
kaviri,pada handizombofe
ndakawana mumwe mukana
wakaita saiwowu zvekare
.Ndirikuda kukuzivisa kuti ndiwe
musikana mumwechete
arikundishaisa hope .Kubvira
patakasangana paye ,kusvika
nanhasi moyo wangu hauna
zororo.Ndaigara ndichichemera
vadzimu kuti vandipewo mukana
wakaita seuno.Ndinoziva
handina kodzero yekutaura
newe mashoko erudo,unondipa
hako mutongo waunoda asi
ndataura zviri pamoyo
wangu.Kutaura chokwadi inini
ndinokuda Nakai.Handina umwe
wandichambofunga kunze
kwako.Wandikanganisa
mafungiro pamwechete
nemaitiro.Ndikakufunga chero
ndiine chii chinenge
chichindinetsa ndinonzwa moyo
wangu uchizorora .Ndifare
kudarika ani naani zvake
ukandiudza kuti
unondidawo"akadaro akanditi
nde-e mumaziso.Ndainge
ndakamutarisawo uku hana
yangu ichirova zviye zvekufarira
kusvitswa shoko rerudo
nemunhu waunoda .

"Ah hazvigone kuti....."handina


kupedza zvandaida kutaura
ndanzwa muromo wake wave
pane wangu.Ndakamboramba
ndakamira ndichishaya kuti
ndoita sei.Pazvese
zvandaifunga paisave
nepfungwa yekumubvisa pandiri
kwete .Ndaitofunga kuti ndobata
muchiuno here kana kuti ndoisa
maoko angu muhuro
make.Ndakanzwa avekufambisa
maoko ake muzvidya umu
ndikabva ndakochekera maoko
angu muhuro
make.Takatsvodana
kwekanguva .Akazvibvisa
pandiri akati:

"Ndofara here
Nakai?,Unondidawo here " .Ini
ndakange ndisisagone
nekunyara manje.

"Ndinoita
sendakunyanyokumhanyisa asi
handina nguva
Nakai.Kwekukuwana
handina,uye handitobvumidzwe
kuwanikwa ndiinewe .Ndagara
ndirikutofungirwa kuti ini newe
tinodanana.Pandaenda
kwaMambo uko ndaudzwa kuti
vakangonzwa kuti ndaonekwa
ndiinewe ndirikudemburwa
musoro,handityr kudemburwa
musoro ini,kana uchidemburwa
hawo wandipa moyo wako
ndinofa ndichifara.Ndidewo
Nakai".akadaro zve
Tashinga.Ndanga ndanzwa zita
rake kaa paakadanwa naChipo.
"Ndichambofunga" ndakadaro
ndakamutarisa ndikaona
achinyemwerera zvake.Dai
aiziva zvaaikonzeresa paanoita
zvaaiita izvozvo ka,airega
kundiomesera.Akandibata
muchiuno akandiswededza
pedyo naye .Akasevezera
munzeve dzangu kuti:

"Ndiwe wega wandinoda


Nakai.Nyaya yerudo rwangu
newe inyaya ine rufu mukati
asi.ini ndazvipira .Ukandida
ndogona kuuraiwa ipapo
ndazvipira, ibva waziva zvakare
kuti ukandiramba ndinofa
zvangu,usazofunge kuti
unondiramba uchida kuti
ndisawane chinondiwana"

"Ukafa ndinofawo nekuti


ndakakudawo kubva kare
Tashinga" ndakangonzwa
ndadaro .Akafara mukomana
akandinyamura akatanga
kunditenderedza
ndichiseka.Akandiburutsa
achibva andibata muchiuno ini
ndikaisawo maoko
mumapendekete make
.Takatarisana
mumaziso,kuswedera kwake
kwandiri handina kukuona,iniwo
kuswedera kwandakaita kwaari
handina kukunzwa
ndakazongoona tave
kutsvodana.Takatsvodana
kwenguva yakareba
ndakatozovhundutswa
nesvutugadzike yakange
yotutumira
mumoto.Ndakazvibvisa pana
Tashinga ndikanobura poto
yacho ,ndipo pakapindawo
Wadzanai natete Chipo.

Tete Chipo vakabva vatotora


mandiro vakapakura mutakura
wacho.Svutugadzike yakaiswa
mumakomichi.Takaisa tsvigiri
tikatanga kunwa hedu.Inini
kudya kwacho ndainge
ndichambogona here
.Ndakangodyawo zvishoma asi
moyo wangu wainyatsoda
kupedza zvose,ko mutakura
ndaiuda ka zvisiri zvekunyepera
.

"Arikusiya zviri mundiro yake


tinomuudza zvekuita tese
anofanira kuzviita" akadaro
Wadzanai vanhu vese
vakabvuma .Ndakaona kuti vese
vanga vakutopedza ndakadya
hangu zvishoma nezvishoma
kusvikira ndapedza.Ndini
ndakapedzisira kudya,ndakada
kutora mandiro kuti ndisuke
ndakabva ndarambidzwa
.Ndakada kuita nharo asi
Tashinga ndiye
akazorambisisa.Tete Chipo
vakabuda naWadza ,ini ndaida
kubudawo ndikabva ndabatwa
ruoko naTashinga.
"Ndikakumbirira kukuonawo
mangwana ndinenge ndaresva
here nhai chipondamoyo
changu" akadaro akanditarisa

"Hongu mudiwa .Mangwana


ndanga ndichida kuswera
pamuzinda.Zvandaswera
ndisipo nhasi kudai ndinoziva
kuti mangwana baba vachatuma
vanhu vavo kuti vanditevere
ndisingavaone ,zvino ndinoda
kuvarasisa handidi kuti upinde
panjodzi nekuda kwangu"
ndakadaro ndakamubata
ruoko,iye akasekerera hake
akati:

"Ndapanzwa muridzi
wemoyo,kubva kana zvakadaro
zvakanaka.Ndichakuona zuva
rinotevera racho"

Akasimuka achibva abuda


akadzoka aine mugomo
wakazara
magoriyondo.Ndakafara
zvisingaite nekuti magoriyondo
ndaimada zvekuti.

"Maita basa ,mutupo ndiani?"


Ndakadaro ndichinyaririra .

"Ndiri dziva adzimai"

"Mazviita dziva,maita varidzi


vemvura ,maita sambiri
ndizvoka"ndakadaro
ndichiombera ndichisekerera
.Ndakaenderera mberi ndichiti:

"Ndichaudza tete Chipo kuti


vandidzidzise",Tashinga wacho
akaseka akati,

"Aah utori nani pana tete vako


vacho mukadzi wangu
.Ndichakudzidzisa hangu ndega
,haa tete vako aiwa
,anosanganisa mitupo yese
yaafunga ipapa"

Ndakazosheedzwa naWadza
achiti tichienda .Ndakambundira
mukomana wangu ndikabva
ndabuda ndakabata mugomo
uye .Ndakabatirana naWadza
pamukova .Tashinga haana
kutiperekedza nekuti taisada
kungwadza vavengi.Tete Chipo
havana kutisvitsawo kure zvavo
.Pavakadzokera Wadza akaisa
mugoro pasi akati:

"Zvafamba sei?,"akavhura
akatanga kutodya magoriyondo
achigara padombo..

"Akuudza kuti ndiye ndiani?"

"Ndiwe ,hauna kundiudza


nemuromo adi maitiro ako
patamuona ndabva ndatoziva
kuti ndiye chete"

"Ngatichiendai kumba ,tinoitaura


tasvikako" .

Takafamba tichitaura dzimwe


nyaya.Takasvika patainge tasiya
vasikana vedu.Vakatakura
mugomo isu taifambira
mumashure tichidya hedu
muchero.Takavaudza kwsvaizoti
tabva kana pakaita anenge
avabvunza .Hapana akapikisa
uye takavaudza kuti aizotaura
zvisiri zvatamuudza basa raibva
raperawo.

"Ndakakutaurira kuti ane


waarikufambidzana naye
mwana wako Mamoyo.Munhu
avekuda kuroorwa,aiwaka
hazviite.Mukomana wacho
ndamurovesa nemachinda
mangwanani haana kunzwa
,manje apa ndirikuda
kutomu..........."

*Magumo echitsauko 3*

Rambai murikuterrace book


riperere pachapter 5
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774
(4)

*Tashinga*

Pandakanzwa kuti mwana


wamai vangu aendeswa
kwaMambo handina kufunga
kaviri.Ndaiziva kuti mambo
vaisanonoka zvavo kuuraya
kana vada
.Ndakashamwaridzana
nemhepo,nenguva isipi
ndakanga ndasvika pamuzinda.
Ndakashatirwa ndichiona Chipo
akasungwa mbiradzakondo
aripamberi
pamambo.Ndakamira zvangu
ndichiona zvaitora nzvimbo.

"Aripi Tashinga?" Ndakanzwa


Tinazvo achidaro.Chipo
akapindura kuti aisaziva
ndikaona Tinazvo asimudza
chamboko achida kurova
hanzvadzi yangu.

"Handiroverwe hanzvadzi yangu


ndiripo Tinazvo.Kana uchida
zvekurwa huya ,ndiripano.Kanda
chamboko pasi,handisi mwana
mucheche kaini,pfumba
zvibhakera tosangana
pakati".ndakadaro ndichienda
kwaari.Iyewo nekuda kuonekwa
namambo akafamba achiuya
takasangana tikatanga
kurwisana.
Kwakanga kuchiri
kuseni,zvekudikitira
ndaisamboda
,ndakangonzvenga zvibhakera
zvake zvose ,ndikabva ndamupa
zvangu zvitatu achibva awira
pasi.Vanhu vese vaivapo
vakakatyamadzwa nezvanga
zvaitika kusanganisira namambo
vacho.Handina wandakakwazisa
ndakangonosunungura mwana
waamai vangu paaive
akasungwa .

Mambo vakaraira machinda avo


kuti andirove.Ndakavatarisa
zvangu ndikati:

"Zvamataura handipikise
mambo,asi ndinoda kuziva kuti
yangu mhosva ndeyei?"

Ivo vakafamba vakasvikomira


pamberi pangu vachibva vati:

"Ndiwe ani unoona


zvakakodzera kuti udanane
nemwana wangu hee?"

"Asi Shupikai mwana


waMambo" akadaro Chipo
ndikaseka ,aitopenga hake
.Ndakatarisa Tinazvo neziso raiti
uchafambira
mudenga.Ndakazotarisa
machinda amambo ndikati:

"Ko muchiri makamira?


,Hamuna kunzwa zvataurwa
namambo here,tangai basa
racho tione handina nguva".

Ndakaona kana ivo mambo


vacho varamba vakashama
muromo.Ndakarohwa zvangu
ndikaramba ndakamira.Misodzi
yangu yaisabuda
zvenhando,ndaisazombochemer
a zvakadai,Chipo ndiye aitoridza
mhere sepafiwa.Machinda
akaneta nekurova ndakamira
zvangu ndakatarisa Tinazvo.Uyu
ndiye munhu akange atanga
hondo yaaisambofa akagona
kupedza .

"Chii chirikutora nzvimbo


panapa?"vakadaro mambo
Takunda vasvika
pataive.Hapana akapindura
mubvunzo wavo,vanhu vese
vakabva varega kundirova
.Ndakatarisa mambo ndikaona
vakanditarisawo .

"Unochera kakomba pasi


wopfira mate usafe
wakapamhazve zvawakaita apa
kana uine rudo nehupenyu
hwako"

"Zvakanakai mambo
wangu,ndapanzwa
ndavekuchinoita zvandakanga
ndisingaite zvacho"

"Ukadaro unenge wagona"


vakadaro mambo,ndikasekerera
zvangu .Dai vaiziva zvandaireva
vaidzikama zvavo.Mambo
Takunda ndivo vandakakwazisa
ndikafamba nehanzvadzi yangu
tavekubva pamuzinda.Ndisina
kure kwandaenda ndakanzwa
Takunda wacho achiti:
"Muridzi wepfumo ndave pedyo
nekumuwana,ndichakuudzai
zvizere kana ndadzoka
kwandirikuenda" .

Chipo akange anzwawo


zvandakanga ndanzwa
,ndakamutarisa zvangu achibva
ati:
"Handina wandataurira ini
mukoma"

Ndakangomubata ruoko
tikafamba tichibvapo.Takasvika
kumba akaisa mvura pamoto
akanditova musana waive
wakadhinda chamboko.Hameno
mashizha aakanotora
akatswanya tswanya akandizora
muto wacho.Ndakarara zvangu
ndichifunga kuti
ndaizomuwanepi Nakai.
Kutaura chokwadi mwanasikana
waMambo ndakange
ndakamuda kare asi ndakaudza
moyo wangu kuti dzikama,tanha
dzaunosvikira.Ndakadanana
naShupikai zvangu,asi pane
vaida kukanganisa
chete,ndakazosviba moyo
ndaona Shupikai akarara
naTinazvo muchikwenzi,zvino
Shupikai wacho akatanga kuti
Tinazvo akange amumanikidza
,aisamuda aida inini.Tinazvo
aida Shupikai zvino Shupikai
aisadawo kubva pandiri zvinova
izvo zvakazokonzera kuti
Tinazvo aruke nhema kuna
mambo.Chinangwa chake
chaive chekuti ndibviswe
mudunhu kana kutourawa
chaiko.

Akange anyangira yaona


,taizosvitsana kwamvura
yacheka makumbo zvedu.Apa
ndakanga ndaona kuti munhu
unogona kufira dzausingazive
ndakabva ndazvipira kumira
semukono,kusiri kufa
ndekupi.Ndaizosvitsa shoko
rerudo kunaNakai.Kana
ndichizotemwa temwa
naMambo vainditema zvavo asi
apa vaizonditemera zviripo.

"Mukoma makabvira kare


muchindifambisa murima
.Handikodzere kuzivawo here
zvinenge zvichiitika muhupenyu
hwenyu.Izvozvi tarirai patasvika
,kuri kuuraiwa handiti ndinofira
zvandisingazive here" akadaro
Chipo achiita seaida kutochema.

"Usacheme mwana wababa


vangu .Chipo zvimwe zvinenge
zvisina kana musoro
nemutsipa.Inyaya dzisina
maturo idzi".
"Nyaya isina maturo inosvika
kwamambo here?"

Ndakazomurondedzera zvose
zvakanga zvaitika
zvaaisaziva.Nyaya yepfumo
ndakamuudza zvakare yese .Asi
ndakamuudza kuti asataurire
kana munhu umwechete
zvake.Ndaiziva yangu kuti
aisave nehana nhete ndokusaka
ndakamutaurira.
"Mangwana uchamuka uchienda
kwatete mai Mubatsiri"

"Ah kunobatei?"

"Apa hapasikuda nharo


Chipo.Hazvina kumira
zvakanaka zvirikuitika.Kutotanga
kwehondo uku.Handidi
kukukuvadzisa nezvinhu zvisina
basa ".
"Handisiye muchirwa hondo
dzenyu mega mukoma.Muri
weropa rangu ndikakusiyai
panguva yakadai anomirawo
nemi ndiani.Kana ndichifa
ngandife asi......"

"Chipoooo kana ndiri mukoma


wako nditeerere"
"Mukoma ,kana ndiri hanzvadzi
yenyu muchataura zvimwe asi
kwete zvekunditi ndikusiyei
mega kuno".

"Asi chii newe Chipo"

"Ndinokudai mukoma" akadaro


achinyemwerera.

"Ndinokudawo Chipo ndokusaka


ndanga ndati....."

"Hakuna chinondiwana kani


mukoma musandityire "

"Ehoi tete vemwanasikana


wamambo"ndakadaro
ndichiseka zvangu,mwana
wamai vangu akafara.

Takaswera zvakanaka
zvedu,Shupikai akauya
akaonekwa naChipo achiri
nechekure akashurwa shurwa
.Handifunge kuti aizomboda
kusvika pachivanze chedu
zvakare.Zuva richingodoka
ndakabuda zvangu mumba.

"Mafungepi
mukoma,imbozorodzaiwo
muviri"
"Kuti ndarwara here nhai
Chipo,tibvire po ndirikuda
kumbofamba famba zvangu"

"Kufamba famba muchienda


kupi mukoma,ndinoziva kuti
murikuda kunoona Tinazvo,ko
mukadzoka nemamwe
mavanga"

"Urikutaura naniko iwewe?"


"Nemi mukoma"

"Inini Tashinga "

"Hongu"

"Ndini waurikuti ndinopihwa


mavanga naTinazvo?Asi une
parikukurwadza kani.Tinazvo
haandirove nyangwe
ndakakotsira .Mungatobika doro
mukapira kuvadzimu zvikaitika
izvozvo"ndakadaro ndikabva
ndatobuda.Ndaiziva kuti ndidzo
nguva dzaienda Tinazvo
kumana kwake.

Handina kumboenda kure


zvangu ndakagara mumuti
wemushumha waive pedyo
nenzira.Ndakamuona achiri
nechekure Tinazvo.Ndakaramba
ndakamutarisa zvangu
achifamba.

"Asi ambonwa hwahwa?"


Ndakadaro ndichiona mafambiro
aaiita.Aipinda musango
achirasika nzira.Ndakazoseka
zvangu asvika pedyo.Ndakaona
kuti kwaisave kudhakwa
kwaimutadzisa kufamba.Maziso
aive akafushirwa nematama
anga akazvimba zvawo
nezvibhakera zvandanga
ndamutambidza kuseni kwacho
saka aisatoona zvakanaka hake.

Ndakaita zvekujamba
ndichiburuka ,iye akabva aita
zvekudonha
nekuvhunduka.Handina
kukwanisa kudzora setswa
dzangu.Ndakaseka ndikati:

"Ko vakadzi munopfekereiko


mbatya dzechirume
nhai?,munogona kuriritira mhuri
here amainini"

"Usandijairire Tashinga"

"Ko ungandiiteiko chero


ndikakujairira ,hee unondiiteiko
Tinazvo,unotumira zvidhoma
here unazvo kaiwe?"

"Rega ndiende kumba kwangu


handina nguva yekutaura
nepwere" akadaro
achitofamba.Ndakamusiya
akarova nhanho mbiri,yechitatu
ndakabva ndamupiringisha
akaruma ivhu.Ndakafamba
ndikanomutsika pahuro apa
ndikati:

"Inzwaka Tinazvo yaunoti pwere


ndiambuya vako wanzwa
ka.Inini handina zera newe
.Iwewe handitokuverenge kana
papwere
pacho,handitokuverenge
pavanhu wanzwa here
mbwende".

Ndakabvisa gumbo rangu


mbichana akakosora achikweva
mweya.Ndakaridzosera zve
ndikati

"Wakaona kuti haumisidzane


neni wakuda kutuma mambo
kukurwira hondo dzako
manje.Chimira ndichikuudza
yawatanga iyi haisikupera
yakadai.Dai ndanga ndichida
kukuuraya ndingadai ndakuisa
bakatwa nhasi chaiye asi kwete
,handiite zvehumbwende
sewe.Ndinoda kuti urarame
uone pachaperera nyaya
yawatanga iyi.Gadzirira kuona
mashura nezviratidzo mudunhu
muno"

Ndakabva paari ndikatanga


kufamba ndichidzokera hangu
kumba kwedu.Ndakasvika Chipo
atopedza kubika.Takasvusvura
zvedu tikambogara tichitaura
nyaya nehanzvadzi yangu.

Akatora hari akagadza mutakura


pamoto zvake .

"Kufunga kwenyuwo amai


vakaenda kupi
mukoma?"akabvunza Chipo
ndikaramba ndakamutarisa
ndakanyarara.

Ndakatanga kufunga zvakaitika


pavakanetsana nababa.Chipo
akange achitori mudiki
zvakanyanya.Nyaya yavo vaiti
baba vane mukadzi
wavaifambidzana naye
mudunhu redu .Vakati
havagarire zvakadaro vachibva
vaenda asi kubva pavakaenda
pacho handina kana mukadzi
wandakaona achifambidzana
nababa kana musi
umwechete.Ndakarangarira
mashoko ababa vachiti:

"Saka mai Tashinga watoshinga


kusiya vana vadiki vakadai
?",ivo amai vakabva vapindura
kuti:

"Asi kudii?,Ndakauya pano


nemwana here ini,waihura uchiti
ndinoenda nevana manje
wakaura,vana unotosara navo
iwewe,ko ndinenge
ndakujaidzireiko kudaro.Sara
uchiona zvekuita nevana vako
ini ndaenda ini".

Kubva ipapo handina kana


umwe musi
wandakazombonzwa
nezvavo.Zvakasara zvichiomera
baba kuti vatiriritire nekuti
mazuva acho baba vairwara
zvavo.Ndipo painzi ka varumwa
nechekuchera ,vainzi varwara
nekuhura.

Mwari vakanzwawo minamato


yababa ,vakambopona
vakatidzidzisa zvakawanda
.Ndiri seni vakasiya
ndavekugona kumira semurume
.Kurwa,kuvhima,kurima
nezvimwe zvinoitwa nevarume
vakandidzidzisa.Vakazoshaya
zvavo tatoyaruka tese naChipo.
"Asi ndabvunza zvakaipa here
nhai mukoma"

"Unoitireiko basa nevasina basa


newe nhaiwe Chipo,mukadzi
anga akaroorwa nababa
akatisiya pano kaa achiti
arikukaurisa
baba,akambofungawo here kuti
isu tichadii?.Hameno kwaari
ikoko zvake zvakaringana.Isu
tichafarawo tega asipo hatinei
naye,asi pane chaurikushaya
chekuti ungaiti dai mai varipo
ndaichiwana?,chidome nezita
kana chiripo"

"Hapana mukoma ,handigone


kukutendai
zvakakwana.Muhupenyu
hwangu munomira
sababa,momirazve
samai.Handina chandinoshaya
kana muripo imi.Ndinoda kuti
Samatenga azadzise zvishuwo
zvemoyo yenyu"

"Ndinoshuwira kuti ugare


uchifara hanzvadzi
yangu.Chisekerera tione
"ndakadaro achibva asekerera
zvake.Ndakakuchidzira moto
ndichida kudziirwa ndikatukwa
ndichinzi ndopisa mutakura
wakange usisade kuiswa imwe
mvura.
"Yuwii ko zvobva zvaita
sezvirikubikirwa vaenzi
kudaro,unongondipa ka ndodya
zvakatsva" ndakadaro
ndichiseka

"Ah ko muenzi ndiye anofanira


kudya zvakanaka chete here,tiri
nguruve dzinodya zvese zvese
here isu"
Takataura dzimwe nyaya
tikazoparadzana umwe neumwe
akuenda muimba yake
yokuvata.Ndakasvika ndikarara
nemanhede ndichironga tsoro
dzangu.Ndakazobiwa nehope
nguva dzatofamba.

Pakwange koda kuchena


ndakabuda ndikaenda kumunda
.Ndakarova ndima yangu
yakakura nenguva diki diki,zuva
richangobuda ndakaisa badza
rangu pamufudzi ndikadzvura
nzira ndakananga kumhatso
kwedu.Ndakasvika Chipo
atopedzawo basa rake
kusanganisira kubika
svutugadzike .Ndakamborohwa
nehana ndichiti zvimwe
atorwazve nanaHondo
,ndakazodzikamiswa
naSarudzai aiti amuona
achienda kuhuni.

Zvekudya pasina Chipo


ndaisambozvida .Ndaida kuti
tidye pamwechete saka
ndakasarudza kumumirira
zvangu.Ndakanzwa achikanda
huni pasi kunge anzwa kuti pane
nyoka pakati pesvinga
racho.Ndakabuda ndichitaurisa
zvangu ndikaona ari Nakai anga
akanda huni
dzacho.Ndakasekerera
zvangu,ko midzimu yanga iri
kurutivi rwangu ka apa.Ndaive
nenyaya naNakai ndomuona
auya hake pamba
pedu.Ndakafara kwazvo.

Takapinda mumba zvedu


tikatodya tose mutakura .Chipo
aiita seanofemerwawo anga
akabikirawo muhari yakakuririra
.Ndaibiridzira kutarisa Nakai uyo
wandaiona achinyara nyara
zvake achidya.Umwe waaive
naye ainzi Wadza aisanyarara
zvake ,aingotaurisa naChipo
wake.Vakazobuda vakatisiya tiri
vaviri ndakati midzimu
yakomborera.

Ndakaona achinyara nyara


tasara tiri vaviri.Iniwo hana
yaibika manhanga ndichizeza
kurambwa
netsvarakadenga.Ndaisaziva
kuti anodii kana ndikasvitsa
shoko rerudo
kwaari.Ndakazongorovera moyo
padombo,ko ndaigotya kununa
sei ini ndanga ndakagara
ndakasasikwa kware
naTinazvo.Ndakangozvibvunza
kuti kusirikufa
ndekupi.Ndakaudza
mwanasikana wamambo zvaive
pamoyo.Ndakatotanga
kunetsera mhinduro ipapo
ipapo,ko nguva yekutambisa
ndaive nayo here.Zvekupedza
gore uchipfimba munhu
zvinodawo uchiziva kuti makore
ekugara naye unawo akawanda
kwete apa pekuti baba vake
vakangoziva kuti ndamupfimba
vaindiremadza.
Hanzi midzimu haipe
kaviri,nguva yekuve naye tiri
vaviri ndaigona kuzoishaisisa
zvachose saka handina
kutambisa mukana wacho
ndakamutsvoda ini.Miromo yake
yainakidza kutsvoda kani,ko
yaive yakapfava kaa,yasiyana
neyanaShupikai yaigara
yakaoma kuti papata,ko
aimbowana kana nguva
yekuunanzva here
Shupikai,nguva yake zhinji yaive
yamakuhwa saka
paachambonanzva muromo
anenge achitoona atambisa
nguva yekuburitsa mamwe
mashoko.

Ndakafara zvangu pandakadiwa


nemwana wamambo.Ana Chipo
vakadzoka
zvavo.Ndakanovatsvagira
magoriyondo,ndaiziva kuti Nakai
aimada zvisingabvire
.Vakadzokera zvavo,Nakai akati
aizondiona kuswera
mangwana,handina kupikisana
naye zvangu.Chakakosha
ndechekuti ndanga ndakuziva
kuti ave wangu.

"Ndiudzei zvinofadza
mukoma"akadaro Chipo achibva
kunoperekedza anaNakai.

"Vhara mukova mwana wamai


uuye ugare pedyo
apa",ndakadaro haana
kunonoka kuita zvandanga
ndamutaurira .Akauya akagara
pedyo neni ndichibva
ndazevezera kuti :

"Ukaona Nakai asakuti tete


undiudze ndibve ndamuramba"

"Hiiiiiiiiiiiiii mukoma!!!! Hiiiiii idi


here mukoma ,hiiiiiiiiiiiii" akadaro
achisvetuka svetuka.

"Ndakambokunyepera here
Chipo"

"Aewa ,kana musi umwechete


mukoma ,hamuna kana hiiii"

"Ngazvive pakati pedu chete


kusvika nguva yekuti
zvizivikanwe kunze
yakwana.Zvauriiwe ugoudza
anaShupikai"

"Saka maitambisa nguva kaa


nanaShupikai imi muchitogona
henyu kudiwa
nevarinani"akadaro ndikaseka

"Kwana iwewe,ndaitanha
dzandinosvikira.Kungoti rudo
ibofu unoti Nakai nezvaari izvi
angadewo iniwo zvangu"
"Ah Chikoneso nhai mukoma
Tashi,chiii chinotadzisa
ipapa,makarurama kaimi
hapana kana umwechete anoti
pwee pamuri,parunako
munokunda vose ,muviri wenyu
wakaringana zvakatosiyana
nevanhu vemudunhu muno
vane zvimatumbu zvemasese
aiwa bodo.Mudunhu rino
hamuna kana mumwechete
anopinda pamuri pazvese "
"Ungagotiiko handiti ndiri mwana
waamai vako,ipapa
ndichawanawo mukwasha here
nematauriro aurikuita iwaya"

"Musatye mukwasha
muchamuwana asi kwete
wemudunhu rino aiwa bodo"

"Zvino ndewekupi nekuti


kumamwe matunhu acho
hautoende ,ipapa waramba
kuenda kwatete"

"Haa taurai kuti murikuda


kuwana kusara muchidanana
nemunhu wenyu pasina
anokanganisa apa haiwa "
akadaro achimhanya achitiza
ndakasara ndichiseka
zvangu.Ndakazoona kaChipo
kadzoka nemashizha
ekundizora musana.
"Ndatokanganwa kuti
ndakarohwa ini iwe
uchirikunetsekana neizvozvo"

"Haiwa tibvireipo,itai so ndiwane


kuzora,dai ndazvifunga
achiripano akuzorai ega"

"Chisiya azondizora
pandichamuona"
"Haihwawo pamwe muchaonana
mwedzi unouya,ko kunoendeka
here kumuzinda"

"Iii ndingatozokuenda kaa


mwedzi ndisina
kumuona?,aiwaka
hazvibvire.Ndoda neipapa
paandiudza kuti
ndokudawo,hazvichatoite".
Ndakazobuda hangu
ndichifunga kuti ndodii kuti
ndiwane pfumo
rangu.Ndakazofunga kuti
ndotuma Nakai.Ndakaona
zvichiita.Ndakazokwidza
kumunda ndichinomema mema
zvangu.Ndakazodzokera kumba
ndikasvika Shupikai aripo .

"Uyu anoshura here,haasiriye


ambotukwa naChipo
uyu"ndakadaro
ndichiendako.Ndakasvikawo
Chipo wacho achidya magaka
mambishi,iye Shupikai aive
angoti dzororo kumira
,chaairegerera kuenda kumba
kwavo ndaichishaya ini.

"Haana ka nguva yekuvhima


Tinazvo wawasarudza
.Waimuda gore rapera kaa
paaipihwa chibage namambo
mudunhu maita nzara ,ikozvino
chiriko ka chibage asi mukanwa
hamuchatozive nyama .Rega
ndikupewo tumafuta
twandakakuna panguruve
yakabatwa naTashinga
unobikisa hohwa kana
mubonongwe pamwe ungaitewo
senyama" .Akadaro Chipo

"Mungabva madaro here tete"

"Enda unopengera
kwawakaroiwa Shupikai.Unoti
tete kunaChipo urimwana
wangu here iwewe.Zvangu
newe zvakaperera pasi
pemuonde wandakakuona
wakarara naTinazvo,pano
urikudei?Handichina chekuita
newe ini.Pesanisa tsoka dzako
uende kumba kwenyu ndisati
ndashatirwa"

"Ndinokuda hangu
Tashinga,Tinazvo aka....."
"Handirove vakadzi Shupikai
ndokumbirawo usanditume
,famba uende kumba kwenyu
uchiri wakabatana ukaramba
uriipapo uchaenda
ndakudimbura ahiii",ndakadaro
achibva atofamba achibvapo
asinakucheuka nekuti.izwi rangu
raitonzwika kuti ndakange
ndatotsamwa.
Takazopedza zuva redu
zvakanaka.Mangwana acho
ndakaswera ndichiita mabasa
angu zvangu.Ndakazofunga
kuenda kunotsvaga tsambatsi
dzekuzopa chipondamoyo
changu pandaichiona
mangwana acho.Ndichifamba
kudaro ndakashamisika
ndichiona.......

*Ndipo paperera chitsauko 4*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vanoda kubva pekutanga pindai


pazasi

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(5)

*Nakai*

"Asi pane kwataonekwa


kani?"akadaro Wadza mushure
mekunge tanzwa baba
vachipopota.

"Ndirikutotadza kuzvizvisisawo
ini.Mira timbonzwa kurikuenda
nyaya yacho.

"Hamumureverere
kaa,mambomuona pamuzinda
here nhasi?,Mazuva ano
haasikugara pasi
arikungotekaira nenyika
achinoona kaa iko kakomana
kake manje ndirikuda
kuzvipedza .Ndirikuda kukaisa
museve pamoyo nyaya yacho
ibve yatopera zvayo" ,hana
yangu yakarova pandakanzwa
mashoko iwawo.Ndakabatikana
ndikada kufamba ndichipinda
imomo asi Wadza akandibata .

Ndakamutarisa akazunguza
musoro achibva ati:
"Dzikama Nakai,dzungu rinoisa
Tashinga naChipo
panjodzi.Ngatipindei
takadzikama ,ava hasikuziva
kwatabva
varikufungidzira.Ndativaudzei
zvatagara
taronga.Usamboratidze
kubatikana nezvatanzwa
,nyangwe vakataura zvimwe
usabatikane" akadaro Wadza
achichibva atotungamira
achipinda maive nevabereki
vedu.Ndakatarisa Goriyondo
yaive muruoko mangu
ndikafunga munhu anga
andipa.Ndakasekerera
ndikaruma kambadzi
kamwechete ndikapinda maive
nevamwe.

"Wadza,Nakai murikubvepi
vanangu?"vakabvunza
bamunini.Ndakavatarisa ndikati:

"Baba vevanhu mati


tingawanikwe neiko .Tanga
taenda kugomo rekumusoro uko
kunotsvaga magoriyondo
zvedu".

"Kwese uko ,ko maenda naniko


manga muri vaviri
chete?"vakadarozve babamunini
ndikati:

"Aewa baba iii kungasvikike


tirivaviri here ,taenda
naTambudzai,Tsitsi naMaria
vasikana vandinofamba navo"

"Zvakanaka koisu vepamba


hatina kuvigirwawo
magoriyondo"

"Tinenge tanyanyonakirwa
zverudziiko kusvika
pakukanganwa vabereki "
ndakadaro ndikaseka.
"Maria ,Maria huya
nemagoriyondo" akadaro
Wadzanai.Baba vainge
vachingoita kunge kahuku
kanaiwa zvino havana
kumbobvira vati
bufu.Ndakatorana naWadza
wangu tikabudamo.

"Zvino tinoitaurira kupi manje?"


Akadaro ndikamubata ruoko
ndikaenda naye pakati
pemuzinda.Paisave nemuti kana
chivakwa chekuti munhu
anohwanda achiteerera.

Ndakamurondedzera zvese
zvakaitika kubvira pavakanga
vabuda .Akatanga kujamba
jamba achifara .

"Ndizvo chaizvo zvandirikuda


izvi.Rambai muchidai kana
zvichibvira mangwana
pamunoonana motobvisana
humhandara "

"Aaaa Wadzanai"
ndakamutarisa ndakavhura ziso
nemuromo achibva aseka
zvake.

"Wati murikuonana kuswera


mangwana handiti.Ipapo
urikufanira kubva wamuudza
nezvaPanganai".
"Wadza ko kana akandisiya"

"Tinobva tatoona kuti aisakuda


.Ibva wamutaurira chokwadi
Nakai.Kana usingakwanise
wondiudza ndotaura naye
inini.Kana achikuda anofanira
kukurwira "

Takazobvapo tave kutotaura


dzimwe nyaya asi mukati kati
memoyo wangu ndainzwa kuda
kuona munhu
wangu.Mupfungwa ndiye ega
ainge angovemo.Ndakazvika
ndichirara nemanhede
ndikanyemwerera ndichibata
muromo wandainge
ndatsvodewa.

"Koiwewe hauna
kuzombondiudza kaa.Urikuita
sei nenyaya dzerudo idzi"
ndakadaro ndichigara
zvakanaka ndichitarisa
Wadzanai.Iye akasekerera akati:

"Handidi kutaura zvakawanda


ndinoda uite zvekuzvionera
.Chingoziva kuti ndakanyurawo
murudo umu"

"Munhu wacho akaita sei,anoita


nezvei ,anonzani".
"Nakai ndati uchazvionera
anonzi Tichafa "akadaro
Wadza.Ndakatanga
kunyengerera kuti ndiudzwe
zvimwe takabva
tasheedzerwawo kusvusvura
.Tichipedza kudya takabva
tanogezazve tikadzoka tichirara
hedu.

Mangwana acho kuchiyedza


ndakanzwa Takunda
achigigodza pamusuwo
wedu.Akapinda hake
tikamhoresana
zvakanaka.Vakamhoresana
naWadza.

",Ko kana kumbooneka nezuri


ndewekupiko wamurikudanana
naye mukoma " akadaro Wadza
mukoma Takunda vakatoseka.

"Haa zvipikowo.Ndinenge
ndapinda mumasango umu
ndichiona ona zvangu
nzvimbo.Musafare kaa muchiti
kune muroora,ko nditsvagireika
anoita kuroora"

"Aah zvekutsvagirwa ndizvo


zvatirikutoramba kaisu vamwe "
akadaro Wadza,ndakaona
Takunda anditarisa
ndikakurumidza kutarisa pasi
zvangu.Ndakafamba
ndikabvapo ndikasiya vachitaura
vari vaviri.

"Mukunda wamambo" akadaro


umwe wemachinda ababa
vangu.Ndakakwazisana naye
ndikabva ndamira ndichida
kunzwa nyaya yake
.Aingosekerera sekerera
zvaitondisembura zvangu.

"Unoitwa ani?" Ndakabvunza


achibva ati:
"Tinazvo
mambokadzi"ndakaona kuti
aisave nenyaya ndakamusiya
paaive ipapo ndikafamba
zvangu ndichienda .Wadzanai
akandimhanyira akandibata
tikatanga kufamba tichibuda
pamuzinda.Takatora mugwagwa
waienda kumuzinda washe
Mupiniwaguka.
"Nhasi totofamba rwendo
rwacho kusvika tasvikawo
kumuzinda wavo.Vanhu vababa
vachatitevera vobva vaona
tichiendako " ndakadaro Wadza
akabvumirana neni.Vasikana
vedu vaifamba nechekumashure
kwedu isu takatungamira
tiripamberi.

Takafamba tichidya nyaya


nemumwe wangu tichinakidzwa
,hatina kuona kukura
kwerwendo rwacho nekuti
taitaura zvakawanda wanda
.Takasvika parukova
panoganhura dunhu redu
neramambo
Mupiniwaguka.Takagara zvedu
ipapo,sezvineiwo takabva
tamuona nevanji
waMupiniwaguka Panganai
achisvikawo parukova arikumhiri
kwavo.

Takaramba takatarisa
ikoko,Wadza akandizevezera
kuti:

"Yuhwi zvakanenge kadhara


kachangobva kuhondo.Uyu
tinomupeta katanhatu kuti
apinde pana Tashinga pazvose
uyu".ndakaseka hangu ndikati:

"Haunyepe Wadza ".


Takaseka tose ndikaona
Panganai uye ayambukawo
rukova nevanhu vake .

"Hazvishure here kuona ngirozi


dzichifambira pasi pano"
akadaro ndikatarisana
naWadza.Taida kuseka tese asi
takazvibata hedu ndokusekerera
tikati:

"Makadiiko mambo wedu" iye


akadaira zvakanaka achifara
kwazvo.Wadza akabva
asuduruka nevasikana vedu
tikasara tiri vaviri.

"Handisi n'anga zvangu asi


pandakuona apa ndabva
ndaziva kuti ndiwe unoitwa
Nakai mwana wamambo
Zvandareva ndizvo ka"

"Aaa ndizvo hazvo asi maziva


sei mambo wangu" ndakadaro
ndakapfavirira zvangu.

"Zita rako nezvauri


zvinopindirana.Ndaona
kuumbwa kwakaitwa muviri
wako,ndokukwidza kumusoro
ndokuonazve chiso
chakakwenenzverwa ,zvese zviri
pauri zvakaringana ndabva
ndatoziva kuti uyu ndiye Nakai
waPanganai" akadaro
achinyemwerera achiburitsa
meno ake makuru kuru anenge
enjiri.Ndakanyeperawo
kusekerera ndikati:

"Zvichireva here kuti


mabvumirana nezvakarongwa
nanababa nhai mambo"

"Pakadai apa ndikaramba


ndingave mupengo
wekupedzisira.Ndingatodaidzirw
a masvikiro ekumatunhu ose
kuti vandirape,ndiani angarambe
svusvurandadya yakaita sewe
nhai Nakai?,angaverengwe
pavarume here munhu akadaro
iyeye".akadaro ndikashaya
zvekupindura zvangu .

"Handichatogone kumirira zuva


rekuti uve wangu.Ipapa ndanga
ndiine rwendo rwekuuya
kudunhu kwenyu uko kuti
ndikuone nekuona
anababa,handina kuziva kuti
wanga urikutondifungawo ka"

"Ndikasafunga achave murume


wangu ndingafungewo umwe
ani nhai mambo wangu"
ndakadaro ndakamutarisa
ndichinyemwerera,mupfungwa
maive makazara Tashinga
wangu .

"Zvino zvamati manga muchida


kuona anababa ngatidzokerei
zvedu mubve
mavaona"Ndakadaro
ndichitosimuka.Iye
akasimukawo tikafamba
tichidzokera kumuzinda
kwedu.Ana Wadza vaive mberi
isu tichitevera mumashure
,vakomana vaPanganai vaive
kumashure kwedu.

Panga aingotaurawo nyaya


dzake dzisina kana basa
,ndaingonyeperawo kusekerera
asi pfungwa dzangu dzaisave
panzvimbo.

"Amai!" Ndakadaro
ndarwadziwa pasi petsoka
,ndakatarisa ndikaona munzwa
wemupangara wanga wabaya
pashangu yangu.Panganai
akaubvisa achibva andisimudza
akandiisa kusana.

"Inga tavekutosvika wani


ndiburutsei ndinofamba ,ungori
munzwa uyu" ndakadaro asi
akaita nharo akaramba
akandibereka chete.Ndakazama
kurwisana naye asi akaramba
akandiisa kumusana.Takafamba
mbichana ,hana yangu yakarova
ndichiona Tashinga achibudikira
mberi kwedu .

Akaramba akanditarisa
,akatarisa Panganai,ndakaona
kuti anga atsamwa akabva
atorwa naWadza vakasara vari
vaviri .Haana kumbotaura nesu
zvake .Wadza haana kuita
nguva aina Tashinga nekuti
tanga takutosvika
pamuzinda.Takasangana
nababa vakafara kwazvo
vachiona ndiina
Panganai.Ndoda nekuiswa
kumusana kwandaive
ndakaitwa.

"Warwara here mwanasikana


wangu " vakabvunza
babamunini ndikati

"Aewa baba ,ndabaiwa


nemupangara ndichibva kwana
Panga ",Panga wacho
akandiburutsawo ndikakamhina
ndichienda hangu naWadza iye
akasara nanababa.Ndakapinda
muimba yekurara ndikazvikanda
pasi ndichifunga kutsamwa
kwanga kwakaita Tashinga.
"Wasara ukamutii manje"
ndakabvunza Wadza akati:

"Hapana zvatataura
zvakawanda ,ndangomutaurira
kuti wabaiwa nemupangara
,Panga akakutakura.Hazvina
kumubata zvakanaka zvazvo
.Ndaona kuti munhu anehasha
dzakanyanya".akadaro Wadza
ndikatura mafemo
"Zvino pandichamutaurira
zvirikurongwa nanababa achati
kudii nezvaaona
izvi.Haazofunge kuti
ndirikungoisa hupenyu hwake
panjodzi here ini
ndichifambidzana naPanganai"

"Zvaanofunga nezvaachaita
tichatozviona kana wamuudza
zviripo Nakai.Iwewe mangwana
paunomuona usarege
kumutaurira "

"Ndapanzwa Wadza ndichaita


sekudaro"

"Vasikana imimi
murikumbozvifambisa
sei?"ndakanzwa amai vachidaro

"Munorevei kana muchidaro


amai" akadaro Wadza.

"Zvakawanda zvamurikuvanza
.Mafariro arikuita Nakai mazuva
ano haana kana Panganai
mukati izvozvo
ndirikuzviziva.Wakawana
anokuitira here Nakai?"

"Aa amai kungofarawo zvangu


,ko zvakaipa here kufara"
"Heyaa ndivanzire
zvako.Mazuva apera aya hanzi
pane akarohwa nemachinda
ababa venyu achinzi
arikudanana newe Nakai
saka......"

"Kurohwa?,munorevei kana
muchidaro.Mazuva apera
api,zvariinhi izvozvo.Ivo baba
vacho vanongoita zvavanoda
vanodii kutanga vabvunza
zvirikuitika"ndakadaro ndave
kutopopota.Wadza
akandidzikamisa ndave
kutobuda kuenda kuna baba.

"Urikundibata Wadza asi


chasara kumuuraya Tashinga
wacho" ndakadaro ndikaona
Wadza avhura ziso .Ndakabva
ndazorangarira kuti amai
vaivemo,hapana marambiro
andanga ndichamboita
apa.Amai vakaita sevasina
chavanzwa vachibva vabuda
zvavo.Ndakashaya kuziva kuti
vaive vatsamwa here kana kuti.

"Ndozvandinenge ndichiti dzora


hasha.Tarisa ipapa chete
kungoti amai ndivo vanzwa ,dai
vari baba tadii.Usatya amai
ndinotaura navo ,ranhasi
rinodoka ndaziva kuti varikurutivi
rwedu here kana kuti?"
"Zvakanaka Wadza "

"Mukoma Takunda vanga


vachida kutaura newe .Vati
vanokuona kana vadzoka
,hameno pfumo ravarikutsvaga
muridzi waro"

"Asi wavataurira nyaya iyi?"

"Handina kuvaudza zvese


.Ndangovati hausikuda
kuwanikwa naPanganai.Ivo
vachauya vonzwa zvese
kwauri.Usavavanzire zvirikuitika
.Tirikuda vanokwanisa
kutibatsira.Mukoma Takunda
nana amai ndivo vanhu
vatinogona kuisa kurutivi rwedu
zvikatifambira zvakanaka"

"Ipapo haureve nhema .Rega


tione kana akauya Takunda
wacho.Tashinga akangonditi
aive atorwa namambo,asi haana
kundiudza kuti akaroveswa
nemachinda" ndakadaro
ndichigara pasi.Ndaiti zvimwe
kuda vakangotaura nayeka
chete.

"Zvinongoreva kuti anokuda


zvekurevesa.Dai arimumwe
angadai asina kuzombosvitsa
shoko nekuti akarohwa asati
akupfimba"akadaro Wadza
ndikasekerera zvangu.
Zuva rakandinonokera kudoka
kwaro.Ndaida kuti mangwana
acho asvike ndizokwanisa
kuona munhu wangu.Wadzanai
akabuda akanotora ana amai
vakagara mumba medu imomo.

"Kana matishevedza chiregai


kutinyepera .Tiudzei zvizere
kwete kuda kumboti
pamunhondo
pamusasa"vakadaro amai
ndikaona Wadzanai anditarisa
kuti nditaure nyaya yangu.

"Munoona ana amai nyaya iripo


ndeyekuti Panganai handimudi
ba.Nezuro chaiye ndipo
pandakatanga kufambidzana
nemukomana wandinoda ".

"Ndewekupi mukomana
wacho"amainini vakabvunza
ndikati:

"Ndewemudunhu rino amai"

"Handizive kuti tichapaita sei asi


unoziva kuti kana baba vako
vareva vanenge
vareva.Tichapaitawo sei
apa.Apa mukomana iyeye
vakamuziva anotsakatika chete"
"Ndagumirwawo ini.Iye
ndichamuudza mangwana
nyaya yaPanganai ndonzwa kuti
anenge achifungawo kutii
nezvayo ndokuzivisai,zvimwe
anobva atoti handichade
"ndakadaro
ndasuruvara.Kurambana
naTashinga ndicho chinhu
chandaisamboda kunzwa
nezvacho zvachese.

Ana amai naWadza


vakandisimbisa zvavo.Ana amai
vakazobuda voenda kuvarume
vavo.Mukoma Takunda vakauya
tikatanga kudya nyaya.

"Asi mukoma
imbonyatsotitaurirai,hakusati
kwave nemuroora here uko
murikuda kuzoroora rinhiwo
nhai".ndakadaro ndakavatarisa
zvangu .Vakanditarisa vakaseka
vachibva vati:
"Varoora havasi venhamo
hanzvadzi
dzangu.Ndichakuratidzai
mosarudza wamunoda"

",Hezvoooo asi vakatowanda


sejecha remugungwa kani?"
Akadaro Wadza ndikatiwo:

"Kana mupfungwa dzenyu


muine pfungwa yekuita barika
ndingatobika doro iye nhasi
chaiye ndidzinge mweya uri
pamuri" .Takaseka tese
vachibva vati:

"Handina pfungwa idzodzo


kani.Kungoti vanhu vacho
varikuzviwisira pandiri
vega,ndakapfimba vasikana
vaviri chete asi kune vamwe
vana varikufunga kuti
tinofambidzana.Pavaviri vacho
umwechete ndiye akabvuma
,umwe arikutsika madziro
wena".

",Kutsika madziro?,munoreva
kutoramba iyemi
mukoma.Munhu akaita seiko
iyeye?"ndakabvunza
ndichikanuka.

"Ndichakuratidzai ,hamudi
kufamba neni kaimi hameno
kwamunoswera"
",Mukoma tinomuka musisipo
pano imi,zvino pavanhu venyu
avo mukanzi muroore nhasi
muchatora upi?" Akabvunza
Wadza mukoma vasati
vapindura ndakabva
ndabvunzawo kuti:

"Vana vanamambo vese here


ivavo nekutika zvinonzi
vehumambo ngavaroorane"
"Kuroora abdicharoora asati
andibvuma uyo ,iyeye ndiye
akadiwa nemoyo
wangu.Handiroore mwana
wamambo ini,wabva
watondirangaridza.Chii
chirikuitika pano pamuzinda
naPanganai munodanana here
imimi?"pavakadaro mukoma
ndakanzwa misodzi ichibuda
mumaziso angu.Vakandibata
vakapukuta vakati:
"Taura nenika Nakai.Ko wave
kuchemei zvakare.Wadzanai zvii
zvirikuitika pano"

Wadza akataurira mukoma kuti


inini naPanganai taive tatoonana
musi iwowo kekutanga
.Ndakaona mukoma vashatirwa.

"Baba varikuda kuedza kuita sei


kana vachiti uroorwe
newausingade.Ivo naamai
vakamanikidzwa kuroorana here
.Akati kunzi munhu wagona
kutonga kutonga nedemo
ndiani.Apa vazopesana neni
manje.Nakai,ucharoorwa
naPanganai kana ndafa inini
kwete ndirimupenyu"vakadaro
vakauya kuzondimbundira
,gonhi rakavhurwa amai
vakapinda vakasvika vachiti:
"Ndirikuvimba newe Takunda
wotomira nemwana wamai vako
panyaya iyi .Pamwe pacho
munoziva kuti angu masimba
anenge ari mashoma.Zvinenge
zvichirwadza asi chekuita pasina
.Yatove hondo iyi,motorwira
rusununguko rwenyu pano
ndichakubatsiraiwo
nepandinogona napo".

"Musatye amai ndichamira


nevasikana ava kusvikira
zvanaka".

Takambundirana tose ,amai


namukoma Takunda vakabva
vatobuda tikasara tichinzwa
kurerukirwa
naWadza.Takambobuda
takaona vanhu
vachimhanyidzana kugadzirira
zvekuti
ndizoroorwa.Ndaingoridza
tsamwa zvangu pese
pandaifamba.
"Mukunda wamambo
makaoma,saka makasarura
kuwanikwa kwaMupiniwaguka
uko makashayawo kana
umwechete wedunhu redu rino
anoita?"akadaro Tinazvo
achizhinya arikumashure
kwangu .Ndakangomutarisa
ndikatanga kufamba ndisina
zvandapindura.
"Asi ndaitogona kukuchengetai
munomboziva"

"Kuchengeta ani iwe


uchichengetwa nababa
vangu.Zvinenge zvasiyanei
nekugara pamba pedu pano
kwehupenyu hwese .Chasiyana
kuti ndinenge ndakugara
pakatsaka kako ka ndichirumwa
netsikidzi ,ndinyare iwe"
ndakadaro ndichifamba
ndichibvapo.Ndakasiya
akashama maromo anenge
emvu-u iwawo.

Ndakanogara naWadzanai
nevasikana vatinofamba navo
tichitaura zvedu nyaya kusvika
nguva yekudya zvemauro
yakwana.Takadya zvedu tikabva
taenda kunoyenzera.Hope
dzacho dzakambobata here
ndaive nemufaro wekuti
ndirikunoona munhu wangu
pakwaiyedza .
"Rara Nakai rara " akadaro
Wadza achiseka .Hameno kuti
dzakazondibawo nguvai hope
.Ndakatorota ndiina Tashinga
wangu zvangu
tichinakidzwa.Ndakazomuka
kwatoyedza .Ndakangonogeza
,kudya handina
kumbodya.Takafamba naWadza
tikashevedzwa nababa
takakwazisana zvakanaka naka
vachibva vazoti:
"Kubva nhasi kusvika
pacharoorwa
Nakai,hamusikutenderwa kubva
pamuzinda uno" ndakapererwa
ndakatarisa Wadza ndikazoti:

"Nekuda kwei nhai baba.Tine


zvatanga takaronga
nemukwasha wenyu nezuro
patakaonana paye zvino todii
manje ,anozoona kunge ndisina
kuvimbika ka ndikasaendako"
ndakadaro ndave kutoburitsa
misodzi ndichifunga Tashinga
wangu .

"Ndaona unomuda Panganai


wave kutochema.Kwanhasi
chiendai asi kutangawo
mangwana handikutenderei
kufamba famba".

Takabvapo naWadza
tikagadzirira sevanhu
varikuenda
kwaMupiniwaguka.Takaona
mukoma Takunda ndivo
vatakabuda navo.Takavataurira
kuti pane watainoona asi
tanyepera baba
,vakatiperekedza vakatisiya
kudhuze nekwanaTashinga
ndokutivimbisa kuti
vaizotimiririra kana zvanetsa.

Takasvika pamba panaTashinga


vese varipo.Tete Chipo vakafara
kwazvo vachiona
tasvika.Tashinga anga
akanyarara zvake ndakaziva kuti
nyaya yekundiona
ndakaberekwa neumwe munhu
yaive ichiri
kumukanganisa.Haana
kumbokwazisana neni
,akakwazisa Wadzanai chete.

"Nditevere Nakai" akadaro


achitosimuka achifamba
.Ndakateverawo tikanopinda
mune imwe imba.Patakapinda
ndipo pandakaziva kuti maive
mugota make.

"Ndine hurombo nezvakaitika


nezuro mudiwa wangu.Ndaisada
kuberekwawo naPanganai
ini.Chete kungoti ndarangira
nyaya pakati rega nditangire
painotangira pacho"ndakadaro
ndikabva ndamuudza zvese
zvekurongerwa kuti ndiroorwe
naPanganai.

"Nezuro ndakanomuona kuitira


kuti baba vasarambe vachifunga
kuti ndine wandirikufambidzana
naye muno mudunhu.Chinhu
chandisingambofe ndakada kuti
uuraiwe nababa vangu,izvo
handidi hangu.Nyaya ndiyoyi
yandataura yese.Ndavekuda
kunzwa kuti urikufungeiwo
nazvo".
Ndakataura ndakamuti nde-e
maziso.Ndakaona hangu maziso
acho atsvuka kuti piriviri
,pamhanza paive nemanyanda
apa.Ndakazoshamisika
ndichinzwa achiti............

*Magumo echitsauko 5*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(6)

*Tashinga*

Ndakabatikana ndichiona Nakai


akaberekwa naPanganai mwana
wamambo
Mupiniwaguka.Handina kuda
kutaura navo asi mumoyo
mangu ndaibatikana
.Ndakakwaziswa naWadzanai
ndikamudaira zvangu ndiye
akazonditaurira kuti Nakai aive
abaiwa
nemupangara.Ndakarwadziwa
kuti dai ndaivepo zvangu
pazvakaitika ndaizomutakura
ndega kwete kuti ndione
akatakurwa nemumwe murume.

Vakaenda zvavo ndikaenderera


mberi nerwendo rwangu ndaida
kuona vaBandawe vaive
mhizha.Ndivo vaiita zvekupfura
mapfumo edu kubvira baba
vachiri vapenyu.

"Titambire mwanangu" vakadaro


mai vepamba pacho
ndichangosvika.

"Munotambirei amai"

"Hupenyu mwanangu"
Takakwazisana zvakanaka naka
.Ndakapihwa pekugara
ndikagara
zvangu.Ndakazoziviswa kuti
aBandawe vacho vaive
kumunda .Ndakaendako
kumunda kwacho
ndikakwazisana
navo.Ndakatombovabatsira
kusakura kwavaiita ndikabva
ndazotaura nyaya yangu
yandanga ndafambira.
"Ko pfumo rababa vako wariita
sei Tashinga.Vairida kwazvo
iroro iwe waparadza"

"Aewa baba ndirikungoda kuti


ndiite akawanda mapfumo
acho.Kana akaita matatu
zvinoita,munhu wemurume
haafanire kugara nepfumo
rimwechete "

"Ipapo haunyepe .Wakura


manje wavekufunga semunhu
mukuru wakukodzera kuita baba
vemusha manje " vakadaro
vabkabata bendekete
rangu.Takazobva hedu
mumunda tose tikaenda kumba
kwatakasvika tichipihwa
maheu.Ndakamboramba
ndikanyengererwa nemumadzi
nemurume kusvika ndamanwa
.Ndakasiya ndavatsemurira huni
dzaive pamba ipapo ndikabva
ndadzokera hangu
kumba.Ndakasvika Chipo aripo
hake ,aisamboda zvekufamba
famba izvi.

Ndakatanga kutaura nyaya


nemwana wababa vangu.Nguva
dzekutanga kubika dzakakwana
ndikamuti asiye ndibike.Akafara
kwazvo,zvekubikirwa neni
aizvida.Tanga tauraya huku
ndiyo yataidya nayo musi
iwowo.Ndakaisiya pamoto
ndikanotanha mashizha
emuboora.Ndakadzoka mvura
ichangoperawo mupoto
ndikakanga nyama
yangu.Ndakaibika zvakanaka
ndikabura ndikabva ndabika
muboora wacho.Sadza
ndakabika rezviyo.

"Chipakura pangu ndapedza


ini"ndakadaro iye akapakura
zvake.Akaridya sadza zvekuti
ndakangoramba ndakamutarisa
ndakashama muromo.Yedu
yekudyira mundiro imwechete
iyi,handina kutoguta ka munhu
andipedzera sadza racho.

"Varoora vangu ndinovapa


chiiko mangwana ,varikuuyaka
ndobika zve mutakura?"
Akadaro akanditarisa.Pese
paataura nezvaNakai aitaura
achifara zvisiri zvekunyepedzera
.

"Haa hameno tete nevaroora


,unogona kuzovanzwa
mangwana acho kuti vanenge
vachida chii wobika izvozvo"

"Kana kuti munobika zvamabika


nhasi ka mukoma ,sadza ranga
richinaka iri.Nakai akangoridya
haazode kurishaya uyu"

"Aika zvichireva ka kuti


ndikaroora ndini ndinenge ndave
kungobikiswa ,zvinozoda here "
ndakadaro ndichiseka.Takataura
nyaya dzimwe,dzangu naChipo
dzaisapera
zvadzo.Takazoparadzana
tavekuenda kunorara.Hope
dzakanonoka kubata
ndichifunga kuti ndodii nemunhu
wangu mangwana
acho.Ndaingonamatira kuti
pasawane zvinomutadzisa
kuuya.

Kuchiedza ndakatomuka Chipo


atopedza mamwe mabasa ,aive
angosarirwa nekunochera
mvura.Ndakamubatsira kuchera
mvura yacho tikapedza.Takadya
zvemakuseni ndikasuka mandiro
ndichibva ndatonogeza.Chipo
aive akagara akaringa nzira
achida kuona
anaNakai.Ndakazonzwa ruzha
panze ndikaziva kuti vaive
vasvika vasikana.Vakapinda
vese vakakwazisana
zvavo.Chipo akafara achinzi tete
ko kaizvidawo ka zvekukudzwa
kamunhu
kacho.Ndakangokwazisa
Wadzanai ndikatora Nakai
ndikaenda naye muimba yangu
yokurara.

Tichingopinda muimba yangu


akatanga kukumbira ruregerero
nekuberekwa kwaaive akaitwa
naPanganai.Handina
kumupindura achibva andiudza
kuti baba vake vaive vakaronga
kuti aroorwe naPanganai.Ipapo
pakandibata bata handidi
kunyepa.

Ndakambofunga kusiyana nazvo


aiye zvinoda baba
vake.Ndakamutarisa ndikaona
akanditarisa neziso raiti ndinoda
iwe ukandisiya ndinofa.Ini
ndainzwa hasha dzangu dzese
dzaungana.Pfungwa dzangu
dzaimhanya mhanya zvadzo
ndakazongokwasisa kuti:
"Gara pasi Nakai"iye
akanditarisa ndikagutsurira
musoro.Haana kuzomboita
nharo akabva agara ndikafamba
ndichibuda ndakanzwa ave kuti:

"Urikuendepi Tashi"

"Gara ipapo ndirikudzoka


izvozvi" ndakadaro ndikabuda
ndichienda paseri pemba
pandakanotora munzwa
muchena.Ndakadzoka
ndikabvisa shangu yaNakai
ndikatanga kumutumbura pasi
petsoka.Ndakabvisa mupangara
waive wasaririra ,iye aive
akangonditarisa zvake .

Ndakapedza ndikagara pedyo


naye ndikamubata ruoko ndikati:

"Pandakakupfimba ndaive
ndatomborohwa ka nenyaya
yako.Kurohwa kwandakaitwa
ikoko kwaive kutosimbisa rudo
rwangu kwauri.Ukatarisa
musana wangu une mavanga
ekuroverwa iwe
Nakai.Ndinosarudza kurohwa
kusvikira ndafa zvangu asi
kukusiya handife ndakakusiya"
ndakadaro ndikaona ave
kuyeredza misodzi.

"Zvino tichaita sei zvazvadai


Tashinga.Todii manje
tinopabuda sei nekuti svondo
ratavekutopinda iri ndoririkuuya
anaPanganai kuzoroora.Ko
tikatiza zvedu hapana
kwatinogona kuenda here
kure?"

"Chinotizwa inzara kwete hondo


mudzimai wangu.Ungazomboda
kugara nembwende yakatiza
hondo here?".
"Zvinobatsirei kurwa hondo
yakapera kare Tashinga".

"Ndirikuona kuti hausati wave


kuvimba neni Nakai.Hapana
hondo yakapera kare apa.Mirira
uone zvichaitika .Handitize newe
ini .Baba vako vachabvuma kuti
titorane chete"

",Baba vapi vaurikureva.Ko


urikurota masikati machena
kwakanaka?,inini ndirikuti titize
kuti zvitinakire.Ndinoziva ndiyo
yega nzira yatinogona kukunda
nayo apa"

"Nakai kana ndiriini ndichaita


musoro wemba yedu nditeerere
uteererese .Ndati handitize
newe .Kutiza hakupedze
dambudziko.Baba vako
vanongotitsvaga ,havazirore
kusvikira vaisirwa musoro
wangu padare .Zvinobatsirei
manje.Rega ndiite zvinofanira
kuitwa nemurume pakadai
apa.Iwewe dzikama chete
utarise"

"Kungoti ndino......"

"Tikaita zvekutiza matambudziko


akawanda anotiwira Nakai.Imba
inoda iine maropafadzo
evabereki.Iwewe kana uchida
kubatsira apa ndiudze
ndikutaurire zvekuita"

"Taura ndinoita zvawareva"

"Zvakanaka.Ndinoda kuti uudze


baba vako kuti une munhu
waunofambidzana naye
mudunhu rino.Unofanirwa
kuvataurira kuti haudi kuroorwa
naPanganai" ndakadaro achibva
anditarisa akaseka.Akandibata
pamhanza apa achida kunzwa
kuti handisi kupisa muviri here.

"Haurevesi Tashinga.Ndikadaro
zvodii?vouya vokutora
vokuuraya ?"

"Hazviitike izvozvo
.Panongotanga hondo chete "

"Iwewe uriwega ,baba vaine


machinda avo ose?Chara
chimwe hachitswanye inda
Tashinga"

"Mbeva zvinji hadzina mashe


Nakai.Vimba neni woita
zvandareva.Mangwana
ndichaenda naChipo kudunhu
kwamambo Zvenyika.Kuswera
mangwana ndinenge ndadzoka
.Ndipo paunofanira kutaura
nababa vako ipapo".
"Asi Tashinga......"

"Unondida here Nakai?"

"Ndinokuda nezvese zvangu


Tashinga.Handidi kurasikirwa
newe ini"

"Usatye hapana
chinondiwana.Kana uchindida
ita zvandinoreva.Ngatirwirei
rudo rwedu mukadzi wangu".

"Amai varikurutivi
rwedu.Mukoma Takunda
varikurutivi rweduwo zvakare "
akadaro ndikasekerera

"Pakanaka kaa apo" ndakadaro


ndichifara zvangu asi ndaiona
kuti nyaya iyi yainetsa mumwe
wangu zvakanyanya.Nyangwe
iniwo zvaindinetsa asi ndaifanira
kutomira semukono.Ko
ndaigodii,zvinodawo kufa
waedza vakuru vakati kufa
kwemurume kubuda hura wani.

"Chiuya ugare apa ndanga


ndakusuwa kaini" ndakadaro
ndichinongedzera pamakumbo
angu.Iye haana kuramba
akagara zvake.Takataura nyaya
hedu dzakasiyana siyana.
Ndakazongoisa maoko angu
pazvidya zvaNakai ndokutoona
kuti ndaive ndadenha zvirerer
zvangu .Ndakatanga
kumutsvoda muhuro umu
ndikaona achishaya
pekubata.Ndakamusiya
ndikamugarisa akatarisa
kwandiri.Ndakaramba
ndakamutarisa mumaziso ,iye
aimbotizisa maziso acho asi
ndakaramba ndichibata chirebvu
chake ndichiita kuti
anditarise.Takatarisana
kwechinguva ndikaona
avekuswededza musoro wake
kwandiri kusvika akanga
kunditsvoda .

Takatsvodana zvenzara
zviye.Mbatya dzaaive
akapfekawo dzaiita kuti
ndikanise kubata zvandaida
kubata zvakanaka.Ndakapinza
maoko angu ndikatanga kubata
mazamu ake zvinyoro
nyoro.Ndakaona kuti
ndaizotadza kukunda miyedzo
nezvaipinda mupfungwa dzangu
saka ndakabva ndasiyana
nazvo.Ndakaona kuti
zvakamubhowa asi haana
zvaakataura zvake.

"Wanga uchirikuda ka"


ndakadaro ndichitoseka iye
alatanga kunyara nyara achibva
ati:
"Aewa kana zvanga
zvichitondibhowa ndanga
ndichitoona senge ndiwe wanga
uchizvida "

Handina kumupindura
ndakaseka nechemumoyo
ndikadzosera maoko anngu
ndakanzwa munhu ave
kushinyira .Ndakaisa muromo
wangu pane wake tikatanga
kutsvodana.Ndakamurarisa
parupasa pangu ipapo ,paive
nemagumbeze zvapo .Ini
ndakatoendawo pamusoro
pake.Taive tichiri
kungotsvodana zvedu

"Mukoma takawirirana wani"


ndakanzwa izwi raChipo
richidaro ndikabhiwekana.Nakai
akazvibvisa pandiri akagadzira
mbatya dzake achibva atobuda.
"Auya ikoko ndiye arikuita
zvinhu zvacho" ndakadaro
ndakarara zvangu,ndaiziva kuti
paitaurwa
nezvekubika.Ndakamboramba
ndakarara ndichizama
kudzikamisa muviri wangu
Ndakazoenda kunevamwe
,Nakai aisanditarisa mumaziso
zvake.

Ndakasvika zvangu mapoto


akamirira inini,hanzi Wadza
naNakai ndavarambidza kubika
vanozotsva nemoto.

"Heya saka wadii kubva


wangobika iwewe
usingatsve.Saka inini handina
basa nhai?" Ndakadaro
ndichienda pamoto pacho
.Ndakabika sadza ,Chipo
achicheka muboora .Ndakaisa
sadza parutivi richishinyira
ndakabika muriwo.Apa
ndakabika sadza
rezviyo,nguruve nemuboora
parutivi.Takasvika pakupedza
kudya vese
vachingondirumbidza.

"Kana maroora babamunini


handibve kumba kwenyu"
akadaro Wadza

"Aika ko ndini ndinenge


ndichibika zvakare ?"
Ndakadaro Nakai akaseka akati:
"Ko ndiani mumwe angabike?"

"Zvawaida zvaitaka
Chipo"ndakadaro Chipo wacho
akaseka achiziva nyaya dzake.

"Haaaa munobika babamunini


aiwa ooh ndaisa manja
mudenga" akadaro Wadza
achisimudza maoko.
"Ana Wadzanai hukuru
hwamunoda uhwu?anonzwa
uchiti babamunini anoti zvimwe
urimukuru kwandiri nemakore
matatu apa wakandisiya
nemazuva mairi chaiwo"

"Aika mazuva maviri


chaiwo.Ndanga ndakutoti
pamwe mwedzi yakati kuti"
akadaro Chipo achiseka
handina kuzombonzwa zvimwe
zvavakataura pfungwa dzangu
dzanga dzatove parefu.

"Tete handei munondiratidza


zvatanga tichitaura zviye"
akadaro Wadza vachibva
vatosimuka naChipo.Nakai
akasuka ndiro zvake
ndakamboda kumurambidza
akaramba .
"Saka ndichakuona rinhi ?"
Ndakabvunza achibva atura
befu akatarisa kurutivi.

"Chii futi nhai mbabvu yangu"

"Nhasi ndiro zuva rekupedzisira


kubva pamba hanzi kutanga
mangwana hatichatenderwe
kufamba famba"
"Aaaaaa ko zvazvakaoma "
ndakadaro ndapererwa
nemashoko.Nakai akandibata
ruoko akaenda neni mugota
mangu.Takasvika achibva amira
akanditarisa.

"Tashinga"

"Nakai"
"Ndaive ndakazvichengeta
kuitira munhu achazondiroora
asi apa ndirikutobatikana
nekuzvichengeta kwandakaita"

"Unorevei kana uchidaro?"

"Ndingazvichengete kuti
ndizobviswa humhandara
naPanganai here
Tashinga.Ndokumbira kuti
undibvise hako iwewe" akadaro
achiburitsa misodzi.

Ndakamupukuta misodzi
ndikamutora
ndikamumbundira.Ndakafambis
a maoko angu zvinyoro nyoro
pamuviri wake .Ndakakatanura
mbatya dzake ndikatanga
kubata muviri wake
chaiwo.Iniwo dzangu
dzakabviswa ndikamubatisa
chinhu changu ndikaona achiita
kakuvhundukira so.Ndakaona
anga ave nekakutya ko yaive
yakakura zvisiri zvekunyepa ka.

Takaenderera mberi
nezvataiita.Takafamba
tichitsvodana kusvika tasvika
pandinorara.Ndainyatsonzwa
kuti pane zvirikuitika
zvaikomborera .Ndakatora
nguva yangu ndichimubata
muviri wake ,ndakamira
zvandaiita ndikamutarisa
ndikaona akatsinzina
.Ndakatanga kunyatsoongorora
muviri wake ndikaona
wakaringana.

Mazam* aive akaumbika


zvakanaka,aive akamira kuti twi
akanditarisa
zvawo.Ndakasekerera zvangu
ndichitora rimwechete ndichiriisa
mukanwa,ruoko ruchibata rimwe
racho.
"Ummm amai!!" Akadaro
mwanasikana achinzwika kuti
arikunakirwa
nezvandaiita.Ndakangoita
izvozvo kwekanguva kapfupi
ndikazodzikisa rurimi rwangu
kusvika paguvhu
apa.Ndakatenderedza rurimi
ipapo,uku ruoko ndaive
ndarudzikisa rwasvika
kwazvakarehwa ikoko.

"U uu unondiuraya Tashinga


kani" akadaro mwana wamambo
achikwinya magumbeze ashaya
pekubata.

"Saka ndosiya here " ndakadaro


ndakaruma muromo achibva
azunguza musoro.Iniwo ndaive
ndonzwa kuda ,akaisveerera a
achibva ainangisa panhu
pakewo.Ndakaita nguva
ndichiitenderedza
ipapo.Akatanga kuita ruzha
ndikamuvhara muromo
nenhanzvi.Ndakaita zvandaiita
ndichirikungomutsvoda
chete.Ndaingoitenderedza
pamusoro zvangu kusvika tese
tagutsikana.

Ndakatarisa Nakai aive achiri


akavhara maziso.Akamavhura
tikatsrisana achibva ati:

"Waregererei kuisa Tashinga?"


"Wakaita makore makumi maviri
wakandichengetera zvinhu izvi
saka ndinozvikoshesa.Uyu
mukoko wehuchi
kauyu.Ndinoziva kana uchida
kumoora huchi unotomborumwa
nenyuchi.Dziriko nyuchi
dzinenge anaPanganai,asika
nyangwe dzikakuruma
haunanzwe huchi usina
kuhumoora,hauudyire
pamukoko ipapo
ka,unoshingirira worwisana
nadzo,womoora huchi hwako
wozodya.Saka apa
ndichazokuvhura ndakutora
Nakai".

"Saka nhasi handidzokere


kumba ,ndatotizira .Ndinotya kuti
unotangirwa naPanganai
Tashinga.Zvikaitika
handikuregerere " akadaro

"Hazvife zvakaitika izvozvo


Nakai.Ndinopika nababa vangu
varipachuru ,izvo
hazvigone.Zvimwe zvese
angaite Panganai asi kuvhura
zvinhu zvangu hazvigone"

"Rega ndimbovimba nemashoko


ako asika...."

"Nakai bata apa unzwe"


ndakadaro ndichimubatisa hana
yangu" akanditarisa akati
"Irikurovesa kudai nemhaka yei
nhai"

"Ndizvo zvainoita ndikafunga


nezvako kana kuti
ndikakuona.Hana yangu
inorovera iwewe nguva
dzose.Ndiwe wega unoita kuti
idai.Ndikakushaya chokwadi
ndinofa ini.Ndinokuda Nakai"
"Pavakomana vese vandakaona
iwe wega ndiwe wakatora moyo
wangu Tashinga .Ndinokuda
zvandisingagone kutsanangura
ini" akadaro tikabva
tambundirana.Takambotaura
zvimwe zverudo
rwedu,akabvunza zvemhuri
yangu ndikamuudza.Akazobuda
achienda munhanga maChipo
maaive
naWadzanai.Ndakabudawo
ndikambonovatsvagira
michero.Ndakawana
magoriyondo,tsambatsi
nehusika.Ndakadzoka nazvo
ndikavapa vakafara zvekuti
,Husika ndihwo hwakatotanga
kudyiwa vanhu vavekuenda
zvavo.Ndakavaperekedza
mbichana ndikadzokera zvangu
kumba.Ndakanowaridza bonde
pamushana ndikarara
ndichifunga zvangu zvanga
zvaitika musi iwowo .
Ndakanzwa munhu akarara
parutivi pangu ,ndakangoziva
kuti ndiChipo chete
.Ndakasvinura ndikaona ariiye
zvake.

"Mangwana tirikuenda kwatete


Chipo ,tichabuda zuva risati
rabuda " ndakadaro akafara
paakanzwa ndichiti tirikuenda
tese.Takarara tagadzirira zvese
zvataida parwendo .Mbuva
takatakura ndikapinda munzira
.Ndakapfuura nepaBandawe
ndikatora pfumo rimwechete
.Zvaisaita kugura matunhu
ndisina zvombo,kunyanya ndiina
Chipo kudai.Takasvika atove
masikati tete vakafara
vachitiona.Mutsa akafarirana
naChipo nguva yanga yareba
vasina kuonana.Takabvunzana
hupenyu tikabva tatoisirwa
zvekudya.Tichidya kudaro
ndakanzwa Chipo aichiudza
Mutsa nezvaNakai.
"Mukoma vave kutofambidzana
nemwanasikana wamambo .Iiiii
ndinofara kani paanonditi
tete,apa musiuno akanditakurira
svinga rehuni"

"Hiiiiiiii ichokwadi here


Tashinga" akadaro Mutsa
ndikaona tete vakanditarisa
vachitodawo mhinduro.
"Hongu ichokwadi"

"Asi wakazotaura
zvepfumo?"akabvunza Mubatsiri
ndikati:

"Aewa
kwete,handisikuzombotaura
nezvazvo ini handidi kuita
sendabiririra ndinoda kuita
zvinhu zvangu negwara
rakanaka"
"Nditevere Tashinga" vakadaro
tete vakatomira
pamukova.Ndakasimuka
ndikatevera tikapinda mugota
maMubatsiri.Vasati vataura
chinhu ndakabva ndati:

"Ndinoziva kuti ihondo


yatotanga tete asi ndazvipira
.Ndicharwira rudo rwangu
naNakai nekuti moyo wangu
wakada iye ,inga zvinonzi moyo
muti wani.Pakawana
chinondiwana mosarawo
naChipo uyu zvakanaka.Inini
handisikugarisa kuno
ndirikudzokera nhasi
mauro,ndauya kuzosiya
Chipo.Musamutendere kudzoka
ndapota zvangu"

"Tashinga usataure uchidaro


ka,hondo yacho unoirwa wega
here iwe uchirwisana
nemachinda amambo
neuhwandu hwavo"

"Ndinofa ndaedza tete .Midzimu


yangu ichanditungamirira
ndigokunda .Handisikuzodzora
tsvimbo bodo.Nakai
ndichamutora chete vachida
vasingade"

",Ko ingotiza naye mouya kuno


ka movaka musha wenyu
Tashinga".

"Izvozvo hazviite tete,baba vake


vanoramba vachitivhima kusvika
vatiwana.Zvikadaro tourawa
tose .Handitize hondo ,ndorwa
ndichiendako.Musandityire tete
handina nhoroondo
yekukundikana ini"

"Une nharo dzinenge dzababa


vako Tashinga.Ndongobatira ura
mumaoko kusvikira wadzoka
.Pakawana chinokuwana
ndino......."

"Kana makudaro munenge


muchikanganisa tete ,hapana
chinondiwana ini.Sunungukai
mofara zvenyu ndichauya
ndichikuratidzai muroora
wenyu.Ndichaita ndichiuya
kuzokuonai"
"Ndirikuenda newe,zvandataura
hautenderwe kupikisa " akadaro
mubatsiri achitoenda
kunorongedza kanhava
kake.Ndakatarisa tete ndichida
kuti vamurambidzewo.Ivo vacho
vakabva vati:

"Mukaendawo muri vaviri


zvinenge zvirinani pane kuti
uende wega Tashinga"
"Chipo momuti ndirikuenda
kwaMambo Tichatandadza
ukoo,akangoziva kuti tirikuenda
kwedu anotevera akadyiwa
nezvikara musango umu"

Takazobuda hedu imomo


takanotaura dzimwe nyaya
tichifara zvedu.Takazodya
kudya kwemauro ndokubva
takurumidza kunorara
naMubatsiri.Pakati pahusiku
takatora zvombo zvedu tichibva
tatofamba tichienda kwedu.Ana
Muchandiriga ndaifamba navo
kwese havana kusara takaenda
tese.Takasvika kwedu zuva
richangobuda.

Takapinda muimba yangu


yokurara,hapana kuita nguva
refu takabva ta......

*Ndipo paperera chitsauko 6*


*Ndinokutendai nerutsigiro
rwenyu vese
varikutsigiraMunodiwa kani*
[11/22, 3:02 AM] Nickie: P

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umo
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(7)

*Mambo Zvandareva*
Pandakatuma Hondo naNdini
ndakaona vachiuya
vakabatirana
munhu.Ndakafamba
ndikanovachingura ndikaona
vakatakura
musikana.Ndakashaya kuti
zvaibatana papi nemukomana
waNakai.

Ndakazoudzwa kuti aive


hanzvadzi yemukomana
wacho.Hatina kumbomira
kwenguva refu ndakaona
mukomana wacho
asvika.Ndakamutarisa zvangu
aisashoreka.Zviri zverunako
nechimiro Panganai aisakwana
zvake kana mbichana.

Ndakaona atanga kurwa


naTinazvo .Tinazvo akarohwa
zvandisina kunzwisisa
ndakamboda kuseka
zvangu.Ndakazoraira machinda
angu kuti amborova mukomana
wacho kuti azive kuti mwana
wemambo haatorwe neshindi.

Akarohwa akaenda
zvake.Ndakafara zvangu
ndichiona Nakai achiuya
akaberekwa
naPanganai.Ndakatoona kuti
aive nerudo nemwana wangu
ndakafara nazvo
kani.Ndakazoisa mutemo wekuti
Nakai naWadza vasabude
pamba pedu kusvikira Nakai
atorwa nemurume wake
Panganai.

Mumwe musi ndaive ndakagara


hangu muimba yekutandarira
pandakanzwa Nakai achiti:

"Ndinoda kutaurawo nemi


baba"ndakanzwa Nakai
achidaro achangopinda muimba
yandaive
"Aa wauya mwanasikana
wangu.Gara hako apa "
ndakadaro ndichimuratidza
pekugara .

"Mazviita ,nyaya yandiinayo


handizive hangu kuti
munoitambira sei asi ndirikuda
kugara ndakuzivisai kuti ndizvo
zviripo"

"Taura hako mwanangu.Chii


zvakare chaitika ".

"Baba inini Panganai handimude


zvangu.Handitomude zvachose
ini.Inini hangu ndine mukomana
wangu wandinoda.Kana
musingade henyu kuti
ndiroorwewo newandinoda
ndinogara hangu ndisina
kuroorwa zvirinani pane
kuroorwa newandisingade iye
wandinoda aripo."
"Saka haana kunzwa
nemaroverwo aakaitwa
mukomana iyeye" ndakadaro
zvangu nechemumoyo.Iye Nakai
akaramba akanditarisa hake
ndikati:

"Uchindiona kudai Nakai


ndavemunhu mukuru.Ndinoziva
zvakakunakira
nezvakaipa.Pengereka hako
kusvika paunoda asi ndini baba
vako ndichaita zvandinoziva kuti
zvakakunakira " ndakadaro
achibva abuda asina
zvaakataura .

Ndakabudawo ndikanoona
machinda angu .Ndanga
ndakatsamwa nezvanga
zvataurwa naNakai.Ndaisada
zvevanhu vanopikisana neni
ini.Apa aive avekusarudza
mukomana achisiya ini
manje.Pakukura kwake hapana
zvaaimbondirambira asi
panyaya iyi aive atosarudza
kundipikisa zvake
,ndakabatikana.

Ndakataura nemachinda angu


kuti mukomana wacho
atsakatike .Ndaida kuti abva
angofa hake ,ko zvekutemeswa
magadziko musoro wakanyarara
nevana vanemukaka pamhuno
ndaimbozvida here inini.
Ndakanogara zvangu muimba
yekurara ndakamirira kuti
machinda adzoke neshoko
rekuti zvandaida zvaita.Mamoyo
akapinda akaramba akamira
akanditarisa ndikanzwa avekuti:

"Asi nhai baba vaTakunda ndiko


kugona kutonga kwacho here
kwamuri kuita uku".
"Unorevei kana uchidaro
Mamoyo"

"Musade kunyepedzera
kusaziva zvandirikutaura
murikuzviziva zvenyu"

"Taura nyaya yako ka


zvakanaka"

"Nyaya yangu iriipapa


panaNakai naPanganai.Mwana
haasikuda kuroorwa
naPanganai wenyu iyeye imimi
regedzaika kumumanikidza .Ko
mukasiya mwana akaita
zvaanenge achidawo
munobvei?"

"Mwana ndewaniko uyu?"

"Ndewedu tese .Ndakamutakura


mudumbu mangu umu
kwemwedzi mipfumbamwe
ndikapotsa ndafa
pakusununguka .Handingafare
ka ndichiona achishungurudzika
.Achishungurudzwa nababa
vake chaivo nyakubereka"

"Mamoyo ziva zvekutaura iwewe


,ungati ndashungurudza mwana
papi ipapa .Inini ndini baba
vaNakai ndinoziva
zvakamunakira nezvakamuipira
.Panganai mwana wamambo
uyu akatorana naNakai anenge
agere muhupfu chaimo.Chii
chaanozomboshaya"

"Pfungwa dzenyu dzichirimo


here imomu.Imimi pavanhu vese
ndimi mutaure zvepfuma
yemunhu. Chinonzi rudo
chiiko.Nyaya yekuroorwa
inebasa reiko
nehupfumi?.Chakakosha rudo
ka zvatinoziva tese".
"Anodya rudo here Nakai
wacho?achapfeka rudo".

"Dai mashevedza svikiro


matariswa kuti pfungwa dzenyu
dzichirikutora mushe here "

"Wati chii mamoyo!"

"Zvamanzwa
ndizvozvo.Murikuita kunge
pwere munoziva.Chii
chamurikuzama kuita
apa.Vanhu vese vanokunamatai
mudunhu rino vachikurumbidzai
nekugona kutonga.Chii
chinosakisa kuti munhu uitire
vamwe zvakanaka kunze uko
asi vako vana chaivo
uchivatadzira.Kana mwana
atombokuudzawo kuti pane
waarikuda ko zvadiiko kungoti
ungomira nezvirikudiwa
nemwana.Hakuna munhu
anotadza achitoziva ka ,kazhinji
unenge uchiti ndirikugona asi ka
kana wawana anokutsiura
achikuudzawo kuti izvi hazvisi
chirega kuisa zvitanda munzeve
ka.Inini makanditora kuti ndive
mubatsiri wenyu ka.Kubatsira
kwacho kuripapi kana
musingade kunzwawo mashoko
angu.Kunyanya ipapa pane
vana vangu mukati .Panganai
iyeye anonokarova mazuva ese
kaNakai aka zvodii.Mwana
anochema nemi pese pese
achiti ndibaba
vakanditsvagira.Zvinobatsireiko
kuti mwana adye achiguta asi
asina zororo remoyo.Honzeri
muriimi munozviti baba vake
.Zvimwe zvatinoita sevabereki
zvinotikanganisa nevana
vedu.Mangwana chaiye
munoona Nakai akarembera
mumuti azvisungirira moti chii
manje ,hazvidi kuzoyeuka bako
munhu watonaiwa kare .Pachiri
nenguva dai mapagadzirisa
zvenyu panyaya iyoyi" akadaro
mamoyo achibva abuda hake
ndisati ndapindura.

Mashoko ake ndaida


kumaburitsa mupfungwa dzangu
asi airamba achidzoka
zvawo.Ndakabuda ndikatanga
kufamba famba paruvanze
.Ndakasangana naNakai
naWadza ndakashamisika
ndichiona vasina kana
kundimhoresa
ndakavashevedza asi havana
kana kudaira.Ndakafamba
mbichana ndikasangana
naTinazvo akanyemwerera
kwazvo achindiona.

"Zvaita mambo ,basa rapera


wena" akadaro achinyemwerera
ndikamutarisa ndikaona asina
kana mavanga.

"Ko maita zvekudii"


ndakabvunza achibva
arondedzera kuti vanga vaita
zvekumupisira mumba.Ana
Hondo vakasvikawo
vachitsinhira zvainge zvataurwa
naTinazvo.Ndakavati vauraye
mbudzi mbiri vagoche
zvavo.Ndakafara kuti
ndaisazonzwa zvimwe
zvinganetse.Ndiko
kungozvipedza kwandaive
ndaita apa.Kana munhu omera
muswe unofanira kugara
wangodimburwa zvachose.
Ndakadzokera zvangu mumba
ndikabva ndagara nemunin'ina
wangu muimba yekutandarira
.Taitaura hedu dzakawanda
wanda.YaNakai taisambotaura
nezvayo isu.Takunda akapinda
akatanga kutaura nababamudiki
vake.Aitoita kunge asirikundiona
zvake .

"Koiwe wakati muridzi wepfumo


wamuwana zvakazodii ndiani"
"Handisati ndamuwana.Pane
zvandaida kutoona pavanhu
vamaive navo ndaitotsvaga
ipopaye"

"Urikunonotswa neiko mazuva


arikufamba kaaya".

"Pane zvakawanda wanda


zvandirikugadzirisa
zvangu.Ndichamuwana
,ndikamuwana ndokuudzai
zvangu"

"Zvakanaka "

"Pane mukomana arikunzi


atsvira mumba ,regai
ndimbononzwa kuti
zvafambiswa sei
.Hapangamboshaye munhu
aona zvaitika " akadaro
achifamba achibuda

Hapana kuita nguva refu


ndakaona amai vake
vachipinda.Misodzi yaimokoteka
pamatama avo vakangosvika
vachiti:

"Ndizvo zvawanga uchida kaizvi


Tichatongwa.Ndizvoka
zvawanga uchida .Chifara ka
Nakai aa............"
*Takunda*

"Chengeto unotonakidzwa
nekundiona ndichikufambira
zuva rega rega kuti
uzondiramba zvako
unechokwadi?" .

"Ko ndirikuuya kuzokutora


kumba kwenyu here ini,handiti
ndiwe unouya wega"

"Saka hautondide ?"

"Ehe" akadaro akatarisa kurutivi


ndikati:

"Aewa zvakanaka.Ndambozama
kukufambirawo
nekunyengerera.Kukuda
ndinokuda asi kana iwe
usingandide handina
zvandinogona kuzviita
zvangu,ukamanikidzira kupfeka
shangu isingakwane
unorwadziwa chete kutugunwe
utwo.Ko kuzoti kumanikidza
moyo wemunhu.Magumo azvo
unochema chete.Rega
ndichisiyana nazvo"

"Saka hauchatodzoke?"
"Ndinoona sekudaro"ndakadaro
ndichibva ndatotanga kufamba
ndichibva ipapo.Handina
kumbomucheukira .Ndakapinda
pane kamwe kamugwagwa
kaingopoterera kodzokera zve
pandaive ndakamira
naChengeto.Ndakasvika paaive
ndikamira kuseri kwemuuyu
waive pedyo.Ndakaona Chenai
munin'ina waChengeto achienda
pane mukoma wake aive agara
muvhu chaimo.
Chenai akasvika achimubata
paakadimudza uso ndipo
pandakaona kuti aichema.

"Ko maitwasei
mukoma,murikuchemei?"akadar
o Chenai

"Ndinomuda Takunda
Chenai.Ndinomuda ini"
"Aramwaka.Ndakambokuudza
kare kuti siya zvekuda kunzi
unoramba ramba.Oh chiona
manje aenda mukomana wacho
uchamuwana kupi mumwe
anenge iye .Mwana wamambo
kukufambira kuuya kuno
mazuva ese achibva kure
uko,Iwe wotoramba
uchimufambisa zvako ndiko
kudii ikoko .Handikunyararidze
chema hako ,mazvokuda
mavanga enyora aya.Handina
kukuruma nzeve kakawanda
here ini nezvenyaya iyoyi"

"Ndaiona sendinenge
ndakurumidza kubvuma
ini.Ndaitonyara kumubvuma
kwacho ini"akadaro
Chengeto.Ndakabudikira paseri
pemuuyu wandaive ndichibva
ndati:

"Chibvuma tione" iye akacheuka


achibva andimhanyira akasvika
achindimbundira
achichema.Ndakamumbundiraw
o zvakasimba
ndichimunyararidza.

"Wanga uchifunga kuti


ndingakusiye here nhai
Chengeto.Ndichiti ndirikuendepi
uriiwe wandinotoraramira"

"Wandityisa Takunda
,ndinokuda ini"

"Ndanga ndichida kuti uzvione


wega kuti unondida .Ndanga
ndakazviona kare zvangu
nyangwe hako waida
kuzviramba.Ndafara zvazoita
manje ndavekutoverengwawo
pavanhu vakakwana.Ndave
nembabvu yangu ndave munhu
akazara manje"
Ndakafara nekubvumwa
naChengeto ,musikana anga
andiburitsisa tsapfu
nekumufambira apa aigarawo
kure sei.Takaswera tese
tichimboyemerana sevanhu
vaive vachangotanga
kudanana.Ndakatozobvako
kwave kudoka ndavekudzokera
kwedu kumuzinda.Ndakasvika
ndikambonoona anababa
muimba yavaive.Ndisati
ndasvikako ndakanzwa kuti
pane imba yaive yatsvira
munhu.Ndaida kunzwa kuti
ndiani uye zvanga zvafamba sei
asi ndakati rega ndione ana
baba ndozoona nezvenyaya
yacho.

Ndakabva kunana baba kwacho


ndikapinda muimba
yangu.Ndakabata pfumo
remunhu aive akandibatsira .

"Ndakufanira.kuchiwana munhu
uyu mazuva acho afamba
aya.Nyaya dzirikuda inini
dzirikuwandisa.YaNakai irikuda
kutokurumidzirwawo" ndakadaro
ndichibva ndatobuda naro
pfumo racho.Ndakananga paive
nemachinda .Tinazvo akaramba
akaudyura maziso anenge
nyimo .

Ndakasunga chiso changu


ndakasvika pavaive vachibva
vandikwazisa vese.Ndakadairira
mumhino.Ndaisamboda
zvekuvasekerera zvangu.

"Anoziva muridzi wepfumo iri


ndiani"

"Chiso chenyu chizere hukasha


aparei muridzi wepfumo"
akabvunza Ndinindabaya
ndikati:
"Imhondi,Imharadzi.Nhunzvatun
zva ,mhunzamusha
chaiyo.Ndatora pfumo iri
pandaona rakabaya munhu
musango umu.Munhu wacho
changa chatove chando.Zvino
akaita izvi anofanira kuti aripire
zvitadzo zvake"

"Muridzi wepfumo ndinomuziva


mambo asi hakuchina" akadaro
Tinazvo.
"Kana uchiti hakuchina
unorevei?" Ndakabvunza
achibva ati:

"Atsvira mumba zuva rovira


achibva atopereramo.Vakuru
vakati mubairo wezvivi rufu
hezvino honai oh.Akaura apa
atofawo zvakare ,ko...." Handina
kuzombozviteerera ini ndaive
ndakutonzwa nzungu.Makumbo
akapera simba ndikabva
ndagara pasi.

"Ko zvadii nhai


mambo?"akadaro Hondondizvo
ndikati:

"Ndanga ndichida kumuuraya


ndega nekuti zvaaita kusango
uko handina kuzvida kana
mbichana".
"Mambo wedu ndakagara
ndaona kuti vanotungamirirwa
nevadzimu.Ndiyeka mukomana
wekuda Nakai uyu.Nhasi vati
timupisire mumba nyaya dzake
dzavekutobuda dzakawanda"
akadaro
Ndinindabaya.Ndakamutarisa
ndikati:

"Murikutiiko?,baba ndivo vati


mumupisire mumba?,ndiye
aidiwawo nehanzvadzi yangu?"
"Hongu mambo Takunda.Dai
mambo vakasiya achidanana
nemukunda wavo zvaisamboita
kana .Vaigona kubhinyiwa
vouraiwa ,itsika yake ka
yekuuraya iyo handiti mati
imhondi?"

Handina kupindura ndakanoisa


pfumo riye mumba mangu
ndikabva ndatobva ndichienda
kumba kwanaTashinga
wacho.Ndakazvikoona imba
yaive yatsva
zvechokwadi.Ndakaona gonhi
racho rakatowa
zvaro.Ndakapinda
ndikasanganidzana
nemabhonzo.Ndakapfugama
mumba imomo ndikatanga
kuchema.Ndakachema
zvandisati ndamboita
muhupenyu hwangu hwese.
"Dai ndaive ndakakurumidza
kuziva kuti ndiwe kani.Dai
ndaive ndakamboita
nezvenyaya iyi ndisina kuita
zvekunoona Chengeto uko
pamwe dai uri mupenyu so.Ko
zvino ndichararama seiko
ndatadza kuyamura munhu
akandibatsira.Ko hanzvadzi
yangu ichazvitambirawo seiko
izvi.Baba vangu nyakubereka
vanehutsinye hwakadai
here.Mweyaiko wapinda
mavari?" Ndakadaro
ndichihwihwidza.Ndakapedza
shungu ndikabvamo
ndichidzokera kumuzinda.

Ndakasvika ndichitsvaga baba


vangu ,handina kuvawana
ndakasvika vachinzi havapo
pamuzinda.Dai ndaive
ndakavawana ndaida kuvaisa
museve panhengo
yesikarudzi.Ko vanoita kunge
vanoshandisa iyo pakufunga
ka.Ndakatsvaga amai
ndakavashaya.Babamunini
nemukadzi wavo vaisavepo
vakare.Ndakatsvaga Nakai
naWadza,ndaida kungoziva kuti
vaivepo here ,Nakai
ndaisatokwanisa kumuona
panguva iyi nekuti ndaiona kuti
ndainge ndakamutadzira
zvikuru.Ndaive ndatadza kumira
sehanzvadzi yake ka
apa.Ndakasangana nemumwe
wevasikana vaifamba
nanaNakai.
"Wamboona kwaenda Nakai
naWadza?"

"Ndine hurombo mambo....."

"Ko ndabvunza kuti urimurombo


kana mupfumi here inini?,ndati
anaNakai varipi?"

"Ndirikupindura
izvozvo.Mukunda wamambo
anwa muchetura"

"Dzokorodza zvawareva!"

"Hanzvadzi yenyu yanwa


muchetura ,ana mambo vaenda
naye kuimba yesvikiro" akadaro
ndikabva ndatotanga kumhanya
ndichiendaikoko.Kwaive kure asi
handina kumboita nguva
yakareba kuti
ndisvikeko.Ndakasvika ndikaona
vanhu vese vekumba kwedu
vachifamba famba panze.Nakai
ndiye ega aisavepo.

Ndakangosvika ndichibhagura
baba vangu vakanyondera pasi
nemuromo.Ndakada kuvahaka
varipasi ipapo ndakabva
ndabatwa nababamunini.

"Murikundibatirei ndisiyei
ndipedzerane nemunhu uyu
mhani"

"Dzikama Takunda " vakadaro


babamunini.

"Handidzikame ka pakadai.Chii
chaanoita munhu uyu.Mubereki
werudziiko akadai.Amai vaive
vapera here vakomana kusvika
pakusarura kuroorwa
nembiti,inga makanakawo
wani,chiiko
chakakubatai.Makamanikidzwa
here sezvirikuitwa Nakai
nemunhu uyo munhu
uyu.Bamnini ndisiyei
mhani".ndakadaro ndichibva
ndazvipomorera pasi ndikatanga
kuchema neshungu.Babamunini
vakaramba vakandibata.Baba
havana kana kuti bufu.

"Ndambokuyambira ukaisa
zvitanda munzeve zvikazara kuti
ta-a.Wati rema iri harina
zvarinoziva ndinoziva zvekuita
nevana vangu
hezvoka,haasiriye here Takunda
anokukudza mazuva ese
arikudai uyu.Nakai aitei apa
nekuda kwako.Namata hako
apone ,akasapona uchachera
guva rako wozviviga
urimupenyu"Vakadarowo amai.

"Chimbomirai kudaro
.Munosimudza mhepo apa
nguva yatiri haisi
yekukakavadzana iyi.Ngatimirei
semhuri imwechete tombomira
kupanana mhosva
to....."vakadaro amainini
ndikavamisa vasati vapedza
kutaura.

",Mirai makadaro
mhai,kupanana mhosva here
kana kuti kuudzana chokwadi
apa" ndakadaro.Svikiro
rakabuda rikatidzinga takanzi
tozodzoka mangwana acho.

Ndakatarisa baba vangu neziso


rekuti tirikupedzerana.Hatina
kure kwatakaenda hedu
ndakanzwa ndashevedzwa
nen'anga yacho.

"Urikusara pano wakarinda


hanzvadzi yako" rakadaro
svikiro ndikaziva kuti vaisatoda
kuti ndiende nanababa .Handina
kupikisana nazvo ndakangosara
zvangu .Wadza akabva ati
arikusarawo .Amai vaisada
kuendawo asi zvaisaita kuti
vasare .

"Anopona here uyu?"


Ndakabvunza ndaona akangoti
rapata Nakai wacho.

Svikiro rakandibata
pabendekete apa ndokuzunguza
musoro mbichana,ndokuzoti......

*Ndipo paperera chitsauko 7*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(8)

*Nakai*
Ndakanakidzwa zvangu
pandakanoona mwana
wavamwene wangu.Takaswera
tichiita hedu zvinogara
zvakadaro.Nyaya yakanetsa
yaive yekuti andibvise
humhandara.Ndaitoona hangu
kunge ndizvo zvaigona
kutibatsira panekuti uyu
wekwaMupiniwaguka uyu
azondidembura tsinga yangu
aiwa zvaisandiitira.Tashinga
akazviramba hake.Ndakafara
ndichionawo kuti aitondikoshesa
hake .

Ndakarohwa nehana
paakandiudza kuti ndiudze baba
vangu kuti ndaifambidzana
naye.Ndaiziva kuti ndikaudza
baba vangu nyaya yacho
yaisambopera zvakanaka asiwo
ndaifanira kungoita zvandaive
ndaudzwawo nemurume wangu
ka.Ndiye aiziva hake zvaaida
kuita asi chokwadi
zvaitondiremera .
Ndakaudza Wadza zvanga
zvataurwa
naTashinga.Akandisimbisa kuti
ndingoshinga ndivaudze baba
vacho zvaiitika.Ndakamirira
zuva randakanzi nditaure
.Ndakaenda ndikanoona baba
vacho ndikavaudza nezvekuti
ndaida Tashinga
chete.Ndakatozobvamo
ndavekuchemawo zvangu
ndanzwa vachindiudza kuti hee
ndinoziva zvakakunakira .

"Hanzii zvakare?" Akadaro


Wadzanai ndikamuudza zvanga
zvataurwa zvacho.Ndakafamba
ndikanogara paseri penhanga
yangu.Wadzanai akateverawo
achibva takamboita nguva
takanyarara.Ndakanzwa mazwi
evanhu vaitaura muberere
remba,ndakaziva kuti vasikana
vandaifamba navo.
Ndaisada hangu zvekuteerera
nyaya dzavo asi zita
ravakataura rakaita kuti ndide
kunzwa.

"Manzwa zvaitwa
Tashinga?"akadaro umwe
wacho,umwe ndokuti:

"Iiiii zvakaoma.Vamwe vanhu


vane moyo yakasindimara.Saka
kuda munhu imhaka yekuti
munhu angapisirwe mumba"

"Kupisirwa mumba?,Tashinga
ndiani?" Akabvunzawo umwe

"Hausikumuziva here
arikufambidzana nemukunda
wamambo uyo ndiye a......."

Handina kuzomboteerera
zvangu musoro wangu wanga
wavekutotenderera.Ndakafamba
ndikaenda paive nevasikana
vacho ndikabvunza
zvavaitaura.Vakandiudza kuti
Tashinga aive auraiwa
nemachinda ababa vangu.Moyo
wangu wakarwadza
.Ndakabvapo ndichimhanya
ndikanozvivharira muimba
yangu.

Ndakagara pasi chaipo


ndikatanga kuungudza
.Ndakachema sekacheche
ndichifunga zvese zvataiita
naTashinga.Ndakatoona
ndatorwa naPanganai
zvandaisada ndakachema kani.

"Kana Tashinga wacho andifira


ndichararamireikowo.Hupenyu
hwacho ndehwangu here kana
ndichisarudzirwa zvekuita.Ndini
ndoita basa rekukweva mweya
wekufema asi zvandinoda kuita
ndisingatenderwe kuzviita.Kufa
ndiko kupedza zvese"
ndakadaro ndichitsvaga tambo
yekuzvisungirira
nayo.Ndakatsvaga banga
ndikarishaya zvakare.

"Ndaive nemushonga
wemakonzo muno kaini"
ndakadaro
ndichisekerera.Ndakatsvaga
pese pese,ndakazouwana
ndatambura ndichibva ndatonwa
wese waivemo.

Ndakatanga kuchekwa chekwa


mudumbu umu.Marwadzo
akadaro ndaive ndisati
ndakambomanzwa pese
pandaive ndararama asi
ndakaona zvirinani pane
kudzvanyirirwa nemunhu
waunenge uchitiwo anofanira
kukubatsira ,anofanira
kukuriritira.Chandaiziva
ndechekuti kana ndikafa zvese
zvaibva zvapera zvazvo.

"Nakai!.Nakai! vhura gonhi iri"


akadaro Wadzanai achirova
rova musiwo.Ndakazonzwawo
amai vave kusheedzerawo
varipamusiwo
ipapo.Ndakagwesha
ndichiswedera kumukova
kwacho.Ndaida kutaurawo navo
asi taisazonzwanana kana
ndirikure kwandaive.
"Wadza ,a a amai.Handina
kukwanisa kuenderera mberi
nehupenyu ndichiziva kuti
akandiunza panyika wacho
muroyi anoroya rakacheka
nyika.Mhosva yaTashinga yaive
yekundipa mufaro here?.Ndine
hurombo nezvandaita asi
ndaisakwanisa kuzorora kana
ndirimupenyu ha ha hand-ina
zvi- mwe zva- nda- i gon -a
kuita.Mo-sa-ra
zvakanaka".ndakadaro
ndichishingirira kutaura
.Ndkanzwa vachikwetsura
mhere varipanze ipapo iniwo
ndakabva ndangoti ziiii....

*TASHINGA*

Takasvika kwedu zuva


richangobuda .Takasvika
tikagara mumba mangu taida
kuronga zvekuita,chandaiziva
ndechekuti taisave nenguva
yekutambisa zvedu .
"Saka takuita sei apa?"

"Hatina nguva
Mubatsiri.Tirikufanira kuburitsa
zvinhu zvese zvakakosha muno
nekukurumidza"

Ndakadaro ndichitounganidza
zvinhu zvacho zvandaida
zvacho.Takazvitakura tikaisa
mumba maChipo
zvese.Tichipedza takapinda
musango
,takavaka kamusakasa kedu
kunze kwemisha..Tapedza
ndakatsvaga horomba
ndikaribaya ndikaenda naro
kumba.

Ndakasvika ndichipinda muimba


yangu naro.Ndakakochekera
chihuri nemukati ndichibva
ndabuda nepafafitera ndikabva
ndanopinda muhozi,Mubatsiri
akanogara mungarani.

Ndakabvisa humwe huswa


hwaive hwakapfirira hozi.Ndaida
kuwana pekuburitsa napo
miseve kana zvanyanyoipa
.Hozi yedu ndaive ndakaivakira
mudenga saka zvaizotora nguva
kuti vaone kuti ndirikupi.

Ndaingonamatira kuti Nakai aite


zvandaive ndamutuma
.Takagara mbichana ndikaona
vakomana vamambo vakomba
musha wedu.Vaive vasere
vanga vauya
vacho.Ndinindabaya
naHondondizvo vaivepowo
ipapo.

"Tashinga!,Tashinga!Tashinga!!!
" Akadeedzera Tinazvo ,aive
nemufaro muzhinji
kwazvo.Ndakaramba ndiri zii
zvangu .Vakaita nguva
vachitsvaga.Imba yangu
ndainge ndaikiya nemukati
ndikabuda ka.Vachiona isina
kuvharwa nekunze asi
isingavhurike vakabva vafunga
kuti ndaiveno mukati.

"Apa tirikunetsekana
nei,zvirikuratidza kuti arimo
mumba ka,mambo vati tiuraye
saka ngatimupisirei ka mumba
macho" akadaro Hondondizvo .
Ndakavasiya vachibatidza imba
yangu.Hozi yaive kumashure
kwemba yangu saka
ndakashevedzera ndirimo
pairirima moto.

"Yohweeeeee ndibatsireiwo kani


zvondofira muno
vanhuweeeee!!!"
"Gonhi harisikuvhurika ndofira
rudo here varume!"
Ndakadarozve
ndichisheedzera.Nezvaiita
moto,uye nekwaive nehozi
hapana akanzwa kuti ndaisave
mumba macho.

Yakabvira denga rikawira mukati


ndikaona
vachisekerera.YaChipo vakaona
yakakiiwa nekunze vakasiyana
nayo.Vakafara vakomana kuti
vaive vapedza basa .Ndakaona
vachifamba kusvika vasvika
kumuzinda.

"Haaa pakaipa apa saka takudii


manje" akadaro Mubatsiri
achipinda muhozi
mandaive.Ndakangosekerera
ndikati:

"Zvinhu zvacho zvatotanga


manje,parizvino hatisikufanira
kufamba famba.Ndiri seni
handisikutofanira kuonekwa kuti
ndichiri
mupenyu.Ndichatoramba
ndakagara muno kusvikira
kwanyatsodoka"

Ndakadaro zvangu ndikaona


vanhu vaiuya vachiona imba
yaive yatsva.Ndakaona tsano
vangu vauyawo pavo vega
vakatanga kuchema.Machemero
avakaita akandirwadza.
"Kana hofori yerume
ichihwihwidza kudai ko kuzoti
Nakai arikuita sei
nhai?"ndakadaro ndichiudza
Mubatsiri.

"Zvakaoma ,waifanira kutanga


waudzawo Nakai wacho
zvirikuitika Tashinga"
"Zvaisabuda Mubatsiri.Pane
zvandaida kuti mambo
vaone.Dai ndakaudza Nakai
zviripo aisazombochema
zvakanyanya vanhu
vaizokurumidza kuziva kuti
ndichiripo zvandaisada"

"Haaa zvakaoma mamiriro


azvakaita apa haa"

"Ita so Mubatsiri,kuno
hauziikanwe ka,ndirikuda ubude
muno uende kumuzinda .Ita
semupfuuri arikubvunza nzira
.Ndirikuda kuti unzwe kuti zvii
zvirikutora nzvimbo panapa"
ndakadaro .Ndakaburitsa
musoro nepandaive ndaboora
kuti ndiburitse napo miseve
ndakatarisa tarisa kuti kwaisave
nevaiona here.Hapana
wandakaona ,Mubatsiri akabva
aenda zvake ndikasara ndega.
Ndakarara nemanhede zvangu
ndikatanga kufunga zvaive
zvaitika musi
wacho.Ndakanzwisisa kuti
mwana waMambo zvedi raive
ruva riripakati nepakati pesanzu
rinobaya.Kuti ndisvitse ruoko
rwangu zvaitoda hushingi asi
ndaizoritanha chete vavengi
vakatarisa.

"Baba nyaya yandakatanga iyi


ihombe.Nyaya yandakatanga
ine makuva akawanda.Nyaya iyi
ichauraisa nevasina mhaka asi
chekuita hapana.Handikwanise
kusiyana naNakai inini.Ndimi
makandidzidzisa kuti kufa
kwemurume kubuda hura.Ndimi
makati ndishingirire pazvese
zvandinoda
.Chinditungamiriraiwo
baba.Hondo yacho yakaoma ,tiri
vaviri chete tirikurwisana
nevanhu vakawana senhunzi
dziri panyama
yakaora.Titungamirireiwo
pasawane chinotiwana".

Ndakadaro ndakarara
nemanhede.Ndakazonzwa
pamukova pehozi pazarurwa
ndikaziva kuti Mubatsiri aive
adzoka.Apa kwanga
kwatodokawo zvekuti taigona
kubva taenda kukamusakasa
kedu kunorara.

"Haaa zvakaoma hazvo"


akadaro achangopinda Mubatsiri

"Ko chii zvakare " ndakadaro


ndichinyatsogara .Iye
akanditarisa akatarisa
kurutivi.Maziso ake aive
akatotsvuka zvandakaona
murima imomo.

"Chii Mubatsiri waudzwa kuti


chii?,Chii chirikuitika ,taura
nyaya yacho ".
"Ndambokuudza kuti dai
wakaudza Nakai pekutanga
zvaisazosvika pazvasvika apa"

"Pazvasvika papi,Mubatsiri
hausi n'anga iwewe.Mira
kutaura nemadimikira
wondiudza zvirikutora nzvimbo".

"Nakai anwa muchetura


Tashinga"

"Wa wa wati chii?"

"Arikuimba yesvikiro ndiko


kunaNevanji ,neanonzi
Wadzanai.Vamwe vese
varipamuzinda"

"Tavekutoenda ikoko"
ndakadaro ndichitosimuka.
"Mira nditarise kuti panze
hapana muvengi here" akadaro
Mubatsiri achibuda.Ndakasara
ndakabata
kumeso.Ndairwadziwa ,ko Nakai
wacho akafa ndaizodii nhai?

"Buda hapana aripo" akadaro


Mubatsiri ndichibva ndatobuda
.Kwanga kwave nerima manje
.Takatanga kufamba tichienda
kwaigara svikiro.

Takasvika ndikamira nechekure


.Ndaida kuwana simba rekuti
ndigogona kutarisana naNakai
naTakunda.Ndakazoshinga
kufamba kusvika tasvika
pamukova.Takasvika tikamira
,ndakutura mafemo ndikanzwa
izwi resvikiro richiti:

"Pindai zvenyu machinda"


Ndakatarisana naMubatsiri
tichibva tafamba tichipinda
mavaive macho.Ndakaona
Wadzanai aramba akanditarisa
,akatanga kuzvirova mambama
ndikati:

"Muchazvibvisa mazino
mukatadza kunakirwa
nezvinobikwa nababamunini
venyu maiguru".Ndakadaro
achibva asekerera

"Aaaaaaah Tashinga!!!!!!!"
Akadaro Wadzanai.Akafamba
akasvika achindibata achibva
ati:

"Ndiwe here zvechokwadi ,ko


zvafamba sei ,ko........"

"Godobori ndinokumbirawo
mushonga
wemaziso"ndakanzwa tsano
Takunda vachidaro
varikumashure kwangu.

"Maziso enyu arikuona


zvakanaka mambo ,haana kufa
uyu"

"Ko zvafamba sei,ndaenda


ndikaona mabhonzo ake
uyu.Chokwadi ndamaona.Zvisiri
zvekunyepa ko zvafamba
sei,Tashinga ndiwe here
zvechokwadi taura neni ndiwe
here ,ko hauna kana vanga
wanga uripi" vakadaro tsano
vangu vave kutoburitsa misodzi.

Ndakapfugama nebvi
rimwechete ndikamhoresa tsano
Takunda.Ko vaive tezvara
kaava.Mubatsiri
akagwadamawo.
"Tichamhoresana,parizvino
ndiudzeiwo zvirikutora nzvimbo
kufamba murima ndaramba
vakomana"

"Tichapindura
mambo.Ndokumbirawo kutanga
ndaona Nakai".ndakadaro
ndichinzwa maziso angu
achivavira
nemisodzi.Kungofunga
marwadzo aive neumwe wangu
uye ndichiziva kuti ndini honzeri
ndakangoona misodzi yave
kuyerera.

Ndakabatwa ruoko natsano


Takunda vakafamba neni
vachipinda neni mukamuri
maive naNakai.Ndakasvika
ndikaona akati
rapata.Ndakamira misodzi
ichiyerera ndakamutarisa.Haana
kufambisa kana munwe zvawo.
"Aifanira kudai here
Nakai.Chakamupa kudai chiiko
,nyangwe dai ndakafa
aisazowana mumwe here"
ndakadaro ,ndakanzwa
ndabatwa pabendekete
,ndakacheuka ndikaona vari
tsano Takunda.

"Moyo yevakadzi haina


kusimba.Mashoko akadai
anovaparadza ,anobva afunga
kuti ndiko kupera
kwehupenyu.Kana neni
ndapotsa mbichana ndazvibaya
nebanga Tashinga"

"Aa kuzvibaya ,nekuda kwei ko


maitwa sei?"

"Wakandinunura ,ini
ndotadzawo kukununura unoti
dai wafa ndaisara ndichifara
here dai paine zvaitika
kwauri.Kurarama uchizvipa
mhosva kwaizonakidza here
,munhu akakununura ourawa
nababa vako"
vakadaro,pekupedzisira pacho
vaive vashatisa kumeso
nehasha.Ndakanyatsoona kuti
vaive nechigumbu nababa vavo
.Ndakavabata ndikati:

"Ndinovimba kuti hamuna


zvamataura namambo.Handidi
kuti vazive kuti ndini
ndakakununurai "

"Nekuda kwei
Tashinga.Urimunhu akaita sei
iwewe?,nyaya yekundinunura
kwawakaita ikataurwa baba
vanokupa Nakai vega
.Vakataura nemuromo wavo kuti
akandinunura vachamupa
zvaanoda saka chirikunetsa chii
apa"
"Izvozvo ndizvo
zvandisirikuda.Nakai handidi
kumupihwa nekuda
kwezvandakakuitirai.Ndikadaro
ndinenge ndisisina kusiyana
naPanganai.Nyaya iyi inofanira
kungoitwa semaitirwo ayo
pasina yepfumo
mukati.Ndinorwira rudo rwangu
kusvikira mambo vabvuma vega
kuti ndinokodzera kutora mwana
wavo.Nyaya yekuti vana
vamambo vanoroorana pachavo
inofanira kubviswa .Ndizvo
zvandirikuda kurwisana
nayo".ndakapedza tsano vangu
vave kuuchira maoko.

"Pfungwa dzako dzakapinza


Tashinga.Ndafarira kuti haudi
kutambisa mwana wamai
wangu.Ndaona kuti
unonyatsomuda
zvekurevesa.Apa hausati
wandiudza kuti wazvifambisa sei
kuti ubude parumananzombe
pawanga wapinda apa"
"Ndichakurondedzerai baba apa
nditendereiwo
kumbongosvikawo pane munhu
wangu kani" ndakadaro akaseka
achibva adzokera hake.

Ndakafamba ndikanogara paive


naNakai wangu.Ndakabata
ruoko rwake ndikatanga
kurikwiza zvishoma
nezvishoma.Ndaive
ndakamuyeva zvangu misodzi
yangu ichibuda .

Ndakapukuta misodzi nekuseri


kweruoko .Mwana aive akanaka
hake iyeye kunyangwe aive
akangorara sechigutsa ari
paaive ipapo.Chiso chake
chaishota nyemwerero yoga.

"Muka Nakai.Muka mumwe


wangu.Ndine zvakawanda
zvandinoda kukubvunza.Ndine
zvakawanda zvandirikuda
kutaura newe.Kurumidza kupora
,ndakusuwa unoziva.Asi
ndakakutsamwira zvangu,muka
tipedzerane ,handina kuda
munhu akapusa pusa
kaini.Uchimuka undiudze kuti
chii chakanga chakupinda kuti
usvike pakuita
zvakadai".ndakadaro
ndikatsvoda ruoko rwake
ndikabva ndabuda.
Ndakaona Takunda naMubatsiri
vakagara zvavo vachitaura
nyaya.Wadzanai aive
achiendawo muimba yaive
naNakai.

"Chitaurai nyaya yenyu


vakomana" vakadaro tsano
ndikatsanangura zvese zvaive
zvaitika kubva
pakutanga.Ndakazopedza
ndichiti:
"Pane zvinhu zvitatu
zvandichakumbira kwamuri.

Chekutanga,hapana arikufanira
kuziva kuti ndiri
mupenyu.Chechipiri hapana
anofanira kuziva kuti ndini
ndakakuyamurai
paye.Chechitatu handidi kuti
muvenge baba nezvakaitika
apa".
"Ndichitadza kuvavenga
nei,ndirikusvikovaisa
museve.Munhu wepi akaoma
moyo kudaro"

"Zvino mukaisa baba museve


,munenge masiyana navo papi
manje.Kuurayana sandiko
kunopedza zvose
tsano.Kunyanya pakuurayana
pahukama
hazviite.Hamungauraye baba
nekuda kwangu
ndikafara.Ndinoziva
makavatsamwira ipapo
hamusikutadza .Asi zvinoitwa
nemunhu kana akatsamwa
ndizvo zvitadzo".

"Zvawareva ndazvinzwa
Tashinga asi zvinonzwisa hasha
kuziva kuti baba vako vane
moyo mukukutu.Dai arimumwe
munhu zviri nani.Nakai
aripanguva yakaoma nekuda
kwavo".

"Zvakaoma hongu asi ndizvo


zvinoita hupenyu.Ngatichimirai
semikono,svikiro rati Nakai
hapana chichamuwana saka
ngatichiitai kuti pasawane
chimwe chinoisa hupenyu
hwake panjodzi kana
apukunyuka apa" ndakadaro
tikabvumirana tese.
"Saka apa tavekuita sei
manje?"akabvunza Mubatsiri.

"Ndirikuda kunzwa kuti


kumuzinda kurikuitikei.Wadzanai
achanoona mangwana
paanonotora mbatya
dzaNakai.Anodzoka achititaurira
zvinenge zvichiitika totangira
ipapo"

Takarara,kwaingove kuzorodza
nyama asi mweya nepfungwa
zvaingodzungaira ndichifunga
kuti chii chandaizoita
zvakare.Kuchiyedza Wadzanai
akaenda kumuzinda.Akadzoka
nana amai asi ndakavahwanda
zvangu ndaisada vandione.

Ivo vaida kuswera vachiona


murwere asi vakanzi
vambodzokera
nesvikiro.Vachienda
ndakabudikira ndikanzwa
Wadzanai achiti Panganai ainzi
aive ave kuuya kuzoroora Nakai.

"Vanopenga here,havana
kuudzwa kuti Nakai arikurwara
anomuroora sei zvakadai?"
Vakadaro tsano Takunda
vashatirwa.Ndakaona kuti
munhu aive nehasha
dzakanyanya.

"Panganai arikuona kuti


nekunwa muchetura kwaitwa
naNakai mambo vanogona
kuchinja pfungwa dzavo
,muregei auye".Ndakadaro
ndichinyemwerera .Ndaida kuti
ini naye timboonesana tiri vaviri.

"Mambo vanogona kuuya kuno


chero nguva,tave kufanira
kudzokera tinodzoka usiku"
ndakadaro
ndichioneka.Ndakabuda
naMubatsiri naTakunda
akaramba kusara vaiti vaida
kuvepo paurongwa hwese
hwataiita.

"Ndokumbirawo kuti nhasi


munoswera pamuzinda
mambo.Ndirikuda kuti
muzondiudza zvimwe
patinoonana manheru tobva
taona kuti zvakamira
sei".ndakadaro asi ndaisaziva
kuti vakaenda kumuzinda
zvaizofamba zvakanaka here
nehasha dzavaive nadzo.

Ndaitya kuti vaigona kuzotaura


kana kuita zvimwe
zvaizokanganisa asi ndivo
vaifanira kuendako.

"Muwirirane namambo pane


zvese zvavachataura
nezvavarikuita.Musapikise
ndokumbirawo" ndakadaro
vakabvuma.Vakabva vaenda
zvavo ndakasara pamusakasa
wedu naMubatsiri.Takatanga
kugadzira zvombo zvedu.Ndaive
ndavekuda kupedza hondo
yerudo iyi.

Takaswerapo,ndakazonotsvaga
magoriyondo zuva
rodoka.Ndaiziva kuti ndaisvika
Nakai amukawo ,uye Wadza
aimadawo saka ndaifanira
kuvaikira.
Takatakura zvinhu zvedu
tikafamba tichienda kwaive
naNakai.Ndakasvika
ndichiona..........

*Ndipo paperera chitsauko 8*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774
(9)

*Panganai*

Ndaive ndakagara zvangu


nababa vangu padare .Paivewo
nevamwe vakuru
vanoshandidzana
nababa.Nyaya yaitaurwa ipapo
yaive yekuroora kwangu.

"Ko zvino munoti ndinoroora


munhu wandisati ndamboona
here baba" ndakadaro
ndakavatarisa.

"Ndakakutsvagira akanaka
pachiso,pachimiro uye
mahunhu.Ukamuona haufunge
kaviri Panga mwanangu.Asika
tomboti pamwe uribofu
hako,ukasamufarira
unotenderwa kuroora vamwe ko
vakadzi vanopera here"
"Ndapanzwa baba ,regai
ndimbomuona ndiyere kuti iye
naTambudzai ndeupi
anokodzera kuita
vahosi.Handingazoite mukadzi
mumwechete ka semunhu
achaita mambo kudai"
ndakadaro ndichinyemwerera
.Baba vakanyemwererawo
vachifara kuti ndaizoitawo savo
vaive nevakadzi vanomwe .Ini
ndaitoda kuzovapfuura zvangu
.Ko nemawandiro akaita vakadzi
zvinozomboda kuita
mumwechete here ,aiwaka kana
vadzimu vanganditsamwire.

Ndakaenda muimba yangu


yekurara ndikarara nemanhede
ndichienda kufunga kuti munhu
ainzi Nakai angave akanyatsoita
sei chaizvo.Ndakatsinzina
ndikatanga kunyatsoona
vasikana vakawanda vakanaka
.Ndakanyemwerera ndega
ndichibva ndati:
"Aaa ko zvandave
kutopenga.Ndirikuenda
kumuzinda kwavo mangwana ka
,ndomuona ndasvikako"

Ndakanzwa munhu aigogodza


pamusuwo,paakataura
ndakabva ndaziva kuti ndiamai
vangu.Vakapinda zvavo
ndikaona vandiigira zvokudya.
"Mazvinetsereiko amai
ndaizouya ndozviona kani"

"Kuzvinetsa kweiko
Panganai.Ndasara nemazuva
mashoma ekuzviita izvi .Kana
waroora ndinenge
ndichambowana mukana
wekusvika pedyo newe here
mira ndiite izvi ndichiine nguva
yacho"
"Zvaamai zvakaoma veduwee"
ndakadaro ndikaseka
ndikatanga kupakiswa
zvokudya.Ndakadya ndikapedza
zvangu amai vachibva vazoenda
zvavo.Vaisave mukadzi wababa
wekutanga,kureva kuti amai
vangu vaisave vahosi,vaive
mukadzi wechitatu pavanomwe
vaive nababa.

Pavana handisini ndaive


dangwe,paive nevashanu
pamberi pangu asi vaive
vasikana vose .Vadikiwo
kwandiri vaive
gumi,ndichiverenga kumadzimai
ababa ose.Vana vamai vangu
taive
vana,ini,Zvanyadza,Zvichanaka,
Zivanai.Taive vakomana vatatu
nemusikana
mumwechete,Zvanyadza.

Ndichipedza kudya ndakabva


ndarara ipapo ipapo.Mangwana
acho ndakamuka ndilagadzirira
zvekunoona Nakai,zvinoitika
kana vadzimu varikurutivi rwako
ka,ndakaona Nakai wacho
achitouyawo kumuzinda
kwedu.Pandakamutarira
ndakabva ndagoziva kuti ndiye
nekuti zita rake nezvaaive
zvaienderana.Baba vanga
vasina kupotsa kana nepadiki
pose pavairondedzera nezvake.

Takaenda tose kumuzinda


wavo,sematauriro andamboita
kana midzimu irikurutivi rwako
hapana chekutya,Nakai
akaerekana abaiwa
nemupangara .Ndakaona kuti
ndiwo waitove mukana wekuti
ndiratidze mwanasikana
rudo.Ndakamubereka zvangu ko
ndizvo zvaaive abairwa ndiripo
ka,akadii kubaiwa tisati
taonana.Zvaive namusiki mukati
izvi.Baba vake ndakavaona
nababamudiki vacho,ana amai
vainzi vane zvavarikuita hatina
kuonana.Ndakaswera
kumuzinda kwavo
ndikazodzokera hangu kwedu
zuva rovira.

"Baba bvudzi kuchena haro asi


maziso enyu haasati
aparara.Aewa munoona"
ndakadaro ndichangosvika.

"Kuona chii hooo urikubva


kwaZvandareva wamuona
Nakai?"

"Hongu baba ndamuona"


ndakadaro ndichitsinzinira
,ndakatoona chiso chake
ndikanyemwerera .Mwana aive
akanaka hake iyeye.

"Saka ndiye wauchatora ka"

"Nhai baba ndikasatora iye


ndingatore ani,uyu ndomuroora
svondo rino,panoperawo
mwedzi ndotora Tambudzai
,nekufambawo kwenguva ndoita
ndichiisa vamwe ,ko ndinika
munhu wacho ndotofanira
kukudza dzinza"

"Ndizvo zvakanaka mujaya


wangu.Ukaitawo vakadzi
vakawanda unoremekedzwa
nevanhu.Vanawo unoita
vakawanda sejecha
remugungwa,kana iye
musikavanhu anofara nazvo"

Takataura zvakawanda
nababa.Ndakazobvapo
ndikambotenderera ndichiona
muzinda .Mazuva akafamba
zvawo taigadzirira zvedu
kunotora mudzimai wangu
Nakai.Ndainzwa kufara
kani,ndanga ndave kuzobudawo
mugota sevamwe.
Mumwe musi ndaive ndakagara
zvangu padare nababa
nemamwe machinda ndipo
pandakaona nhume yamambo
Zvandareva ichisvika
pataive.Kwaive kwasara mazuva
maviri chete kuti ndinotora
mudiwa wangu.

Takakwazisana zvedu ,baba


vakaraira machinda kuti
ambosuduruka takasara tiri
vatatu

"Mambo vanga vandirairs kuti


ndikutaurirei kuti kana
muchikwanisa musvike
kumuzinda kwedu" akadaro
akatsikitsira.Aisave nemufaro
zvinova
zvakandivhundutsa.Ndakatarisa
baba vachibva vati:

"Ko kwakanaka here?"


"Zvakawanda vati vanotaura
masvika .Ndizvo zvega
zvandanzi ndikuudzei".

"Zvakanaka,kubva handei hedu


tose ".

Takasimuka ,ndakaona amai


vakamira nechekure ndikaenda
pavaive.Ndakavataurira zvaive
zvabva kumuzinda wamambo
Zvandareva.

"Ndinovimba kuti zvinhu zvese


zvikaringana ikoko" vakadaro
vachiratidza kuti vaive vatosuwa
mbichana.Ndakavasimbisa
ndikafamba zvangu ndichienda
kwaive nana baba.

Kwaisave kure saka hatina


kunonoka kusvika.Takasvika
mambo vari mumba
mavo.Takanzi tipinde
muneimwe imba tikagara imomo
nababa takamirira mambo
Zvandareva.

Havanawo kunonoka zvavo


,vakauya asi chiso chaivo chaiita
sechemunhu abva kudyiwa
kuhondo.Vairatidza kubatikana
kwazvo ,hana yangu yakatanga
kurova ndichishaya kuti
chingave chiri chii chainge
chaitika.Munin'ina wavo
akapindawo tikamhoresana
nekubvunzana hutano.Pakaita
kanguva munhu wese akati
mwiro.Mambo Zvandareva
vakazogadzirisa pahuro
vachibva vati:

"Mazoona ndakusheedzai
pano.Nyaya iripo ndeyekuti
takawirwa nedambudziko"
"Dambudziko? Idambudziko rei
Zvandareva kwaita hondo here
,urikuda rubatsiro here asi
zvakaitika gore riye
zvadzokorodza?" Vakadaro
baba ndikaramba ndakavatarisa
ndichishaya kuti igore ripi
ravaireva.

"Kwete Mupini.Iyi nyaya yacho


yakaoma"
"Zvii zvaitika baba"
ndakabvunza ndakatarisa
mambo Zvandareva.Ivo
vakangobata musoro
vachipukuta pukuta zuda ravo
.Munin'ina wavo ndiye akazoti:

"Nyaya iripo ndeyekuti Nakai


haasikuda kuroorwa
naPanganai"

"Ah kuti zvadii?.Kuti kwauyei


anozoramba kuroorwa
naPanganai pamusaka pei?
Zvandareva chii chirikuitika aripi
Nakai wacho ataure nyaya
yake" vakadaro baba.

Ndakaramba ndakanyarara
zvangu ndichitarisa vanhu vese
.Mubvunzo wangu waive pakuti
kana Nakai aisandida aizouya
sei kumuzinda wedu
kuzonditsvaga.Ndaive
nemibvunzo yakawanda ,iye ega
ndiye aikwanisa kuipindura
Nakai.

"Nakai haapo pano arikutorwira


hupenyu hwake akanwa
muchetura" vakadaro
babamunini vacho.Hana yangu
yakarova.Ko aida kufa ,kutofa
chaiko kwekufa.

"Chirikuita kuti asade kuroorwa


neni chii?" Ndakadaro
ndakaruma meno
nehasha.Ndaitoona Nakai
achiwirirana nemumwe
mukomana vachifara .Izvozvo
ndizvo zvandaisada ka.Kana
munhu anzi ndewangu hapana
ka aifanira kuzomuwana kana
kumutora.

Kusiyana naNakai ndizvo


zvaisazomboita kana.
"Haasikuda nekuti haakude
Panganai" vakadaro babamudiki
vacho vakambonyarara
vakaenderera mberi vachiti

"Ndine hurombo ndinoziva


maive nekuronga mukawirirana
kuti Nakai achave waPanganai
asika mwana haasikuzvida
.Ukapfeka shangu idiki
haufambe rwendo rwakareba.
Hatingamanikidze mwana kuita
zvaaisingade ka izvozvo
hazviite"

"Saka murikuyedza kuti chii


apa?"

"Zvaunoita kunge wakangwara


wani.Ndirikuti hazviite kuti
uroorw Nakai nekuti
haasikuzvida"

"Aewaka Zvandareva chii


chavekutaurwa panapa
manje.Kwasara zuva
rimwechete moti
hazvichaite.Munonzwisisa kuti
tiri vehumambo here ,matunhu
ose ofamba achiti Panganai
arambwa naNakai musi
wekuroora zvinobuda
zvakanaka here?" Vakadaro
baba vakatarisa baba
vaNakai.Ivo havana kupindura
vakangotarisa pasi zvavo
vakanyarara.
"Zvekuti Nakai naPanganai
havacharoorane
ndezvekunyepa.Zvandareva
unoziva zvakaitika pa......"

"Panganai naNakai
varikuroorana" ndakanzwa baba
vaNakai vachidaro.

"Murikutii baba Nakai?"


Ndakanzwa mambokadzi
vachipinda vachidaro

"Hatisisina nguva yekuzvichinja


izvi uye mukomana aidiwa
naNakai wacho akafuka rake
oga saka akasarorwa
naPanganai anotorwa
nani?"vakadaro baba vaNakai
ndakaona munin'ina wavo
aramba akaudyura maziso
akavatarisa .Aida kutaura asi
baba vaNakai vakabva vati:
"Mogadzirira hurongwa
hurikuenderera mberi kana
Nakai anaya"

"Hazvibvire kuti tichimirira


kupora kwake nekuti kana apora
anogona kutiza ,zvakanaka kuti
ndiuye ndiroorw mangwana
chaiye ,paanoporawo anenge
atove mudzimai wangu hapana
kwaanenge
achatizira"ndakadaro
ndichinyemwerera .

Mambo Zvandareva ndaiona


kuti vaisave nemufaro
vaingobvumira zvavaisada asi
hany'a nani ,mufaro wavo
ndaivei nawo zvangu.Inini
ndaizoroora svusvurandadya
yangu zvopera
zvakadaro,vachida vasingade.

Hatina kuzombotaura
zvakawanda hedu takabva
tasimuka nababa.Ndaida
kuenda kunaNakai kunomuona
asi vakati vaive varambidzwa
kusvikako nesvikiro kwaidiwa
Takunda naWadzanai voga.

"Zvakanaka,tichamuona kana
vave kutendera ,mogadzirira
mangwana tirikuuya kuzobvisa
pfuma" vakadaro baba tichibva
tapinda mumugwagwa unoenda
kwedu.
"Baba chii chakaitika pakati
penyu naMambo
Zvandareva,ndaona kuti pane
zvamanga muchida kutaura
vakakuvharai musati maburitsa
mashoko"

"Zvakaitika ndezvekuti........"

*NAKAI*
"Nzira yawatora haisiriyo
inoenda kwaurikufanira kuenda"
ndakanzwa izwi remunhurume
richidaro.Ndakacheuka
nekukasika nekuti ndaive
ndarifananidza neraTashinga.

Ndakaona ari mumwewo


murume aive kumashure
kwangu.Ndakaramba
ndakamutarisa ndichida kuedza
kubatanidza kuti aive aziva sei
kuti ndirikuenda kusiriko.

"Nzira yaurikufanira kutora


ndeiyo iripazasi apo.Mhanya
mwanangu ukasike kusvika"

"Aewaka ndiyo nzira yandabva


nayo iyo ndikaitora iyoyo
ndinenge ndakudzokera
kwandabva kaapa"
"Hongu dzokera ikoko ,kuno
hakuna nzvimbo yako"

"Ko ndodzokera kunoitei


Tashinga wangu asiko.Aenda
kupi Tashinga wacho handina
chandinodzokerera asipo"
ndakadaro ndichiita nharo.Baba
vaye vakatanga
kundinyengerera kuti ndidzokere
ndichiramba.Vaiti Tashinga ariko
asi ndaiziva kuti vaindinyepera.
Ndakaita mazuva maviri
ndichisangana navo
ndichingoramba kuenda
chete,zuva randapedzisira
kuvaona vakatanga
kundimhanyisa vachindirova
neshamhu.Ndakamhanya
kusvika ndabuda vachibva
vandivharira kunze.

"Aewa vhurai kani!,ndivhurirei


ndipinde,vhurai nditore Tashinga
wangu kaniiiii!!!!" Ndakachema
ndichidaro.Ndakanzwa
ndabatwa ruoko ndikanzwa izwi
raiti:

"Nyarara Nakai ndiripano


ini",ndakanzwa ari Tashinga
.Ndakavhura meso angu
ndikaona ariiye
zveshuwa.Ndakatsokota maziso
acho kakawanda akapedzisira
avekutondiseka.Ndaisave
nesimba ndingadai
ndakamurova chete.Ndakatarisa
mumba mataive ndakaona kuti
ndemagodobori nezvamaive
makaita,ivo vakabva vapindawo
namukoma Takunda
naWadzanai nemumwe
mukomana wandisina kuziva.

Tashinga akabva abuda panze


hake ndakanwiswa mvura yaive
nemamwe mashizha
andaisaziva.Ndaiona vanhu
vese vaivemo vachinyemwerera
chaizvo.Hapana kuita nguva
refu ndakaona Tashinga adzoka
nebota akatanga
kundinwisa.Semunhu aive
nemazuva asina chaadya
ndakarinwa rese ndikapedza
akaraira wadzanai kuti anotora
raive rasara pamoto ndikarinwa
zvakare .Ndichipedza ndakabva
ndatobatwa nehope zvangu.

Ndakapepuka ndiri pamakumbo


aTashinga.Iye paakandiona
ndamuka akabva ati:

"Zvawakaita wakazviitirei Nakai"

"Aaah ko ndakaita sei?"


Ndakadaro ndichitonzwa
kuzvinyarira nezvandaive ndaita
zvacho.

"Kuzviuraya ndiko kuita sei?"


Akadaro nezwi rine
ukasha.Ndakaramba
ndakanyarara ndikanzwa achiti:

"Aewaka ,ndaane mazuva


matatu ndichitaura newe
wakanyarara wakarara
apa.Haunete nekunyarara
kwacho here .Ngatitaurei tione
apa ndirikuda undipindure
.Wamuka iwewe".
"Ndine hurombo
Tashinga.Ndaisakwanisa
kurarama usipo ini.Ndairarama
sei ndichiziva kuti waurawa
nekuda kwangu Tashi"

"Usati wanwa mushonga


wakatanga wambofungawo kuti
vamwe vanosara vanosara
vachinzwa sei here.Vangani
vanhu vakafirwa vachiri
kurarama nanhasi vangani
Nakai.Nyangwe dai zvainzi inini
ndafa inini hazvaikutadzisa
kurarama Nakai wa......."

"Unonyepa Tashinga.Dai
wakafa hupenyu hwacho
hwaisazombove sezvahuri
.Zvinobatsirei kufema mweya
unopisa"

"Nakai chaunofanira kuziva


ndechekuti zvinhu zvese zvine
zvazvinoitirwa naNyadenga.Uye
pazvese zvinoitika Musikavanhu
vanenge vaine zvavanenge
vakaronga zvakanaka kumberi
saka panezvese zvinoitika
haufanire kumbobvira wafunga
zvekuzviuraya wazvinzwa
.Akatiisa panyika ndiye anoziva
zvaanenge akatirongera ,ndiye
anoziva paachatitora .Kana
nguva yakwana tinoenda ,kana
isina kukwana nyangwe vavengi
vakaronga sei havabudirire "
"Ndazvinzwa mudiwa.Ndine
hurombo mudiwa wangu
Tashinga.Ndakatadza kuzvibata
pandakanzwa kuti
watisiya.Handichazvipamhe
zvakare .Ko wakapona sei?"
Ndakadaro akanyemwerera
akanditarisa .Akarondedzera
zvakaitika zvacho ndikaoma
mate mukanwa .Aifunga zvake
mukomana wangu ndakapa
kutenda .
Mukoma Takunda vakazouya
naWadza nemukomana
wandaisaziva ndakazoudzwa
kuti ndiMubatsiri mwana watete
vaTashinga.Ndakatanga
kutukwa hangu nehama dzangu
,Tashinga aive akanyarara
zvake achibata bata bvudzi
rangu.

"Ndibatsirewo kani Tashinga"


ndakadaro ndakamutarisa
achibva angoseka akabuda
hake ndikasara
ndichisekwa.Haana.kuita nguva
ndakaona aona nemagoriyondo
nehusika ndakafara
.Ndakapihwa ese Wadza
akatanga kundikumbira
ndikamunyima ndakazomupa
aneta nekunyengerera.

Vakomana vakazobuda
ndikasara
naWadzanai.Ndakaona amai
vauyawo vakafara vachiona
ndamuka.Ndakarwadziwa
ndichiona vachisvimha misodzi
.Ndakavavimbisa kuti
ndaisazombofa ndakadzokorora
zvandaive ndakaita zvakare .

Ndakazoona ana mukoma


vadzoka.Tashinga haana
kumbopinda aisada kuonana
naamai,Mubatsiri naTakunda
ndivo vakapinda ,Mubatsiri
akanzi ishamwari yaMukoma
Takunda .
"Nhasi tirikudzokera tese
kumuzinda ,ndanzwa kuti
Panganai arikuuya kuzoroora
mangwana.Haafanire kuudzwa
kuti Nakai amuka.Kunyangwe
baba vacho zvakare hatifanire
kuvataurira izvi"vakadaro
mukoma Takunda
.Ndakavhunduka kuti Panganai
aizoroora sei .
Takunda,Mubatsiri nanaamai
vakazodzokera kumba
ndakasara naWadzai
naTashinga.

"Usatye hako mbabvu


yangu.Hapana zvaanokwanisa
kuita Panganai.Mangwana
ndichamukira
kumuzinda.Ndinofunga kuti
parizvino wave kuvimbawo neni
manje,usandityire " akadaro
achibva anditsvoda pamuromo
chaipo.

Takazotaura nyaya hedu tiri


vatatu kusvika
kwadoka.Wadzanai naTashinga
ndivo vakabika havo tikadya
tose .Svikiro rakanga
ragutsikana kuti ndapora
,anaTashinga ndivo vaive vati
ndichaita svondo rese ndichinzi
handisati ndamuka,zvichireva
kuti ndaizogara pamba pesvikiro
kwesvondo iroro.
"Ini mangwana ndoendawo
kumuzinda ini.Handidi
kupfuurwa ndinoda kuona zvese
zvichatora nzvimbo urikusara
nagodobori muri vaviri" akadaro
Wadza ndikamutarisa neziso
raiti usandidaro,iye akaseka
hake Tashinga akati

"Wagona mukadzi
tirikunetsekana neiko
apa.Mangwana ndongoti
kunaPanganai honaka
shamwari,Nakai mukadzi wangu
inini uyu anonzi Wadzanai ndiye
ave mukadzi wako wawaroora
uyu ,tora hako haana munhu
uyu"

"Aaaaaah Tashinga!" Akadaro


Wadza achisimuka,Tashinga
paakaona Wadza asimuka
akabva asimukawo akatanga
kutiza.Vakatanga kumhanyisana
ndaitevera mumashure mavo
ndichiseka hangu.

*Ndipo paperera chitsauko 9*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(10)

*Takunda*
Pandakatsanangurirwa
hurongwa hwaTashinga
hwakaita kuti azobuda
munyatwa maaive apinzwa
nababa ndakakatyamadzwa
.Uchimuona Tashinga
waisambofungira kuti munhu
ane njere dzakarodza kudaro.

Moyo wangu wakanzwa


kusununguka uye wakazara
nemufaro pandakaona kuti vese
naNakai vaive vapona
apa.Ndakafara zvangu dai paive
nemumwe wavo aizotisiya
ndaisazombove nemufaro
mumoyo mangu zvachose .

"Tsuro haife yakapona murutsva


kaviri Tashinga.Apa baba
vakatokuona kuti uri mupenyu
havazeze kukuisa bakatwa
pamoyo" ndakadaro panguva
yataipangana mazano.
"Ateya mariva murutsva haatye
kusviba magaro baba.Iyeni ndini
ndakateya mariva angu pana
Nakai,ndotya kusvika
rinhi.Hondo yacho matangiro
ayo ndiwaya.Kana ndikafawo
ndichafa ndichiziva kuti
ndakaedza" akadaro
akanditarisa

"Ndiripo pakukusimbisa ,ndiripo


pakukubatsira.Kana ndiri
mupenyu haufe .Anoda kuuraya
iwewe achatanga abaya
inini.Apa urikufunga kuti todii?"

"Nhasi muchanorara kumuzinda


.Taurai nanababa zvakanaka
,musawanze hasha,itai kuti
munzwe kuti chirikunyanyoita
kuti vade kuroodza Nakai
chii?Chirikuita kuti vabvume kuti
aroorwe nyangwe ari
patsekwende yakadai
chii?.Baba ndimambo,zvedi
pachokwadi chaipo hapana
pavaimbobvuma kuti izvi zviitike
pane zvatisirikuziva zvirikuitika ".

"Neniwo ndaizvibvunza ndega


kuti chii chirikuita vadai asi
ndakashaya mhinduro.Usatya
ndichataura navo ndonzwa
kubva pavari ivo mbune"

"Kana vakaramba kutaura


shandisai zvombo.Musavarove
musavakuvadze ,tyisidzirai
chete kusvika vataura
chokwadi.Kana manzwa nyaya
yacho ndinoda muuye pamuti
wemuuyu uripedyo nemuzinda".

"Zvakanaka ndichaita
sezvawareva"

"Ndinotenda .Izvi tinofanira


kuzviita kuseni
chaiko.Panosvika anaPanganai
tinofanira kunge tavekutoziva
chokwadi
chakakwana.Musandirasise
tsano" akadaro akabatanidza
maoko ake .

"Tashinga,ndinokurasisa sei
uriiwe munhu akandibvisa
mukanwa meshumba.Kuti ndive
mupenyu nhasi ndiwe uyezve
ndiwe unounza nyamwerero
pachiso chehanzvadzi
yangu.Ndikasaita kuti umuroore
iwewe anoroorwa
nani,nedzangu dzakakwana
unoti ndingape Panganai
mwana wamai vangu
here"ndakadaro tikabva
tambundirana.

"Mubatsiri muchaenda naye


kumuzinda kana
zvichiita.Ndinoda kuti akubatei
kana moda kushandisa hasha
,ndakakuonai zvangu munadzo
dzakawanda " akadaro
Tashinga ndikaseka
zvangu.Takambodzokera
kunaNakai tikataura mbichana
ndikazobva naMubatsiri zuva
rodoka.Takasvika kumuzinda
ndakaona babamudiki
vachingofamba famba
pachivanze .Pavakandiona
vakafamba vakauya pandaive.

"Baba vako handizive kuti


varikunyatsozvifambisa sei
ini.Ndaitika pavachaona Nakai
aedza kuzviuraya kudai pfungwa
dzichadzokedzana manje aah
vakaroiwa neakafa chete
ndakanda mapfumo pasi".

"Kana neni handina shumo


nezvirikuitwa nababa.Ndaiti
murikuronga mese kaini"
ndakadaro ivo vakanditarisa
vakati:

"Takunda mwanangu.Pavanhu
vese ungati ndingamire
nezvakapusa kudaro.Ipapa
ndirikuda kutodzokera kumba
kwangu.Handikwanise kuvepo
pamarooro aNakai".

"Aaah nhai mambo wangu


mungabva madaro here.Handei
tinonzwa kubva kuna baba ,ivo
mbune ndivo vanokwanisa
kutaura kuti varikuitirei
zvavarikuita izvi".ndakadaro
"Parizvino vabuda hameno
kwavaenda havapo pano .Rega
tinovaona kana vadzoka "
vakadaro
babamudiki.Vakazotokwaziswa
naMubatsiri ipapa anga asina
kumbowana mukana wekutaura
navo nekuda kwenyaya
yataizeya yainetsa iyi.

"Baba uyu ishamwari


yangu,yepamoyo chaiyo anonzi
Mubatsiri.Ini naye tinenge
magadziko,pasina rimwechete
haugare zvakanaka" ndakadaro
baba vakaseka .

"Aewa ndaona kuti


munonzwanana kwazvo
,ndafara ndakuona Mubatsiri".

"Kana neniwo baba " akapindura


Mubatsiri.Takazobvapo
tikasangana nevamwe vanhu
vaivepowo pamba
pedu,shamwari dzababa dzaive
dzauya kuzoona mwanasikana
wavo achiroorwa.Takakwazisa
vose tikazoenda mugota mangu
.Pfungwa dzangu dzaifunga
zvakawanda ,kune rimwe rutivi
kwaive nenyaya yaNakai,kune
rumwewo rutivi ndaifunga
mudiwa wangu Chengeto.

"Nhai Mubatsiri,ndodii apa


,ndine musikana wandakatanga
kudanana naye manje manje
apa.Musi waakandida ndiwo
musi wandakapedzisira
kumuona,ndiwo musi wanwa
Nakai muchetura ,zvino haasi
avekutondifungira parefu here"

"Haa zvakaoma ,asi mazuva


acho haasati anyanyofamba
aya.Kungoti vasikana
havanzwisisike ,iyeniwo wangu
musikana ndave nemazuva
ndisina kumuona .Pandakauya
kuno handina kumutaurira apa
anogara kudunhu
kwaMupiniwaguka uko wenyu
ndewe mudunhu rino here"

"Aewa haasi wekuno uyo ndipo


pandirikuchema napo,anogara
kure "

"Haa chiitai mungoroora,iyi


yaNakai ikapera motora munhu
wenyu.Musatye munotaura naye
momuudza zvese kana
achikudai zvechokwadi
anokunzwisisai"

"Ndinovimba kuti anonzwisisawo


uye ndinovimba kuti wakowo
haakufungire
zvisizvo"ndakadaro ndikanzwa
ndichidanwa panze ,raive izwi
raamai ndikaziva kuti nguva
yekusvusvura yaive
yakwana.Takabuda tose
naMubatsiri tikaenda kuimba
yokudyira .Takadya tikapedza
,baba vakapinda tatopedza
takaramba takagara zvedu
.Ndainyatsovatarisisa vachidya
sadza vachiita kunge ririkuvava
,vaifinyama finyama zvemunhu
arikuzvimanikidza kudya asi
asirikuda.

"Ko mukazodya muchifinyama


kudai manje iro sadza racho
richinaka,pasina
arikukumanikidzai zvakare ,ko
Nakai anozodii arikumanikidzwa
kuroorwa nemunhu waasingade
Panganai ,ane chiso chinenge
ndove yatsikwa nenyatera
yaTinazvo".ndakadaro
ndakatarisa baba ndichinon'ona
mazino angu
zvangu.Ndakanzwa ndatsikwa
naMubatsiri ndikaziva kuti
aindiudza kuti ndisaite hasha .

Baba vacho vakaramba


vakanyarara zvavo ndikati:
"Saka hana haisikumborova kuti
chipoko chaTashinga chinogona
kungouya muchitodya sadza
ipapa.Aaa dai akamuka chipoko
mangwana,angazobvuma kufira
mahara here.Akafira Nakai
kauye ,zvino Nakai wacho
akutoroorwa mapfupa
aTashinga asina kuvigwa,saka
akatofira mafufu
segonzo.Zvakaoma,,inini
ndikaitawo atezvara vanenge
vaTashinga ndirikutofawo manje
manje ,zverudo zvine makuva
izvi" ndakadaro ndikaona baba
vachipukuta kumeso ndakaziva
kuti zvaive zvarwadza mumoyo.

Ndakaseka nechemumoyo
zvangu ndikaenderera mberi
nenyaya yangu ndikati:

"Saka Nakai anga anzi


achamuka here akutoroorwa
uyu.Iyo hana haisikurova here
munhu achida kutambira pfuma
yemunhu anogona kungonzi
ashaya chero nguva.Kana iko
kuda pfuma kwacho iii.........."

"Nyarara Takunda nyarara!!!!


.Urikuti ndirikumbodawo
kuroodza Nakai wacho here apa
.Nezvakaitika kwaari
handichade kuti aroorwe
newaasingade asi kuti
ndaka....... " Vakataura nehasha
asi havana kupedza vakabva
vafamba vachibuda .Ndakasara
ndikaseka ndikarovana maoko
naMubatsiri.Ana amai hapana
chavainzwisisa.Baba mudiki
vakangosekerera.Vakapedza
kudya tikabuda tichienda kuimba
yababa yekurara.

Ndini ndakatanga kupinda ana


babamudiki vakambosara
panze.Ndakasvika ndikaona
baba vachisvimha misodzi
.Vakaita nguva vachichema
vasina kundiona .Pavakandiona
pacho vakabva vatarisa kurutiva
vakabva vapukuta kumeso
kwavo.Ndakaramba
ndakanyarara ndichishaya
pekutangira.

Ndakangofamba ndikanovabata
pabendekete.Ivo vakanditarisa
ndikati:
"Baba ndinoziva kuti muri
mambo wakanaka kuvanhu.Muri
baba vakanaka kwatiri....."

"Handisi mambo akanaka


Takunda.Handisi baba
vakanaka.Dai ndirimambo
akanaka ndaisazomboita kuti
mukomana waNakai aurawe
.Dai ndiri baba vakanaka ndaiti
mwana asarudze ega waanoda
kuti amuroore manje tarira
zvandakaita.Ndakarumwa nzeve
kakawanda handina
kuteerera.Tarisa ndakauraisa
munhu anga asina chitema
neni,Tarisa izvezvi Nakai
aripanguva yakaoma nekuda
kwangu.Asiwo ndaizodii maoko
angu aive akasungwa ,achiri
akasungwa handigone
kusunungura".

"Hakuna chinhu
chisingagadzirike
baba.Ndokumbirawo
munditaurire zvakaitika zvirikuita
kuti muve zvamusiri.Mude
zvamusingade,chii chakaitika"

"Hapana hapo nyaya ap....."

"Zano ndega akasiya jira


mumasese mukoma.Taurai
nyaya yenyu tigone kubatsirana
.Tomboti hapana chatinogona
kuita kuti Nakai naPanganai
vasaroorane asi tinofanira
kuzivawo ka kuti chii chazoita
kuti mwana amanikidzwe
kuenda kwaasingade".vakadaro
babamudiki vachipinda
naMubatsiri.Baba vakatarisa
mudenga vakanyarara vakazoti:

"Nakai akagara apihwa


kunaPanganai kare asi hapana
anozviziva.Kare takaita nzara
mudunhu medu muno.Vanhu
vaifa nenzara ,samambo
ndaisazongogara ndakayeva
vanhu vachifa saka
ndakatsvagawo
rubatsiro.Ndakabatsirwa
naMupiniwaguka ndakabva
ndamuvimbisa kuti mwana
wangu musikana aizotorwa
newake mukomana.Nekuda
kweizvozvo Mupiniwaguka anga
avekundibatsira pese pandaida
rubatsiro".vakambonyarara,tese
hatinawo kuti bufu
,vakazoenderera mberi vachiti:
"Dunhu rino rakamboda
kupambwa ,baba Wadza
unozviziva iwe,mauto
aMupiniwaguka akauya
akabatsira tikakunda .Handina
wandaitaurira izvi ,ndikaramba
naNakai wandakamboti
ndichavapa panoita hondo
pano"

"Ah zvakaoma zvino iye


Mupiniwaguka ane vakadzi
vanganiko uyo,mati Panganai
haaitewo sababa vake
here,Mwana wenyu anorigona
barika?" Ndakadaro
ndakadzikamira zvangu
ndikaona vave kukwenya
musoro.

"Kusakwana kwaPanganai
kwacho ndakuona paaiti arikuda
kutora munhu arikurwisana
nerufu.Hazvitoite kuti Nakai
atorwe nemunhu akadaro
"vakadaro babamudiki

"Zvino ndodiiko pakaita hondo


tese tinoparara ,mauto
aMupiniwaguka ndinomaziva
haana kujeka.Kana anaHondo
vedu ava havakwane"vakadaro
baba vachiratidza kuti pfungwa
dzavo dziri kure.

"Zororai zvenyu,ndimi
makabvuma kuti atorwe
naPanganai penyu makasakura
mukazunza ,inini ndichaita kuti
asatorwe naPanganai wacho"
ndakadaro ndichitofamba
ndichibuda .

Mubatsiri akateverawo
tinakanorara,kwaingove
kuzorodza nyama asi pfungwa
dzanga dzakawandirwa.Zuva
robuda ndipo patakanoona
Tashinga pataive takawirirana
.Takasvika atovepo asi aive
akazvivhara kumeso kuti
asaonekwe.

Takakwazisana ,ndakabvunza
hutano hwaNakai akandiudza
kuti aive asimba
hake.Ndakamutsanangurira
zvaive zvataurwa nababa
panyaya yaPanganai.

"Saka tongoti Nakai akazvarirwa


kuna Panganai nhai.Vanhu vane
kuronga kwavo asi musikavanhu
ane kuronga kwake.Nakai
ndewangu " akadaro
achinyemwerera zvake achiita
seatoroora Nakai wacho.

"Ndirikufanira kuendawo
kumuzinda manje pane
zvatirikufanira kuita ikoko asi
handifanire kuonekwa" akadaro
Tashinga ndikamuti
"zvakanaka usatye "

Takafamba takasiya Tashinga


pedyo nepamba ndikapinda
naMubatsiri.Ndakaunganidza
machinda ese kuseri kwemba
.Ndakaona kuti vese vavepo
ndakazevezera Mubatsiri kuti
anoudza Tashinga kuti apinde.

Ndakazoona Mubatsiri auya


nababamudiki kuseri
kwataive.Ndakatanga kutaura
nemachinda zvangu.

"Nhasi hanzvadzi yangu


irikuroorwa mese
murikuzviziva.Muite basa renyu
nemazvo".

Ndakataura zvimwe
zvaisambove nemusoro
.Ndakanzwa kamuridzo
ndikaziva kuti Tashinga aive
apedza zvaanga
afambira.Ndaisamboziva kuti
aiitei zvangu.Ndakangobva pane
vamwe ndokupinda muimba
yababa ,ndakavashaya imomo
ndikatanga kutsvaga kune
dzimwe dzimba dzese
ndakavashaya.

Ndakasangana naamai
ndikavabvunza vakatiwo vanga
vasina kuona baba.Takatsvaga
pese pese nemachinda asi
mambo hatina kuvawana .Tichiri
kutsvaga kudaro ndipo
pandakaona anaPanganai
vachisvikawo.Vakachingamidzw
a nemachinda vakauya
vakapinda mumba.Ndakabuda
zvangu ndichitsvaga baba
ndaive ndave kunetsekana
nekuti vaigona kuitawo saNakai
ka.

Ndakatuma Mubatsiri
kunaTashinga ndaida kunzwa
kuti aiziva kwaive nababa here
.Mubatsiri akadzoka akanditi:

"Hanzi musatya,varipo
pamuzinda asi anaPanganai
varikufanira kuudzwa kuti
mambo havasi kuoneka"

"Zvakanaka"
Ndakanogara zvangu paive
nevamwe ndikakwazisa vese
zvakanaka ndikazoti:

"Nyaya iripano ndeyekuti baba


havasikuwanikwa ,tabvira kare
tichivatsvaga tirikuvashaya isu"

"Tavekungoita zvatafambira kaa


kuno,vachadzoka havo handiti
vaenda vega" akadaro Panganai
ndikaseka nechemumoyo
.Ndakasunga chiso ndikati:

"Kana vaMupiniwaguka vasiko


ndiwe unotonga kudunhu
kwenyu.Kana kuno baba vasipo
ndini ndinotonga
kuno.Hanzvadzi yangu
hairoorwe baba
vasipo,hanzvadzi yangu
hairoorwe irikumba kwen'anga
nekuda
kweurwere.Chekupedzisira
ndinoti hanzvadzi yangu
hairoorwezve nemunhu
waisingade" ndakadaro
ndakasunga chiso,babamudiki
vakabva vabvumirana neni
ndipo pakatanga kupopota
vanhu vekwaMupini.Panganai
aiita kupupa nehasha achidya
magaka mambishi.

Ndakaramba ndakagara zvangu


ndakanyarara ndichiita
sendaisavepo.Ndaitonakidzwa
nekupupa kwaiita Panganai.
"Kana mapedza kupopota
modzokera kumusha
kwenyu,apa ndirikuda
kumbotsvaga baba vangu
,zvimwe kuda vatorwa
nemuvengi".Ndakadaro
ndichibuda naMubatsiri
wangu.Takaenda kwaive
naTashinga ndikamuudza
zvaive zvaitika akangoseka
hake.Takambotaura
zveurongwa
hwedu,ndakadzokera
pamuzinda ana Mupini
vadzokera kwavo.

Ndakaunganidza mauto
ndikamati agadzirire hondo
,ndakanotora Tashinga tikaenda
kumba kwesvikiro
kwatakasvikoona
mashura.Svikiro raisavepo.

Wadzanai airatidza kuti aive


arohwa ,anga akangoti rapata
aripasi,Nakai aive asipo.

"Uku ndiko kunonzi kupinda


nemwenje mudziva kwawaita
Panganai,tsano sarai muchiona
Wadza ndakunotora mukadzi
wangu" akadaro achitora uta
nemuseve .

"Hazviite kuti uende wega


Tashinga vanhu vekwamupini
va......"

"Handina wandinotya.Ndikaenda
ndega zvakanaka nekuti imimi
mukaenda ndimi murikutodiwa
.Inini hapana anondiziva
ndonoita zvinhu zvangu
zvakanaka.Musandityire uye
kana ndiripo mwana wekumba
kwenyu hapana
chinomuwana.Ndinodzoka
manje manje"akadaro
achitofamba achienda.
"Sarai naWadzanai inini
ndavekutevera
Tashinga"akadaro Mubatsiri
achitorawo uta nemuseve
achiteverawo Tashinga.

Ndakasara ndikaisa Wadzanai


mumba mesvikiro.Svikiro
rakadzokawo rikatanga kurapa
Wadzanai apa ndaiita kuvira
nehasha.
"Saka matadza kuona kuti
zvakadai zvichaitika here ?madii
kugara mataura tazvidzivirira"
ndakadaro ndakatsamwa
.Vakanditarisa vakati:

"Kana zvinhu zvichitofanira


kuitika zvinongoitika nyangwe
tikazama kudzivirira.Kana
vadzimu vakati ndizvo
zvichaitika hatikwanise
kuzvichinja" vakadaro
ndikaramba ndakanyarara.

Mashoko esvikiro aitenderera


mupfungwa dzangu.Saka
zvaireva kuti Nakai aifanira
kutongotorwa naPanganai
here?.Ndakaramba
ndichizvibvunza asi hapana
aikwanisa kundipindura.

Ndakangogara svikiro richiita


zvaraiita,Wadzanai
achingomuka ndakabva
ndaenda naye kumuzinda
.Ndakasvika ana amai
vakatanga kundinama
nemibvunzo,handina
wandakakwanisa kutaura naye
ndakangovapa Wadza nai.

Ndakaenda ndikatora mauto


angu ndikapinda mumugwagwa
unoenda kwaMupiniwaguka
.Hatina kure kwatakaenda
takaona svikiro rakagara pakati
pemugwagwa .Ndakanzwa
richiti:

*Ndipo paperera chitsauko 10*

Ndine hurombo pane


zvakawanda zvandirikuita,bhuku
redu rinouyawo pandinenge
ndakwanisa
kunyorawo.Ndinotenda
nerutsigiro
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(11)

*Nakai*

Dai pasina kuti ndaive ndanzwa


marwadzo pandakaedza
kuzviuraya apa ndingadai
ndakanwa mumwe mushonga
pandakamuka.Apa ndaive
ndounwira nyadzi.Chokwadi
ndainamatira kuti pasi
pandimedze hapo.Wotiwo
urikufira munhu afa nekuda
kwako,wovhura meso woona
akakutarisa hake asina kana
vanga zvakaoma hazvo.

Ndakanyatsoona kuti ndine


dzungu zvangu ,uye ndakabva
ndadzidza chidzidzo chekuti
munhu haufanire kumhanyira
kuita chinhu usati wawana
chokwadi chizere.Ndakaona
zvakare kuti munhu haufanire
kuita chinhu nekuda kwehasha .

Pandakamuka ndipo
pandakanyatsonzwisisa kuti
pamwe pacho tinenge tichitoti
tagona asi pasina zvatinenge
taita.Hongu unogona kubudirira
kufa asi kufa kwacho unoziva
here kuti vanosara vanosara
vachiitawo sei.Kazhinji rufu
rweumwechete runokonzera
dzimwe ndufu dzakawanda
seipapa dai
ndakanyatsofa,Tashinga,amai,b
aba handifunge kuti
vaizomborarama.Ehe kurarama
tomboti vairarama asi
vaisazombofa vakava nemufaro
sewavaiva vainawo kare .

Munhu unogona kuzviona


seusina kana basa
kuvanhu.Unoona seusina
kukosha ,unogona kuonazve
seunosgungurudzwa asi ziva
kuti pane umwe munhuwo
anototadza kurarama zvakanaka
usipo.Ndakanyatsozviona ini kuti
kuzviuraya hakupedze
dambudziko.Chero zvikaoma sei
kuzviuraya hakusiriko
kunokuburitsa mudambudziko
raunenge wasangana
naro.Hapana dambudziko
rinofanira kukukurira zvekuti
unosvika pakuti kufa kuri
nani.Dambudziko rese
raunosangana naro ziva kuti
unofanira kurirwisa worikurira
nekuti akatiunza panyika haaite
kuti tisangane
nezvatisingakwanise kukunda.

Pakutaura nevamwe vangu


ndakaona kuti ndaive
ndakanganisa .Ndakatsidza kuti
ndaisazombofa ndakazvipamha
zvakare .Ndakaudzwa hurongwa
hwaiitwa nanaPanganai.Zvese
zvairongwa nekuitwa ndaiudzwa
naWadzanai.Inini ndakanzi
nyangwe zviite sei ndaisafanira
kuratidza ani nani zvake kuti
ndamuka.

Zvairema kunyepedzera panana


amai asi ndaizave nezvimwe
zvekuita.Ndaifanira kutongoita
zvainge zvarongwa
nanaTashinga kuitira kuti
tigokwanisa kusunungurwa
zvachose panyaya yana
Panganai.

Musi wandaifanira kuroorwa


wakasvika.Mumoyo
ndaingonamatira kuti zvifambe
zvakanaka.Ndaisada kuti
Tashinga wangu akurirwe
nemuvengi ini.Ndaisada kuti
pave neanopinda pakaoma
nekuda kwangu .

"Zvirikuda kuitika apa handigone


kuzvidzivirira nekuti ndiko
kuronga kwevari
kumhepo.Handinokwanisa kuita
nekuti pane zvirikuda kuratidzwa
nevadzimu.Pane
zvichaitika,rambai muchiita
sezvamanga muchiita mazuva
ose.Pakauya
munhu,mwanasikana waMambo
itai semuchiri kunyika yenyu
moga.Haikona kuratidza kuti
mamuka". Ndakanzwa zvikiro
richidaro
"Handina kunzwisisa
murikuedza kutii ishe wangu"
ndakadaro ndichirevesa ivo
vakati:

"Muchanzwisisa nekufamba
kwenguva.Ikozvino inwai
mushonga uyu.Muchamuka
kana masvika
kwamurikuendeswa ,musatye
vadzimu vanemi" vakadaro
vachitondipa mishonga
yacho.Ndakangonwa pfungwa
dzichitenderera.Vakabva
vabuda godobori vacho.Hapana
kuita nguva refu ndakanzwa
mhere mhere panze .Izwi
raWadza ndakarinzwira
pamusoro asi ndaive ndisina
simba .Ndakabva ndangoti zii.

Ndakapepuka ndiri mune imwe


imba .Yaive yakanaka zvayo
zvirinaniwo .Ndakarangarira
mashoko en'anga ekuti
ndisaratidze kuti
ndamuka.Ndakakurumidza
kutsinzina ndikatanga kunetseka
manje kuti zvii zvaizama
kuitika.Chandakakwanisa
kunzwisisa ndechekuti ndaive
kuimba yekwaMupiniwaguka.

"Ko Panganai anditora sei?Inga


Tashinga akandivimbisa kuti
handitorwe aripo.Inga mukoma
Takunda vakati havatendere kuti
Panganai andiroore .Ko
ndazotorwa seiko asi varwiswa
kani.Vapenyu
here?"ndaingozvibvunza
mibvunzo isina aikwanisa
kupindura.Ndakanzwa vanhu
vaifamba vachiuya kuimba
yandaive.Hana yangu
yakatanga kubika manhanga
ndichiti ko ndikabatwa kuti
ndaive ndakamuka kare .

Vanhu vaye vakapinda


ndakanzwa izwi raPanganai
richiti:

",Ndiye wacho uyu


amai.Motaura naMachuma
amuongorore akasike
kumuka.Handina kukwanisa
kusiya svusvura ndadya
yakadai.Anomukira kuno chete"

"Aewa patsvene ,akanaka uyu


anokodzera kuita mambokadzi"
ndakanzwa izwi rechikadzi
richidaro.Izwi racho ndaiita
sendakamborinzwa kumwe
kunhu,ndakamboda kuvhura
meso kuti ndione kuti aive ani
asi zvakaramba.

Vakabuda vese ndikasara ndiri


ndoga .Ndakanzwa gonhi
richivharwa nekunze
.Ndakasvinura ndikatanga
kutenderera mumba
macho.Ndakaona banga
ndikaribata ndikanoriisa pasi
pemachira angu .Panganai aive
aratidza kupenga kwake pakuda
kundiroora ndirikunyikadzimu
,ko aizotadza kundityora gumbo
nekuti handina kumuka here
.Ndakangogara ndagadzirira
,akada kuzviyedza
taizopedzerana zvedu.

Ndakadzokera pamagudza
pandaive ndasiiwa ,pfungww
ndidzo dzaitenderera zvadzo
nekuti ndaisaziva kuti
ndaizokwanisa kupabuda here
ipapa .Ndakaramba ndakarara
zvangu ndakabva
ndanzwa.........

*Chipo*

"Makavatuma kupi kwavasiri


kudzoka tete" ndakadaro
ndakabata muchiuno.
Pakanga pave nemazuva
matatu Tashinga naMubatsiri
vasipo pamba.Tete
vakangonditarisa vakati:

"Vachadzoka zvavo vakomana


ka ava"

"Kubva zvakanaka hazvo"


ndakadaro asi mumoyo
ndaibatikana.Ndaishaya kuti
vaive vanyatsoenda kupi chaiko.
"Chipo handei tinogeza kurwizi
uko"

"Zvakanaka ndirikuuya"
ndakadaro ndichitosimuka
ndichienda kwandaive
ndashevedzwa.Takatakura
zvinhu zvedu zvekugezesa
tikabva tabuda .Takasiya tete
varivega pamba zvavo
vakatitsindidza kuti
tigokurumidza kudzoka.

"Hauone kuti zvirinani here kuti


titange tatsvaga huni
Mutsa.Tikapedza togeza
tozongotakura masvinga
edu"ndakadaro Mutsa
akabvumirana neni.Dzaisanetsa
hadzo pasina nguva taive
tatounganidza masvinga edu
maviri.Takapedza tikabva
tatanga kugeza zvedu.
"Iiiiii Mutsa wanga watopedza
nguvai ipapa nhaiwe aaah"
ndakadaro ndichiona ava
kutopfeka mbatya dzake.

"Ko iwewe hauzive kuti


kunodarika varume here
kuno,tanonoka kutanga vanhu
vanenge vave kunwisa mombe
mvura ,chigeza ndakakutarisira
kuti hakuna arikuuya here"
akadaro Mutsa.
"Aaah ko ndambenge ndaziva
here kuti kunouya
vanhu,tinongowanzogeza
tichipedza kuchiuya madzimai
oga ndaiti rutivi rwuno
nderwemadzimai oga"

"Chigeza uko" akadaro Mutsa


achinditema nedhaka
.Ndakakotama ndikanhongawo
rangu,ndakacheuka ndichida
kumutemawo asi handina
kuzombokwanisa kusimudza
ruoko ndaona murume aive
akamira akanditarisa.

"Aah nhaimi!"

Nenyadzi ndakabva
ndangojambira mumvura.Ko
ndaimboziva kuti paive
pakadzika kudaro here apa
kubhaguja ndaidatogona zvangu
.Ndakatanga kunyura handina
kuzoziva zvakaitika .

"Ah ko ndanga ndichitorota


masikati machena ano nhai .Iiii
ko ndarara nguvai madii
kundimutsawo ndanga ndafa
mufunge" ndakadaro
ndakatarisa tete vaive vakagara
pedyo neni.

" Zvino ungatosarudza kufa


nekusada kuonekwa
nemunhurume wakashama here
Chipo.Ungapinde mumvura
usingagone kudhidha?"

"Aika ko zvatoitika" ndakadaro


ndichifunga kuti ndaive
ndazobuda sei.Mutsa akapinda
mukamuri mataive ndikati:

"Iiiiii waita hako Mutsa


mwanangu wandiburitsa ndanga
ndafa".

Tete vakaseka zvavo vakati:

"Mutsa wacho anombogonawo


kubhaguja here
,makangofananawo.Iwe urikuti
aizogona kubva newe kurwizi
uko akakutakura?"

"Aaaah babanguweeee muera


dziva.Saka murikuedza kutaura
kuti murume iyeye ndiye
andiburitsa yuhwiiiiiiiiiiiiii saka
ndatopfeka hembe ndaonekwa
baba kani " ndakadaro
ndichibata musoro .

"Tisvikewo!!" Ndakanzwa munhu


achidaro ari nechekure
.Ndakangotsinzina zvangu
ndikanyepera kurara.Ko kana
ariiye aive andionerera
nhai.Munhu wacho akanzi
apinde,semafungiro angu ndiye
munhu aive andinyurura.Dai
paive panguva yakanaka
ndaimutenda manje iiiiii.

"Aah ndiwe hako Kundai?


Ndanga ndatoshaya kuti
ndianiko hake atikuta pano" .

"Ndini zvangu amai.Ndanga


ndauya kuzodongorera
musikana kuti ave sei ,amuka
here"

"Ehe kumuka amuka asi


ndofunga achiri nemarwadzo
ekumbomedza mvura ,apa arara
zvake asi usatya ,anopora hake
zvaambomuka kudai"

"Zvakanakai amai ndinofunga


achamukawo nekuchimbidza"
"Apa hatichamutyire,basa
hombe ndiro rawatoita irori
handizive kuti ndokutenda sei"
vakadaro tete ndikaridza
tsamwa nechemumoyo.Ainzi
aive aita basa hombe ripi ipapa
rekuita kuti ndiwire mumvura
here nxa.

"Aewa muchitendei amai,ndini


honzeri handina kunge ndaziva
kuti kune vanhu
varikushamba.Handinawo
kuzombosheedzera zvakare
ndini ndakanganisa.Akamuka
mondikumbirirawo ruregerero".

"Usazvidye moyo hako Kundai


iwe zvinowanikwa kumunhu
wese izvi,nhasi ndiwe
mangwana ndiye ndizvo zvinoita
hupenyu.Kukanganisa kuri
muvanhu.Mutsa isira Kundai
mutakura uri muhari iripedyo
nemoto iyo".
"Mabika mutakura ,ko
kusandiudzawo" akadaro Mutsa
.Ndakatoziva kuti ndaigona
kumuka atoupedza mwana
iyeyu ,ko watete unenge
uchinaka kaa.Ndakavhura
kaziso ndikaona akanditarisa
Mutsa ndikaziva kuti ndizvo
zvaaida.Akangoseka
ndikatsinzina hangu.Ndiye ega
aive aona ndichisvinura.
"Ko Mubatsiri aripiko mazuvano
handisikumbomuona pano"

"Hoo uyo pane kwaakaenda


nemwana wehanzvadzi yangu
vanodzoka zvavo manje manje "
.Izwi ratete raive
nekakunetsekana
pavakadaro.Ndakabva
ndatoziva kuti zvandaifungira
ndizvo chete .Vanhu vacho
vanenge vaive vaendera Nakai
chete.Saka zvaireva kuti
mukoma vaive vauya neni kuti
vandinzvenge zvavo.Kundai uye
achingobuda ndakabva ndati:

"Ana mukoma Tashinga


vakaendera Nakai
ka.Musandinyepere tete"

"Ehe ndiko kwavakaenda asi


iwewe hauna kwaurikuenda
.Kana ndiri tete vako chaivo
haubve pano" vakadaro
vachitosimuka zvavo
.Ndakaramba ndakamira
ndichifunga kuti zvino naMambo
vaye zvaifambiswa sei manje.

"Hanzvadzi yako
unongoiziva.Haana
kumbosiyana nababa
vako,nharo ndipo pamusha"
vakadaro tete vadzoka
"Ko dzavo mainini Chipo munoti
dzishoma nhai?" Akadaro
Mutsa.Ndakaisa hangu
mutakura ndikadya.Hatina
kuzombonyanya kutaura
nezvanaTashinga,asi moyo
wangu wanga usina
kumbogadzikana zvawo.Zuva
rodoka ndakabuda ndichinotora
mandiro aive padara anga
asukwa naMutsa.

"Tisvikewo"
Izwi racho ndaisada kuudzwa
kuti nderani nekuti ndaive
ndatoriziva.Ndakaramba
ndakamira pandaive
ndichishaya kuti ndodaira here
kana kuti ndorega.

"Tisvikewo" akadaro zvakare


ndipo pakabuda tete.
"Aika ,ko iwewe haudaire vaenzi
nekuti kwauyei,ndanga
ndinyarere nekuti pane munhu
ka panze ipapo,pinda hako
Kundai iwe" vakadaro
vachitoenda naye mumba.

Ko akuramba achidzokera
dzeiwo zvakare nhai" ndakadaro
ndichiridza mutswinyu.Mutsa
akangosvika pandaive achiseka.
"Haiwa usaseke ndiwe
wakonzeresa apa.Wanga uchiti
urikunditarisira vanhu apa
wanga wakanditarisa,une meso
kugotsi here iwewe"

"Ndine hurombo kani amai


vangu.Asi ramangwana
hariziikanwe pamwe ndivo baba
vangu vacho"
"Kwana iwewe saka urikuti
munhu akadai anenge asina
mukadzi here ipapa"

"Akadai pachii?"

"Akarurama ka" ndakadaro


ndikabata muromo ndatotaura
.Ndakafamba ndikaenda
muimba yekurara ndakagaramo
kusvika munhu uye adzokera .

"Saka uchamunyara kusvika


rinhi?" Vakadaro tete ndikati:

"Handina wandinombonyara ini


ah handinyare " ndakapundura
vakangoseka zvavo.

"Ah itsenzi kaiyo ko yabva kupi


ululululu " ndakadaro
ndichitambirira ko nyama
ndaiida kani.

"Yauya naKundai handiti


wamunyararira apo dai ndaziva
ndati adzokere nayo hake"

"Iiiiii inga aita hake rega


nditoigadzira " ndakadaro.
Takazodya tikanorara
hedu.Pakaita mazuva matatu
asina kumbouya kumba kwedu
Kundai.

",Ah ko munhu wenyu wacho


haachade kuuya kuno?"

"Aika kuuya kuzodii?


"Vakabvunza tete ndikati
"Kuzoona ka kuti murwere ave
sei handiti ndiye akakonzera"
ndakadaro tete vakaoma
nekuseka.Mangwana acho
takamukira kurukova naMutsa
kunowacha.Takawacha zvedu
tatove pakati Mutsa akabva
ambotsaukira musango.

"Ndokumbirawo usajambire
mumvura ndapota nhasi
wakapfeka wani" ndakanzwa
izwi raKundai richidaro.
"Aaah makadii zvenyu"
ndakadaro ndakangotarisa
mubhavhu rangu ndichitsokota
mbatya yaive yachena kare.

"Asi inochena kupfuura apa?"


Ndakamunzwa achidaro
,aitodenhawo zvake .Akatura
bhavhu rake raivewo nembatya
achibva atogara zvake
pasi.Ndakasimudza musoro
ndikaona akanditarisa zvake,ko
ini ndanga ndichambogona here
nenyadzi.Kungofunga kuti
munhu uyu akandionerera
ndaibva ndashuwa kuti dai pasi
pandimedza zvapo.

Ndakafara pandakaona Mutsa


adzoka.Vakatanga kutaura
nyaya vari vaviri ini
ndaingoteerera
zvangu.Mukomana wacho aive
nenyambo zvekuti
ndakapedzisira ndave
kutosekawo
zvangu.Takazomuwachira
nhumbi dzake iye achingotaura
.Takayanika dzese pazvikwenzi
taida kuzotakura dzaoma
dzinenge dzisisareme zvadzo.

"Ko kuchiroora unosvika rinhi


uchizviwachira
Kundai.Urikunonotswa neiko
unoda kuzovigwa nechiguri
here"

"Haa manje manje ndinenge


ndaroora.Ndaive ndisati
ndawana wandinoda izvezvi
avepo hake" akadaro Kundai
wacho ndikanzwa chigodo
chandigara pahuro
apa.Ndakatoshaya kuti chii
chainetsa ,ndaive nebasa naye
here Kundai wacho.Zvavaive
vave kutaura
ndaisambozviteerera zvangu.
Ndakanogara zvangu kwangu
ndega ndakaisa makumbo
mumvura .Ndaifunga mukoma
vangu Tashinga.Vaipabuda here
pahondo yavaive vakatarisana
nayo iyoyo .

"Baba tarisaiwo vana venyu


ndapota,Tashinga naye
Mubatsiri.Vabatsirei
muvarwirewo hondo
yavakatarisana nayo iyoyo
vakunde" ndakadaro
ndichiyeredza misodzi.

"Hondo?" Ndakanzwa munhu


akadaro ariparutivi rwangu
ndakaona ari Kundai.Ndaive
ndisina kumbonzwa kusvika
kwake ini.Ndakamutarisa
ndikapukuta misodzi yangu
achibva ati:
"Ndine hurombo.Ndinoziva
dzimwe nyaya dzinogona
dzisinei neni asi ndinoda
kungozivawo
hangu.Ndokumbirawo
usandivanzirewo"

Paakadaro ndakangorudunura
nyaya yaTashinga naNakai yese
semaziviro andaiita.Ndakaona
abata musoro chiso chake
chaive nekakunetseka zviye
zvemunhu ane zvaarikuziva asi
asingazive kuti ozvitaura sei.

"Ko urikunetsekana nei ?"


Ndakadaro ndskamutarisa ,iye
akangonyemwerera mbichana
achibva ati:

"Ndirikushaya kuti ndokuudza


sei kuti ndokuda zvangu"
"Aah" ndakadaro
ndagumirwa.Munhu angati
ndirikushaya kuti ndokuudza sei
iye atotaura.

"Ndirikurevesa Chipo.Kubva
pandakatanga kukuona moyo
wangu urikudokwairira kuva
newe iwewe.Kugara ndirikure
newe zvirikundiremera unoziva
handichatozvikwanise
ini.Ndaikumbirawo mukana
mumwechete ndikuratidze rudo"
akadaro ndikabva ndasimuka
akandibata ruoko

"Chipo " akadaro ndikanzwa


hana yangu ichirova.Ndakada
kuyedza kumutarisa ndikatadza.

"Mutsa atopedza kuisa mbatya


idzo tavekuenda tete
vanozopopota " ndakadaro
akandisiya hake ndikabva
ndaenda.
"Kundai anokudai mainini Chipo"

"Ibvapa Mutsa ,inga anga


achikuudza kuti akawana
waanoda kuroora apa"
ndakadaro ndichitosimudza
bhavhu rangu.

"Ndiwe munhu wacho


Chipo.Ndikasaroora iwewe
handiroore" akadaro Kundai
wacho handina kupindura
ndakangofamba
ndikaenda.Takaita mazuva
maviri tisingamuone
Kundai.Ndaitonetsekana kuti
aive aendawo kupi.Zuva retatu
tichibva kutsime takasvika
akagara natete achivabatsira
kutonongora
nzungu.Patakangosvika akabva
atooneka hake achibva aenda
ndakabatikana.
"Chishuwo changu chekuti
mukomana abva pano uyu
aroore mwana wehanzvadzi
yangu. Ndinoziva kuti uyu
akakutora zvese zvawaiitirwa
naTashinga anokuitira zvake asi
kana usingamudewo zvakanaka
unowana mumwe waunodawo
asi Kundai mwana akakura
ndichiona handina
chandinoshora paari" vakadaro
tete vakatarisa kwaive kwaenda
Kundai.
"Asi akuudzai kuti anoda mainini
Chipo kani"

"Hongu ataura zvese" vakadaro


tete ndakangoona ndave
kunyamwerera.Kudiwa
nemunhu anokwanisa
kuzvimirira oudza hama dzako
usati wamuda zvinhu
zvinongonakidzawo hazvo.
Mangwana acho ndakatumwa
natete ,Mutsa akatumwa
kwakewo takaenda nenzira
dzakasiyana.Ndakasangana
naKundai achibva atanga
kundiperekedza.Taitaura hedu
tunyaya munzira imomo asi
yake nyaya yaive pakundida
chete.Pataive todzoka ndipo
pandakazomuudza kuti ndaive
ndamudawo ini.Akafara
zvandakaona nemeso angu
.Akandivimbisa kuti aisazofa
akandirasisa zvake uye aizoda
ini ndoga kusvika afe,ipapo
ndakafara nekuti zvebarika
ndaisazvida
zvangu.Ndakazoenda kumba
hangu .Taionana mazuva ese
rudo rwacho rwainakidza kuita
serwevanhu vakabvira kare
vachidanana.Tete vakatoudzwa
kuti tavekufambidzana hanzi
pakaitika chinoitika vanofanira
kuziva kuti ndini ndiripo.
"Mangwana ndokumbirawo
kuswera newe Chipo
mudiwa.Pane kwandichanda
kuenda ndichakuudza
mangwana"akadaro
ndikabatikana pandakanzwa
zvekuenda.Ndakabvuma zvangu
,mangwana acho
takanosangana kurwizi,shiri
ndidzo dzaitiimbira
zvadzo.Ndakaigirwa michero
yakasiyana
siyana.Ndakanyanyofarira
hacha,dzinonhuwirira
zvandinoda .

Takazobvako zuva roda kudoka


takaenda tese kumba .Akagara
hake akatanga kutaura natete
inini ndaive ndoita zvekubika
nekuti ndaive ndamboudzwa kuti
aida kudya zvandinobikawo
musi wacho.

Ndakanyatsotora nguva yangu


ndikabika nemoyo wese
.Ndikapedza ndikapakura
tikadya tose ,vanhu vese
vairumbidza mabikiro angu
vachiti zvokudya
zvainaka.Takadya tikapedza
hedu.

"Ko hauna kuzondiudza kuti


urikuendepi wani?" Ndakadaro
ndakamutarisa iye akati:

"Ndanga ndave kutotaura


manje.Ndirikuenda
kunanaMubatsiri natsano
Tashinga.Ndinoziva kuti
panguva yakadai vanenge
vachitoda rubatsiro.Ndingave
mbwende yekupedzisira kana
ndikaramba ndirikuno hama
dzichida rubatsiro.Ndirikuda
kukuvimbisa Chipo,tsano
Tashinga naMubatsiri ndichaita
kuti vadzoke vari vatano.Hapana
chinovana kana ndiripo"akadaro
ndikaramba ndakamutarisa
ndikati:
"Koiwewe?" ,Iye
akanyemwerera akati

"Usandityire ,kudzoka kana


kusadzoka hazvina
basa.Chakakosha kuti
ndikuratidze rudo rwangu
nyangwe ndikatadzawo kudzoka
kana ndaitawo kuti vamwe
vauye zvakanaka ndizvo
zvakakosha.Usafunge
kundirambidza zvako nekuti
ndakatozvifunga kubva kare
,kuenda ndirikutozoenda
zvangu".

Akadaro ndikapererwa
zvangu.Ndakashaya kuti
ndoitasei ,ndaiziva kuti
anaTashinga vaida rubatsiro asi
ndaityira mumwe
wanguwo.Akafamba akauya
akandibata mapendekete
.Ndakamutarisa mumaziso akati:
"Usandityire Chipo,asi
mangwana haaziikanwe pakaita
chaitikawo chingoziva kuti
ndinokuda nemoyo wese
wanzwa "

Handina kukwanisa kupindura


iye akabva atooneka tete
achibva atobuda achienda
ndakangosara ndakati vavava.
*Ndipo paperera chitsauko 11*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~

+263 716 010 275


+263 787 971 774

(12)

*Panganai*

Kuti ndisiye Nakai ini ndaive


ndabva ndichiti ndirikunoroora
zvakandirambira. Inga mambo
Zvandareva vaive vakabvuma
kare saka zvekuti vaisavepo
zvaizonditadzisa kumutora sei
Nakai.Ndivo vaisavepo ka kwete
ini,sandivo vairoora ka ndini
ndaifanira kuroora.Ndakatoona
kuti tsano vangu Takunda
nababamudiki vacho ndivo vaive
vaviga mambo kuti vanditadzise
kutora munhu wangu asi
vaisandiziva.
Ndakatora machinda maviri
ndikaenda nawo kumba
kwekasvikiro kwatakasvika
kuina Wadzanai.Akada kuramba
kuti nditore munhu wangu
akabhabhadzirwa nevakomana
tikaenda.Ndaitoda kumutora
zvakare oita mukadzi wechipiri
asi ndakati rega
ndimbomira.Baba ndakatosvika
vave kumuzinda ndakaona
vachinyemwerera pavakaona
ndakaisa Nakai
kumusana.Ndakanomurarisa
muimba yangu ndikabva
ndabuda ndikanogara nababa.

"Ndakutsvaga ndikakushaya
ndatofunga kuti zvimwe
hamenowo kwawaenda kaini,ko
unotofunga kudai?" Vakadaro
baba ndikaseka.

"Saka nhai baba munoti


handifunge kani,hapana
pandaimbosiya chinhu chakanzi
ndechangu kubva kare .Ndanga
ndichitoda naWadzanai asi
ndazomusiya kuti azoudza
vamwe kuti ndini ndamutora
Nakai"

"Aewa ndakutoona kuti


ndakaresva pakukupa
zita.Ndaifanira kukuti
Chandagwinyira iwe.Apa
wandiratidza kuti kunyangwe
ndikafa dunhu rino hariparadzwe
nani zvake nekuti chako
unochichengetedza.Waratidza
kuti zveshuwa uri mambo iwe"
vakadaro
ndikanyemwerera.Makurukota
ababa akaunganidzwa
akaziviswa kuti ndaive
ndazviita,mambo wavo muduku
aive abuda mugota.

Ndaisagona kani nemufaro.Doro


raive rakabikwa kare vanhu
vaive vongonwa zvavo
vachifara.Ini handina hangu
kunwa ko waiwe musi
wekutanga nemudzimai wangu
ka ndaida kuti titange
zvakanaka.

"Baba ndichambonotora amai


ndivaratidze muroora wavo"

"Zvakanaka nhasi vanofara kani


kuzoti dai Machuma aive aripo
nhasi......"
"Machuma,Machuma ndiani?"
Ndakadaro
ndakanyatsovatarisa.Ndakaona
vaita kakuvhundukira vachibva
vati:

"Ah ndati Machuma,aiwa


ndanga ndichida kutaura zvatete
vako vakashaya vaye doro
rakundipindawo mupfungwa iri"
vakadaro ndikaseka hangu
ndichienda kwaive
naamai.Vachindiona vakatanga
kudzana vachiimbirwa
nemadzimai avaive nawo
.Ndakasekerera zvangu
ndikatanga kuombera maoko ivo
vachingotamba.Vakazomira
vaneta vakauya pandiri ndikati:

"Zvino munotamba musati


mamuona here amai,handei
munomuona zvimwe
hamupindirane naye"
"Aewa nemadiro aurikumuita
aya ndingarege nei
kumufararira.Ndakanzwa baba
vako vachitaura nezvake
pamatauriro avaiita
ndakagutsikana asi handei hedu
ndinomuona ndifadze meso"
vakadaro tikafamba
takadungamidzana tichienda
kuimba yangu yokurara.
Takapinda takadungamidzana
tikaona akangorara hake
pandaive ndamusiya .Aive asina
kumbopinduka zvinova zvakaita
kuti ndizive kuti aive asina
kumbomuka zvechokwadi.Amai
havana kumira kurumbidza
runako rwake.Ndakanyatsoona
kuti vaive vamufarira nemoyo
wese.Vanenge vaizowirirana
chete .Hatina kuzogarisa amai
vaida kunoona kuti zvinhu
zvaifambiswa zvakanaka here
kumapoto nemadzimai,ko
zvepabarika kana wako mwana
aita chakanaka unototi umire
mire wega ka nekuti vanhu
vanoita zino irema ,munhu
anorwadziwa akakuuraya kuti
wake mwana anzi agare nhaka
pamudzimai wako
wawazviwanira.Ndakanogara
nanababa zvangu.

Ndakangoti ndichigara pasi


ndakabva ndanzwa.......
*Tashinga*

Musi wamarooro aNakai


ndakaenda mumba maMambo
Zvandareva ndikaona pfungwa
dzavo dzichiratidza kuti dzaive
kure kwazvo .

Kupinda kwandakaita havana


kana kukuona,ndakanomira
pamberi pavo ndipo
pandakaona vachivhunduka.Ko
vaifunga kaa kuti ndatovewo
chipoko nekuti mupfungwa
dzavo vaiziva kuti
ndakashaya.Ndakaona murume
mukuru achibvunda .

"Musatye mambo wangu


handina kufa ini!"

"Ha ha hauna!?"
"Hongu tenzi wangu handina"
ndakadaro ndikavarondedzera
zvandaive ndaita machinda avo
kuti afunge kuti aive andipisira
mumba ndakaona
vachikatyamadzwa
nazvo.Ndakagwadama pamberi
pavo ndikati

"Muchiona ndichishingaira kudai


inyaya yekuda mwana wenyu
baba.Pakutanga ndakarohwa
nemachinda ndisati ndasvitsa
shoko,ndingadai ndakabva
ndadiyana nazvo asi chinonzi
rega ndechirimumaoko,zvemoyo
izvi kana uchida munhu wako
unotosarudza kumufira
hako.Machinda akauya achida
kundiuraya,handina kuvatendera
nekuti handaizombozorora kana
dai Nakai akatorwa naPanganai
bodo.Nhasi ndauya kwamuri
imimi baba vemunhu,kana kuda
mwana wenyu kwandinoita iri
mhosva uye kana mada kuti
mwana wenyu aende
kwaMupiniwaguka nyangwe
asirikuda,torai bakatwa iri
mondibaya pamoyo.Panganai
ndinokwanisa kurwisana naye
ndikakunda ndikatora musikana
wangu asi kana pasina
ropafadzo yenyu baba hapana
zvandinokwanisa kuita nyangwe
ndikaedza,ndokusaka ndati
kana musingade kuti ndiite
mukwasha wenyu torai bakatwa
iri mundibaye zvenyu pamoyo".
Ndakanyarara zvangu
ndikatsikitsira ,ndakaona
vafamba kusvika pandiri
vakabata bendekete rangu
Ndakavatarisa vakandiraira kuti
ndisimuke.Ndakasimuka
ndikanzwa vachiti:

"Hushingi hwako ndahuda.Apa


handichade
kukubatirira,handichade
kukurwisa ,ita hako zvaurikuona
zvinoita kuti utore Nakai.Apa
handina rutivi rwandichatora
nekuti ndakange ndambopa
Nakai kuna Panganai kare
.Vakaona ndashanduka
zvinonetsa saka ndopaita sei
manje nekuti varikusvika manje
manje"

"Musatye ,tsvagai imba


isinganyanyoshande pano
mopinda imomo modekara
zvenyu.Shoko richafamba rekuti
hamusikuonekwa.Ipapo
Panganai haazombokwanise
kuroora Nakai kana imi
musipo.Ndinotenda nekundipa
mukana wekurwira rudo rwangu"
ndakadaro ivo
vakangonyemwerera ,takabuda
tose vachienda kuimba
yavaifanira kuenda
yacho.Ndakanyatsotarisa hangu
ndikaona kuti hapana aiona
,ndakabva ndakurumidza
kunogara zvangu mumuti waive
pedyo nepamuzinda .

Pakasvika anaPanganai
ndakaona hangu zvese
zvakaitika.Pavakaenda
ndakabva ndaendawo kumba
kwesvikiro .Ndichiona Nakai
asipo uye Wadza akarohwa
ndakabva ndati tsano Takunda
vasare.Zvandaida chaizvo
ndizvo zvaive zvaitika .Yakange
yasvika nguva yekuti ini
naPanganai tiratidzane
masimba.

Takafamba kusvika tasvika


kwaMupiniwaguka.Ndakakwira
mumuti ndikatanga kuongorora
zvaive zvakaita muzinda wacho
.Ndakaona Panganai achipinda
mune imwe imba ndakabva
ndatoziva kuti ndiyo yaive imba
yake iyoyo .Ndimo maifanira
kuva naNakai.
Ndaive ndave nepekutangira
manje.Akabuda akanogara
nechekuseri kwandakaona
kwaive nevamwe varume
vainwa zvavo
mupeta.Ndakasekerera zvangu
ndikaburuka ndikanomira paive
naMubatsiri ndikati:

"Mubatsiri ,apa pakutomuka


hondo yakasimba apa.Unoziva
Mupiniwaguka ane mauto
anoziikanwa kubvira
nekubvira.Kana hondo yatanga
inobatanidzira nevasina mhaka
wakati Rudo anogara kudunhu
rino kaiwe"

"Hongu ndiko kwaari kuno "


akapindura ndikati:

"Zvakanaka,apa hatina
zvatingamboite asi kuti
zvitinakire Rudo anofanira
kutoenda kunatete nevaanogara
navo anogara nani?"

"Anogara natete vakewo ,handei


tinovaona ,imba yavo iri
kwekupedzisira uko" akadaro
Mubatsiri.Takafamba tikaendako
,ndaifunga kuti ndoita zvekudii
kuti ndipinde mumba
maPanganai pasina aiona.

Takasvika tikatambirwa
zvakanaka hedu.Ndakaona tete
vaRudo naMubatsiri vaitozivana
zvakanyanya.Taive tatogadzirwa
poto pamoto ndikati:

"Musazvinetse zvenyu,kudya
tichadya mazuva mazhinji.Apa
tauya kuzokukumbirai kuti
mumbobva mudunhu rino nekuti
pane zvirikuda kuitika".

"Kubva mudunhu rino zvino


tinoendepi,chii chirikuda kutora
nzvimbo"

"Ikozvino kwamunokwanisa
kungoenda kumba kwedu
tete,zvakawanda
munozonzwisisa nekufamba
kwenguva asi parizvino ingoitai
sezvatirikureva hatina nguva"
akadaro Mubatsiri havana
kuzomboita nharo.Rudo aiziva
kumba kwemukomana wake
saka vaizosvika zvavo ,ikokowo
Mutsa aimuziva saka ndiye
aizoudzawo tete mai Mubatsiri.

Takabuda tese ivo vachienda


kwavo isu tichienda
kwanaPanganai.

"Zvotoita pano
ndezvekudai,iwewe
uchanotobatidza moto pahuswa
huripaseri apo.Huswa uhwo
hwakakurisa zvekuti moto
ukaregerererwa ikoko hunopisa
dzimba .Ukabatidza uko ibva
wamhanya wonobatidza uko
kuitira kuti moto wacho
ukurumidze kufamba. Vanhu
vese vachamhanyira kunodzima
moto inini ndinenge
ndichipindawo kunotora Nakai".

"Zvakanaka rega ndiite


sekudaro"
"Wokurumidza ,usaonekwe
.Nakai angadai atoendawo
nanaRudo apa ndanonoka
kufunga" ndakadaro
ndichizvirova rova.

"Ngatingoitai zviripo" ndakadaro


Mubatsiri achibva atoenda
.Ndakaona achibatsa moto hake
kwese kwese achibva
anohwanda nechikwenzi
.Hapana akamuona ndakaona
avekubvapo
ndikanyemwerera.Moto
wakafamba pasina aiona
vakatozoti pave paye ndipo
pavakatemha zvimiti zvine
mashizha vakatanga kurova
moto ,vamwewo vachidira
mvura .Panganai ndakamuona
aripowo ,handina kutambisa
nguva ndakamhanya muimba
yake ndikaona Nakai akarara
arimo.

"Nakai Nakai!!" Ndakadaro


akavhura ziso
rimwechete,akavhara akavhura
ese achibva ati:

"Ndiwe here Tashinga"

"Kune umwe waunoziva


akafanana neni here Nakai
muka ipapo tiende hatina
nguva" ndakadaro akamhanya
kuzondimbundira .
"Wanga uripi Tashinga wa......."

"Hatikwanise kutaura tiripano


Nakai.Tinovharirwa zvikashaya
basa ndati handei" ndakadaro
ndichimubata ruoko ndikafamba
naye tichienda kunze
.Ndakatarisa tarisa ndikaona
pasina aiona vanhu vese vaive
mubishi kuedza kudzimura
moto.Ndakasimudza munhu
wangu ndikamhanya
ndakamutakura.Chandaiziva
aisafanira kuenda kumba nekuti
Panganai
aizonangako.Ndakasvika
panaMubatsiri ndikati:

"Mubatsiri munhu uyu oenda


kwatete here kana kuti
kumuskasa wedu uye asi ega
here hazvizoite zvakare "

"Kumba ndiko kwaangatoenda


asi ega haasvike manje"

"Wotoenda naye
iwewe".ndakadaro
akabvumira.Takatora
mugwagwa waienda kwanaTete
,ndaingovaperekedza mbichana
ndaida kudzoka kuzopedzisa
hondo yacho.

"Ko nhai Tashinga ,ko


ndikagarawo nemi
kwamuchagara ndichirwawo
nemi hondo yacho" akadaro
Nakai

"Dai waizvikwanisa tingadai


tisina kuzombokutevera
mudzimai wangu.Ungadai
warwisana naPanganai
wadzoka kumba kare .Rega
kuda kuomesa zvinhu apa
Nakai,enda kunana Chipo uko
unogarako tichauya".
"Ko ukasazouya" akadaro
akabata matama angu
akanditarisa
mumaziso.Ndakaona ajenga
misodzi ndikati:

"Ndirikukuvimbisa kuti
ndinouya.Kubva patazivana
pane pandakakuvimbisa chinhu
ndikasaita here.Usacheme
mudiwa wangu ,zvinopers manje
manje izvi.Rega ndirwire
rusununguko rwedu tigodanana
zvakanaka.Chirega kuita nharo
woita zvandinoreva,siira zvese
kwandiri wazvinzwa" ndakadaro
ndikaona achigutsirira musoro
achibvumira.Takatanga
kuenderera mberi
nerwendo.Hatina kure
kwatakaenda takaona Rudo
natete vake vakamira neumwe
mukomana.

Ndakatarisana naMubatsiri
ndikamuti amire naNakai
ndikafamba
ndichiendako.Ndakashamisika
ndichinzwa achibvunza
zvehondo.

"Ati kune hondo


kwaMupiniwaguka ndiani?"
Ndakadaro ndichisvika paari
akati

"Aaah handina kuti kune hondo


,ndirikutobvunza kuti kwakanaka
here,ndazonzwa ava vachiti
kwakanaka hameno zvirikuda
kuitika ndirikutsvaga hangu
munhu anonzi Mubatsiri"

"Mubatsiri? Ukamuona
unomuziva?"

"Kwazvo takakura tese


tinozivana zvrkuti"
"Akuudza kuti arikuno ndiani?"

"NdiChi...aah ndiamai vake kasi


munomuziva here
mambomuonawo?" Akadaro
ndikasheedza Mubatsiri akauya
naNakai.Ndakaona achifarirana
nemukomana uye.

"Nakai wochibatana nanaRudo


ava usatye handiti ,zvinhu zvese
zvinenge zvaringana manje
manje .Uudze Chipo,tete
naMutsa kuti tirivatano
ngavasatye zvavo"ndakadaro
akandimbundira Nakai
achichema.Ndakamunyararidza
zvangu achibva abatana
nevamwe vakatanga kufamba.

Takasara tiri vatatu


zvedu,mukomana uye ndakanzi
anonzi Kundai akataura kuti aive
auya kuzotibatsira .
",Ko wazoziva sei kuti kune
nyaya kuno?"

"Haa ndakaita mazuva


ndisingaone Mubatsiri
pamba.Ndakabvunza tete vakati
arikuno"

"Tete?" Akadaro
Mubatsiri,Kundai akakwenya
musoro akati

"Aaa ndangodawo kumboti tete


nhasi zvekuramba ndichiti amai
handichadi ba" akadaro
ndikaseka zvangu.

"Ndiwe wakazotora moyo


weganzvadzi yangu?"
Ndakadaro ndakamutarisa iye
akaita kakuvhundukira .Akaita
nguva akanyarara ndikaseka
zvangu.

"Pekutanga wamboda kuti


wakaudzwa naChipo hauna
kupedza zita racho hako,apa
wavekuti tete ndatoiona hangu
tsoro yacho.Ndafara nekukuzivai
tsano" ndakadaro ndichigwinana
naye ruoko.

Takafamba hedu tikapinda


mumugwagwa waienda
kudunhu kwedu.Ndaisaziva kuti
anatsano Takunda vaive varipi
panguva iyi.Vaigona kunge
vatoenda kudunhu kwamambo
Mupiniwaguka.

"Vanhu vakwaMupiniwaguka
havasikufanira kuuya kwedu
kuzotsvaga
Nakai.Vakamutsvaga
vakamushaya vanoparadza
dunhu rese.Mubatsiri chienda
unoona kuti anaTsano Takunda
variko here vauye nevamwe
vese kuno inini ndichamira pano
ndichiona kuti vekwaMupini
varikudii" ndakadaro patanga
tave parwizi rwunopatsanura
matunhu acho ari maviri.

Mubatsiri akaenda ,Kundai akati


anosara neni.Takasara
tichitaura nyaya dzehondo
ndakaona kuti aitoziva
zvakawanda ,aisambopererwa
zvake .Ndaitoona kuti munhu
rudzii,nenguva diki aive atotora
moyo wangu.Ndakaona kuti aive
munhu akabva kuvanhu.Kuuya
kwaaive aita kuzotibatsira
kwakandiratidza zvakawanda.

"Murikunzwawo
zvandanzwa?"akadaro Kundai
ndikati

"Hongo vanhu vaMupiniwaguka


varikuuya ,iwe neni ngatisimuke
tifambe tisangane
navo"ndakadaro
ndichitosimuka,takangoyambuka
rwizi tikaenda kurutivi
rwekwaMupiniwaguka takabva
tasangana naPanganai nevanhu
vake ipapo.

"Ndimi anani ,murikubvepi


muchiendepi?" Akadaro
Panganai.Ndakamira mberi
kwake ndikati:
"Tisu isusu.Tatumwa namambo
Zvandareva ,vati tikuudzei kuti
mudzose mukunda wavo Nakai
mozomutora kana maroora"

"Heee kumutora munorevei


kana muchidaro?Haako here
kudunhu kwenyu kwacho "
akadaro Panganai
avhiringika.Ndakaona mauto
ekwedu achisvikawo aina
Takunda pamberi.

"Ndakuudza kuti hautori mwana


wababa vangu waenda
nerweseri ukamutora kumba
kwen'anga wakanganisa
kurapwa kwaanga achiita ko
akafa.Ndipe mwana wababa
vangu tione arikufanira
kunorapwa" vakadaro tsano
vangu vachimira parutivi
rwangu.Panganai akaita kunge
arohwa mambama mashanu
nemagoritoto.Panguva shomana
iyoyo ndakaona chiso chake
chacheneruka kuti mbuuuuu-
uuu.

"Vakomana handei kunotora


hanzvadzi yangu" vakadaro
tsano Takunda tikatanga
kufamba tichienda kumuzinda
kwaMupini.Takatanga kupinda
mudzimba tichibvunyungura
tichitsvaga Nakai.Takamushaya
tikabuda tichinosangana
nanaPanganai.

"Waisakupi musikana wangu?"


Ndakadaro ndakamutarisa
neziso rakatsvuka kuti piriviri iye
akati:

"Musikana wako!"

"Zvawanzwa ndizvozvo,ndati
aripi!??"
"Haundibvunze zvemukadzi
wangu wa....." Haana kupedza
kutaura nehasha achibva andipa
mambama
maviri.Ndakagumbuka
ndikamupa chematsenga
nzungu achibva awira
pasi.Vanhu vake vakada kubata
ndipo pavakabatwawo
nevekwedu vakatanga
kutsemurana.Panga akasimuka
akatanga kufemereka
akanditarisa .Iniwo ndaive
ndakutonzwa hasha
dzandisingagone
kutsanangura.Takatanga
kurovana zvekuti vanhu vese
vaive vamira vakatarisa isusu.

Aigona hake kurwa Panganai


asi kwandiri aive aita
mucheche.Akambozama kuita
zvaaikwanisa asi ndakamugarira
ndikatanga kumupa zvibhakera
zvaienderana nemhosva
dzake.Ndakatanga kufunga
musi waaive akabereka Nakai
wangu.Ndakafunga kurohwa
kwaive kwaita
Wadzanai,ndakakabata huro
ndichida kukapedzisa ,vese
vaida kubata vaibva vahakwa
nevekwedu vorohwa nekuti
vanga vakakorewa nehwahwa
hwavainwa vachifarira kuroora
kwamambo Panganai .

"Panganaiiiiiiiiiiii!!!!" Ndakanzwa
izwi rechikadzi
rakadaro.Ndakasiya huro
yaPanga ndikasimudza musoro
ndichida kuona muridzi
weizwi,ndakanga ndariziva izwi
iroro,ndakatarisa muridzi waro
ndichida kuona kuti ndiye here
wandaifungira .Ndakaona zvedi
nzeve dzangu dzaive dzisina
kundirasisa.

Ndakasimuka ndichibva
panaPanganai.Mai vaye
vakanditarisa vakati:

"Aa aah Tashinga!"


Ndakadududza ndichidzokera
kumashure mbichana.

"Mu mu muno muziva amai?"


Akadaro Panganai ndikati:

"Amai? Aah aika"


Zvaive zvandishamisa kunzwa
Panganai achiti amai kuna amai
vaive vakandibereka
ini.Ndakabatwa naTakunda
akamira neni parutivi.Amai
vaPanganai vaive vagwadama
pasi vachichema .Ndakangomira
ndakatarisa ndichida
kungonzwisisa kuti vaive
vakazoita mumwe mwana
akaenzana neni sei,chirudzii?
*Magumo echitsauko 12*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(13)

*Takunda*
Zvimwe zvatinoitirwa nen'anga
dzedu sooka.Munhu asiya Nakai
achiendwa naye ,Wadza
achirohwa ,apedza auya agara
hake pamugwagwa isu tichida
kuenda kwaMupiniwaguka.

"Kwakanaka here changamire"


ndakadaro ndakatarisana navo
godobodi vaive mberi kwangu.

"Kumhanya handiko
kusvika.Imbodzokerai mambo
vane maviri matatu nemi"
vakadaro vakanditarisa .

"Baba?,ko varipi?
Havasikuonekwa wani"

"Dzokerai munovatsvaga
zvakare"

Unopererwa ,dai ndaikwanisa


ndaigona kungoita nharo
ndoenda asi baba vaive
vakandikomekedza kubvira
ndirimudiki kuti ndaisafanira
kupikisana
nevadzimu.Ndakadzokera
nevanhu vangu vese
,zveshuwawo takaona baba
varipo pamuzinda.

Vakatora machinda avo


vakanogara nawo
pasi.Ndakaona vachibvisa
Tinazvo,Hondondizvo
naNdinindabaya.Handina
kukwanisa kuvabvunza pavanhu
kuti vaiedza kuita sei.Vakapedza
kutaura nevanhu vavo vakauya
kwandiri vakati:

"Vandabvisa apo varikusara


,chikonzero ndechekuti vakaona
Tashinga ikoko vanomuuraya
vachida kuti ndisazive kuti
akapukunyuka pekutanga
pandakavatuma" vakadaro
ndikashamisika

"Tashinga ko maziva sei kuti


mupenyu?"

"Auya akataura neni


zvishoma.Ndave kunzwisisa
manje,ndamupa mukana wekuti
arwire Nakai.Andivimbisa kuti
achamutora
kwaMupiniwaguka,kana
akagona kumutorawo
handipikisane nazvo"

"Maonawo ka kuti anoda Nakai


nemoyo wese"

"Ipapo haureve
nhema.Ndanzwa kunyara
nezvese zvandakaita
kumashure.Ndatoona kuti
ndanga ndakarasika uye
ndafara kuti agona kubuda
pachena pachiri nenguva yekuti
ndigadzirise pakaresveka.Endai
kwaMupini munotora hanzvadzi
yako Takunda"

"Zvakanakai baba" ndakadaro


ndichitofamba,mauto
achiteverawo kumashure
kwangu.Ndakafamba nhanho
nhatu chete ndakabva ndaona
Mubatsiri.Akatizivisa kuti vaive
vabvisa Nakai mumaoko
aPanganai.Ndakanyemwerera
ndakatarisa baba vaive
vanzwawo mashoko acho
vakafara.Takafamba hedu
kusvika tasvika
kwaMupiniwaguka kuitira kuti
tinopedza hedu hondo yacho .

Takasvika tikawana ana


Tashinga vatotangana
nanaPanganai ,ndakafarira
hangu mamiriro anga akaita
nyaya yacho.Ndakasvikawo
ndichitotaura kuti ndaida mwana
wamai vangu ndidzokere naye
kumba.

Panganai haana kukwanisa


kuburitsa Nakai,ko
aimuwanepiko,handiti aive abva
kumuzinda kwedu achiti mwana
ndakubirai akatakura
Nakai,zvino anga
azomubirwawoka.Kunakidza
kwazvinoita manje kuona
mbavha yabirwa,ndaida kuseka
hangu .Vanhu vaPanganai
havana zvavaigona kuita nekuti
vanga vakakorewa asi iye
airatidza kuti anga asina kana
kumbohudzvuta
hwahwa,akatozodhakwiswa
nezvibhakera zvaTashinga.

Akarohwa Panganai zvekuti


ndakapedzisira ndavekutonzwa
tsitsi.Pakazosvikawo mumwe
mukadzi aimhanya achichema
ndofunga ndivo mai
vaPanganai.Ndakashamisika
vachiziva Tashinga,iye Tashinga
akaratidza kupererwa
akavatarisa.Akabva
panaPanganai ndikamubata
ndikamira naye.Akaramba akati
nde-eee kutarisa mukadzi aive
panaPanganai.Ndakaona chiso
chake chakaunyana
nehasha,akabata mhanza
akazunguza musoro .

"Amai munoriziva bhinya iro"


akadaro Panganai achimuka
achigara.Amai vacho
vakaramba vakangotsikitsira
havana kana kuti bufu. Tashinga
akafamba akanotora mvura
yaive mune chimwe
chimugomho,akageza kumeso
kwake akadzoka pataive
akasvika achiti:

"Ndimi makarera imbwa iyi,inga


Nyadenga akandiwanira nyasha
ndisina kuwana mukana
wekurerwa,ndingadai ndiine
hunhu hwakadaiwo nhai"

"Tashinga!!!! Haikona kutaura


namai vangu uchidaro" akadaro
Panganai ,Tashinga akafamba
aakanomira pamberi pake akati:

"Vakatukwa nedenga
vanosimudza maromo anenge
ehove vachiti mai mai
kumahure" .
Panganai akaita hasha
akasimuka achida kurova
Tashinga asi ndiye akazopihwa
chibhakera chimwechete
achibva aruma ivhu.

"Munhu wemurume haaite


zvaunoita izvi Panganai
.Urimbodza haikona.Unoziva dai
ndaida ndaigona kukuurayai
mese ndikatora dunhu rino here
?"

"Unonyepa iwe!" Akadaro


Panganai ,Tashinga akaseka
akati:

"Dai ndakaziva kuti amai vangu


vaida kunzi mambokadzi
ndingadai ndakaritora ndopa
baba vangu naamai
ndichirimwana.Zvimwe
taisazosiiwawo tichiri nemukaka
pamhino" akadaro akapukuta
maziso .Ndakatarisana
naKundai naMubatsiri asi
zvaiitika taive tisisazvinzwisise
isu.

Ndakatarisa mukadzi uye


ndikaona atanga kuchema
akatsikitsira .

"Murikuchemei amai?,Amai
kani!" Akadaro Panga achibata
amai vake .Tashinga aive
akamira hake achisekerera
achiburitsa misodzi.Akapukuta
misodzi achibva ati:

"Chinzwaka
Panganai.Munhurume wese
anofanira kunge aine vakadzi
vaviri vakamukoshera
mukurarama kwake.Kubva
achizvarwa kusvika akura
anofanira kuda nekudiwa
naamai .Hatisi tese tinoitirwa
rombo rakanaka zvedu kuti
tipihwe anamai vane
rudo.Ndaona hangu iwe
wakaitirwa nyasha wakapihwa
amai vanokuda .Inini handina
kumbobvira ndawanawo
amai.Chinzwaka,mukadzi
wechipiri akakosha ndiye
shamwari yemoyo anova iye
mudzimai waunenge
wazviwanira.Iniwo apa ndakaita
rombo rakanaka ndakawana
muridzi wemoyo wangu
Nakai.Ngatichiitai sevanhu
vakuru ka togovana pano.Iwewe
wotora amai vako inini
ndotorawo musikana wangu
handiti ndizvo"

"Tashinga!!!!"

"Matii mai Panganai,murikuda


kuti mwana wenyu atore
musikana wangu
here?.Makaonaka akanaka
,handikodzerane nezvakanaka
kaa
ndezvaPanganai.Handidikuda
kutaura nemi zvakawanda
panapa handina kuvinga imi
musanditsvage".

"Tashinga hautaure naamai


vangu seurikutaura nemwana
wako wanzwa"

"Ko ndikadaro unondiita sei


Panganai?,amai ndevako ka
havasi vangu,ndovaremekedza
vakamira
saani?,samambokadzi?
Ndogara mudunhu rino here
zvandingaremekedzane
navo.Haasi wese mukadzi
anoda ruremekedzo kubva
kumunhu wese.Iwewe kana
vakakuitira zvakanaka
varemekedze inini handife
,ndopamhidzazve handife
ndakaremekedza rwatata
rwakandiunza panyika
rwukandisiya kuti rwuchengete
iwewe".

"Tashinga urikuti chii?" Akadaro


Mubatsiri,Tashinga akabata
chiso chake akanditarisa
akatarisa Kundai akati:

"Handei varume " .

Takada kutaura asi zvekutaura


zvacho takazvishaya .Akatanga
kufambira pamberi.Mukadzi aiva
panaPanganai akasimuka
akamhanyira panaTashinga
akapfugama pamakumbo ake
achiungudza .Ndakaona
Tashinga achidududza
achidzoka kumashure .

"Ndizvo here zvandirikufunga


Tashinga?" Akadaro Mubatsiri
akabata Tashinga .Tashinga
akagutsirira musoro akati:
",Ndaigaronamata
kunaNyadenga kuti vasave
vakandisanganisa nemunhu
uyu.Zvino zvatasangana kudai
ndodiiko.Tasangana muhondo
saka zvirikureva here kuti
ndapihwa mukana wekumutema
tema kusvika afa.Zvirikureva
here kuti ndirikufanira kumurova
ndichimuyeuchidza zvese
zvandakapindana nazvo nekuda
kwake munhu uyu.Ko moyo
wevanhu unenge
umboripiko".Akadaro achishaya
zvekuita nehasha .

"Saka nhai
mambokadzi.Makasiya baba
vangu kuti vatambure nesu
nekuda kwekuti muwanikwe
namambo.Makavasiya nekuti
vaive vasina hupfumi
sehwaMupiniwaguka.Makati
hondo yepabarika
munoikwanisa ,munorwa
mumire kurwira mwana
weumwe mukadzi venyu
makafuratira ,moyo
makaisepiko.Saka hamuna kana
kumbofunga nezvedu kana musi
umwechete here?.Makarera
Panganai zvakanaka nekuda
kwekuti ndiye achaita mambo
kana baba vake vafa ka.Saka
kuchema kwaPanganai kwaaiita
hamuna kumbofungawo
machemero andingange
ndichiitawo here " akambomira
kutaura achibva azoti:
"Zvakanaka toti inini handina
basa ndaive ndakura ka ndaive
nemakore gumi pamakabva ,ko
Chipo zvake Chipo.Mungasiye
mwana musikana mumaoko
emunhurume nekuda
kuroorwa,pabarika futi.Ko dai
akauraiwa kana kubatwa
chibharo nekushaya
amai.Haoana akakurambidzai
kurambana nababa
imi.Makaramba kutitora
zvandichirikunyatsorangarira asi
makazodiiko kungouyawo
muchidongorera.Kungoyambuka
rwizi urwo moti wakadii
Tashinga,wakadii Chipo
ndokudai vana vangu.Ndizvo
zvega zvataida
isu.Makazvitadza ndakabva
ndakuvengai.Nazvino
ndinokuzvidzai
ini,ndakakuvengai kusvika
pekupedzisira.Ndingadai
ndisisazive chiso chenyu asi
handina kukwanisa
kuchikanganwa.Mazuva ese
pandinovhara maziso ndinoona
chiso ichochi ndoti mumwe musi
ndichachipara para
nebakatwa.Ndinoda kusiya
mavanga amakasiya mumoyo
mangu pachiso chenyu manzwa
.Ndakakuvengai mhani"

"Tashinga mwanangu!"

"Chii chirikutora nzvimbo amai?"


Akadaro Panganai Tashinga
akangoseka hake akati:

"Hanzi manhanga anowira


kusina hari ndizvoka?,ko zvekuti
misoro mihombe inopihwa
vanhu vasina pfungwa
makambozvinzwawo?.Kana
musati zvionei pano,iwe
Panganai nemakuriro akaita
dzoro rako hauna kunzwisisa
zvirikutora nzvimbo
nanhasi.Zvaunonzi urimambo
wani ndihwo humambo
hwacho?"

"Nyarara Tashinga
handisikutaura newe"

"Itombotaura neni,naamai vako


muchasara muchitaura .Inini
ndirikuda munhu wangu kubva
kwauri zvevamwe vese handina
basa nazvo ini" akadaro
Tashinga,amai vacho
vaingochema .Ndanga
ndatozoona kuti amai
vaTashinga ndivo vainzi
vaPanganai.Mambo
Mupiniwaguka hameno kuti
vakasvikawo sei paimborwiwa
vaisavepo .Vakadzedzerereka
vakasvika vakamira pamberi
paTashinga vakati:

"Ndiwe urikupopota kudai chii


hee?,ndiwe ani usiri kufara kuti
mwana wangu aroora.Hee
ndiwe ani?"

Tashinga akavajunga
pachipfuva nekamunwe achibva
ati:

"Ndini mwana wemurume


wamakatorera mukadzi,ndinizve
mukomana wemusikana
wamurikuti mwana wenyu
aroora"
Mupiniwaguka akatanga kuseka
achifara zvikanzi:

"Waonaka kuti
kwaMupiniwaguka tinotora
zvese zvatinoda "

"Hongu wenyu mukadzi


munogona makamutora asi
wangu ndoramba naye .Hapana
anomutora ndiripo.Ndati mwana
wenyu achawana amai ini
ndinowana mukadzi wangu"

"Iwee kane hasha wena.Ko


baba vako vakadiiko
kumurwirawo mukadzi wacho
kudai.Ndaitodawo zvehondo ivo
vakasiya ndichimutora pore pore
vanga vakapusawo mha....."

Havana kupedza kutaura


vapihwa chematsenganzungu
vachibva vawira pasi.Pavakati
vasimuke vakapihwa bhutsu
mudumbu vakadonha zvakare
.Panganai akasimuka nehasha
achiona baba vake vachirohwa
akatozodemba chaanga
asimukira obinhwa ariiye manje
.Kakasiiwa kati rapata,Tashinga
akadzokera paive pakarara
Mupiniwaguka akati:

"Zvekurwa ndizvo zvamati


munoda ka?,Ko matoroveka
here apa .Simukai ka
tipedzerane.Apa handisikurwira
mukadzi wenyu ndirikukuroverai
pfungwa dzakaora dzekufunga
kuti munhu akaita sauyo
anofanira kurwirwa.Mukadzi
anorwirwa kana achida
kupambwa sezvirikuitwa Nakai
panapa.Kwete kuti worwira
chembere irikupesanisa
makumbo ayo ichibuda
mumusha kunosangana
nechikomba nekuti
ndimambo.Kuda kungonzi
mambokadzi .Chasara kubva
kwauri Mupiniwaguka
kunoroorwa naPanganai kuti
vaite vahosi chete"

"Nhaiwe Tashinga mwanangu


ko......."

"Hezvo ko Panganai wakabva


wapihwa zita rekuti Tashinga
zvakare ?Ndirikunzwa ka amai
vako varikuti Tashinga
mwanangu"akadaro mukomana
achifamba hake akanosvikomira
pamberi paMupiniwaguka akati:

"Saka maitoziva zvenyu kuti


murikutora mukadzi
wemunhu?Maitoziva kuti ane
vana asi hamuna kana musi
mumwechete wamakatiwo
ambodongorera vana .Ko
zvekukweva sanzu nemashizha
aro zvakazoenda kupiko?Munhu
ungatodada nekutora munhu
aripamurume wake ,moda kuti
zviitike zve pamwana wenyu asi
apa ndopika nababa vangu vari
pachuru hazvife zvakaitika".

"Baba? Pachuru? Tashinga!"

"Asi maiti vachararama kusvika


mapfupa aChaminuka
naNyakasikana amuka
here?Ehe baba
vakashaya,hamuna kuvasiya
vachirwara here imi?Pururudzai
ka muchidzana dzana ,vakafa
tikatambura ndizvoka
zvamaida.Zvinhu zvese
ndazvinzwisisa panapa.Zvese
zvakaitika nemaitikiro azvakaita
asi Panganai ndine
mubvunzo,wakatadza kuona kuti
ava havasi amai vako sei?vako
vacho varipi?,vangu
pavakandisiya ndakazviona
ini,nyangwe dai pakauya vamwe
ndaitozoona kuti ndevamwe asi
iwewe kupusa here kana kuti
chii?"

"Handina kupusa zvekuti


ndaitadza kuonawo musiyano
dai waivepo.Amai vangu
ndivava ava ndizvo
zvandinoziva.Iwewe zvekuti
urikuti ndevako
ndozvandirikutoshaya kuti
chirudzii?"akadarowo Panganai
amai vacho vakati
"Inini namai vaPanganai taive
mapatya .Mai vaPanganai
vakarwara vakafa ndikabva
ndanzi ndiuye kuzoriritira
Panganai nekumutsa mapfihwa
eumwe wangu.Semunhu
waMambo zvaisaita kuti
zvaaoda zviregere
kuitwa.Zvekuti ndaive
pamurumewo zvaive zvisina
basa hazvo.Ndoda nekuti baba
vaTashinga vaive vasina
kupedza kuroora ana baba
vakabva vatoti hazvina basa
ndaifanira kutoenda
kwaMupiniwaguka"

"Mavekunyepa manje?" Akadaro


Tashinga achinyatsogara pasi.

"Ndinoziva kuti urikudaro nekuti


wakaona ndichinetsana nababa
vako .Ndaisada kuti vaone kuti
pane zvirikuitika nenyaya
yekwaMupini kuno.Dai ndanga
ndakavaudza nehasha dzinenge
dzako idzi vaiurawa naMupini
uye nemiwo maizofa ndokusaka
ndakaita hangu sendaidawo
kuvasiya"vakadaro amai
vacho.Tashinga akangozunguza
musoro akati

"Zvamavekutaura izvo
handisisina hangu basa
nazvo.Dai ndisina kuuya kuno
maizombozvitaura here.Inini
hazvisirizvo zvandambovingawo
zvangu.Ndafambira mukadzi
wangu ini,vedu vanokodzera
kurwirwa".

"Panganai wakatora hanzvadzi


yangu ukaitsakatisa panapa.Inini
ndavekutaura sehanzvadzi yake
ndatoona kuti haugone
kumuchengeta .Haukwanise
kumuriritira ,chirega hako
kumutsvaga,Tashinga
mukwasha wangu
achamutsvaga ,uye akamuwana
haachafanire kurwisana newe
,yako nyaya yaperera pano
wako mukana wakatambisa
.Zvekuti baba vakakupa Nakai
uchirimudiki zvakachinja
nekukura ikozvino havachade
naye.Tichadzosera zvekudya
zvamakatipa
musatye."ndakadaro
ndakasunga chiso.

"Ihwo hupfu ndihwo hungatoda


kuenzaniswa naNakai wangu
here ? Kana iro sadza racho
rainaka zvakadiiko zvekuti
ringaenzaniswe ne....."haana
kupedza zvaaida kutaura
Tashinga akanditarisa akabata
muromo ,ndakangoseka
ndikazotarisa Panganai ndikati:

"Ndofunga zvandataura
zvanzwika.Apa tauya
tirivashomanana asi
zvatinogona kuita
mazviona.Kana mukada kuuya
kuzoita zvehondo chaizvo
munouya kumuzinda tiriko,asi
nyangwe zvikadii kana kudii
ndati Nakai hausikumutora "

Ndakadaro ndikatanga kufamba


naTashinga ,Mubatsiri naKundai
vamwe vese vaitevera zvavo
kumashure kwedu.

*Ndipo paperera chitsauko 13*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(14)

*Chipo*

Kundai achienda ndakasara


ndakangoti vavava.Ndaisaziva
kuti ndoitasei.Hongu ndaifanira
kufara kuti ndaive ndawanawo
mukomana anondida nemoyo
wese asika kuratidzwa rudo
munhu achiisa hupenyu hwake
panjodzi zvinhu zvaive
zvakaoma .

"Kutongosiira zvese mumaoko


aMusikavanhu mwana
wehanzvadzi .Mwari ndiye
muchengeti uye ndiye anoziva
marongero aanenge akaita
hupenyu hwedu kubva
pakutanga .Waimboziva here
kuti kusiiwa kwako kuno
naTashinga ndiko kuchaita kuti
usangane naKundai.Iyewe
waidawo kubatsira hanzvadzi
yako kurwa asi zvimwe
hatizvikwanise tiri
vakadzi,chionaka vatumira
umwe wako
anonokumirira,chirega kuchema
mwana wehanzvadzi yangu"

Vakadaro tete ,ndakapukuta


tumisodzi ndikanobatsirana
naMutsa kubika.Takadya hedu
tikasuka mandiro. Tichipedza
ndakagadza mhembwe yaive
yakabatwa naKundai asati
aenda .Ndakafunga Tashinga
achinditi dai ukaroorwa
nemuvhimi.Ndakasekerera
zvangu.

"Hezvooo tikadya yese nhasi ko


mangwana nhaiwe mwana
iwe,muvhimi wangu arikure ka?"
Vakadaro tete vachiona
ndichiisa nyama mupoto.
"Aewa tete ndikungogara
ndabika,mangwana kuseni
todya ka sadza sezvo pasina
chekunwisa svutugadzike saka
tozongodziisa muriwo unenge
wasara nhasi" ndakadaro tete
vakasekerera vakati:

"Watokura kudai nhai Chipo"


"Zvatete veduwee,ndakura ini ko
ndakakura namukoma ka ndini
ndaitove mai vemusha saka
ndakadzidza zvakawanda kubva
kare "

"Asi vana imika,chokwadi


kusarudza kutamba hunherera
ndiripo chokwadi .Makaramba
kuuya kuzogara neni sezvinonzi
makanzwa kuti handibvarure
machira ,makaoma chokwadi"
vakadaro tete vachiratidza kuti
vaibatikana.Ndakafamba
ndikanogara pavaive ndikati:

"Nhai tete,inga pese


pataigumirwa taiuya kwamuri
wani .Baba vakashaya
tatokurirawo tanga tave pazera
rekudzidza hupenyu.Ndine
hurombo kana takakutsamisai
amasiziba."
"Aewa hazvina hazvo kuipa
Chipo.Ndinongofara kana
ndichiona muchifarawo
kudai.Ndinoda kuti
musakanganwe kuti
ndirihanzvadzi yababa venyu
uye ndinokudai nemoyo wese"
vakadaro tete tikabva
tambundirana.

"Eeeh vaera dziva


murikutombundirana ipapa moto
wadzima kare kare murikuda
tidye nguvai nhai" kakadaro
kaMutsa kachipinda mumba
mataive .

"Ibva wakuchidzira ndiro basa


rako iroro mwanangu"
ndakadaro ndichiseka
.Ndakabuda ndikaenda
pamunda waive paseri pemba
.Ndakatanha muboora wangu
ndikamenya nyama yangu
iripamoto.Madiro andaiita sadza
nenyama muriwo uripadivi
ndiTashinga oga
aimanzwisisa.Ndakanyatsokang
a zvakanaka naka ndikagadza
poto yangu yesadza.

"Poto iyoyo ndoyatinobika kana


anaMubatsiri naTashinga varipo
wadii kungobika diki iyi
yemazuva ese urikuzvifambisa
seiko nhasi"

"Haa tete ndambokuudzai wani


kuti zvimwe ndezvamangwana
,anozobika hapana
ndirikumukira kumunda naMutsa
wangu" ndakadaro
ndichitopambira sadza
racho.Ndichipedza kubika
ndakagara zvangu ndikatanga
kutaura nyaya natete naMutsa.

"Gogogoi"

Ndakatarisana natete,Mutsa
ndiye akadaira akanotora vanhu
vacho panze .Ndakazoita
zvekusvetuka ndaona
Nakai.Mutsawo hameno
musikana waanga ambundirana
naye vachifarawo.Tete ndivo
vakatozokwazisa mukadzi
aivepo.

"Hiiiiiiii Nakai ndiwe?"

"Ndini tete ko murikuno?"


Akadaro ndikamumbundira
zvekare.

"Hiiiiiiii ndafara veduweee"


ndakadaro ndichibva
ndazomhoresa vamwe
vaivepo.Ndakazobuda panze
ndikambonotarisa tarisa
ndichitsvaga anaTashinga
naMubatsiri asi handina
kuvaona .Ndakadzokera mumba
ndikati:
"Aaah asi mafamba mega
mutunhu wese uyu?"

"Ehe tauya tega isu tangonzi


tiuye kuno" akadaro
Nakai.Mutsa akatiudza
nezvaRudo natete vake
takavafarira hedu.Taive tisina
kumbonyanyosiyana naRudo
pamakore saka ndakatoona kuti
taizowirirana.
Sevanhu vaive vafamba
ndakatoziva kuti vaive vaziya
nenzara .Ndakapakura zvangu
tete vaingonditarisa ndikaziva
kuti vaifunga kuti ndaiziva kuti
kurikuuya vaenzi.

"Mainini Chipo muri n'anga here


imimi" akadaro Mutsa ndikaseka
ndikati:
"Usaite kunge sekuru vako
Tashinga wanzwa ,ndizvo
zvaanongoitawo izvozvi.Handina
wandanga ndichiziva kuti
arikuuya ini"

Takadya tese hedu


tikapedza.Takarongedza ndiro
tikagara takamirira
kurondedzererwa zvaiitika
kwaive kwabva vaenzi vedu ava.
"Muchitiona tangouya kudai
tanzi tiuye kuno nababamudiki
Mubatsiri.Hatina ruzivo
rwakakwana rwezvirikuitika asi
vatiti kudunhu kwedu kunogona
kuitika hondo
ingangitibatanidzawo"vakadaro
tete vaRudo

"Aewa sunungukai zvenyu


panapa ndipo pamba.Ndafara
tabva tatozivanawo ipapa"
vakadarowo tete vangu.
"Nakai ko urikubva
nekwaMupiniwaguka
chirudzi?zvafambiswa sei?"
Ndakabvunza ndipo paakabva
arondedzera zvese zvaive
zvakaitika kubva pakupiswa
kwemba yedu nekunzi Tashinga
afa,kunwa kwake muchetura
nekutorwa kwaaive aitwa
naPanganai ,akapedzisira
nekuzotaura kununurwa
kwaaive aitwa naTashinga
kusvika paaive aonana
nanaRudo.Ndakafara vachitaura
zvekuti pane mukomana aive
asangana nanaTashinga
ndakabva ndatoziva kuti
ndiKundai airehwa.

Nakai paakapedza
kurondedzera tese
takamboramba takati zii
tichifunga kuti panguva iyi vaive
varipapi vakomana
vacho.Ndaingonamatira kuti
pasawane anokuvara pavari
vese .

"Ndine chinhu chirikundinetsa


tete Chipo"

"Chii zvakare Nakai" ndakadaro


ndichinyatsogara
ndakamutarisa.

"Pandaive kwaMupiniwaguka
uko ndakanzwa munhu ane izwi
rinenge renyu.Pandakanzwa
izwi raamai vaPanganai
ndakapotsa ndasvinura kuti
ndivaone ,izwi ravo nerenyu
ungati nderemunhu
mumwechete".

"Eheee ndanga ndichishaya kuti


izwi iri rakafanana nerani,ndera
mambokadzi amai vaPanganai
chairo" akatsinhirawo Rudo
.Ndakaona tete vakavhura ziso
vakatarisa mudenga.Vakaita
kanguva vachibva vazoti:

"Vakaita sei mambokadzi venyu


Rudo?" .Rudo akatsanangura
zvavaive zvacho ndikaona tete
vachizunguza musoro.

"Kana zvandirikufunga zvirizvo


haapapone naTashinga"
vakadaro tete ndikatarisana
naMutsa:
"Anizve nhai tete" ndakabvunza
ivo vakaita kakuvhundukira
vakati:

"Aah ndirikutoreva zvangu iye


mwana wamupiniwaguka anga
oda kutora muroora wedu uyu"
vakadaro vakatarisa
Nakai.Ndakangobvuma zvangu
asi maitiro avo akaita kuti
ndigunge kuti pane zvabaivanza
.Ko aizonzi anezwi rinenge
rangu angave ani,ndaizvibvunza
asi kwekuwana mhinduro paive
pasina.

Takambotandara mbichana
tichidya nyaya.Hatina
kunyanyogarisa nekuti vamwe
vedu vaive vafamba rwendo
rurefu vaifanira
kuzorora.Takanorara zvedu asi
hope dzakanonoka kundibata
ndichifunga vanhu vaive
mumasango.

Dzakazongondibawo hope
ndikarara .Ndakanonoka
kumuka ndakashamisika
ndichiona paruvanze
patotsvairwa .Mutsa aive
mumba achibika zvekunwisa
svutugadzike.Ndakaona Rudo
naNakai vakatobata migomo
yekuenda kutsime.Ndakatorawo
wangu ndikaenda navo kumvura
.Takachera hedu tikadzoka
tichidya nyaya.

Takasvika tete natete vaRudo


vagara vachidzambira zuva.

"Titambire!!,,tanga tatomirira
imimi kuti tidye pamwechete"
vakadaro tete vachitura varoora
vavo migomo.Ndakafara kuona
Nakai asvika nemvura yake
ichakazara.Ndakaona anga ave
kudzidzawo mabasa anoitwa
nevasikana.Ndakanyatsoona
kuti mukoma vangu vaive
vazvibatira zvavo.

Takapinda mumba tikadya hedu


tichitaura zvakasiyana
siyana.Takapedza ndikasuka
ndiro ndichibatsirwa naNakai.

"Kufunga kwako vanopabuda


here anaTashinga.Wakasiya
zvakamira sei?"ndakadaro
ndakabata muchiuno.

"Ndaisambovimba kuti
tinoikunda hondo iyi
tete.Pakutanga ndaitoona kunge
tirikurwa hondo yakapera kare
asi ndakazoratidzwa
zvimwe.Kubuda kwakaita
Tashinga muhurongwa
hwemachinda ababa
zvakandiratidza kuti
igamba.Murume pane vamwe
varume uye ane
dzinodhonza.Ndakaisa ruvimbo
rwangu maari tete.Handina kana
chimwechete chandirikutya
parizvino.Ndinoziva kuti
vanopakunda chete"

"Kana wadaro
zvakanaka.Neniwo ndinovimba
navo vese" ndakadaro Mutsa
akasvika achiti:

"Kunyanya Kundai!"
"Aaah nhaiwe Mutsa" ndakadaro
ndichibata chiso changu
ndichinyara ndikazoona
ndavekutosekwa .Ndakapedza
zvekusuka ndikatora mufushwa
wemunyemba wataida kuzodya
masikati acho ndikagadza
pamoto.Rudo akati aida kubika
handina kumbopikisana naye
,ndakatofara ko ndaizodya
zvanga zvabikwawo nemuroora
ka .
Ndakabuda naMutsa naNakai
tikamboenda kumunda
.Takambosakura sakura
tikazodzokera kumba nguva
dzekudya dzatokwana.Taive
tatochovha hedu ndima yacho.

Takasvika Rudo atopedza


kupakura.Dai ndisiriini ndaive
ndaburitsa muriwo ndaizviramba
kuti taidya nemunyemba.Muriwo
wanga wabikwa iwowo zvekuti
ndakadya ndikapedza
ndakangotarisa maoko aRudo
ndichida kunzwisisa kuti aive
maoko anenge edu here.

Takapedza kudya
tichingomurumbidza
hedu.Takabatsirana kusuka
ndiro ,tichipedza takabva taenda
kurwizi kunogeza.Takaenda
kwandaive ndakasangana
naKundai,Mutsawo nedzungu
akabva audza anaNakai zvaive
zvakaitika musi wandaive
ndatanga kuonana naKundai.

"Mukaramba muchindiseka
kudaro ndichajambira zvakare
mumvura macho aa pane
anozogona kundinyurura here"

"Aewa tete vangu zvamuri mega


mukafa ndinosara nani
manje,uye mukapinda tese
tinofiramo ka nekuti kuzorwiswa
naTashinga kwakaoma
unoudzwa kuti hanzvadzi yangu
yakafa wakatarisa sei wozotii?"
Kakadaro kaNakai ndikaseka
hangu.

Takadzokera kumba tikangoita


mamwe mabasa ekuti tipedzise
zuva redu.Takambogara
pabvute tichitaura hedu
nyaya,takazopinda mumba
,Mutsa ndiye aibika hake .
Pataive tave kutodya ndipo
pandakanzwa kutaura
kwevanhu panze .

"Hiiiiii mukoma Tashinga!!"


Ndakadaro ndichitoisa ndiro
yangu pasi ndichisimuka
pandaive ndigere .Ndanga
ndarinzwa izwi remwana
wababa vangu .Ndakadhumana
navo pagonhi.
"Hiiiiii mukoma!!" Ndakadaro
ndichivambundira ndikatanga
kuchema.Ndaifara kuona
mwana waamai vangu ari
mutano.Ndakamusiya
ndikanombundira mwana
wanguwo
Mubatsiri.Ndainyatsofara
kani.Vakapinda vakagara
ndakasara ndakamira pamukova
ndichitarisa tarisa.
"Asi kune asara kani?"
Vakadaro mukoma Tashinga
ndikati:

"Aaa aewa mumba maane hutsi


umu ndanga ndichida
kungorohwa nekamhepo
mumaziso" ndakadaro ndikaona
anaMutsa
vachindiseka.Ndakaisira
anamukoma zvokudya.Paive
pasina zvakawanda saka ndiro
yangu ndakatovapa
vakawedzera nezvaive
mupoto,koini nzara yacho
ndaive ndichimbori nayo
here.Vamwe vaive vaona
vadiwa vavo ka moyo yaive
yagatsikana ,iniwo wangu
ndaisaziva kuti aive auyawo
here? Aive mutanowo here apa
kuti ndibvunze anaMukoma
zvaizobuda here.

"Kundai akasvika kwamuri here


?" Vakabvunza tete ndikanzwa
kamoyo kachifara:

"Hongu tete akauya hake asi


....."

*Tashinga*

Hakuna chinhu chinorwadza


sekusiiwa
nemubereki.Worarama hupenyu
hwako hwese uchitambura
uchiedza nepese paunogona
napo kuti zvinhu zvibatane
,wakura wosangana
neakakusiya wacho woona
arimutani,arikurarama hupenyu
hwake zvakanaka.Rudo
rwaaifanira kukupa arikurwupa
mwana weumwe mukadzi anova
muvengi wako zvakare.

Ndakatarisa amai vangu


ndainzwa kuda kuchera guva
ndovafushira vari
vapenyu.Munhu wepi asina
moyo wekubereka.Mukukura
kwangu ndaingonzwa kuti
nhumbu inorwadza asi maitiro
evamwe vanhu anoita kuti
ndifunge kuti zvese izvozvo
manyepo.

Chokwadi ungasiye vako vana


vawakagomera ,wonochengeta
weumwe mukadzi sewako
nekuda kwekuti ndiye achatora
chigaro chababa vake kana
vashaya.Isu tingosiiwa nekuti
vedu baba vainhonga svosve
nemuromo.Mubvunzo wangu
woti,kutambura imhosva
here?,varombo havakodzere
kudiwawo here?..

Sekutaura kwavo amai vaiti


vaive vakanzi vamutse
mapfihwa eumwe
wavo,zvaizoitwa sei vaive
vakaroorwa?.Hama dzavo
dzacho dzaida hupfumi
hwaMupiniwaguka ka dzikati
hukama haungarove ,uyu
babaTashinga haana
basa.Nyaya huru
iripaupfumi.Nyaya yacho yaive
yotonditemesa musoro,dai amai
vacho vaitidawo uye dai vaida
baba vakadii kutaura zvakanaka
votaura nyaya yacho sezvairi
baba voonawo kuti vodii?

Ndakarangarira mabviro akaita


amai pamba vachitaura kuti
baba varikufambidzana neumwe
munhu,ndakabva ndatoona kuti
apa vaive voda kundinyepera
kuti vakamanikidzwa ,vanga
vagara vachidawo kuenda
zvavo.

Chandakazviudza ndechekuti
zvaive zvakaitika kunababa
vangu zvaisazombofa zvakaitika
kwandiriwo.Panganai nababa
vake vaive vakajaidzwa
vakajaira zvino ndaida
kuvadembura miswe yavo yaive
yarebesa.

"Usanyanyekufungisisa
Tashinga.Pahondo iyi tatokunda
,hanzvadzi yangu yatove yako
kwehupenyu hwese hakuna
umwe anokwanisa kumutora
apa" ndakanzwa tsano vangu
vachidaro
ndikanyemwerera.Ndakatarisa
Kundai aive akanyarara hake.
"Zvino kamai kaye hakanyare
here nyaya dzako dzabuda
pamberi pemukwasha"
ndakadaro nechemumoyo
zvangu .Takafamba
tichingotaura dzimwe nyaya
kusvika tasvika kumuzinda
.Takaona mambo Zvandareva
vakatotimirira.Takasvika
tikagwadama pamberi
pavo,ndakaona vaitarisisa
ndikaziva kuti vaitsvaga
mwanasikana wavo.

"Baba musatye Nakai


a....."vakarondedzera zvese
tsano Takunda .Ndakaona
mambo vachinyemwerera
vakauya vakandibata
vachindisimudza pandaive
vachibva
vandimbundira.Ndakaona
Tinazvo achibudikira
akadonhedza hari yaaive
akabata paakandiona ndiri
mumaoko
amambo.Ndakasekerera
ndikamutsonya zvangu iye aive
avekubvunda serutsanga
rurimumvura.

"Chiiko Tinazvo asi waona


chipoko kani" vakadaro tsano
Takunda ,aida kutaura Tinazvo
asi akatadza
avekungondandama.Ndakafamb
a ndikanomira mberi kwake
ndikazevezera munzeve dzake
kuti:

"Ndakambokutaurira Tinazvo
kuti pakati pangu newe hapana
anofa kusvika nyaya iyi yapera
.Ndiwe wakaitanga ini changu
kupedzisa ,ndaiti unondiziva
kaini izvo unotopengawo
zvako,ungafunge kuti iyeni
chaiye ndingatsvire mumba ini
ah kuti
kwauyei?".Ndakamutarisa
ndikaona achinetsekana pachiso
chake.Ndakangonyemwerera
ndikaona aisa rwoko rwake
pane rangu akanditsunya
ndikaseka ndikati:

"Tinazvo,zvekuti munhu
anoyuwira nemarwadzo kana
atsunywa kuti aonekwe kuti
mupenyu zvinoitwa kuvakadzi
kwete kwandiri.Chokwadi
ndingacheme kuti ndatsunywa
chokwadi.Chimira ndikutsunye
iwewe unzwe kuti ndirimupenyu"
ndakadaro ndichitomutsunya
akatanga kuyuwira .Mambo
vakafamba vakasvika pataive
vakati:

",Tinazvo,ngakave kekutanga
nekuguma kuswededza ruoko
rwako panaTashinga
uchimutsunya.Mwanakomana
wangu zvichireva kuti rukudzo
neruremekedzo rwaunopa
Takunda uchange uchirupawo
kunaTashinga kubva nhasi"
.vakambonyarara
vakazoenderera mberi vachiti:

"Ndinovimba zvandirikutaura
murikuisa munzeve mese
machinda nekuti handisikutaura
naTinazvo oga
apa.Vanakomana vangu ava
muchavachengeta neupenyu
hwenyu,hapana chinofanira
kuvawana imi muripo
tanzwanana?"
Ndakaona machinda
achibvumira.Tinazvo
zvakamunetsa
kugamuchira.Ndakamurova rova
pabendekete akanditarisa
ndikamutsonya ndikafamba
nanamambo tichinopinda
mumba.

Takambogara tichikwazisana
nevamwe ,ndakaona
babamudiki vaNakai vakafara
,anaamai vakandifarirawo vese
zvakare .

"Baba zuva rave kutovira


iri,ndanga ndichikumbirawo
kumbosvika kwatete
kunanaNakai.Ndirikuda vaone
kuti tirivatano,kwanyanya kuita
madzimai oga hana dzavo
dzinenge dzisina kugadzikana
ipapa"
"Zvakanaka Tashinga,zvino
munosvika kuchakachena
here?"

"Aewa musatityire baba


tinosvika,uye tinodzoka zve
kuno musati mamboona kuti
hatipo.Ndinoziva
anaMupiniwaguka havasati
vabvuma kukurirwa saka tinouya
manje manje" ndakadaro
zvangu.
Tsano Takunda vakasara
nanababa kuitira pakawana
zvinoitwa nemuvengi
tisipo.Ndakaenda naMubatsiri
naKundai.Takasvika hedu vanhu
varipakati pekudya.Kundai
haana kusvika kumba
kwedu,ndaiziva kuti aida asi
anenge aitya kuona munhu
wake ndiripo.Handina
zvandakataura
hangu,ndakangosiya achitora
nzira yekwavo .Aimbonoonawo
vabereki vake ozoona mukadzi
wake pakunochena.

Takakwazisana nezvanhu
tikabva taita kuti vabyatsozivana
zvakanaka tiripo.KaChipo kaida
kuona kundai ndakanyatsoona
kuti mwana wekumba kwedu
aive azopinda murudo manje.

Ndaida kutaura nyaya yekuona


amai asi zvaisaita paine vaenzi
anatete varudo saka
ndakambomira .Takarara
kuchiedza ndakaenda kunatete
ndikavaudza zvaive zvakaitwa
nemuroora wavo.

"Ndakanzwa Nakai achitaura


kuti akanzwa izwi rinenge
raChipo ndakabva ndatoziva kuti
ndiamai venyu
vairehwa.Chokwadi angasiye
hanzvadzi yangu nekuda kunzi
mambokadzi,ko iyemi
angakusiyei onochengeta
mwana weumwe anoshura
mukadzi uye"

"Aaaaaaa!!!!" Takacheuka tese


natete tikaona Chipo akamira
akanditarisa.

"Ndanzwa zvese ndirikuda


kunoonawo chipembere chaive
chakasarudzwa nababa
vangu.Ndirikuda kumuonawo
mukadzi ane moyo wakaipa
sechiso chegudo ririkurwadziwa
nemimba,handei mukoma"
akadaro Chipo ndakaramba
ndakamira achibva aa.......

*Ndipo paperera chitsauko 14*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275
(15)

*Takunda*

Ndakafara chose kuti baba vaive


vagamuchira Tashinga
semwanakomana wavo.Ndivo
baba vangu vandaiziva vaive
vadzoka ava kwete mhuka
yavaive vachinja
kuve.Ndakaona ana amai
vachiratidzawo kufara nezvaive
zvaitwa nababa.
Ana Tashinga vakazobuda zuva
rovira vachienda kwaive
nanaNakai.Ndakabuda navo
ndichivaperekedza handina
hangu kuvasvitsa kure nekuti
ndaida kuona svovi
yangu.Mazuva aive awanda apa
ndaive ndakapedzisira kumuona
musi waandibvuma.

Ndakaita rombo rakanaka


rekusangana naye
mumugwagwa unoenda kumba
kwavo.Dai ndisina kumuona
ndaizvipira hangu kusvika
kumba kwavo ikoko.

"Ko zvaurikudarikira wani nhai


Chengeto" ndakadaro
ndakatarisa kwaaienda
,akacheuka akanditarisa akati:

"Ndabva kumba kwedu ndiine


rwendo rwangu ndiko
kwandirikuenda,asi ndapara
mhosva here zvamurikuda
kundiona?"

Ndakaita sendarohwa mbama


pandakanzwa mashoko akadaro
achibva
kwaari.Ndakangosekenyeka
ndichizvishingisa ndikati:

"Hongu mhosva wakapara


,wakaba moyo wangu Chenge
ndosaka ndauya kuno
kuzokuona" ndakadaro
ndikaona achifamba achienda
kwaaienda .Ndakaramba
ndakamira ndichishaya kuti
ndodii,aive akanditsamwira
nenyaya yekusamuona
pamazuva iwawa here,ko kana
zviriizvo munhu haabvunze here
kuti ndairegawo nei kumuona.Ko
aive asina kundisuwa
semasuwiro andaive ndamuita
here.
Ndakasimudza musoro
ndikaona atofamba chinhambwe
.Ndakamhanya ndichitevera
mumashure make kusvika
ndamubata.Ndakanomira mberi
kwake ndikashamisika ndichiona
achiyeredza misodzi pamatama.

"Nhai Chengeto chii?"


Ndakabvunza iye akatarisa
kurutivi achibva apukuta misodzi
akati:
"Seiko vanhurume muchinge
nyoka inoruma
chaisingadye?Sandiwe here
Takunda waiuya kwese kuno
kana kaviri pazuva
uchindipfimba"

"Ndini ko......."

"Waindipfimbirei iwe uchiziva


kuti haundide.Waindipfimbirei
uchiziva kuti une munhu wako
waunoda kuroora ".

"Chengeto nemhaka yei


urikutaura uchidaro .Munhu
wandinoda kuroora upi?Ndiwe
wega wandinoda nda...."

"Rume risinganyepe hariroore


nhai.Zvino apa zvowonyepera
iniwo zvangu iwe uchibva
kunoona munhu wako
wauchada kuroora ,mazuva ese
aya waisauya kuzondiona
uchiswera naye"

"Nhai Mwari" ndakadaro


ndichipukuta kumeso
kwangu.Ndakatarisa Chengeto
zvekupererwa zviye
ndikangoseka ndikati:

"Chengeto ndaive ndisipo


ndaive ndakaenda
ku......"handina kupedza kutaura
munin'ina waChengeto asvika
achiti:

"Vanhu vapfumi munonakidzwa


nekutambisa moyo yevarombo
handiti.Ndaisazvitarisira
kwamuri sezvo muri munhu
waMambo.Ndaimira nemi kuti
mukoma vangu vakubvumei apa
mazorwadzisa tese
mufunge"akadaro achibata
ruoko rwaChengeto vakatanga
kufamba vachienda.

"Ko ndaita sei"


ndozvandakataura.Chenai
akaramba achifamba ,Chengeto
akamira achibva anditarisa
mumaziso.Maziso ake
ndaisagona kumatarisa aive
akatsvuka kuti piriviri sezvo aive
ambochema.

"Ndirikuda kuti unditarise


mumaziso upindure mubvunzo
wangu uchirevesa".

"Zvakanaka ndinoita sekudaro"


ndakadaro ndakamutarisa
,akagadzira pahuro achiita
seane chigodo chaaibvisa
achibva ati:

"Une vasikana vangani


Takunda"
Mubvunzo uyo wakandipedza
simba rese
mumakumbo.Ndakakurumidza
kutizisisa maziso angu
ndikatanga kukwenya musoro
waisambovava.Ndakamutarisa
ndikaona akanditi nde-e
achimirira mhinduro.

"Ndinokuda Chengeto"
ndakadaro ndamutarisa manje
iye akangoseka akati:
"Wanetsa kupindura
mukasarudza kuzvambarara
pamusoro
pemubvunzo.Heya,pamaonero
andakazviita vasikana vese
vemudunhu menyu ndevako
ka,ini handikwanise hangu kuita
makwikwi nevamwe.Zvirinani
tigare tasiyana nazvo pachiri
pedyo.Zvekuurairwa murume
hure handidi" akadaro achibva
atomhanyira Chenai.
Simba rekumutevera
ndakarishaya.Mashoko ake
aingotenderera mupfungwa
dzangu.Ko ndianiko anga
akataura naye uye aive
akamuudza kuti
kudii.Ndakazvuva makumbo
angu ndichienda kumba kwedu.

"Mukoma Takunda" akadaro


Wadza paakandiona achibva
andimbundira.Pandanga
ndabuda aive akarara hake.

"Urisei Wadza wangu"


ndakadaro kakasekerera kakati:

"Ndanga ndimbori mutano asi


izwi renyu randiudza kuti imi
mune zvirikukudyai moyo.Taurai
neni tinzwe".
"Haa zvaWadza
veduwe.Hapana chirikundinetsa
ini,kungoti ndakaneta chete
ne...."

"Kunyepa kwacho hamugone


,kufizuka uku ndekwemunhu
anetswa nenyaya dzemoyo uku"

"Wakangoita svondo rimwechete


urikumba kwen'anga
wakutoshopera" ndakadaro
ndikatanga kuseka .Iye akangoti

"Iiiiika "
achibva atanga kusekawo

"Chitaurai tinzwe musafunge kuti


matiza nyaya yangu.Hanzii
naChengeto".

"Zvandaitya zvaitika Wadza.Aa


zvakaoma "
"Marambwa here chii?"

"Handizive kuti ndiani akaudza


Chengeto kuti ndine vamwe
vasikana"ndakadaro
ndikatsanangura zvanga zvaitika

"Nhai mukoma!!!Hatina
kukuudzai paye naNakai kuti
siyanai nevamwe avo moita
zvaChengeto wamunoda
.Chionai manje mamiriro akaita
zvinhu.Ipapa muchaita sei
manje.Makadii kugara
mamuudza haaa veduweeee"
akadaro Wadza
achinyatsoratidza kuti
agumbuka.

"Handina kuwana mukana


wekumuona Wadzanai.Ndaive
ndichiita nezvenyaya dzana
Tashinga handina
kumutsanangurira
zvese.Handichazivewo kuti
ndoita sei ini.Pamwe haasi
wangu"

"Kana musina zvekutaura


nyararai.Haasi wenyu pakudii
saka ndewani.Tashinga
akwanisa kutora musikana anga
akapihwa mumwe mukomana
kare wani.Yenyu nyaya itori diki
iyi kana kuti manga magara
musingamude Chengeto wacho"
"Ndinomuda Wadzanai"

"Kana muchimuda munofanira


kumuratidza kuti munomuda
.Vamwe vasikana venyu vese
vaye munofanira kuvaramba
zuva remangwana risati rabuda
.Handisikusekerera" akadaro
achibva atofamba achipinda
mumba.
Ndakada kufambawo kuti
ndipinde mumba asi
zvakandirambira.Ndakafamba
ndikaenda kumba kwana Netsai
.Ndakaridza mheterwa achibva
abuda akauya
kwataiwanzosangana.Akasvika
achifara kwazvo asi handina
kuda kutambisa nguva
ndakataura zvandaive
ndafambira.Akachema hake asi
handina zvandaigona kuita
ndaifanira kumusunungura
pachiri pedyo aizowanawo
anomuda .Uyu ndaive
ndakamupfimba asi
pandakazoona Chengeto
ndakanzwisisa kuti ndiye
wangu.Ndakatenderera
ndikatsvaga vamwe vaizviwisira
pandiri ndikavaudza kuti ndaive
ndisisazvide.Vese vari vashanu
ndaive ndapedza kuvaudza
ndakadzokera kumba
ndichinzwa kakusununguka.
Ndakasvika vamwe
vachisvusvura ,handina kuda
kudya hangu ndakapfuurira
kunorara.Hapana kuita nguva
ndakanzwa munhu aigogodza
pasuwo rangu.Ndakazarura
ndikaona ari
Wadzanai.Akapinda akabata
ndiro yangu achibva ati:

"Ndokumbirawo kubvunza kuti


dumbu nemoyo zvinobatana
papi?"
"Imbomira Wadza"

"Saka mukasadya zvandabika


izvi mangwana munotomuka
makuwirirana naChengeto?,Asi
mabva kwagodobori
ndovadaro?"

"Ndiwe wabika?"
"Ehe ndosaka
ndisirikukusekererai,mukai ipapo
mudye tione"

Wadzanai naNakai kana paine


chavanenge vachida unototi
uchiite chete.Ndakamuka
ndikadya wani.Ndakadya
mbichana ndikapihwa ziso rekuti
handisikudzokera nendiro ine
chinhu.Ndakadya ndikapedza
ndikanwa mvura zvikanzi:
"Ndozvinoitwa izvi,mangwana
kana makuenda
kwanaChengeto tirikuenda
tese"akadaro achibva abuda
hake mwana wababa
vangu.Ndakasara ndikarara
ndakangotarisa
madziro.Ndakafunga maomero
aive akaita kupfimba
Chengeto.Zvakatora nguva kuti
abvume apa nezvanga
zvazoitika ndaipabuda here apa.
Handizive kuti ndakabatwa
nehope
nguvai.Ndakazongomuka
kwatochena.Ndakanogeza
ndikadzoka ndichigara patafura
nevamwe.Paingotaurwa nyaya
dzakawanda wanda asi handina
hangu
kumbozvidairira.Ndichipedza
kudya ndakambofamba famba
ndichimirira Wadza kuti apedze
kugadzirira.Ndakasangana
naTinazvo ndaingonzwa kuda
kuseka ndichimuona.

"Hanzi nababa tsvaga Tashinga


varikumuda
nekuchimbidza"ndakadaro
ndichiruma kahuswa
kandainon'onesa mazino angu
zvangu.

"Aaaa Tashinga haapo


pamuzinda ndakaona achibuda
nezuro mauro"

"Saka kana asipo iwe


urikutsvagei pano.Paakabuda
wakadii kubuda naye ,ko kana
akawanikwa nemuvengi,hamuna
kunzi mumuchengete
nehupenyu hwenyu here?
Heeee"

"Ndizvo hazvo mambo asi nda


nda nda....."
"Handina nguva yekutaura newe
ini,enda unokanya zvidhinha
pazasi apo ndirikuda zvakati
wandei"

"Aaaa ndega?"

"Muswe wako urikurebesa


iwewe,urikubvunza inini manje
urikuda kundipikisa here ,ita
zvandareva tione,ndinonzi
Takunda Zvandareva
inini"ndakadaro ndichitobva
paari nekuti Wadza aive ave
kundisheedza.

Tinazvo ndaida kumbotamba


naye kusvika pfungwa dzake
dzatwasanuka.Aifanira kuripira
mhosva dzake dzese dzaaive
akapara.
"Iiiii Wadza tirikuenda kunoroora
here kana kunoona munhu"

"Tirikuenda kunotukirwa mhosva


dzevamwe baba ko chii?"

"Wabva wachena kunge nyoka


ichangobva kuvhunura kudaro"

"Iiiii mukoma" kakadaro


kachibva kaseka.
Takafamba hedu tichitaura
nyaya.

"Iiiiii Chengeto wacho


kungoshaina hake asi
zviripachena kuti
munomuda.Akanyanyodiiko
aaah ndaneta ini.Saka munouya
kwese kuno kuzomuona?"
"Zvakaoma kani hanzvadzi
yangu.Kana wada chinhu
unotokwinya wotoshinga.Iyeyu
ndiye akarovesa hana yangu
saka ndotoshingirira kuti zviite "

"Asi vamwe vese vamaitamba


navo ndevekwedu uko,saka
akaziva kuti kunaChengeto kuno
akafamba kuzomuudza ndiani?"

"Ndizvo zvirikundinetsa
izvozvo.Ngatitaurei naye ,ndiye
achatiudza kuti ndiani akauya
kuno"

"Zvino tomuona kupi?"

"Hapana zvekuita tichatosvika


pamba pavo"

"Ko tikarumiswa nembwa


manje"
"Wadza ,Tashinga akapotsa
aurawa wani asi kumba
akasvika,zvino kurumiswa
nembwa kudii handei tione"
ndakadaro ndichifamba
ndichienda pamberi.Takafamba
tichitaura hedu tunyaya
naWadza tichiseka.Aitautisawo
munhu wacho.Takasvika pamba
pana Chengeto tikatambirwa
nemukadzi akwegura.
Takagashirwa zvakanaka hedu
tikapinda
mumba.Takakwazisana
zvakanaka ,mumba
makazongoita runyararo zvino
paive pachabvunzika here kuti
Chengeto aripi.Ndaive
ndisisazive pekutangira ndipo
pandakanzwa Wadza achiti:

"Ambuya inini ndinoitwa


Wadzanai,ava mukoma vangu
vanonzi Takunda tiri vana
vaMambo
Zvandareva.Muchiona tasvika
pano kudai taneta,kubva kwedu
uko kusvika tisvike pano
tirikutsvaga musikana anoda
hake kusevenza kumba kwedu
zvino vandaona vacho vese
kwedu uko aiwa havaite
,ndirikuda ane hunhu
hunoyemurika.Hameno kana
muine wamunozivawo anogona
kuita kwenyu kuno" .
Ndakaona ambuya vaye
vachisekerera.Ndakatarisa
Wadza akanditsonya
ndikanyemwererawo ndikanzwa
ambuya vachiti:

"Ndine vazukuru vangu vaviri


Chengeto naChenai.Vaenda
pamunda wepazasi apo kana
musina kwamurikumhanyira
munogona kumira vanouya
manje manje mukaona
anokuitirai munoenda naye
zvenyu"

Dzanga dzazowira mutswanda


manje ,dzaive dzisisanetse
kudyorera.Takatanga kutaura
nyaya hedu tirivatatu.Nguva
dzaive dzati fambei zuva raive
rorova nhongonya,mbuya
vakatira hadyana vachida
kugadza usavi.
"Ambuya munganetsekane
ndiripo here ,ndiudzei
zvamurikuda kubika ndibike"

"Aewa mukunda wamambo


kubika aewa kwete" vakadaro
vachiita zvavaiita.Wadza
akavabata maoko akati:

"Handina kusiyana nevazukuru


venyu vasipo ambuya.Ndiri
musikana akaitawo savo kana
mukandirambidza kubika
munenge mave
kutokanganisa.Ndirimwana
wamambo hongu asi hakuna
anoziva remangwana ,ko
ndikaroorwa neasina
chaainacho rudo ibofu
munozviziva
wani.Handinyatsogona hangu
kubika asi ndine shungu dzekuti
ndigonewo ndiitwe zvinoitwa
nevamwe".akambonyarara
akaenderera mberi achiti:
"Vabereki vedu
vanotikanganisira
mukusaziva.Vanenge vachiti
patirikuitirwa zvinhu takagara
varikutigonera asi chokwadi
ndechekuti tinenge tichifa.Rudo
rwavo rwurikutiuraya nekuti
tinokura tiri mbodza pasina
zvatinogona,zvinozotinetsa
takura tavekuda kupinda
kuwanano.Murume wese
anotodawo kumbobikirwa
nemudzimai wake,anotodawo
kuwachirwa nekuchisirwa zvino
todii tisingagone ,tichipihwa
zvese nechipunu nekuti tirivana
vamambo"

"Mashoko ako ane udzamu


muzukuru.Wakasiyana
nevamwe zvechokwadi.Vabereki
venyu vakakurerai
zvakanaka.Mudunhu medu
muno ukaona mwana waMambo
unopfugama nyangwe
wachembera zvandakaita
izvi"vakadaro vachibva vapa
Wadzanai zvekubika.

Ndakaona kachinetsekana
nekufuridza moto.Hutsi
hwakamutambisa nhova apa
aive anzi abike muriwo une dovi
zvino
aimbouziva.Ndakamufuridzira
moto ndikasiya achidzidziswa
kubika naambuya.
Ndakabuda hangu panze
ndakatora demo ndikatanga
kutsemura matanda andakaona
aripo panze .Ndakatsemura
tsemura ese pasina kana
nguva,ko chikoneso ndaive
ndakayamwa ndikaguta
kaini.Ndakapukuta ziya nekuseri
kweruoko ndichipedza
ndakakanda demo
pasi.Ndakasimudza musoro
ndikaona Chengeto akamira
akanditarisa akashama
muromo.Handina kumbotaura
naye ini ndakangofamba
ndichipinda mumba
mandakaona Wadza
akutopedza kupakura.Chengeto
akapindawo akaratidza
kushamisika nezvaaiona.

"Aaa wauya Chengeto"


vakadaro gogo,Wadza
akasimudza musoro akatarisa
Chengeto akanditarisa
akasekerera.Chengeto
akapfugama akandikwazisa
naWadzanai.Ndakanyemwerera
zvangu.Akazobatsirana
naWadza kupa vanhu
zvokudya.Chenai akapindawo
akashamisika
achindiona.Takakwazisana hedu
tikadya takanyarara.Ndaiona
Chengeto achinditarisa neziso
rine mubvunzo.Aida kuziva kuti
ndaive ndataura nezvedu here
kunambuya asi aive asina
mabvunziro.
"Ava ndivo vazukuru vangu
vandanga ndichitaura
ava.Chengeto naChenai.Imi ana
Chenge uyu anoitwa Wadzanai
uyo anonzi Tashinga vana
vamambo Zvandareva
varikuda....."havana kupedza
kutaura Wadza ati:

"Ndine hurombo mbuya ndanga


ndichikumbirawo kutaura
naChengeto panze".
Sezvo taive tapedza kudya
hapana chakanetsa vakabuda
vari vaviri vakagara
kwechinguva panze.Chenai
akabudawo nemandiro
ndikasara nambuya tichitaura
nyaya setakazivana
kare.Handina makuhwa hangu
asi ndaida kuziva kuti vaive
panze vaitaura
nezvei.Vakadzoka havo
Chengeto ambuya
vakaenderera mberi nenyaya
yavo vachisuma kuna Chengeto.

Ndakanzwa Chengeto achiti......

*Ndipo paperera chitsauko 15*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(16)
*Panganai*

"Kana wakambogona apa nhasi


ndipo pawagona
mwanangu.Wafadza vadzimu
vako apa" vakadaro baba
vachidzvuta chikokiyana chavo.

Ndakanyemwerera ndichifunga
matorero andaive ndaita Nakai
kumbwa kwesvikiro.Raive
risinawo simba svikiro rekwavo
ringadai rakaonaka kuti kune
zvirikuda kuitika manje
raisatovepo.

"Wochiita zvekuchimbidza
kundipa muzukuru iwe nda....."

"Mambo Panganai mvura


yatsva! Mambo!!" Ndakanzwa
izwi raDzetsedzvene
richisheedzera.Ndakatarisa
kwaaive ndikaona
achidzedzereka
achisheedzera.Akadonha
akasimuka achiseka akati:

"Ndati mvura aa motooo motooo


tese tatotsva ipapa"

"Urikutiiko Dzetse?"

"Haaa mambowo futi munonzwa


here imi asi muri chimumumu?"
Ndaida kumupa mbama asi
ndakaseka .Chimumumu ndicho
chaisanzwa here
veduwee.Ndakasiyana naye
ndanzwa mudzimai
akasheedzera kuti kuseri
kwedzimwa kwaive kwaita
moto.Ndakamhanyirako
ndikasvikoona uchiita
kuririma.Ndakatarisa machinda
angu ndikaona akaparara
nahwo hwahwa.Ana Dzetse
vaitonakidzwa nekuti moto
utikubvira apa waive wave
kutosvika kudzimba.

Takatanga kudzima moto uye


umwewo akandidira mvura
hanzi hutsvuku hwenyu hwaita
ndikuonei
semoto.Ndakanyatsoona ndega
kuti doro rinotiitisa mapenzi
chete.Takazoudzima moto uye
tatambura .Pfungwa dzaive
dzopishana kuti waive watanga
sei.Ndaive ndisina wekubvunza
,zvidhakwa zvangu izvi ndizvo
zvaive zvavesa moto
chete.Ndofunga pane aive
akanda mudzanga usina
kudzikwa.

Semunhu aive adirwa mvura


ndakapinda muimba yangu kuti
ndinotora dzimwe mbatya
ndobva ndanogeza.Ndakaita
sendarohwa mbama
ndichangopinda ndichiona Nakai
asipo pandaive
ndamusiya.Ndakatsvaga pese
pese nepandaiziva kuti
haakwane ndikamushaya.Aive
atiza ka apa.Ainyepera
kukomuka here nguva yese
iyi,zvakandinetsa.Nehasha
ndakabuda ndikasheedzera kuti
tiende kwaZvandareva.

Ndakafamba nezvidhakwa
zvangu asi ndakazongoti
shoyoyo ndaona mumwe
mukomana aive akamira parwizi
akanditarisa neziso randisina
kutarisa kaviri.

Akafamba achiuya pedyo nesu


akasvika achiti aida musikana
wake Nakai kubva
kwandiri.Takatanga kunetsana
ndichiti Nakai mudzimai wangu
iye achiti musikana
wake.Tichinetsana kudaro
ndakaona mwanakomana
waMambo Zvandareva achiuya
nemauto achiti arikuda
hanzvadzi yake yandanga
ndaba.Kutaura chokwadi
mudumbu mangu
makarira.Ndaifunga kuti ndivo
vaive vamutora ka zvino
ndaizvitaura ndakamira pai kuti
ndamushaya.Saka aive atiza
achiendepi kana asina kuenda
kumba kwavo.

"Apa godobori ndivo


vangatondibatsira " ndakadaro
ndichizvuva makumbo
ndichidzokera kumuzinda
kwedu.Vakomana
vekwaZvandareva vainzwika
nemutsindo kuti havana kumira
mushe.Takasvika ndikanzi
nduburitse mwana
wevaridzi.Ndakambodzamba
dzamba ndichiti pamunhondo
pamusasa ndokuzopedzisira
ndataura kuti ndaisamuona.

Ndakademba chandaivr
ndaregerera kunwa doro painwa
vamwe varume.Kurohwa usina
kudhakwa zvinhu
zvinonyadzisa,pamusoro pazvo
worohwa pamberi pevanhu
vaunotungamirira.Midzimu yedu
inenge yaive ivete musi
uyu,baba vakauyawo
vachitaurisa ini ndaive ndarohwa
kare.Ndakaona varohwawo apa
hapana kana zvandaigona kuita
kuti ndibatsirewo.
Nyaya yakazonditemesa musoro
magadziko akanyarara
ndeyekuti ini naTashinga taive
nehukama.Amai vangu vaizonzi
ndevaTashinga seiko nhai.Amai
nababa vaive nevamwe vana
vaive kumashure kwangu
zvichireva kuti hukama hwedu
hwacho hwaive hwatosimba ka.

Zvaindinetsawo kunzwisisa
ndofunga inyaya yekuti ndaive
ndapihwa zvibhagera mumusoro
zvaive zvakanganisawo
mafungiro angu.Patakasara
ndakasimuka ndikananaira
kuenda kuimba yangu.Baba
vakasimudzwa nemachinda avo
vakaendeswa kuimba yavo
yekurara.

"Saka Nakai ndotosiyana naye


here zvazvadai.Nekunyadziswa
kwandaitwa pamberi
pemachinda angu aiwa kana
.Kana ndikasamutora hakuna
anomutora " ndakadaro
ndakatarisa
mudenga.Ndakanzwa amai
vachisheedzera vari pagonhi
rangu ndakavaudza kuti
vandisiye ndoga.Ndaifunga
hangu zvandaida kuzoita kune
vanhu vaive vabva
kundinyadzisa pamberi
pevanhu.

Ndakabatwa nehope
ndatatozopepuka
kwatodoka.Ndakavhura gonhi
rangu ndikawana amai varipo
vakamira nendiro
yechikafu.Maziso avo aive
akatsvuka kuratidza kuti vaive
vachema kwenguva
refu.Ndaisaziva kuti ndotaura
navo kutii,ndakangovadzuurira
kuti vapinde.Takagara pazvigaro
zvaivapo ndikanzwa vachiti:

"Ndinozviziva kuti wakatsamwa


,urikurwadziwa
ndinozviziva.Zvinonetsa
kuzoziva chokwadi wakura asi
ndizvo zviripo Panganai"

"Saka munoreva kuti zvese


zvataurwa ndicho
chokwadi?"ndakadaro
ndikanzwa vachiti.........

*NAKAI*
"Ko tete maitwasei
murikuchemei?".Ndakabvunza
ndakatarisa tete Chipo
vaichema zvainzwisa tsitsi
vakabatwa
naTashinga.Ndakatarisa
Tashinga ndikaona akashatisa
chiso kuratidza kuti aive
akatsamwa zvekuti.

Tete Chipo vakabva


panaTashinga vakauya
vachindimbundira .Ndakatanga
kutoburitsawo
musodzi.Ndakakurumidza
kupukuta ndikati:

"Nhai tete
maitwaseiko?Matukwa
naTashinga here?,ndiKundai
here taurai neni chii?"

"Ama aa amai va va va hiiiiiiii"


havana kupedza kutaura
zvakare
vakuchema.Ndakangovambundi
ra zvakasimba vakachema
kusvika shungu
dzapera.Ndakasimudza musoro
ndikatarisa Tashinga asi aive
asisipo pandanga ndamuona
ari.Ndakatarisa ndikaona tete
mai Mubatsiri vakamira
vachipukutawo misodzi yavo.

Panguva iyoyo ndakaona


Tashinga achisvika naKundai.
"Nakai ndokumbirawo kutaura
newe zvishoma"Akadaro
Tashinga achitofamba achibva
pataive.

"Chiregai kuchema tete"


ndakadaro ndichivasiya
mumaoko aKundai.Iye wacho
ndaive ndangozivawo kuti ndiye
Kundai nekutsanangurwa
kwaaiitwa.Hatina kumbotaura
nekuti ndakaona kuti aibatikana
nezvaive zvakaita tete Chipo.

Ndakafamba ndichitevera
kwaive kwaenda
Tashinga.Ndakamubata achibva
angobata ruoko rwangu
akatanga kufamba neni
.Takasvika pasi pemuhacha
tikabva tagara pamatombo
aivepo.

Ndaiongorora mumwe wangu


ndainyatsoona kuti aine
zvaimunetsa.Akagara hake
achibva abata kumeso nemaoko
ake ese ari maviri.

"Mudiwa wangu Tashinga


ndabvira kukuona kare kuti pane
zvirikukudya moyo.Zvino
ndakutonetsekanawo ini
handichazive kuti chii chaicho
chirikukushungurudza umwe
wangu.Zano ndoga akasiya jira
mumasese.Taurawo neni tigone
kupangana mazano zvimwe
unotozonzwawo kurerukirwa"

Akasimudza musoro
akanditarisa .Akatura mafemo
zvemunhu arikushaya
pekutangira zviye.Ndakaramba
ndakanyarara
hangu,ndakangonyemwerera
zviye zvekuti aone kuti ndirikuda
kunzwa nyaya yake uye
ndaizomusimbisa .
"Zvimwe zvinoitwa nevatinoti
vabereki zvakaoma" akadaro
achibva azoenderera mberi
achirondedzera zvaive
zvakaitika kwana
Panganai.Kutaura chokwadi
ndakarwadziwa.Ndakaedza
kufunga kuti kana ini
ndarwadziwa kudaro ko iye
Tashinga natete Chipo vainzwa
sei.Chokwadi kusiiwa muchiri
vadiki wozoona kuti wakasiiwa
kuti munhu achengete muvengi
wako.

"Pakupera kwazvo ndaona


makuva,rikasaita raPanganai
richaita rangu handifunge kuti
tichambogarisana" akadaro
Tashinga atosimuka.

"Aewa usataure uchidaro umwe


wangu.Ndokumbirawo kuti
udzore hasha usafunge
zvakaipa,zvino ukataura zvekufa
unoti ini ndinoita sei tete chipo
vanoitawo sei.Tarisa zvakaitika
pawakambonzi wafa
paye.Ukanzi wafa zvinokonzera
mamwe makuva akawanda
mudiwa" ndakadaro ndikaona
andimbundira.Akandimbundira
kwenguva yakareba
ndakazonzwa kutota
pabendekete pangu ndikaziva
kuti munhu wandaive naye
aichema chinyararire.Semunhu
aiziva munhu wake ndakaramba
ndakanyarara hangu ndaida kuti
apedze shungu asi ini ndaive
ndave kutochemawo.Nyaya
yacho yairwadza ,ukaonawo
yachemedza munhu anenge
Tashinga.

"Ndine hurombo
nezvandichataura apa.Ndinoziva
kuti hauzvide asi hapana
zvimwe zvandingagone kuita"
akadaro ndikanzwa kahana
kangu kachirova.Ndakamutarisa
ndikati:
"Chii Tashinga"

"Ndakudzokera kudunhu
kwedu.Mamiriro akaita nyaya
haasikunditendera kuti ndigarise
kuno.Muvengi anogona kurwisa
chero nguva.Kumba
handichatodzokere Chipo
haafanire kuona kuti ndaenda
arikuda kuendawo zvino
hazviite"
Ndakapukuta misodzi yangu
ndikati:

"Aaa zvakanakai endai zvenyu"


ndakadaro ndichiridza tugunwe
twangu
twemumaoko.Ndaiwanzozviita
kana ndabhowekana
.Ndakanzwa andibata
magadziko angu
akandiswededza pedyo naye
ndokubva ati:

"Izvezvi ndirikuendera kuti


ndizove newe mudiwa
wangu.Ndikasaenda izvezvi
pamberi apo zvinotinetsa
ndinogona kusazokwanisa kuve
newe nda...."

"Enda hako izvezvi asi


ndivimbise kuti hapana
chinokuwana" ndakadaro
ndakamutarisa
mumaziso.Akanditarisa
akanyemwerera akati:

"Ndinokuvimbisa Nakai mudiwa


wangu.Hakuna chichandiwana
uye hama dzako dzese
ndichadzichengetedza
,ndichadzoka usati wamboona
kuti handipo" .

Ndakasekerera ndikadedemera
kusvika muromo wangu newake
wagumana.Takatsvodana
kwenguva yakareba achifambisa
maoko ake pamuviri
wangu.Takange tofemera
padenga tese paakandisiya
achibva akwira mumuti
akanditemhera
hacha.Ndakatanga kuyema
hangu akatanga kundidyisa
.Takazobvapo akandisiya pedyo
nepamba .
"Undimhoreserewo Wadza
ndamusuwa ini"

"Zvakanaka ndinomukwazisa "


akadaro akandimbundira
kekupedzisira achibva
azevezera munzeve yangu kuti:

"Ndinokuda Nakai"

"Ndinokudawo Tashinga"
Akangosekerera hake achibva
ati:

"Ndakumboenda mukadzi
wangu"

"Ko urikuenda wega?"

"Mubatsiri akandimirira pamhiri


apo ndiye wandirikuenda naye"
"Ko.Kundai?"

"Arikumbosara .Chipo
haasikufanira kuziva kuti taenda
.Tikabuda tese anozviona
rinodoka asvika
kwaMupiniwaguka uko"

"Ndanzwisisa mudiwa"
"Zvakanaka chienda
kumba,usare zvakanaka handiti
undichengeterewo tete vako
ndapota"Akadaro achibva
anditsvoda zvakare .Haana
kuzoita nguva aineni akabva
atofamba achienda
.Ndakapukuta tumisodzi
twaiyerera ndikafamba
ndichienda kumba.

Ndakasvika kumba tete Chipo


vachinzi vabuda
naKundai.Ndakasvikooudza tete
mai Mubatsiri kuti anaTashinga
vaive vadzokera.Takaswera
hedu tichitaura nyaya nanatete
tichizivana.

Tete Chipo vakatozouya zuva


rodoka vakabata tsuro nhatu
dzaive dzabatwa naKundai
wavo.Ndakaona kakupenya
pachiso chavo zvairatidza kuti
vaive vaswera nemunhu
aivanakidza
zvavo.Takabatsirana kubika
zvedu tichitotaura nyaya.

"Ko mandiro waisa asina


kukwana Rudo muroora wangu"
vakadaro tete Chipo vachinotora
mamwe

"Aiwa amainini handiti tisu tega


tiripo here" akapindura
Rudo.Ndakashaya kuti
ndomubata sei kuti ndimuudze
kuti tete Chipo vaisafanira
kuziva kuti anaTashinga vaive
vaenda.

"Unorevei ko Tashinga
naMubatsiri wavakanganwa sei"

"Aewa murikutadza
kunzwisisana.Rudo anga achida
kusiya chikafu chavo muhari
umo yosara pedyo nemoto
vozowanawo ichidziya parizvino
havapo" ndakadaro ndiko
kupera kwakaita nyaya yacho .

Kuchiedza ndini ndakatanga


kumuka ndikanobvisa sadza
raive rakasiiwa muhari kuti tete
vangu vasaone kuti raive risina
kudyiwa.Vamwe vakazomuka
tikabatsirana hedu mabasa edu.

Pataive tonwa svutugadzike


ndipo pakatanga nyaya
yese.Ndaisaziva kuti tete vangu
vaive nehasha nenharo
dzakadaro.Vakange vaona kuti
taive tanyepa kuti anaMubatsiri
vaivepo.

"Ndirikuendako
kwaMupiniwaguka kwacho
ndirikuda kuona anondimisa"
vakadaro vachitobhidhaira
vachienda.Ndakapererwa
,mashoko aTashinga
akadzokazve mumusoro mangu
aiti:

" Uchengete tete vako ndapota"

Kungozvifunga izvozvo
ndakabva nda..........

*Ndipo paperera chitsauko 16*


I know kuti yairi short chapter iyi
but ndangoitawo kuti ndisiye
ndakupai,kwandirikuenda
handizive kuti kune network
here
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(17)

*Tinazvo*
Tashinga ndaive
ndisisamunzwisise ini.Ndaive
ndabvira kare ndichironga
zvekuti Tashinga anyure asi
hazvina kumbobvira
zvaita.Kupukunyuka kwaakaita
pataiti atsvira mumba
kwakandinetsa.Ndakarohwa
nechadzimira ndichimuona
amire pamberi pangu ari pedyo
namambo.Saka vakuru vaireva
idi here pavaiti kukava datya
kuriyambutsa.
Mambo vakatiraira kuti
tichengetedze Tashinga
semachengetedzero ataiita
Takunda asi zvaiitawo here.Iyeni
Tinazvo kuchengetedza
Tashinga aiwaka zvaisabuda
hazvo.

Ndakaruka mazano angu


chinyararire ndikabva ndabva
pamuzinda ndichienda kumba
kwana Shupikai.

"Ndinoziva kuti haundide ,uye ini


handikudewo zvakare"

"Asi nhai Tinazvo


wakandikanganisirei
usingandide.Ipapa wakandityora
gumbo ipapa ndatsika mwedzi
wa....."
"Watii Shupikai? Une pamuviri?
Ahii ko ndepani?"

"Kana uchiti ndepani unenge


uchiedza kuita sei uriiwe wega
murume wandinoziva"

Ndakakwenya kwenya musoro


ndikati:

"Aewa iwewe haudi inini unoda


Tashinga ka saka ndichakuudza
zvekuita" ndakadaro
ndichimurondedzerera
zvandaive ndaronga.

"Zvikafamba semarongero
andazviita izvi uchawana
Tashinga wako.Ini
ndinopihwawo mukunda
wamambo zvese zvoenda
panzvimbo.Muti wekubvisa
pamuviri ndokutsvagira "
ndakadaro ndichitofamba
ndichibvapo.Ndakatanga
kufamba ndichienda
kwandakamboona Mambo
Takunda vachienda .Ndaive
ndakaona kuti vaive vakateya
mariva avo ikoko.

Shupikai aiteverawo kumashure


kwangu hake .

Midzimu yangu yaifamba neni


ndakaona musikana aidiwa
namambo Takunda akamira
patsime.

"Shupikai,uyo musikana ariapo


ndiye watirikuda kuona .Iwe
uchambosara pano inini
ndichienda kunotaura naye ,iwe
uzotevera ,zvekutaura
ndakuudza" ndakadaro
ndichibva ndatosiya Shupikai
akahwanda
nechikwenzi.Ndakafamba
ndikasvika ndichiti:
"Wakadii hako mwanasikana"

"Ndinofara makadiiwo"

"Aewa ndinofara,kupisa chete


ndokumbirawo ka mvura
yekunwa ndanzwa nenyota
pandabva parefu"
Akachera nemukombe waaive
nawo ndokubva anditambidza
akapfugama hake.Ndakatoona
kuti tsika paive pamusha padzo
regai adiwe hake
nemwanakomana
wamambo.Ndakanwa mvura
ndikapedza ndikatura befu
ndichigara padombo raive pedyo
naye.

"Aiwa ndaneta,dai zvisiri zvekuti


ndine munhu wandirikuda
kubatsira ndaisambouya zvangu
kwese kuno.Apa munhu
wandirikuda wacho handimuzive
mhoti"

"Aah ko mazvifambisa sei


kufambira munhu
wamusingazive ,ko mabvepi?"

"Mwanakomana wamambo
vekwedu ane musikana
waanofambidzana naye anogara
kunoku.Zvino hupenyu
hwemusikana iyeye ndaona
hwapinda panjodzi sekutamba
sekuseka so.Ndiye wandirikuda
kuruma nzeve nekuti hazvina
kumira zvakanaka" .Ndakaona
hangu asisina kugadzikana
.Akangozvishingisa kutaura
akati:

"Mabva kupi?"
"Ndabva kumusoro kwaMambo
Zvandareva uko"ndakadaro
ndakadzikamira
ndichinyatsogarisika zvangu
ndakatarisa mwanasikana.

Ndakaona achiita kunge


avekupera simba so.Aiita
searohwa nechadzimira
.Ndakanyepedzera kunge
ndaisazviona zvangu ndikati:
"Hapana here wamunozivawo
anofambidzana namambo vedu
ndisvitse shoko ndikurumidze
kudzokera kwedu.Ndatoita
zvekutiza vamwe
kwaMupiniwaguka kwatanga tiri
uko"

"Hongu ndinomuziva .Imi


chindiudzao zvenyu kuti njodzi
yacho iripapi chaipo
ndizomutaurira "
"Ah kubva zvakanaka ka.Nyaya
iripo ndeyekuti mambo vedu
varikufanira kuroora vhiki
ratirikupinda iri.Musikana
wavaifambidzana naye akatsika
mwedzi zvichireva kuti
avenepamuviri pavo.Zvino
kwaZvandareva hakuna akaita
barika ndofunga
munozviziva.Hazvitotenderwe
kurudzi kwavo saka musikana
iyeye akaramba achifambidzana
namambo arikuzvigokera moto
muziso nekuti mambo
Zvandareva vakuru chaivo
havadi zvisina basa .Munhu
akavaendera kumwedzi
neshizha vanouraya"

Akatura befu remunhu apererwa


riye ndokubva asimudza
mugomo wake wemvura
,akanditarisa achibva ati:

"Ini ndanonoka kumba ,regai


ndichienda ,saka ndinonoti
ndaudzwa nani?" Akabvunza
.Ndisati ndapindura ndakanzwa
izwi raShupikai richitaura
kumashure kwangu richiti:

"Ndatotevera iwe
Tashinga.Ndiwe unoziva
kunouya Takunda iwe hande
unondiratidza munhu
waarikufambidzana naye tione"
"Aah ko Mambokadzi masvika
nguvai kuno?" Ndakadaro
ndichinyepedzera kudzungaira
.Iye Shupikai wachowo akaita
zvandaive ndamuudza
chaizvo.Akakuka nehasha
achipopota achiti akaona
musikana waTakunda aida
kumuuraisa
naMambo.Ndakaona pasvika
mumwe musikana ,maitiro ake
akaratidza kuti aive anzwa
zvese.Akasvika achimira
pamberi paShupikai asi
akabatwa naChengeto asati
ataura zvaaida kutaura
.Chengeto akamuti anyarare
ndokubva vatofamba
vachibvapo.

Ndakasara naShupikai
tikarovana maoko basa taive
tapedza ka.Takadungamidzana
hedu tichidzokera kumba
nemufaro.
*CHENGETO*

Vakataura kuti zverudo


zvinorwadza vaisareva
nhema.Munhu kana achiziva
kuti ane munhu wake anenge
achimbokupfimbirei
nhai.Kutaura chokwadi
ndakabatikana,ndaisada
kuzvibvuma asi ndakafunga
mumwe musi Takunda
achindiudza kuti anowirirana
neanonzi Tashinga.Zvichireva
kuti Tashinga uyu aive
angoitawo ka tsiye nyoro kuti
akwanise kundibatsira nyangwe
hake aisaziva kuti ndini.

Kuudza munhu kuti ndinokuda


zvinenge zvichitoreva kuti
wazvipira kugara uchiyeredza
misodzi ka.Mugomo wandaive
nawo wakaita kunge ameno
ameno.Ndaiita sendakaisa
mombe mhenyu
mumusoro.Chenai akanditi
ndiuture ndokubva tambogara
pabvute.

"Ndaisafungira kuti Takunda


angadai" akadaro Chenai
achindipukuta misodzi yaive
pamatama.Iyo misodzi hakuna
asingazive kuti ikapukutwa inoita
manyemwe ,yakatanga
kufushunuka zvayo ichiita
semvura
yepamafashamo.Ndakachema
kusvika shungu dzapera ,Chenai
aichemawo ari parutivi.
"Nyadenga vakatikanganisira
Chenai.Dai taikwanisawo kuona
zviri mupfungwa nemumoyo
memunhu kurwadziswa kusipo
uku manje iii.Chiri mumoyo chiri
muninga kani.Haufe wakachiona
kunyangwe ukazama.Zvimwe
kuda aisava wangu hake
,wanguwo achauya.Simukapo
tiende ambuya vanenge vave
kutoshaya kuti tiripi ,nguva
dzanguvaira"ndakadaro
ndikaona aramba akanditarisa
hake akanyarara.Akapukuta
misodzi yake achibva ati:

"Zvakanakai mukoma.Chero
musina henyu kutyorwa gumbo
zvirinani.Nekufamba kwenguva
moyo unobatana asi
humhandara idambakamwe
,hukayerekana hwatobva
hakuchina kumwe
kwekuhuwana"
"Chenai inga watokura "
ndakadaro ndichisekerera
nemisodzi mumaziso.Iye
akaitawo zvimwechete tichibva
tambundirana
hedu.Takazobvapo tikaenda
kumba tichiimba hedu.Ndaisada
kuti ambuya vangu vaone kuti
pane zvaindinetsa.Ivo naChenai
ndivo vaive zvese zvangu.Pasi
panodya,vabereki vangu vaive
vakafuka avo voga tichiri vadiki.
Ndaive ndaberekeswa Chenai
ndichimunyararidza achichema
tiri kumunda.Ndakafamba famba
naye achichema kudaro
ndichimuimbira kuti
anyarare.Kuti ndidzokere kwaive
nana amai aibva atanga
kuchema Chenai uye zvekuti
amai vakazonditi ndigare
kwandaive naye kure navo
,vozouya kuzotitora tave kuenda
kumba.Handina kupikisa
ndakaita sekudaro.
Ndakagara kusvika
ndaneta,ndakasimuka
ndikamhotenderera ndikadii asi
ana amai havana kuuya
kuzonditora kuti tiende
kumba.Kunze kwaive kwatovira
apa matumbu angu aive ave
kutobvunza kuti nhasi taparei
mudumbu imomo nekuti ndaive
ndaziya
nenzara.Ndakasungurira mwana
kumusana ndokuenda
mumunda maive nana amai
umo mandakasvika
ndichisangana nemashura
.Ndakaona mitumbi miviri yaive
padivi nepadivi.

Zvaisamboda kuudzwa kuti


ndione kuti vabereki hapachina
.Chaive chatove chando
kare.Ndakabongomora mhere
yakavhundutsa Chenai
akamukawo achindibatsira
kuchema.Ambuya amai vababa
taigara navo ndivo vakauyawo
vachida kuona kuti tanonotswa
nei kudzoka kumba sezvo ivo
vaive varambidzwa naamai
kuuya kumunda nekuda kwekuti
vairwara.Chenai aive
achirikuyamwa ndokusaka ini
naye takaenda nana amai.

"Nhai Musikavanhu
mandisekereiko kudai"vakadaro
ambuya vachibva
vangodonhawo ndokuti
zii.Unopererwa
mhoti.Pakazouyawo mumwe
murume akadira ambuya mvura
vakamuka.Ndiye akazotaura kuti
ana amai vaive varumwa
nerovambira .Ndaingoudzwa
kuti nyoka yacho yaingoruma
nekutouraya ipapo ipapo ndichiti
inyambo asi ndaive
ndazozvionera .Takazoenda
kumba.Zvitunha zvakavigwa
hazvo ndiko kutanga kugara
nagogo kwatakaita kusvika
tayarukawo kudai.
"Ko zvamave kudarikira pamba
nhai murikufungeiko" akadaro
Chenai akandibata ndikaseka
ndikati:

"Aah wazviita ko ndanga


ndambozviona here ,hapana
hangu zvandirikufunga ini"
ndakadaro ndichitopinda
mumba.
"Ko manga musisade kudzoka
kani.Ipapa hana yangu yanga
yave kutobika manhanga
.Ndanga ndave kuda kutotevera
ipapa"

"Ndine hurombo gogo tanonoka


pane vanhu vanga vachida
kuratidzwa kwamambo ndivo
vatanga taperekedza,hameno
kwavabva saka zvwmuno
havanyatsozvizive"ndakanyepa
ndichitura mugomo.Chenai
akatanga kuuta zvekubika sezvo
kwaive kwave kutodoka.

Ndakaita senge zvese


zvakaringana kwemazuva
matatu asi mukati kati ndaiziva
kuti handisini Chengeto
wandaimbove.Moyo wangu
waive wakatsemuka kani
,Takunda ndaimuda
ini.Ndakabuda ndichienda
kutsime Chenai akatevera
mumashure.Ndiwo musi
wakauya Takunda .Handina
kuda kutaura naye zvakawanda
,chandaive ndakaziva hangu
ndechekuti varume varevi
venhema .Ndaisada
kunyeperwazve ini ndaive
ndamboziva chokwadi.Handina
kuda kumuudza zvakawanda
maererano nezvandaive
ndakaudzwa nekuti ndaida
kuchengetedza zita remunhu
aive akandiudzawo chokwadi.
Ndakaenda hangu kumba asi
kakushushikana kaive pachiso
chake ndairamba
ndichikaona.Kuti aireva idi here
kuti hapana chaaiziva
here.Asika aive ataura
zvekwaMupiniwaguka ,munhu
aive andiudza aiti atiza
kwaMupiniwaguka kuti andiudze
zvichireva kuti chaive
chokwadi.Ndakanetsekana
ndikashushikana ,kana kurara
handina musi iwowo nekuti
ndaive ndisisanzwisise
chokwadi.

Kuchiedza takaita basa


semazuva ese ndokubuda
tichienda kumunda
hedu.Tichidzoka
ndakashamisika ndichiona
mwana wamambo atsemura
huni zvake dzaive pamba
pedu.Ndakapinda mumba
ndikaona muine mumwe
musikana.Ndakambofunga kuti
ndiye waaida kuroora asi
pandakaona chiso chemusikana
uye ndakaona chakasiyana
nechewandaive ndaona
kutsime.Uyu aive akanaka ,aive
neganda rinoratidza kuti
rinogezwa richiwota zvino ainzi
arikuroorwa naTakunda wacho
aiwa haa hameno kuti aive
akasarudza akatsinzina here
.Asi chete kungoti runako
rwunoonekwa nemusarudzi
kaa.Inga ana Chengeto taive
tatosiiwa nekuda kwemusikana
wacho.

Ndaiziva kuti ndikasaopfugama


ndichivakwazisa gogo
vaizondidyira magaka mambishi
saka ndakaita zvaida kuitwa
zvacho.Tichipedza kukwazisana
ambuya vakabva vati vane
nyaya yavaida kutaura.

"Asi audza ambuya kuti


tinofambidzana ,zvino kana
zvadaro ndinopabuda sei"
ndakadaro ndichinetsekana
mupfungwa.Ndaive ndaona kuti
ambuya vaive
vatomufarira,havaimbotadzawo
uchimuona waisambofungidzira
kuti angarwadze kana nhunzi
zvayo.

"Ndokumbirawo kutanga
ndataura naChengeto ambuya"
akadaro musikana
aivepo.Ambuya havana
kuramba.Takabuda tese panze
ndokubvatanomira pahozi.

"Muroora wangu Chengeto"


akadaro musikana uye
ndikaramba ndakamutarisa
ndichishaya kuti ndopindura
kutii.

"Ah muroora,inga arikudunhu


kwenyu wani" ndakadaro
ndakatarisa pasi ndichivhara kuti
misodzi yangu isaonekwe.

"Chero ukachema wakaisa chiso


murwizi ndinozviona kuti
urikuchema Chengeto.Ndinoziva
kuti hana yako neyehanzvadzi
yangu
dzakaroverana.Ndinozviziva kuti
haakwanise kukusiya uye iwewe
haukwanise kumusiya chero
ukada kuzviyedza ,zvino
urikudireiko kurwadzisa moyo
wako?Urikuda kumusiya nekuda
kwemashoko evanhu ?Unoziva
here kuti munhu ane vavengi
vakawanda .Vamwe unenge
usingatozive kuti vavengi
uchitovaisa pedyo
vozokurwadzisa pavanowana
mukana.Takunda
ndimambo,vavengi vake
vakawanda ,vakaona kuti kana
vachida kumurwadzisa
vanofanira kubata munhu
akamukoshera ,apa munhu
wacho ndiwe zvino
wavekubvuma here kuti
Takunda akurirwe?,wabvuma
here kushandiswa nemuvengi
nhai Chenge?"

Mashoko aya aiita kuuya


achigara pamoyo.Pfungwa
dzangu dzakatanga kutenderera
mbichana ndichifunga kuti ko
kana chiri chokwadi.

"Dai ndaiziva kuti hanzvadzi


yangu inowana mumwe arinani
kudarika iwe kana kuti ingawane
wainoda kunze kwako
waisambondiwana pano nekuda
kwekuti waratidza kuti hauvimbe
naye Takunda.Dai waivimba
naye waimumirira kuti auye
azokuudza zvakaitika
zvese.Ipapa pawakaudzwa
zvawakaudzwa waifanira
kungoti wangu haadaro.Asi apa
ndakuregerera hangu nekuti
ndinoziva kuti vasikana
tikatsamwa tinenge tavekufunga
nehasha pfungwa tomboturika
pamusoro pemba"

"Ndakakanganisa tete"
ndakangonzwa ndadaro
ndikaona vachisekerera.

"Ndafara kani ndanzi


tete,chindiudza zvawakaudzwa
muroora wangu"

Ndakatsanangura zvese
.Pandakataura zita rekuti
Tashinga vakaseka zvavo.

"Ndiudze kuti akaita sei munhu


akati anonzi Tashinga" vakadaro
ndikatsanangura zvandaive
ndaona ,nembatya dzaaive
akasimira.

"Chengeto,anonzi Tashinga
mukomana wemunin'ina wangu
Nakai.Ini ndinoitwa
Wadzanai.Tashinga aive
naTakunda kuhondo
kwaMupiniwaguka uko nekuti
Nakai aive apambwa.Zvino
chindiudza iwewe kuti Tashinga
angabveko here kuzokuti siyana
natsano vake achisiya zvaNakai
wake uko.Tashinga naTakunda
vakadzoka vese
nezuro,Takunda achiuya
kuno,Tashinga achienda
kwatete vake kwavakaisa Nakai"
Ndakatanga kutoona kuti ndaive
ndaita dzungu .Nyaya yacho
yaitoratidza kuti yaive yakakura
kaa.

"Munhu akataura newe


arikuedza kupesanisa Tashinga
naTakunda.Handizive hangu
kuti ndiani asi zvaarikuda kuita
hazvifanire kubudirira.Ini newe
tisu tega tinogona kuzvimisa
unoda here kundibatsirawo"
"Hongu tete ndinoda ini"

"Saka zvakanaka.Tanga taudza


gogo kuti tirikutsvaga musikana
anonotibatsira basa .Hatina
kutaura zvekufambidzana kwako
naTashinga.Usatye hako
unenge uchigara neni
hausikunoita mushandi
wedu,ambuya naChenai
vanenge vachiwana zvese
zvavanoda varikuno.Kana nyaya
dzagadzirika tinozovatora vouya
kwedu apa tikaenda navo
hupenyu hwavo hunoenda
panjodzi"

Ndakambonyarara ndichifunga
kuti ndaive ndombosiyana
naambuya naChenai.Asi
ndakaona kuti zvandaida
kunoita zvaive zvakakosha
kudarika kungogara.Takapinda
mumba ndikabvuma kuenda
nanaTakunda.Chenai
akakatyamadzwa nemaitiro
angu ndikamusheedza panze
ndikamuudza zvandaive
ndaudzwa.Ndakamutsindidza
kuti asare achichengeta ambuya
kwenguva pfupi
yandaizoshaikwa
pamba.Akandivimbisa kuti
vaizosara zvakanaka.

Takapinda maive nevamwe


ndikaona vachitaurs nyaya
vachiseka zvavo.Ndakaoneka
ndikanorongedza ,ndichipedza
takabva tatobuda hedu.Ndaiona
hangu kuti Takunda aive
nekamufaro ,aingosekerera
akanditarisa .Ndakazvituka
nekubvuma kunyeperwa
kwandaive ndaita.

Takangofamba mbichana
tikaona vanhu vaiuya
nemabhiza .Takabva tanzi
tikwire hedu .
"Iiii ndanga ndakutoda
kuberekwa" vakadaro tete
Wadza tikaseka Takunda akati:

"Ndanga ndichiziva zvangu kuti


haugone kufamba netsoka
kuenda nekudzoka ndosaka
ndanga ndaraira vanhu kuti
vazouya vachititora ,ndaizogona
kubereka vanhu vaviri here"
"Aah ko nzou yakazotanga
rinhiko kuremerwa nenyanga
dzayo".vakadaro tete tikaseka.

"Asi iiiiii vamwe vanhu vanodiwa


zvavo munhu kufamba kubva
kwese uko,ko maidii kuuya kana
nengoro zvayo mukoma"

"Unoziva wani kuti handidi


zvirinyore.Ndikarwadziwa
pakuita chinhu ndinochikoshesa
.Ipapa nekufamba kwandakaita
kwese uku handibvume
kusiyana naChengeto ,dai
ndaiuya nebhiza ndaingotiwo
hameno ka,ndinomuda uyu
hameno ndingadii kuti azvione"

"Ndinokudawo Takunda "


ndakangopindura asi ndairevesa
.Takasvika pakasiyana
,Takunda akatanga kuenda
akanzi natete Wadza atore
vanhurume vese vaende kuseri
kuti vasandione .Haana
kumbobvunza akazongoridza
muridzo tikapinda
mumuzinda.Takasvikirana
neumwe mukomana musvinu
.Ndakaramba ndakamutarisa
hangu ndakanyarara aive akada
kungoita saTakunda .

"Ndiye akauya kwauri here


uyu"vakadaro tete Wadza
ndikaseka ndikati:
"Aewa kana,akauya kwandiri
anenge kasekuru so"

Tete vakaseka vakati:

"Saka ndaiziva uyo ndiye


Tashinga uyo"

Takafamba kusvika paaive


tikamukwazisa ,tikazivana
ndokufamba hangu natete
Wadza tichienda kune imwe
imba.

"Apa hapana vanhu vekunze


varikufanira kuona kuti uripano
kusvikira vaita zvimwe
avavarikuronga tibva
tavadonhedza ipapo ipapo.Ana
amai nana baba uchavaona
hako vamwe vese vekunze uko
aiwa"
Vakadaro vachibva vabuda
.Ndakasara ndichirongedza
mbatya dzangu.Ndakanzwa
gonhi richivhurwa ,ndakacheuka
ndikaona..........

*Ndipo paperera chitsauko 17*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275
(18)

*Kundai*

Tichisvika kumuzinda kwedu


ndaida kutorara ndaonawo
mudiwa wangu asi mamiriro
ezvinhu haana
kunditendera.Ndakasarudza
kuremekedza atezvara vangu
ndikapfuurira zvangu kumhatso
kwedu.
Ndichisvikako amai vangu
vakatanga kupururudza
vachifara zvavo kuti ndaive
mupenyu.Ndakapihwa zvokudya
zvangu ndikadya
hangu.Ndakatanga kutaura
nababa ndichivaudza
maroverwo aive aitwa
mupiniwaguka nemwana
wake.Vakafa zvavo nekuseka
ndokuzoti
"Motongwarira zvenyu nekuti
apa vachadzoka vasina
kudhakwa ,motoita mudzokere
mukaramba murikuno munoita
sembwende ,munhurume
haatize hondo mwanangu"

"Hatina kutiza isu baba,tauya


kuzongoona kuti vanhu varisei
kuno tobva tatodzokera zvedu"
ndakadaro vachibva vatanga
kundiudza zvimwe zvaigona
kuitwa pahondo.
"Hondo hondo hondo ndakuda
kuona muroora wangu ini "
vakadaro amai ndikatarisana
nababa tikaseka.

"Muchamuona kana hondo


yapera" ndakadaro ndichiri
kungoseka hangu.Vakaridza
mutswinyu vachindisikiza
nechitsiga chemoto.
Takanorara hedu,mangwana
acho ndakamukira kunovhima
,ndakadzoka ndichipa amai
vangu nyama,ndokuchengeta
yandaida kuzopa
Chipo.Ndakashamisika
ndichiona tsano Tashinga
vachisvika kumba kwedu.Chiso
chavo chaive chisina kana
mufaro.Vakanditsanangurira
mamiriro.aive akaita zvinhu
,ndakanyatsoona kuti zvaive
zvisina kumira zvakanaka.
Chipo ndaive ndamuziva
kwekanguva kadiki hangu asi
pakanguva ikako hasha dzake
ndaive ndadziona.Aive munhu
wekuti anogona kuita zvinhu
zvaanozodemba nehasha.

Ndakabuda
ndikanomuona,tsano vakanditi
vaifanoenda naMubatsiri inini
ndiina Chipo.
"Tirikufanira kuonana tisati
taenda,saka ngatitii kana
wapedza kutaura naChipo kana
adzikama unouya wotiona
pamuwonde uripazasi apo"
vakadaro tsano.Takabvumirana
ndokubuda hangu ndichinoona
munhu wangu.Ndakaenda naye
kurwizi kwatakatanga
kusangana.Ndakazama zvangu
nepese pandinogona napo kuti
ndidzosere nyemwerero pachiso
chake .

"Ndirikuziva urikubatikana Chipo


asi ziva kuti chimwe nechimwe
chinoitwa nekuda
kwechinangwa.Hongu
zvingarwadze nekudii asi ziva
kuti pakupera kwazvo unowana
mubairo wakafanira.Dai
vasina.kukusiyai unoziva here
kuti mungadai musiri zvamuri
nhasi"
"Unorevei kana uchidaro"
akadaro achipukuta misodzi.

"Ndirikuda kuti utarise Panganai


wotarisa tsano Tashinga arinani
ndeupi?"

"Nhai Kundai ungaenzanise


Panganai naMukoma vangu
here?"
"Waona ka kuti vakasiyana
,chindiudza misiyano iri pavaviri
ava"

"Mukoma Tashinga vanogona


kumira semurume vega
pachavo,havavimbe
namachinda vanogona
kuzvimiririra nyangwe nyika
yese ikabva kurutivi
rwavo.Mukoma Tashinga munhu
ane hunhu
hwakanaka,vanoremekedza
vakuru uye havadi kuona vanhu
vanoshungurudzwa.Mukoma
vangu vanobatsira vanhu
vanenge vachitambudzika ,uyo
Panganai anongozvifunga iye
pachake haana kana basa
nevamwe" ,ndakasekerera
paakapindura ndikati:

"Tashinga akarerwa nani?"


"Nababa,asi takazonyatsokura
vatoshaya "

"Panganai akarerwa nani?"

"Nababa vake naa......."

"Pedzisa Chipo"

"Aah naamai"
"Saka iwewe urikuona here kuti
dai amai venyu vakakurerai
mungadai makaita
saPanganai?"ndakadaro
akaramba akanyarara achiita
seari kufunga.Ndakamusiya
akadaro ndikati:

"Nyadenga vaive vazviona kuti


mukarerwa naamai venyu
munokanganisika imi muri
vanhu vane moyo yakanaka
zvenyu ndokusaka vakavabvisa
kwamuri.Izvezvi vanhu vese
varikukuyemurai nekuda
kwehunhu hwenyu hwakanaka"

"Vadii kubva varega


kutisanganisa zve nyadenga
vacho?"

"Izvozvo zvaisaita ,vanenge


vachida kuratidza munhu kuti
akarasikirwa nezvakakosha
achiita zvisina basa.Iwewe
nyaya iyi imbomira
kunyanyofunga
nezvayo.Imbomira nyaya
yaPanganai ipere kana yapera
iyo yogadziriswa.Hupenyu
hwenyu hwaive hwakaita
sekukwira gomo,kana uchira
gomo nerutivi rwakaoma
zvinorwadza asi unenge uine
pekubatirira.Rutivi rwakapfava
munhu anokwira achienda nyore
nyore asi akangotsveedza
anongodonha kuenda pasi
chaipo.Iwewe naTashinga
makakwira gomo nerutivi
rwakaoma ,zvaisave nyore kuti
musvike pamave pano,Panganai
aiwana zvese ,aisarara nenzara
aive naamai saka akakwira
gomo zviri nyore .Zvino
pakudonha uchaona
achangobva kumusoro ikoko
kudzoka pasi chaipo,Tashinga
newe chero kukauya mhepo
yaNyamavhuvhu ikada
kukudonhedzai hamudonhe
nekuti mune miti
yekubatirira,muchatoramba
muchikwira vanhu vese
vakatarisa"

Ndakadaro ndikanzwa
kandimbundira .Takataura
zvimwe mbichana sevanhu
vaive vasuwana .Takatsvodana
hedu ndokuzonomusiya kumba
kwavo.Ndakamupa tsuro dzake
ndichibva ndaenda .Nyaya
hombe yanga yakutyisa
ndeyekuti aizodii akaona kuti
ana Tashinga
vaisavepo.Ndakaenda
kwandaive ndawirirana
kusangana navo ndokubva
ndaona varipo vakandigaririra.

"Zvaizvezvi hasha dzake


dzaserera ndambozamawo
kutaura naye " ndakadaro
zvikanzi:
"Zvakanaka Kundai,waita
hako.Apa ndine nyaya
yandiinayo pano.Nyaya yacho
yakamira yakadai.........."
Vakarondedzera nyaya yacho
ndakanzwa hana yangu ichirova
mbichana.Ndakapukuta tudikita
twanga twave pamhanza ndikati:

"Ndichaita sekudaro" ndakabva


ndatobvapo ndichienda
kumba.Ndakambosvika
ndichirara.Zvaive zvataurwa
naTashinga
zvaindinetsa,ndakarara
kwekanguva ndikazomuka
ndikati:

"Regai ndiende
kwaMupiniwaguka"

Ndakaudza baba kuti ndaive


ndavekudzokera .Ndakacheka
mutunhu wangu ndichienda
kwaMupiniwaguka.Ndakasvika
zuva ropinda munamai varo
ndikananga kumachinda
aPanganai.

"Mu-mu-veveveve-ngi ka- uyu"


akadaro umwe muchinda
aikakama so.Ndakagwadama
ndikati:

"Handisi muvengi wenyu ishe


.Ndiri muvengi wemuvengi
waMambo venyu .Ndanga
ndichikumbirawo kuona mambo
venyu Panganai".

Panganai wacho akabva


asvikawo pataive
pacho.Ndakaona achisunga
chiso akanditarisa
ndikakurumidza kuti:

"Mambo Panganai,ndauyawo
nenyaya yangu.Handizive kuti
munoitorawo sei asi ndanga
ndichikumbirawo kuti
mundipewo mukana wekutaura
nyaya yangu"

Akambonditarisa kwechinguva
achibva azoti zvakanaka taura.

"Maita henyu,ndofunga
makamboona ndauya nana
Tashinga paye,ndaifunga kuti
tiripamwe chete handina kuziva
kuti ane moyo wakasindimara
kaini.Aive akandiudza kuti
murikuda kutora musikana wake
izvo kwaani,ndatozoziva nhasi
kuti ndiye arikutora munhu
wenyu wamakapihwa kare "
ndakambomira ndikati:

"Munoona inini ndaitoda


hanzvadzi yaTashinga ,saka
ndaimubatsira ndichiti
ndinowanawo mukadzi zvino
nhasi anditaurira kuti handife
ndakaita mukwasha
wake.Ndambofunga kuti
kutamba asi tarirai mavanga
aazondipa aya
achindirova.Ndabatikana
,ndabva ndamuvenga kudarika
zvinhu zvese zvepasi pano.Asi
munoziva rudo
zvarwunoita,hanzvadzi yake
ndichirikuida,ihanzvadzi
yenyuwo ka zvakare nekuti
anamai venyu vamwechete,saka
ndanga ndichiti kana
mukanditendera kushanda nemi
zvinoita nyore togona kurwisana
nemhandu yedu tiri pamwe
,munoziva kuti chara chimwe
hachitswanyi inda ka,zvino
tikaita vaviri hakuna
anotikurira.Kana tikakurira
Tashinga zvinenge zvave
kureva kuti imi munowana Nakai
wenyu ini ndotorawo Chipo"

"Chipo ndiani?"

"Hanzvadzi yenyu mambo


wangu,sezvo muriimi munenge
matove baba musatye pfuma
yenyu inouya
yakakwana.Tashinga
ndinomuziva zvekumuziva zviye
zvekuti chero mukada kumubata
chero nguvai ndinoziva
pekumuwana"ndakadaro
ndikaona ave
kusekerera.Ndakaona
asheedzana nemachinda ake
vakaenda nechekure neni
kwenguva yakareba vachibva
vazodzoka Panganai akati
ndimutevere.

Ndakaona aenda neni muimba


yake yekurara akatanga
kundibvunzurudza
nezvaTashinga.Ndakapindura
mibvunzo yake yese
akagutsikana .Kwakadoka
tikaigirwa zvekudya .

"Kwedu tinodyira mundiro


imwechete izvi handina
kuzvijaira izvi" ndakadaro
ndichitoisa chikafu changu
mundiro yake,izvi ndaizviitira
kuti kana ndaisirwa muchetura
taifa tese.Takadya zvakanaka
tikarara .Mangwana acho
ndakanzi ndibude nemachinda
maviri kunomema dunhu
raZvandareva.Takadzoka
tikaudza Panganai zvataive
taona.

"Varikufunga kuti vakapedza


basa paye ,manje takuchivarova
vakavarairwa apa" ndakadaro
zvangu ndichisekerera
mbichana.

"Ndizvo zvandaida chaizvo,simbi


inorohwa ichapisa ,husiku
hwanhasi tirikuenda
kunovaparadza " akadaro
Panganai achibva atosheedza
machinda ake .Takaudzwa
maitiro ataizoita tese tikati
zvakananaka.
Ndakazotora zvinhu zvangu
zvekugezesa ndokunanga
kurwizi,Panganai aida kuenda
neni ndikamunzvenga zvangu
sezvo ndaida kunosangana
nevakomana.Ndaive ndakapa
Tashinga mucherechedzo
wekuti vazouya
kurwizi.Ndakasvika parwizi
pacho vasipo ndikabhowekana
.Ndakamira kwekanguva
ndikanzwa muridzo mukademhe
ndikaziva kuti
ndivo.Ndakamhanyako
ndikasvika kuina
Mubatsiri,Tashinga naTakunda.

"Chakachaya husiku hwanhasi


vakomana,tichasvika tichi........."
Ndakarondedzera hurongwa
hwapanganai hwese ndichibva
ndatobvapo ndikadzokera
kwandaigezera .Ndichingopedza
kuisa sipo mumuviri ndipo
pakasvikawo Panganai achiti:
"Ko wazondisiya sei?Ndanga
ndave kutoti kuda
wandipandukira ,dai ndasvika
usipo pano nhasi!"

"Mukati ndingadaro kwamuri


here imi makanditambira
nemaoko maviri.Makasiyana
naTashinga nekure.Munhu
wandaiitira zvese ondiramba
manje nekuti arikuti zvake
zvanaka,ndirikuda kuti afe rufu
rwunorwadza" ndakadaro
ndichiburitsa tumisodzi kuti zviite
chiremererera.

Anonzi Panganai aive


akadzungaira kani,zvese zvese
aingobvumawo.Takatogeza
tichitaura
zvaTashinga,tichipedza
ndakabva ndati timbodzidzisana
kurwa.Handina kumuratidza
zvandaigona ndaingoita kuti
aone seanondikurira asi
pachokwadi chaipo kurikunzi
tamiswa apa aisambondikurira
zvake .

Takadzokera kumba tikatanga


kudzidzisa vamwe
kurwa.Ndaitoona hangu kuti
vese vaisambonyatsogona asi
vaive vakawanda kudarika
vekwedu.Panguva
yekuvhenekera tsvimborume
ndipo patakabuda hedu
tikanokomba muzinda
waZvandareva.Pataive paive
neruware ,ndakasimudza ruoko
rwangu ndikabata bata
ndikanzwa pachitsveedza
ndikabva ndaziva kuti vakomana
vaive vaisa
nhanzva.Ndakasekekerera
zvangu ndikasimuka pandaive.

"Handei tinoona kwatichapinda


nako isusu" ndakadaro
kunaPanganai ndokubva
ndaenda naye kwandaiziva
kwaive nanaTashinga.

Ndaisafungira kuti basa rangu


raizoita nyore kudai asi vadzimu
vakanditungamirira.Ndakaridza
mheterwa ndichiudza vamwe
vangu kuti tauya.Panganai
akaona kuti ndaive
ndakamunyengedza,ndakaona
ziso rake ratsvuka tikabva
tatanga kurwisana.
Pamuzinda paive pave nemhere
mhere ,vanhu vaPanganai
vazhinji vaive vatadza kupinda
nekuda kwenhanzva yaive
yakaiswa .Vaitsvedza vobva
varovera nemusoro
paruware.Vashoma vaive
vakwanisa kupinda ndivo vaive
varwiswa nevanhu vedu ,inini
ndini ndairwisana naPanganai
aive pedyo neni.
Tairovana ,iye aive nehasha
dzekubvuma kunyengedzwa
.Takarwa hedu ndikanzwa
hameno akaita zvekuita sei
ndakazongonzwa andinyudza
bakatwa padumbu ndakabva
nda.........

*Tashinga*

Ndichiona Chipo achiratidza


kushushikana ndakabatikana
zvangu.Ndaida kumbogara naye
pasi ndichionesana naye asi
zvaisaita.Ndakaona kuti kana
ndavekuda kugara nevanhu
vangu padhuze ndaifanira kuita
kuti hondo yacho ichipera .

Ndakasiya ndaudza Nakai kuti


andionerewo
Chipo.Akandivimbisa kuti
aizosara
achimuchengeta.Ndaivimba
naye hangu saka ndakawana
simba rekuti ndiende.Hakuna
nguva inorwadza seyekupesana
nemudiwa wako,usingazive kuti
uchamuonazve here kana kuti
ndiko kupera kwazvo nekuti
ndaive ndoenda kuhondo isina
kumira mushe.

Ndaiziva zvangu kuti Panganai


aive asina kunzwa zvataive
takamuita.Aive nhinhi saka
kumurova kwandakamuita
kwakamuwedzera hasha chete
aitove nehurongwa hwekuuya
kuhondo.Apa ndipo pandaida
kuzomupedzera
zvachose.Ndakaona Mubatsiri
akandimirira zvake pasi
pemusasa.Takafamba tikaenda
kwandanga ndaraira Kundai kuti
azouya kuzotiona kana Chipo ati
dzikamei.

Haana kunonoka hake Kundai


akasvika.Semunhu aive
akanonoka handina kutora
nguva ndakangotaura nyaya
yangu ipapo ipapo ndakaona
Mubatsiri naKundai vatarisana.

"Munoona zvichiita here tsano?"


Akabvunza
Kundai.Ndakangomutarisa
ndikasekerera ndikati:

"Usatya hakuna chandinoronga


chikasabudirira,zvingatore
nguva hazvonasi zvinoita chete
tikaramba takashinga
.Unokwanisa kuita zvandareva
here?"

Akakwenya mhuno nekasiyanwa


asati apindura .Haaimbotadza
,zvaida nguva yekufunga asi
nguva ndiyo yaisave kurutivi
rwedu.

"Ndakavimbisa Chipo kuti


ndichakubatsirai kusvikira hondo
yapera .Ndakamuvimbisa kuti
kana ndichifa hangu ndinofa asi
imi ndakuchengetedzai,zvino
zvamati ndiite zviduku.Ndichaita
zvamareva tsano".akadaro
akagwadama nebvi
rimwechete.Ndakanyatsonzwa
kutendeka muizwi rake.Rudo
rwaave narwo kuhanzvadzi
yangu ndakarwuona nameso
angu maviri.Ndakamubata kuti
asimuke ndikabva
ndamumbundira.Ndakamuronde
dzerera zvandaida kuti
aite.Takabvapo tikaenda
kudunhu kwaMambo
Zvandareva.

Ndakasiya vamwe vapinda


ndikambotanga kumema mema
zvangu ndichiona kuti hapana
zvaive zvaitwa nemuvengi
here.Zvese zvairatidza kuti
zvaive zvakaringana
hazvo.Ndakaona Wadza
achiuya neumwe musikana
munaku.Ndakaudzwa kuti ainzi
Chengeto ndakabva ndatoziva
kuti ndiye aive akarovesawo
hana yatsano vangu Takunda.

Chakandinetsa ndechekuti vaive


vauya naye sei pamuzinda
vachiziva kuti hondo yaive ichiri
kupwititidza.Ndakavatsvaga
ndikavaona vakagara
nemachinda .Ndakavatora
ndikaenda navo
padivi.Vakanditsanangurira
zvekurambwa kwavo nehangasa
ndakaziva kuti pane aive anyepa
,ivo vaisanyatsoziva nyaya
yacho asi Wadza anenge aiziva
akaramba kuvataurira
.Ndakavaudza hangu
marongero andaive ndaita
naKundai.

"Apa macharika moto


nemarengenya vakomana .Ko
zvikasabuda semarongero
amazviita?" Vakadaro
tsano,ininiwo ndaitotya kuti
zvinogona kusabuda zvakanaka
asi nemarongero andaive
ndazviita ndakaona kuti munhu
akaita saPanganai
aisambofungira zvisizvo.Ko
pfungwa aimbove nadzo
here.Ndoda nemavanga aive
naKundai aitoti arikutaura
chokwadi.

Zvakafamba semarongero
andanga ndaita,Kundai
akatiudza kuti vaiuya ,akatiudza
zvombo zvavaive nazvo tikabva
tanogadzirira hondo.Tanga
tamuti anouya nevazhinji vacho
nekuruware rwaive kuseri uko
kwataiziva kuti vaingoti
vakatsika vaibva vatodonha
vorovera pamatombo.

Madzimai nevana taive


takavavakisira chimusakasa
kunze kwemusha ndiko
kwavaigara vakarindwa
naTinazvo nemamwe machinda
mashanu.Ndaisada kuti Tinazvo
auye kuhondo nekuti aigona
kungondiuraya akawana
mukana .Iye neumbwendewo
hwake haana kuramba kuenda
kuvakadzi.

Hondo yakangotanga ichipisa


,vanhu vairwa zvakanana
ndakaona kuti vazhinji vaive
vakananga inini.Ndakatoziva
kuti mambo wavo aive
akavaudza kuti anouya
nemusoro wangu aiwana
mubairo.

Ndakapedzerana nevashanu
vandairwa navo
ndopandakanzwa mhere
nechepadhuze nepandaive.Izwi
ndakariziva ndikabva
ndamhanyirako.Ndakapfuura
nepanaHondondizvo ndikaona
haikona aiita seasvikirwa
achisetuka kunge tsikamutanda
aona chidhoma chechikadzi.
Ndakanzwa kamhepo kuti feee
neparutivi pangu ndakatarisa
ndikaona uri museve waienda
kumunhu
wekwanaPanganai,wakasvikoba
ya nechepagurokuro
apa.Ndakaona varitsano vangu
Takunda vaive vakanda ,apa
kwavaive kwacho
,ndakasekerera.

Ndakasimudzira nekutsvaga
Kundai wandaive ndanzwa
achichema.Ndakaona Panganai
achizvomora bakatwa raive
rakabaya padumbu
paKundai.Akarisimudza achida
kubaya pamoyo asi akadya
manonoko.Ndakangosvika
ndichibanha ruoko rwaive
nevakatwa rikabva
radonha.Nguva iyoyo
ndakatarisa Kundai ndikaona
achinyemwerera achibva
atodonhawo.Ndakatarisa
Panganai ndichinzwa hasha
dzangu dzese dzichiungana.

Takatanga kupanana zvibhakera


.Iye anenge anga adzidzirawo
kurwa nekuti aizvikandawo ka
zvekudaro.Ndakaona kuti
ndaisapedzerana naye panguva
iyi saka ndakanhonga bakatwa
rake achibva atiza .Ndizvo
zvandaida hangu ndaiziva kuti
tichasanganazve asi ndaida
kutanga ndarapisa Kundai.
Ndakamusimudza ndikaenda
naye muimba yekuseri yataive
taisa svikiro.Ndakangovasiira
Kundai ndokubva ndadzokera
kune vamwe .Ndakabudikira
nepaive naMubatsiri ndikaona
munhu waairwa naye akamuisa
bakatwa pahuro.Iye aizama
kubvisa pakatwa raaida kubaiwa
naro asi munhu wacho anenge
aive nesimbawo.Ndakaita
kakusvetukira ndikabva
ndabhutsura munhu uye pagotsi
chaipo achibva ati zii.

Ndakabata Mubatsiri ndichida


kuona kuti aive mushe here
,ndakanzwa ndaiswa museve
pagumbo apa.Ndakaita hasha
ndakaubvisa ipapo ipapo
ndikabva ndaukanda kune aive
andikandira ukasvikunanga
muziso chaimo.Rakabowa rume
nemarwadzo ndakaswedera
pedyo ndikadzura museve
ndikati:
"Upote uchitamba nevezera
rako,ndirikuda Panganai,vamwe
muchiri nemukaka pamhino imi
imbonorarai mukure" ndakadaro
ndichimusundidzira achibva
adonha.

Vanhu vaipera zvavo.Taive


tasara tiri vashoma shoma
.Ndaitenderedza ziso rangu
kutsvaga Panganai.Ndakaona
achirwisana naTsano Takunda
paakaona ndichiendako akabva
atanga kutiza.Kakomana
kaimhanya ikako,kana mhepo
kaiisiya ,ndakamboda kuseka
asi ndakaona kuti ndikaita
zvekutamba yaizofira
kwedu.Ndakatatamura museve
ndokuuregedzera uchinoti nyuuu
panyama nhete chaipo
ndikanzwa achiti:

"Iiiiiiiiiiiiiii pagaro here vakomana


nhaiwe Tashinga! "

Handina kupindura
ndakaregedzera umwe
uchinobaya rimwe racho
ndikaona akudubuka
mukomana.Ndakafamba
ndikaendako ndikasvika
ndichi........

*Ndipo paperera chitsauko 18*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(19)

Nakai

Tete Chipo pavakaona kuti ana


Tashinga vaive vasipo
vakapenga.Panguva yacho
ndakapererwa nekuti ndaive
ndisati ndambovaona vakadaro.
"Ndirikuendawo
kwaMupiniwaguka ikoko hapana
achandimisa " vakadaro
ndikanzwa hana ichirova.Kuti
titsvage Kundai zvaisashanda
nekuti ndaiziva kuti aive aenda
nana Tashinga.Ndakatarisa
tarisa ndikaona banga raive
parupasa paive pakagara ana
tete.
Ndakatarisa tete Chipo ndikaona
vachibhidhaira vachitobuda
pamba.Ndakanhonga banga riye
ndikazvinongedza naro
padumbu ndikati

"Tashinga anditi ndikuchengetei


zvino kana maramba mukaenda
pakawana chinokuwanai
ndinozvitsanangura ndakamira
pai.Ndinomuziva anokudai
zvekuti anondiuraya saka kana
muchida kuenda endai henyu
asi ndobva ndazviuraya
Tashinga asati adzoka"
ndakadaro vachibva vacheuka
vakaona bakatwa ritori
padumbu.

"Na..Nakai" vakadaro
vachimhanya kudzoka pandaive
.Vakasvikotora banga raive
mumaoko angu vakarikanda
kure ndokundimbundira
vachichema.Ndakachemawo
navo kusvika shungu
dzapera.Tete mai Mubatsiri
natete vaRudo vakatitora
vakatanga kutaura nesu
.Takazobvapo hedu tave
kutonzwa zvirinani.Tete Chipo
vanga vavekungoteera na neni
kwese kwandaive vachitya kuti
ndaizozviuraya.Ininiwo ndizvo
zvandakda nekuti hapana
kwavaizoenda

Mazuva akafamba zvinhu


zvanga zvatodzokera
panzvimbo hazvo.Mumwe musi
takaona Tashinga naMubatsiri
namukoma Takunda
vasvika.Tashinga aikamhina
zvairatidza kuti aive akakuvara
gumbo.Ndakaona kuti Mubatsiri
aivewo akuvara ruoko,Mukoma
Takunda vaive nemavanga
kumeso kwavo.Zvaioneka kuti
vanhu vacho vese vaibva
kuhondo.

Takamhoresana hedu vaisaziva


vakazivana.

"Ko Kundai aripi?" Vakabvunza


tete Chipo ndikaona vakomana
vatarisana zvandisina
kunzwisisa.Vakaramba
vakanyarara vese zvinova
zvakandishamisa.

"Ko Kundai aripi?" Vakabvunza


zvekare tete Chipo ndikanzwa
Tashinga achiti:
"Aa ko zvanyanyodiiko
kumubvunza pamberi pangu?"

Nyangwe bofu raikwanisa kuona


kuti ane zvaaiedza kuda
kuvhara.Handina hangu
kumzwisisa zvaiitika asi haana
kugarisa mumba
imomo.Akabuda akadzoka pave
paye maziso ake
akatsvuka.Ndaisakwanisa
kumubvunza muine vanhu asi
ndanga ndave
kunetsekana.nemaitiro ake.

Kwakavira tikadya hedu asi tete


Chipo vakaramba.Tashinga
akaedza kuvamanikidza
vakarambisisa,haana
kutozombodyawo.Takarara
taudzwa kuti mangwana acho
taienda tese kudunhu
redu.Ndakafara kuti ndaive
ndave kunoonawo vamwe
,ndaive ndavasuwa vese
kunyanya Wadzanai .

Vakomana vakabuda vese


ndikasara hangu ndichitaura
naatete vangu ndichivaudza kuti
Kundai anenge aive apfuurira
kumba semunhu aisada
kuvaona paina
Tashinga.Takamutswa nguva
dzemashambanzou tikanzi
tipinde mumugwagwa tiende
kwedu.Ndakashamisika
ndichiona vabereki vaKundai
vachiuyawo asi iye
aisavepo.Taive takanovaona
naTete mai Mubatsiri,Kundai
aive avaudza kuti vaendese
Chipo kuvabereki vake
vamuonewo.

Rwendo rwedu rwakarebesa


nenyaya yekuti taifamba
takanyarara ,taive nemibvunzo
yakawanda asi vataigona
kubvunza vacho vaisada
kutipindura.Takasvika hedu
zuva racheka nyika,Ndakaona
pamuzinda pedu pachinja
zvairatidza kuti paive pakarwiwa
hondo svinu chaiyo.

Ndakafara ndichiona vabereki


vangu vese varipo, naWadza
wacho.Akati pane munhu
waaida kundiratidza
ndopaakaenda neni muimba
yake akandiratidza Chengeto
wamukoma Takunda
.Ndakamufarira zvangu aive
munhu akasununguka.

Ndakanotora Chipo
ndikamuratidzawo
Chengeto.Wadzanai akatanga
kutitsanangurira zvaive
zvakaitika tisipo.Akatiudza
hurongwa hwaTinazvo ndikavira
nehasha.Aimbozviona saaniko
mukomana uye.Akatiudza
marongero aanga akaita nyaya
yake tikamafarira.
Akazotsanangurawo zvehondo
yakaitika,Tete Chipo
vakabvunza nezvakundai ndipo
pakasvika Takunda akati inini
naChipo taidiwa
naTashinga.Takaendako
tikawana akamira kuseri
kwemba akazembera muti
waivepo.Paive nezvigaro zviviri
takanzi tigare ipapa.
"Chekutanga ndinoda kukumbira
ruregerero kwauri Chipo.Kuti
Kundai ange ari paari izvezvi
ndini honzeri"

Takasimudza uso takamutarisa


achibva aaenderera mberi achiti:

"Dai ndakadzikamisa moyo


wangu kuti usade Nakai
pangadai pasina kuita hondo,dai
ndaka....."
"Aripi Kundai
mukoma".vakabvunza tete
Chipo

Tashinga akatura befu akati:

"Arikumba kwesvikiro.Akabaiwa
nebakatwa naPanganai nanhasi
haasati amuka .Svikiro
ririkuyedza neparinogona napo
asi...." Haana kupedza kutaura
akangotarisa kurutivi akapukuta
misodzi yake.Tete Chipo
vakasimuka chinyararire ,ini
ndakasimukawo ndikavabata
ndikaenda navo kumba
kwesvikiro.Takanzi tipinde hedu
,takapinda tete vakabata
mukomana wavo ruoko
kwekanguva vakanyarara
vachibva vati:

"Kundai!" Hapana akadaira


vakadzokorodzazve kusheedza
ndokuti:

"Mudiwa wangu Kundai "


hapana akadaira ndipo
pavakatanga kuridza mhere
.Ndaive ndongochemawo ndiri
parutivi handina kana
kuvabata.Ndaida kuti vapedze
shungu dzavo.

"Ndiko kundida kwacho here


uku nhai Kundai,ndiko here
kundida kwacho uku.Unoti
zvirikundinakidza here kukuona
wakadai.Wakavingei kuhondo
kwacho kana waizoziva kuti
uchadai.Muka undipindure
Kundai.Unoti sadza rinodzika
here ndichikuona wakadai
heee.Ndizvo zvamaifurirana
naTashinga wako kuti munditize
muuye kuzokuvara .Munoti dai
ndaivepo ndairega zvakadai
zvichiitika here heeeeeeee.Dai
ndiriini ndakabaiwa
pachinzvimbo chako zvirinani
nda......" Havana kupedza
kutaura tete vabatwa namai
vaKundai.Kupinda kwavo ndaive
ndisina kumbokunzwa kaini.

"Kana usina zvekutaura


wamanikidzwa nani kutaura
heee.Unotaurirei mashoko
anorwadza isu vamwe
ukanyarara unobvei Chipo.Unoti
dai uriiwe wakabaiwa zvaisata
basa nekuda kwei
heeee?.Unofunga kuti tese
hatikude here .Dai uriiwe
wakabaiwa zvingadai
zvichitonyanyorwadza
ndichishaya kuti mumwe mwana
musikana anokodzerana
nemwana wangu
angawanikwepi?Iye amboriko
here asiri iwewe.Kundai uyu
kubvira ari mudiki aida
zvehondo uye anokunda sezita
rake.Iyoyi ndeimwe
hondo.yaasangana nayo iyi
arikurwisana nerufu
ndinomuziva uyu anokunda
chete" vakadaro amai vaKundai

"Handisi chinhu kana asipo ini


amai,zvirikundirwadza kumuona
akadai ini.Ndodiiko,ndingaite
seiko kuti abve paari apa.Nhai
amai "vakadarowo tete Chipo
ndokumbundirana naamai vacho
vakatanga kuchema vese.

Ndakaona Tashinga akamira


pamukova misodzi yake
ichibuda.Ndakaenda paaive
ndikati:

"Waona here kuti tete Chipo


vakawana amai apa Tashinga"
.Iye akasekerera mbichana
amandibata ruoko akabuda neni
panze.Aingotaura zvekuti dai
akaziva kuti zvaizodai angadai
asina kuunza
Kundai.Ndakamusimbisa
ndichimuonesawo kuti yaisave
mhosva yake .Panguva iyoyo
takanzwa izwi ratete Chipo
takamhanyirako tikasvika
Kundai amuka.Mufaro
wandakanzwa handigone
kuutsanangura.Tete Chipo vaiita
kushaya pekubata
nemufaro.Amai vaKundai vaive
vakangomira vachisekerera
vakatarisa tete Chipo
naKundai.Svikiro rakapinda
rikati:
"Chinhu chinonzi rudo ndicho
chinhu chinokwanisa kukurira
rima rese.Rudo rwunopa
hupenyu.Hukama hwenyu
murivaviri saamai
nemwanasikana ndihwo hwaita
simba rekumutsa mukomana
uyu.Ndimi vakadzi vaviri
vaanoda kunzwa muchiwirirana
kudai kwamupa mufaro
mumoyo,mufaro wacho ndiwo
wamupa simba rekumuka"
vakambonyarara vakatarisa tete
Chipo vakati:
"Waichemera rudo rwaamai
kwehupenyu hwese
kaiwe,mhinduro inoita
seyanonoka asi inouya ikozvino
tarisa uone ,hakuna
kwaunowana rwumwe rudo
rwunopfuura rwaamai vako
ava",tete Chipo
vakangosekerera
zvavo.Takabuda hedu
tikambovasiya nemunhu wavo
.Ndakanokurunga tubota tutete
ndikavapa vakamunwisa .Aive
atonaya hake,ronda racho raive
ratooma kunze ndiye anga
angosara kuti amuke
chete.Akaita mamwe mazuva
matatu arikumba kwesvikiro
ndokuzobva hake .Vanhu vese
vakafara vachimuona
achifamba.

"Panganai
wacho.aripi?"vakabvunza tete
Chipo ndaitoda kuzivawo
zvikanzi nemukoma Takunda ,

"Arimuimba irikuseri kwehozi


uko,kana muchida kumuona
simbisai hana dzenyu"

Tese takati dzasimba ndokubva


taendwa nesu ikoko.Takasvika
akanzi abude maaive macho
.Akafamba achidhanaira zvekuti
ndakashaya kuti mafambiro
rudzii ndakaozoona kuti aive
akakuvara magadziko,pane kuti
ndinzwe tsitsi ndakabatwa
nesetswa .Ndakatarisa ndikaona
asara nezvigunwe zviviri.Hanzi
zuva rega rega rinenge ragara
Kundai kumba kwesvikiro
aidemburwa chigunwe.Akatorwa
akaendwa naye kudunhu
kwavo,nesu takaendawo ko
taida kunoonesesa ka.

Amai vacho vakapererwa


vachiona mwanakomana wavo
achisvikwa naye ,baba vake
Panganai vaive kumuzinda
kwavo asi vaive vasisina gumbo
rimwechete neruoko
rwumwechete.Vaive
vakabvarurwa dama zvkare

"Ko vakaitawo.sei ava vanga


vauyawo
kuhondo?".ndakabvunza

"Aewa ava hatizive


nezvavo,imbwa inorwa
nembwa,vakanzwai
naMuchandiriga,Tenzindimambo
naHohwa muchirimo isu
taisavepo isu" akadaro
Tashinga.

"Mambokadzi hero basa kairi


momborapisa vanhu venyu
tichadzoka" akadaro Tashinga
tichibva tatotanga kufamba
tichibvapo.Vakasara
vachiisheedza Chipo
naTashinga ,tete vangu
vakacheuka vakati:

"Tendai Mwari akandipa amai


vandiraira.ndanga ndichida
kukusiyai makaita semurume
wenyu uyo .Musarambe
muchitisheedza munotipa
munyama"

Takafamba hedu tikadzokera


kwedu .Takasvika zvikanzi inini
naTashinga taidiwa muimba
yaive nana baba.Takasvika
varimo vese nana amai.Nyaya
yatakasvikoudzwa ndaisafungira
kuti ndiyo yaida kutaura ini.

Takanzi taive tavekuda


kubatanidzwa,zvichireva kuti
Tashinga ainzi achisununguka
zvake
kunditora.Ndakanyatsofara
zvangu ndaive ndatononokerwa
nekugara nemunhu wangu
ini.Mukoma Takunda vakati:

"Pamusoroi ana baba pane


nyaya yamurikufanira kuti
muzive.Baba muchirikuziva here
nyaya yekununurwa kwangu
pandaive ndorumwa
neshumba.Munhu akandinunura
ndiTashinga"

Takakatyamadzwa nazvo haana


kana musi umwechete waaive
akandiudza nezvenyaya iyoyo
hake .Baba vakamubata
bendekete vakati:

"Unoziva ndinonzwa kusvoda


nekuzama kukuuraya
kwandakaita
mwanangu.Handizive kuti
ndingakukumbire sei ruregerero
nekukumhura
kwandakaita.Pandakaudzwa
nyaya iyi ndakati munhu
akabatsira mwana wangu
ndichamupa zvose
zvaanoda,Apa ndakaona kuti
mwanasikana wangu unomuda
nemoyo wese saka ndirikumupa
kwauri"

"Inini dai panga pasina Tashinga


ndingadai ndakatandadza
,ndingadai ndisipo pano saka
Tashinga ndiye achagara
pachigaro cheushe
pachinzvimbo changu" vakadaro
mukoma ,Tashinga akangoseka
hake akati

"Pamusoroi ana baba mazviita


nezvamada kundipa ndinotenda
chose asi handina
chandinokwanisa kutora.Dai
ndaida kutendwa ndingadai
ndisina kumbobvira ndabvapo
paye,dai ndiine zvandaigona
kuita kuti musazive kuti ndini
ndakabatsira ndingadai
ndakazviita nekuti izvi ndizvo
zvandaisada kuti zviitike.Hongu
Nakai ndinomuda asi
kumupihwa mahara
ndaramba.Chigaro cheushe
chinodiwa nemunhu wese asi
kupihwa nemi tsano
ndarambisisa.Zvamungagone
kuita kundipa zuva ramunoda
kuti ndibvise pfuma
yemwanasikana wenyu
chete.Ndinoziva handina hangu
zvakawanda ndinoita
ndichibvisa hangu pashoma
pashoma" akadaro vanhu vese
vakanyarara vakamutarisa.Ana
baba vakabvumirana
naye,ndakaona tete mai
Mubatsiri vachinyemwerera
vakatarisa muzukuru komama
wavo.

Nyaya ichipedza kutaurwa


pakagogodzwa
pamusuwo,vanhu vacho vakanzi
vapinde tikaona pachipinda
anasorojena
vashanu.Nemapfekero avo
zvairatidza kuti
ndevekwanaPanganai.Vakasvik
a vachigwadama vachibva vanzi
naTashinga vasimuke akavapa
pekugara.

"Chekutanga tirikuda kukutendai


nehondo yamakaita
yakaparadza Panganai nababa
vake.Vanhukadzi vanga vanzwa
nekudzvanyirirwa nekuti
Panganai kubva achikura
aingorara nemusikana chero
waada,kana naivo baba vake
zvakare.Taisakwanisa
kusimudza musoro,nyangwe
padare ukataura zvavasina
kufarira waibva watongerwa
rufu.Nekuda kwezvamakaita apa
vanhu vawana
pekutangira.Panganai nababa
vake vatakwa nemabwe kutaura
kuno chatove chando"

"Taiongorora zvedu nekuona


mukomana anonzi Tashinga
kubva musi wekutanga .Svikiro
rekwedu rakataura kuti aive
mutumwa auya kuzodzikinura
dunhu redu,zvino zvazvadai
tirikutoziva zvirikudiwa
nevadzimu.Hatichina
mambo,Panganai nababa vake
vashaya,tikaisa umwe mambo
asiri Tashinga dunhu redu
rinopara" vakadaro pakaita
chinguva pakanyararwa
ndikanzwa Tashinga achiti:

"Ndine hurombo handikwanise


kutora chigaro
chehumambo.Ndinofara kuti
makabva muudzvanyiriri,hapana
aisaziva mabasa
aMupiniwaguka kubva
tichikura.Inini kuti ndiuye
kuzotongako
handikwanise,dunhu renyu rine
vamwe vati kurei vanogona
kutonga,sarudzai mumwechete
pane ivavo "akapindura
Tashinga umwe wevarume vaye
akati:
"Hongu vati kurei variko asi
midzimu yati ngaapinde hake
mukomana,pachibvirwa iwewe
Tashinga"

Vakazama kumunyengerera asi


akaomesa musoro akarambisisa
hake kusvika vadzokera
kudunhu kwavo.

*Ndipo paperera chitsauko 19*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

(20)

*Tashinga*

Zvinhu zvose zvaiva zvakuita


zvichidzokera panzvimbo
mbichana mbichana.Ndakafara
pandakaoma Kundai amuka
nekuti ndaisaziva kuti dai paine
chaimuwana ndaizozvitaura sei
kuna Chipo nevabereki vacho.

Tichitaura zvevabereki
ndakafara mufunge ndichiona
rudo rwaipihwa hanzvadzi yangu
naamwene vayo.Ndaingoti dai
vanaamwene vese vaive
nemoyo unenge waamai
vaKundai.Vazhinji ana amwene
vanoita kunge ameno
ameno,varoora vanovaona
sevashandi vavo ,vamwe
vanovaona sevanhu
vekupedzera hasha asi mhosva
yavo varoora vacho inenge iri
yei?Yekuda mwana wako here.

Ndakaona kuti kunzwisisa


kunonetsa muvanhu,munhu
ukangonzwisisa kuti zvaunoda
iwewe nezvinodiwa nemumwe
zvakatosiyana haunetseke
.Saamai unogona uine vanhu
vaunoona vakakodzerana
nemwana wako asi ukagara
wazviudza kuti moyo muti
unomera paunoda
haunetsekane.Ana amai
munofanira kudzidza
kugamuchira zvauya izvozvo
motambira nemaoko maviri.

Vamwe vanhu
vamunozoshungurudza vaye
vanenge vakakura hupenyu
hwakaoma
mufunge,,kudzidziswawo kana
naamai anenge asina ,iwe
ukaona auya ndiwe watove amai
paatadza dzidzisa kwete
kutuka.Funga kuti zvaurikuitira
mwana wevamwe wako
akaitirwa zvakadaro unofara
nazvo here.

Zvekwedu hazvo zvanga


zvakarongeka nekuti iniwo
kwangu ndaive
ndavekuonekwawo saTakunda
kwete swmukwasha.Ndizvo
zvinofanira kuita,ivo varoora
vacho nevakwasha ngativeiwo
vanhu vanodika.Kashoma kuti
munhu angogona kudawo
munhu pasina zvaaona
zvaratidza kuti munhu anldikawo
uyu.

Nyaya dzese dzakagadzirisika


yekuroora kwangu ikataurika
ndakafara nekuti ndanga
ndavekuda munhu wangu
padhuze neni.Zvekumupihwa
semubairo
ndakaramba.Ndaisave hangu
nepfuma yakawanda asi ndaida
kubvisawo pashoma ipapo.Baba
pavakafa vaive vasiya mombe
ina ,vanhu vakati ndedzangu
dzese asi ndaive ndakapa
hanzvadzi yangu mombe mbiri
ndikasarawo nembiri.Ikozvino
dzanga dzave gumi nenhatu
dzese .Saka padziri ini ndaitora
nanhatu,hanzvadzi yangu
yosarawo nenomwe.
Vanhu vekwaMupiniwaguka
vakauya vakanditi ndiite mambo
wavo asi ndakaramba zvangu
vakadzokera kwavo.Zvekuroora
kwangu zvakarongwa muzinda
ukagadzirwa zvakanaka
sezvonpairoorwa mwanasikana
waMambo.Tinazvo
aingosekerera sekerera
zvandaisanzwisisa asi
ndakangoti han'ya nani.
Musi wekuti ndiroore
wakasvika,ndakaona Chipo
auya kwandiri akasvika achiti:

"Mukoma ndine nyaya


musandirambire zvenyu chenyu
chamurikufanira kuita kunyarara
moteerera
zvandichakuudzai.Mukandipikis
a chete hameno henyu ndimi
munozochema"
"Kuchema,chii Chipo"

"Musaroore Nakai" akadaro


ndikavhura ziso achibva atanga
kuseka hake achibva azoti:

"Munoziva mukoma handina


chinhu chakandikoshera
sekukuonai muchifara.Ndinoziva
kuti Nakai ndiye anounza
mufaro pachiso chenyu uye
imimi munoda kumuratidza kuti
akakosha.Munoda
kumubvisirawo zvaanokodzera
semwana wamambo.Ndinodawo
zvimwechete izvozvo ndosaka
ndauya kuzokuudzai kuti
mombe dzedu dziye torai dzese
mubvisire Nakai.Handisi kuseka
ndirikutorevesa ,ndambokuudzai
kuti mukandipikisa
munozochema" akadaro
achisekerera hake akanditarisa.

"Asi Chipo......"
"Pandakazvarwa maivepo
kaimi,ndakazvarwa ndiine
mombe here inini.Akandipa
mombe ndiani ndinotadza nei
kukupaiwo kuti
mubatsirike.Patakapihwa
taimboziva here kuti
dzichawanda sezvadzaita
izvi.Zvaizvezvi ndati shandisai
dzese pfuma inouya ichipfuura
kwouya imwe tichawana dzimwe
dzakatodarika idzo.Handiti inini
ndicharoorwawo.Musandiudze
kuti murikuda kundiendesa
mahara nekuti Kundai akarwa
hondo" akadaro avhura ziso
rimwechete rimwe rakaita
kakutsinzinira ndikaseka
zvangu.

"Hakuna munhu wenyama


anokwanisa kundipa pfuma
inoenderana newe Chipo saka
tingati ibvisirwei hedu"
ndakadaro kachibva
kanditsunya.

Tezvara vangu vaiwirirana


nevanhu vematunhu akawanda
saka madzishe akawanda
aivepo vachipemberera
kuroorwa kwaNakai.Tave
kutopedza zvaida kuitwa zvese
ndipo pandakaona Shupikai
achisvika achichema zvinopisa
tsitsi.Ndakaramba
ndakamutarisa zvangu achibva
anopfugama pamberi pamambo
namambokadzi.Hana yangu
yakarova pandakanzwa achiti:

"Musatendere kuti Tashinga


wangu aroorane naNakai
mambo"

Vanhu vese vakamutarisa


achingoungudza ndakaona
madzishe achibata miromo
ndakangoti zvandinoitirwawo
ini.Ndakaona Nakai anditarisa
neziso raive raita kakujenga
misodzi.Shupi uye akaenderera
mberi achiti:

"Kuti mwana akure asina


mubereki zvinhu
zvinonetsa.Tashinga
akandityora gumbo ndikatsika
mwedzi,aona zvadaro
akandisiya akauya
kumwanasikana wenyu
Nakai.Ndizvo here
zvazvinofanira kuitwa .Muri
mambo wemunhu wese chiitai
kuti ndiwane munhu wangu
zvakare" akapedza hake
kutaura asi handina kunge
ndaona kuti Chipo aive asvikako
kare .Ndakaona Shupikai
apihwa bhutsu
akasvikonorovera pamuti waive
kumashure kwake.

Ndakasimuka ndikanobata
Chipo achibva atanga kupopota.
"Musandibate
mukoma.Kwamakabva nako
kure kuti musvike pamasvika
nhasi.Zvingani zvakakonzerwa
naye uyu naTinazvo
muchingovasiya.Asi imi
munatwowo pamakambodanana
nemunhu uyu maisaziva kuti
mambo vane mwana musikana
here .Manga
manyatsoshayeiko,anga
akuudzai kuti murume
anodanana nevamwe varume
ndiani mukadzi here
uyu,makatarisa kana chiso
chake murikuonawo paine
chinoratidza kuti musikana
here.Haiwa nxa richingoti
mhuno inenge nhanga"

"Chipo haufanire kudaro wa......"

"Asi kuita sei babamudiki


Tashinga" yanga yatengwa
naWadza manje.Akaenderera
mberi achiti:

"Tinozviziva mune moyo


yakanaka imbogarai pasi.Tete
Chipo ngatimbobatai munhu
uyu,Nakai handina munin'ina
akapusa urikuda kuchema chii
huya pano tione" akadaro
vachibva vatotanga kukutsira
Shupikai vari vatatu.Akarohwa
ndakatoona kuti
vanomukuvadza ndikaudza
vanhu kuti tivabate ndipo
pakabudikirawo Chengeto achiti:

"Ko munovabatireiko,pfambi
dzakadai dzisina nyadzi
ngadzirohwe kusvika
dzafa.Munhu angashinge kuda
kuparadza dzimba mbiri kuti
amise yake nemanyepo ndiye
womoti asarohwe?"

"Unorevei mudiwa" vakabvunza


tsano Takunda.Nguva iyoyo
ndipo pakauya machinda maviri
akasunga Tinazvo
mbiradzakondo.Vaiti vanga
vanzi maWadza vamutarise
saka vakamubata achida kutiza.

"Uyu murume auyiwa naye uyu


ndiye akauya akandiudza kuti
Takunda ane musikana wake
waanoda kuroora .Akanditi
anonzi Tashinga uye aive abva
kuhondo kwaMupiniwaguka kuti
andinyeurire.Musikana arohwa
uyo ndiye akabudikira akati
ndiye aive musikana waTakunda
waaifanira kuroora nekuti aive
nepamuviri pake.Ndakanetsana
naTakunda nezvazvo akauya
natete Wadzanai vakandiudza
kuti munhu aive ataura aiedza
kupesanisa Takunda
naTashinga.Kubva musi
wandakauya pano haana
kubvira andiona azosangana
neni nhasi ndokusaka anga
achida kutiza nyaya dzake"
"Ndakatsvaga nyaya yacho,tete
Chipo vakandiudza kuti Shupikai
naTashinga vakarambana nekuti
aive aonekwa aina Tinazvo
muchikwenzi.Ndakaonazve kuti
pamuviri anapo zvashuwa asi
ndepaTinazvo kana ndanyepa
ngaataure.Iwe rwaivhi ndanyepa
here?" Akadaro Wadza ,Shupi
haana kana kusimudza musoro.

"Tinazvo akagara akavenga


mukoma vangu ndokusaka
akanyepera mambo kuti
Tashinga naNakai vaidanana ivo
vaisambozivana.Aida kuti
mukoma vangu vaurawe iye
onzi akatendeka opihwa
mubairo wemukadzi anova
Nakai" akadaro Chipo Nakai
akati:

"Aaaaah ndaisambobvuma
kuroorwa nemunhu anenge
goritoto uyo ,aaah nyangwe
zvikanzi hazvo nhai baba
maizombondiendesawo kune
munhu anoita kunge chigure
chero akatochena chena,Iiiiiii
haa ndaisarudza hangu kuita
mukadzi wesvikiro zvaive nani "
akadaro Nakai vanhu vakaseka.

"Saka paakaona hurongwa


hwake hwatadza kubudirira
ndipo paakaruka rimwe zano.Iye
aifunga kuti Chengeto achaudza
Takunda kuti Tashinga akati
ndisiyane newe une
umwe,zvikadaro Takunda aibva
avenga Tashinga nekuti anoda
Chengeto.Zvino haana kuziva
kuti atamba nevane
dzakarodzwa
,dzinocheka,takamhanya
kumberi kwake tikarongonora
tsoro yake.Chengeto takauya
naye kuno takamirira.zuva
ranhasi irori"akadarozve Wadza.

Ndakashamisika nemarongerwo
aive aitwa nevasikana ava kuti
vakwanise kupindurudza
hurongwa hwemuvengi kuti
vahushandise kuti vamuwisire
pasi.Ndakanyatsoona kuti
munhukadzi haafanire
kutarisirwa pasi vanhu vacho
vane pfungwa dzakarodza
zvavo.

Shupikai akataura zvese


zvaaive akaita naTinazvo
akabvuma mhosva
dzavo.Akatotaurawo zvekuda
kuzobvisa pamuviri zvaive
zvarongwa.Vanhu vese
vaishamisikawo
nezvakaitika.Shupikai naTinazvo
vainzi vachatongwa kana
ndabatanidzwa naNakai
wangu.Takapedzisa zvese
zvakanaka.Tichipedza zvese
pakabva panzi yave nguva
yekutonga Tinazvo.

"Ndiye akatangisa nyaya yese


akapotsa auraisa Tashinga
kakawanda ,akaregererwa
kakawandisa asi pakuda
kuparadzanisa inini naTashinga
ndipo paairasa saka mubairo
wezvivi zvake rufu" vakadaro
tsano Takunda.

"Ndikubateiwo ipapo
tsano,Tinazvo akatadza hongu
asi kuti tinge tiripano nhasi
ndiye.Dai asina kunyepera
mambl kuti ndinodanana
naNakai ndingadai ndisina
kumbowana hushingi
hwekusvika pakumuroora
nhasi.Dai Tinazvo asina kutora
Shupikai pamwe ndingadai
ndakazoroora bere kuriisa
pamba.Ndinokumbira kuti
mudzore mutongo wenyu"
ndakadaro ndakagwadama
nebvi rimwechete zvangu

"Matanga nawo moyo chena


wenyu unozongoparira
mangwana" akadaro Chipo
ndikati:

"Kwete hanzvadzi
yangu.Handisikuti Tinazvo
asiiwe achienda akadaro
kwete.Mutongo ngaapihwe asi
usiri werufu"

"Mwanakomana wangu
Tashinga urikuti ava vanhu
tovapa mutongo wakaita seupi"
vakadaro mambo Zvandareva.

"Chekutanga Tinazvo
naShupikai vachatanga kugara
vese semukadzi nemurume
kubva nhasi.Mwana wavo
anofanira kukura nevabereki
vake vese.Uyo anonzi Tinazvo
nditeerere uteererese.Ndinoda
kuti ukanye zvidhinha
zvinokwana kuita mazana
mashanu,mvura uchinochera
mvura kurwizi
rwekwaMupiniwaguka,unoshand
isa nzira inopfuura nemugomo
umo .Kana wapedza kukanya
ndinoda kuti uvake masvingo
pakati pemuzinda uno
uchiturikidzanisa zvidhinha
zvako pasina dhaka kana
mvura.Kana pakaita zvidhinha
zvadonha zvikatsemuka
paunenge uchivaka,unokanya
zvimwe kwekuchera mvura
ndakuudza,usakanganwe kuti
ndati unofamba nemugomo"
"Ndokumbirawo ruregerero Ishe
ndokumbirawo chokwadi
ndokumbirawo ndinoita zvese
zvamunoreva asi....."

"Wataura kuti unoita zvese


zvandinoreva ,ndizvozvi
zvandatotaura handina
kuhukura simuka utange
basa.Usaite munyama
wekupindwa nepfungwa
yekutiza.Uchange uine vanhu
vanokutarisa pese paunenge uri
chirega kupedza nguva ,kana
usingagone zvandataura taura
hako izvozvi uuraiwe"
ndakadaro akaramba akati
mwiro.Ndakaenda pana Nakai
ndikati:

"Ndiwe ungazive zvaunoda kuita


naShupikai,handitonge vakadzi
ini" ndakadaro ndikanogara
pasi.Nakai akamira pamberi
pevanhu vese akati:
"Shupikai,mhosva yako hombe
ndeyekubvuma kunzi ubvise
nhumbu.Unoshoresa vakadzi
vese indava wakarara nezamu
mukanwa iwe.Wandisvota
chaizvo zvino mutongo wako
wakamira wakadai.Uchange
uchitsvaira pamuzinda uno wese
katatu pazuva.Kuseni masikati
nemanheru"akadaro achibva
agara hake pasi.
Ndakaona pasimuka murume
wandakaziva kuti aive
WekwaMupiniwaguka
.Akakumbira madzishe ese
aivepo kuti amunzwewo akabva
atanga kutaura nyaya yekuti
vaida kuti nditonge kudunhu
kwavo.Vanhu vese vaivepo
vakatanga kuti taikodzera kutora
zvigaro.Ndakamborambisisa
zvangu asi nyaya yacho
yakazoguma yapindirwa
nemasvikiro,rekwedu
nerekwavo.Vese vakati ndaive
ndasarudzwa nevarikumhepo
saka ndaisafanira kuramba.

Takabva kudunhu kwedu


tichienda kwandaive ndapihwa
uko.Ndakagadzwa pachigaro
cheushe vanhu vese vaivepo
vakafara.Ndakanzi nditore
pfuma yese yaive
yaMupiniwaguka asi
ndakangoigovera kuvakadzi
vake vese kuti vakwanise
kuriritira vana vaMupiniwaguka
vaive vakasiiwa.Vanhu vese
vakafarira zvandaive ndaita.

Ndakagadzira mitemo mutsva


yaipinza vanhu vese
mukati.Hapana wandaida
kusungirira kana kudzvanyirira
vanhu vese vanga vakafanana
kwandiri.Vanhu vese vakafarira
kugadzwa kwangu .Amai
vemushakabvu Panganai vaive
varipowo handina kumbotaura
navo zvangu ko tautaura
dzei.Vanhu vangu vepedyo
vaivepo vese vachifara

"Dunhu rino harichanzi


raMupiniwaguka.Hatisikuzorishe
edza zve nezita remunhu.Dunhu
nderedu tese harisi rangu ndoga
saka tichariti *Dunhu
reNyasha*.Kuti tinge tiripano
tese hakusi kugona kwedu asi
tawanirwa nyasha naNyadenga
vanova vaita kuti zvikodzere kuti
tinge tiripano".Ndakadaro vanhu
vese vakauchira maoko
vachifara.

*Ndipo paperera chitsauko 20*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

21
*Mai Tashinga*

Hanzi ndomene haichemedza


asi iyi yaive yandichemedza
zvayo.Unodemba ugodii asi
chekuita kuti ukwanisewo
kugadzirisa zvawakatadza
kumashure panenge
pasina.Chandaive
ndanyatsovinga pana
Mupiniwaguka chaicho
ndakachitsvaga
ndikachishaya.Chaaive nacho
chaive chisina murume wangu
ipfuma chete.Yekuda kudya
zvemahara sehonye ndiyo
yanga yandisvitsa pandiri apa
nhasi.

Murume wacho wandaive


ndakavinga aive aurawa
pamwechete nemwana
wacho.Vangu vana ndainge
ndakavafuratira zvachose asi
nhasi ndivo vaive vavekudya
patafura ndiripo ndakadzvokora
.Ndakatarisa Tashinga naChipo
ndikaona vachiita kufara zvavo
ndisipo.Panguva iyi ndipo
pandakayeuka marwadziro aiita
kutakura mimba nekupona.Ko
ndaive ndakazopfekwa
nemweya werudziiko zvekusvika
pakufuratira vana zvachose.

Ini naamai vaPanganai taive


mapatya.Amai vaPanganai
vaive nechirwere
chemoyo.Masvikiro
akambozama kuvarapa asi
zvakashaya basa vakangosvika
pakufa.Amai vaPanganai vafa
kudaro ndipo pakauya mambo
Mupiniwaguka
kwandiri.Vakataura neni vachiti
sezvo mai vaPanganai vaive
vashaya hakuna mumwe
mukadzi aizogona kumubata
semwana wake kunze
kwangu.Zvepabarika
munongozvizivawo.Baba
vaPanganai vakandivimnisa kuti
ndaizowana zvese zvandinoda
panguva yandinoda.Ndakatarisa
hupenyu hwandairarama
nababa vaTashinga,ndaive
ndaneta nekudya nhoko
dzezvironda ini saka
ndakabvuma kuenda
kwaMupiniwaguka.

Ndakatanga kungonetsana
nababa vaTashinga kuti
ndiwane mabviro
pamba.Ndaiziva kuti zvaisaita
kuti ndibve tichiwirirana
aizouraiwa pamwechete
nevana.Ndakasvika kwaMupini
ndikatanga kurarama hupenyu
hunodakadza.Ndini ndaitoitwa
mambokadzi chaivo nekuti ndini
ndanga ndave mai vemwana
mukomana ka.Hupenyu
hwaitondinakidza ini,hongu
ndaimboita ndichifunga vana
vandakasiya asi ndaiziva kuti
nyaya yacho yaisatangika
kunaMupini.Aizoona kunge
ndichiri kudanana nababa
vaTashinga
zvikanetsa.Ndaisada
kuzvikanganisira hupenyu
hwandaive ndawana saka
ndakangogara hangu
ndisingavaone vana vacho.

Nhasi uno ndipo pandave


kudemba manje.Ndakakoshesa
weumwe ndikasiya vangu zvino
zvavave ivo varikutonga
ndichaita sei?.Zviye zvinotaurwa
kuti remangwana hariziikanwe
ndakazoona apa kuti
ichokwadi.Murombo munhu
chokwadi,usafe wakadadira
munhu nekuti
murombo.Chakakosha pamunhu
mweya wekufema,kana mweya
uripo chingogara wamuona
semupfumi nekuti rimwe
remazuva Nyadenga vanogona
kumurangararira
vakamusimudzira.Vakafa ndivo
vatinokwanisa kunongedza kuti
uyu aive murombo nekuti
tinenge tiine chokwadi chekuti
hatichazomuonezve ari mupfumi
pano pasi.Hazvizonyadzise here
kuseka,kushora kana kusiya
munhu wozomuwana ave
pamberi pako,apa iwe kuti
uchitaura naye zvinenge
zvisisagoneke.

"Vaisataurika navo kaava


vachinzi ndivo mai
vemwanakomana waMambo "
vakadaro vamwe vakadzi
vachisvika pandaive vachiseka.
"Iiiii mai yaitsenga mvura iyi
zvino varipiko mambo ,ko
mwana wavo wacho?" Akadaro
mumwe vakaseka.Ndakatanga
kuhwihwidza
neshungu.Ndakaona kuti ndaive
ndakatadza pasi
nekudenga.Ndakadadira vanhu
ndichifunga kuti zvandiri
mukadzi wamambo ndine zvese
handina chandichada kune
vamwe,ko ndaiziva here kuti
nguva ine muridzi wayo.
Vakadzi vaye vakataura
zvakawanda ini
ndichingochema.Ndaida
kusimudza musoro ndivaudze
kuti aive mambo wacho aive
mwana wangu asi zvakarambira
pamuromo.Simba rekutaura kuti
mwana wangu ndakarishaya
ini.Ndaizoti mwana wangu nhasi
asi pese apa ndaive ndiripi?

Kuti munhu unzi mubereki


inyaya yezvinhu zvaunenge
uchiitira mwana ,inyaya
yekurera ,kuriritira
nekuyarutsa.Inini ndaive ndasiya
vana kuti vazvirwire hondo
dzepasi pano vega
ndaizoverengwa panana amai
here.Ndakatadzawo kutakura
Chipo zvake aive mudiki uye
arimusikana ko dai asina
kugona kuzvibata akaita zvisina
kururama ko aimurairidza nzira
dzeupenyu ndiani?Baba vacho
vaive vandisarudzawo kuti ndive
mbabvu yavo,ndive mubatsiri
wavo asi ndakaitei? Chokwadi
kusiya murume asina
kumbobvira aita gumbo mumba
,gumbo panze ndichienda kune
rume raisagutsikana nekuda
kwehupfumi?.

Hupfumi hwakakosha pasi pano


hausi hutano here.Ko ndaive
ndapofomadzwa neiko kuti
nditadze kuzviona.Ndakada
kusimuka kuti ndinokumbira
ruregerero kuvana vangu asi
ndakatadza.Ndaingonzwa
zvaitaurwa nevakadzi vaye
,ndakatoshamisika ndasimudza
musoro ndichiona pasisina
vanhu.Ndakashaya kuti
zvavaitaura zvairamba
zvichitenderera mupfungwa
dzangu sei?

Ndakanzwa ndabatwa nemaoko


akapfava,izwi rakatsetseka
rakabva rati :
"Amai" ndakakasika kusimudza
musoro ndikaona ari
Nakai.Ndakapukuta misodzi
yaimokoteka pamatama angu
ndokubva ndagara zvakanaka
ndakatarisa kurutivi.

"Musazvipe
mhosva,musazvitongese,musac
heme dzimwe nguva tinenge
tichiti tirikugona asi
tichitadza.Dzimwe nguva
tinenge tichitoziva kuti
tirikutadza asi toramba tichizviita
nekuti tinenge tisirisu tirikuita
tinenge tichishandiswa
newakaipa"

"Na na Nakai.." Ndakadaro


ndichibva ndatanga kuchema
zvakare.Ndakafunga musi
waaiwuiwa naye naPanganai
paaive atorwa
zveganyabvu.Musi wacho
ndakamira naPanganai
ndichitadza kumira nemusikana
aimbunyikidzwa .Nhasi
Panganai hakuchina,nhasi
hapana arikutaura neni kunze
kwemusikana aida kutadzirwa
ndichiona.Ndaiita kuzvinzwira
hasha ,ndakafunga kuti
ndikachema zvichapera asi aiwa
hazvina.Nakai akandibata
akandimbundira ndichichema
kudaro.Shungu dzakamboita
sedzaserera ndipo
pandakanyarara.Ndakaona
maziso aNakai ati piriviri
kutsvuka ndikaziva kuti aive
atombochemawo.

Ndakaona Tashinga asvika


pataive akangosvika achiti:

"Ndirikukutsvaga mudiwa ko
urikuitei pano wega"

"Ndega?!"akabvunza Nakai
,Tashinga akatoseka akati:

"Ah kungoti hanzi shona rurimi


rwaamai,handina kukura naamai
saka handinyatsozive mutauro
wakanaka,chindidzidzisai amai
vevana vangu.Kana ukasvika
ukaona munhu nemumvuri
mvuri panzvimbo unoti pane
vanhu vaviri here?Ndatadza
here apa ndaona iwe
nechimumvuri mvuri asi pane
umwe munhu wandisirikuona
kani"

Saka zvaireva kuti ndini ndaive


ndave kunzi mumvuri mvuri
nemwana wandaive
ndakazvara.Ana amai dzimwe
nguva tinozvikangisira hedu
tozobatira vana panyaya
yengozi.Panguva iyi nyangwe
dai vana vangu vakandirova
zvavo ndaifara nekuti ndinenge
ndagumwawo nemaoko
avo.Ndaifara nekuti ndinenge
ndakwanisa kuona kuti
vakatsamwa kusvika papi asi
ndaiziva kuti vaisambofa
vakazviita nenyaya yekutya
ngozi.Vakawanda ana amai
tirikutadzira vana vedu nekuti
tinoziva kuti chero akaona kuti
amai vatadza haana
zvaanogona kuitiita.

Ko tirikutadziswa nei kuchinja


maitiro zvinhu zvichiri
zvakanaka.Vakawanda venyu
murikusiya vana kudzimba
dzana amwene marambana
nemurume morega
kucheuka.Murikusiya vana
muchiti murikuenda kunoshava
morega kucheuka.Zvinobatsirei
kuita seni ,kuyeuka bako iwe
watonaiwa kare .Madii
kudzidzawo kubva kuhupenyu
hwedu vamwe takatadza kare
.Magumo azvo ndiwawa,mufaro
hapana,kungodemba
nekudemba chete.Kana uchiine
mukana ushandise ukwanisewo
kugadzirisa hukama hwako
nevana vako.Ramangwana
hariziikanwe ,vako vana
kashoma kukurasa kana
zvaoma.

Pandakatarisa Tashinga,maziso
ake akandiudza kuti hapana
chavaimboda
chakanyanya.Chavaingodawo
kunzwa rudo
rwaamai.Chavaingodawo kuona
tichirarama hupenyu hwakanaka
semuri imwechete mukufara
nemukusuwa.Asi inini wacho

"Ndauya kuzokutora ana baba


vati timbonogara ikoko
tozodzoka kana imba yedu
yapedza kuvakwa"

"Ini pekufanogara ndinapo,nhai


amai mungatadze kundipawo
pekurara husiku hwanhasi"
akadaro Nakai ndakaita
kuvhunduka ,ndisati ndapindura
Tashinga akabva ati........

*NAKAI*

Ndakafara zvangu zvinhu zvese


pazvakaenda panzvimbo.Ndaive
ndazoroorwa nemunhu wangu
wandinoda handina zvimwe
zvandaigona kukumbira
musiki.Ndakatenda Wadzanai
naChengeto kasingapere nekuti
dai vaisavepo tingadai tisina
kusvika pakubatanidzwa.

Takazopihwa hedu dunhu


rekutungamirira,ndaingonamata
kuti tigogona kutungamirira
vanhu pasina kusarura kana
kudzvanyirira.

Nyaya imwechete yaive


yavekundinetsa ndeya mai
vaTashinga.Kuvaona
vachifamba kudai waitoona
wega kuti munhu uyu akafa
achifamba.Zvaitooneka kuti
munhu anzwa nekuzvidya
moyo.Ndakaenda pavaive
ndikasvika
vachichema.Ndakavabata
ndikatanga kutaura navo ndipo
pakasvika Tashinga achitaura
zvaanoda .Kuti tidzokere
kudunhu kwedu ndichisiya amai
vari vega zvaisamboita nekuti
ndaiziva kuti mupfungwa dzavo
maive nezvaivanetsa chete.
"Nakai usade kusimudza hasha
dzangu zuva rakaita
sanhasi,hakuna musha une
machongwe maviri kana ndati
tirikuenda
tirikuenda.Wakaroorwa
naPanganai here zvaunoda
kusara muimba yaamai vake"
akadaro hake mwana
wavamwene vangu mboko
ava.Ndaive ndisisakwanise
kuramba ndipo pandakafunga
kuti anaRudo vaive vadzoka
kumuzinda uno.

"Ndazvinzwa shewe,ndine
hurombo nekukupikisai
,ndaikumbirawo kungoona Rudo
natete vake ndisati ndadzokera"
ndakadaro
akabvuma.Ndakaenda pamba
pavo ndikasvika
varipo.Semunhu aive akamirirwa
handina kurova imbwa
ndakaviga
mupini.Ndakangotaura
zvandaive ndafambira ivo
havana kurambawo zvavo.

"Maitabasa mufunge .Ndanzwa


moyo wangu
wasununguka.Mongovaonawo
zvemazuva maviri ndinenge
ndatodzoka.Munhu awandirwa
nepfungwa vanogona kusarudza
kuzviuraya"
"Usatya mwanangu ndinosara
ndichivaona.Rega nditonogara
navo uchiripano kudai"

"Handigone kukutendai
zvakakwana" ndakadaro
ndakapeta maoko angu ivo
vakandibata vachiti:

"Musadaro
mambokadzi",ndakangoseka
hangu nekuti vaida
kundidenha.Ndakaenda navo
ndikavasiya paive naamai
ndokuzoenda hangu kwaive
nemurume wangu.Haana
kumbotaura neni zvekudaro aive
abhowekana nekundiona
ndichitaura naamai vake.

Takasvika hedu tikaenda


muimba yedu ,Ndakasvika
ndichigara pachituru
chaivemo,iye ndakaona kuti
zvekugara neni aisatoda
akasimuka kuti abude ndikati:

"Ndokumbirawo ka
kusunungirirwa rokwe rangu
kumusana uko" .Haana
kupikisana neni akauya
akasunungura iniwo ndakabva
ndatoriregedza richidonha rese
ndikasara nezvipfeko zvemukati
chete.Ndaive munhu anonyara
asi apa ndakaona kuti nekuoma
musoro kwakaita munhu wangu
ndikada kutaura naye
zvakanaka aisambondipa
mukana.Ndakamutarisa
ndichibiridzira ndikaona shasha
ichimedzerera
tumate.Ndakakotama
ndichinhonga rokwe ndikabva
ndamudhuma hangu ndikaona
akochekera ruoko rwake
muchiuno changu.

Ndakasimuka akanditendeudza
achibva azevezera munzeve
dzangu kuti:
"Urikundikanganisa Nakai"izwi
rake raive rakashoshomera
zvakaita kuti ndinzwe zvimwe
zvinhu.Ndakaona kuti
zvikaramba zvakadaro ndini
ndaitozotadza
kukunda.Ndakamutarisa ndikati:

"Unondida here Tashinga"


"Mubvunzo rudzii uyu
Nakai,unoziva wani kuti
ndinokuda kudarika zvinhu
zvose pasi pano.Ndinokuda inga
ndakakuratidza wani"

"Ndakazviona rudo rwako


kwandiri rwakanyanyisa,neniwo
ndinokudawo zvekuti,zvino
chindiudzawo
Tashinga,sekufunga kwako
unoti ndingambofa
ndakakurudzira kuita zvisina
kukunakira here?Ndingakuudze
kuti ita zvinhu zvinokuparadza
here?"

"Hapana paunondirasisa
mudiwa wangu ndinovimba
newe" mhinduro yake
yakandifadza ndikatanga
kumutsvoda.Takatsvodana
kwenguva refu ndikabva
ndazvibvisa paari.Aive avekuita
kakufemera padenga so.
"Ndakaitwa mambokadzi,imi
mambo wangu ndimi makati
hamutonge vakadzi makagezera
nyaya dzevanhukadzi
kwandiri.Munofunga kuti
ndinozvikwanisa here inini?"

"Nakai mukadzi wangu hakuna


chausingagone kuita.Une njere
dzakapinza uye wakakuririra
pamuzinda zvese zvinofanira
kuitwa wakakura uchizviona"
akadaro ndikabva ndayeredza
tumisodzi twandaive ndaneta
nekukoka.Ndakakasika
kupukuta ndikati:

"Maonero enyu mambo asi


vanhu vese kunze uko havaone
sekudaro.Ndiani anoda
kutongerwa nyaya yake
nemunhu atadza kutonga
yemumusha make?.Ndiani
anoda kutongwa nemunhu
anenge atadza basa rake
semukadzi
wemunhu?Angatongwe
nemunhu anenge atadza
kubatanidza hukama hunoda
kubatanidzwa
ndianiko?"ndakadaro akaramba
akanditarisa ,ndakatoona kuti
aive ashaya zvekundipindura
.Ndakaenderera mberi ndikati:

"Kuti ndinzi mukadzi wemunhu


ndine zvinhu zvandinotarisirwa
kuita.Ndinofanira kukufadza
iwewe
kunze,nemukati,ndinofanira
kufadza hama dzako uye ndine
hukama hwandinofanira kugara
ndichisunganidza.Ndine mabasa
andinofanira kuzokuitira hangu
asi chekutanga kuchengetedza
hukama.Dai ndakawana
uchiwirirana naamai vako
ndaifanira kungoita kuti zviende
mberi zvakadaro asika apa
nyaya yacho yakati omei.Ndiri
mubatsiri wako ndiripo
pakukuonesa Tashinga.Pasi
pano hapana munhu
asingatadze.Pasi pano hapana
munhu anogona zvese.Tarisa
uone hako ,Shupikai chaiye aida
kubvisa nhumbu musi uno ,unoti
amai kuti vakutakure mwedzi
mipfumbamwe yakakwana
vaisaziva kuti kune mishonga
yekubvisa mimba?.Vabara
iwewe wakayamwa ukaguta
ndokutakurazve mimba yatete
vangu Chipo,unoti zvaive nyore
kwavari here?Hongu vakatadza
pakukusiyai,hongu vakatadza
havana kukuriritirai asi unoziva
kuti uzogona kuona zuva ndivo
nerudo rwavo here.Dai
vakasvotora mimba waizondiona
kupi Tashinga.Munhu wese
wenyama anokanganisa,ini
ndine pandinotadzawo,iwe une
paunotadzawo ,zvino
tikatadzirana torega kuyanana
panogarika here pasi
pano.Munhu wese atadzirwa
orega kutaura neamutadzira
zvinobuda here"
"Nakai nd...."

"Aewa imbomirai kutaura


mumbonzwawo kuti
zvinorwadza sei kurambidzwa
kutsanangura divi rako iwewe
uchida kutsanangura.Imbonzwa
zvazvinoita kana munhu
uchizvipa mhosva asi usina
wekutaura naye.Imbofunga kuti
zvinorwadza sei uchida
kukumbira ruregerero munhu
wacho oti handisikukuona uri
chimumvuri mvuri.Imbotiudzaiwo
mambo munoita seiko kuti
mugone zvese,zvimwe kuda
tingavewo vatsvene
semi.Chirikundinetsa ndechekuti
aida kukuuraya chaiye
wakagona kumuregerera
unotomuona sababa vako
iwe.Mambo Zvandareva vaida
kukupisira mumba ka ungadai
usipo iwe asi unodya navo
mundiro imwe wani,Ko amai
vako ndivo vanyanyodiiko"
ndakadaro ndikatanga
kuhwihwidza.Ndaichema
neshungu,chiso chavo ndaive
ndaona kushushikana kwacho
,ndaive ndaona kuti munhu
aizvidya moyo uye vaive
votadza kurara
vachidemba.Zvino tinoziva tese
kuti dai ndakaziva haimbofe
yakatungamira.Vaiitawo sei kuti
vagadzirise pavakatadza.

"Na...Nakai mudiwa" akadaro


Tashinga achindimbundira
.Ndakanzwa ndadonherwa
nemusodzi pabendekete
ndikaziva kuti zvandaive
ndataura zvaive zvamubatawo.

"Ndokumbirawo kuti muvapewo


mumwe mukana mambo
wangu.Ndokumbirawo kuti
munzwewo zvavanoda kutaura
nemi.Ndokumbirawo kana
zvichikwanisika mugonewo
kuvaregerera.Ndinoziva kuvada
munovada zvenyu asi mune
chigumbu,chinyevenutsaiwo
moyo wenyu dziva.Sunungurai
pamakavasungirira
Sambiri.Tinoziva muchiyeredza
zvese muchirasira
kumahombekombe,yeredzai
zvigumbu zviri mumoyo izvo
Ishe wangu"

"Zvawataura ndazvinzwa
mukadzi wangu.Mashoko ako
ndamachengeta
panodziya.Ndaona kuti
ndakazviwanira munhu akanaka
chiso zvese nemoyo.Munhu
anokodzera kutonga
dunhu,munhu asingazeze kuti iyi
nyaya yakadzika aewa apa
vadzimu vangu vakandionesa
ndinokuda Nakai".

Ndisati ndapindura ndakanzwa


muromo wake wave pane
wangu.Akanditsvoda
achindibata mazam* angu
zvainakidzira so.

"Aaaaaa" ndakadaro
ndichiteerera zvaaiita. ,ndaive
ndisisade kuti arege.Pasina
nguva ndakanzwa ndabviswa
chivharangozi
changu.Ndakamubatsirawo
kubvisa mbatya dzaaive nadzo
ndokusara tave musvo tese.

Akandiradzika pasi ndokubva


aa..........

*Ndipo paperera chitsauko 21*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

....

22
*Takunda*

Ndakafara pakabatanidzwa
hanzvadzi yangu Nakai
nemunhu wake waaida
Taahinga.Ndakafarazve
vapihwa chigaro kudunhu
raimbove
raMupiniwaguka.Tashinga
aikodzera hake kuita
mambo,zvehutungamiriri
aizvigona ndaitodzidza
zvakawanda kubva kwaari.
"Ndiwe wasara mombe dzangu
ngadzichiuya ndodzandirikuda
kushandisa pakuroora
Chengeto" ndakadaro kuna
Wadzanai akaseka hake
.Takambotaura mbichana
ndichimutenda nezvaaive
akaita.Dai Wadza aisavepo
pamwe Tinazvo naShupikai
vangadai vakabudirira
pahurongwa hwavo.Tingadai
taisave panzvimbo yatainge tave
panguva iyi.
"Mambo baba venyu
varikukudanai" ndakanzwa
Indaineni achidaro,ndakasiya
Wadza ndikaenda kwandaidiwa
kwacho.

" Shoko renyu rasvika


Changamire hanzi mandidana"
ndakadaro ndakagwadama
nebvi rimwechete.Ana baba
vangu vese vaivemo
nemachinda avo makuru
avaironga nawo zvakakosha.

"Hongu ndakudana mujaya


wangu,gara hako pachigaro"
vakadaro baba.Ndakaita
sezvavaive vareva vachibva
varondedzera nyaya yavaive
vandidanira.Vaida kuti ndiroore
Chengeto wangu ndobva
ndagadzwa pachigaro
chehumambo.Handina
kupikisana nehurongwa hwavo
ndaive ndatononokerwa
nekutora munhu
wangu.Ndakabuda ndikanotaura
naye ndichibva ndamugaurira
kuti taitonoona ana gogo musi
iwowo.

Takasvika nemunyayi wedu


tikataura zvataive
tafambira.Chembere
yakasimuka ikatanga kudzana
dzana ichifarira zvaive
zvataurwa.Sevanhu vaizonogara
kumuzinda takabva tatotakurana
navo tichienda.Mainini Chenai
vaisagonawo zvakare nemufaro.

Takasvika pamuzinda kwave


kutodoka.Vanhu vese
vaivepo.Madzimambo ekune
mamwe matunhu aive asati
adzokera kubva pavakanogadza
Tashinga pachigaro.Vaive
vamiswa kuti vazongoenda
kamwechete vagadzawo
inini.Ndakaenda paive pakamira
Tashinga ndikaona achisekerera
ega ega hake .Ndakasvika
ndikamurova kambama
pabendekete akavhundukira
ndikatoona kuti ane zvaaifunga
hake.

"Ungabva wafunga munhu


aripano zvekudaro here
mukwasha wangu.Iwe
Nakai,Nakai!" Ndakasheedza
Nakai wacho akauya
achimhanya.Ndakamutarisa
ndikati:

"Ko wanga uripi uchisiya


murume wako ari ega
pano.Gara naye uchifamba naye
uchitaura naye nyaya,haana
chikwereti neni kauyu,ungade
kutoita zvekufungwa iwe uripo"
ndakadaro vakaseka vese Nakai
achibva ati:

"Taurai muchiziva kuti wenyu


mukadzi achatamba chiroora
mangwana.Aewa timosangana"
akadaro Nakai ndikaziva kuti
ndaive ndaigochera
pautsi.Mukadzi wangu aizoona
chitsvuku achishandiswa
naNakai naWadza pakuita
chiroora.

"Nakai Nakai Nakai kani"

"Ko matii mukoma" akadaro


achinyepedzera hake
kudzungaira akabata Tashinga
rwoko achibva anditarisa
akasekerera akafamba naye
ndikasara ndichiseka
hangu.Ndakabva ipapo
ndikaenda kwaive nagogo
vaChengeto.Ndakashamisika
ndichiwana vachichema.

"Murikuchemeiko mbuya"
ndakadaro ndichangosvika
pavaive.Zvavaichemera
ndaizviziva hangu saka
ndakangovapukuta misodzi
ndichisekerera.

"NdiChengeto wangu here


arikuwanikwa nemwanakomana
waMambo.Nditaurire kuti handisi
kurota muzukuru.Ndiye
wawasarura kuti ave vahosi
vako" vakadaro vachizvitswinya
ini ndakangoseka hangu ndikati:
"Ndasarudza Chengeto wedu
ambuya.Ndiye ega achave
mudzimai wangu.Ndiye ega
achave amai vevana
vangu.Vakuru vakati zingizi
gonyera pamwe maruva enyika
haapere.Ini ruva randaona
kunaka kwaro ndiyeyu Chengeto
wedu.Ndichamira naye pese
paanoda mumiririri.Handife
ndakamusiya ambuya "
ndakadaro chikanzwawo
aipfikura ari kumashure kwangu
ndakaona ariChengeto.
Ndakamumbundira akachema
kusvika tushungu twake twese
twapera.

"Dai vana vangu vaivepowo


kani" vakadaro ambuya mariro
achibva atotanga.Ndakanetseka
nekunyaradza vese vari vaviri
vakazonyarara zvavo ndikabuda
ndichinopedzesa kugadzirira
zvamangwana
acho.Ndakanonoka kurara
ndichida kuona kuti zvese zvave
panzvimbo here.

Rakabuda zvaro zuva vanhu


vaida kuungana
vakaungana.Pfuma takapa ivo
amuya vaChengeto.Ko handiti
ndivo vaive vakarera mwana
kubva musi wafa vabereki vake
kusvika musi uyu.Vaingochema
havo mbuya Chenai ndiye
aitovanyaradza.
Baba vaive vati kutonga vaive
vasisade ,hanzi vanga vavekuda
kurezva vazukuru.Takagadzwa
pachigaro hedu ini naChengeto
wangu.Vanhu vakafara,vakaita
mabiko vachipemberera.Ini
ndaifara hongu asi moyo wangu
waive wongoti hakungangodoke
here.Kana wave nemukadzi
hameno zvazvinongoita
so.Zvisinei hazvo kwakadoka
ndakaota kunge ndichabata
denga nemufaro.

Ndakakurumidza zvangu
kuenda
kunorara.Ndakasvikorara
nemanhede ndiri musvo zvangu
ndakamirira mukadzi wangu
zvino mukadzi wacho
angauye.Ndakagara kwenguva
yakareba munhu asina
kuuya.Ndakapfeka mbatya
ndikabuda kuti
ndinomutarisa.Ndakaperwa
ndichimuona akamira hake
muberere memba.Iye
achindiona akabva akurumidza
kuti:

"Ndanga ndichitobva hangu


kuna ambuya uko ndanga ndave
kutopinda ipapa" ini
ndakangoseka hangu nekuti
paakabuda muimba yaambuya
ndaive ndamuona.Ndakanga
ndatonzwa vachimudzinga kuti
auye kumurume
wake.Ndakamudzuurira
pekupinda napo achibva apinda
,ndakavhara gonhi ndokubva
ndamubata muchiuno.Akaita
kakuvhundukira ndikazevezera
munzeve dzake kuti:

"Ungabva watya ini here


mudiwa.Ndine
pandakambokurwadzisa here
kubva tichitanga,ndipo
pandingazotanga nhasi
here?".Ndakaona adzikamira
nemashoko andaive ndataura
.Ndakatanga kumutsvoda hangu
pamuromo chaipo.Iye haana
kunonokawo kudaira
akanditsvodawo maoko ake
achifambiswa pamapendekete
angu achiita kakupuruzira so.

Ndakasunungura jira raaive


akasunga kumusoro mazam**
ndokuti waya achibuda achisara
akanditarisa ini.Ndakatanga
kumapuruzira zvinyoro nyoro
ndikanzwa vave kugomerera
mambokadzi.Ndakamurarisa
ndichibva ndakurumidza kubvisa
nhumbi dzaaive andipfekesawo
nekutya kwake.Ndakapedza
kubvisa ndikatoonawo iye
abvisa yandaive ndamusiya
akapfeka zvese
nechivharangozi.Ndakasekerera
zvangu,ndakanyatsoona kuti
kubatana uku kunokanganisa
mafungiro chaiwo,kwete zvenyu
zvana fuku ndee.
Ndakaenda pamunhu wangu
ndikasvikofambisa Takunda
wake muzvidya umu
ndichipuruzira so ndakanzwa
shasha yave kuchema chema
kuti ndaive
ndainonokera.Ndakamboda kuti
ko zvawaita nguva uri muberere
wani asi
ndakazvidzora.Ndakadzidza kuti
kana yave nguva yebonde itai
zvebonde tumwe tunyaya nyaya
siyanai natwo nekuti
munopedzisira matadza kuzviita
mukarara
mazvimba.Ndakangoinangisa
ipapo pacho paive pati
nyakata.Ndakaipinza zvishoma
nezvishoma ndikaona aruma
muromo mukadzi
wangu.Ndakabva ndatoziva kuti
gogo vaive vati munhu
ngaashingirire.

Ndakamoora huchi hwangu


zvakanakisisa ,ndakamutenda
nekuzvibata kwaaive akaita
mukadzi wangu.Ndakabva
ndatoronga kumupa mombe
nhatu.Takarara tichisasana
hedu,machongwe okukuridza
ndakamunzwa
achimuka,ndakatarisa tarisa
ndikaona zuva risati rabuda
.Akakamhina kamhina achida
kubuda ndipo pandakafunga kuti
aifanira kuita
chiroora.Ndakazvituka nekurara
naye musi iwowo.Ndakasimuka
ndikanomubata ndikamudzorera
mumagumbeze.
Ndaitoita zvechisimba nekuti
munhu wacho aitove
nenharo.Ndakamupa rudo
zvangu achibva atokotsira .Zuva
rakazobuda akarara semunhu
aive akaneta.Inini ndakamuka
ndikasiya ndamuvharira mumba
ndikakochekera gonhi
nepanze.Ndakaudza ana amai
kuti airwara vakangoseka havo
ndikaziva kuti vaive vatoziva
zvakaitika.
Ndakakasika kubvapo vasina
zvavataura ndokudhumana
naWadzanai ,handina
kumbomirira kutaura kwake
ndakabva ndatotiza .Zvaiita
sekuti munhu wese aitoziva
zvakaitika.Ndakasangana
naTashinga zvakare ndisati
ndasvika kuimba
yangu.Nyemwerero yaive
pachiso chake yakaita kuti moyo
wangu
unyevenuke.Nechemumoyo
ndakangoti "Handisi ndega
nhai".

*Tashinga*

"Ini pangu ndasakura


ndazunza,gudza ndakupa zvave
kwauri Tashinga kufuka kana
kuwarira" akadaro Nakai paaive
apedza kundiparidzira
nezveruregerero.Ndakamutarisa
akanyemwerera zvinova
zvakandikwezva kuti ndinzwe
kumuda .Ko aive musvo kaa.

Ndakaona achikotama kuti atore


rokwe rake asi handina kumupa
mukana .Ndakafamba
ndikasvika paaive ndikamubata
muchiuno.Ndakamutendeutsa
kuti anditarise ndikabva
ndatanga kumutsvoda
pamuromo uku ruoko
rwuchibata harwo paizonwiwa
mukaka nevana
vangu.Kungofunga zvemukaka
ndakabva ndanzwa
kutombonzwawo zvinoita
kusweta minyatso
wakura.Ndakatanga kuyamwa
hangu ndichipuruzira rimwe
za**u neruoko rwangu.

Ndakaona mumwe wangu


achiratidza kupera simba.Kana
neniwo Tashinga chaiye aive
ave kupopota manje.Tese taive
tavekufemera
padenga.Ndakanzwa Nakai
abata Tashinga
wake.Ndakamutarisa neziso rine
mubvunzo iye akangogutsurira
musoro akati:

"Isa Tashinga"

Ndakanzwa simba richiuya


,takambonetsana pakupinza apa
ko paisave nenzira
ka.Ndakarumwa nekutsunyiwa
asi ndakazviudza kuti
ndinoshinga sezita rangi,ko
ndaive ndakamboshinga
kumashure kwese uko
wani.Ndaiziva kuti ndikamusiya
ipapa zvaireva kuti
ndaisazomboipinza zvakare.

Ndakabudirira.Takaita mutambo
wevakuru zvakanaka
naka.Takarara hedu tikazomuka
mangwana acho
kwatoedza.Ndakazotanga
kufunga kuti ndaive
ndakakangisa.Ko ndaive
ndakanganwa ka kuti ndaive
pamba
paatezvara.Ndakazvituka
nekutadza kumirira kuti
ndizorara nemunhu wangu tave
kwedu tega.Ipapa zvaive
zvotonetsa kunogara patafura
nevamwe.Ndakaona tsano
Takunda ,chiso chavo
chakandiudza kuti ndaisave
ndega .Dai vaisave tezvara
taitogara pasi toizeya manje apa
aah.Ndakangonzvenga
ndikadzokera muimba yataive
tarara.

Wadzanai ndiye akaita Mwari


wedu akatiigira
chikafu.Ndakazobuda masikati
acho mushure mekunge
tambofadza nyama
zvakare.Ndakatowana hushingi
ndikanogara nana baba pavaive
tichidya nyaya.Ndakaonawo
Nakai atobuda akagara
naWadza ,Chengeto
naChipo.Rakati nonokei zvaro
kudoka asi rakazodoka chete
ndokubva taenda kunorara.

Ndakasvikorara nemanhede
ndokubva ndatobatwa nehope
ndakatozopeputswa naNakai
aindibata bata ,ndakasekerera
ndakamurisa achibva auya
akaigarira.Akandipedzera zvake
handidi kunyepa.Mangwana
acho masikati ndipo
patakaoneka tavekuenda
kumuzinda kwedu nekuti yedu
imba yaive yazopera manje.

Mashoko andaive ndakaudzwa


naNakai ndaive ndisina
kumbobvira ndamakanganwa,ko
aikanganikwa seiko ini ndaive
ndaudzwa nemunhu
akashama.Ndaingoti ndikafunga
muviri wake ndofunga mashoko
acho ndonyemwerera.
"Kubva ndichizvarwa handisati
ndambotadza here inini?Ko
vandakatadzira vakandiregerera
wani koini ndini
ndanyanyokosheiko
ndisingaregerere.Nyadenga
chaivo ndinovatadzira misi
nenguva asi vanoregerera
wani.Zvandiri mutungamiriri
wevamwe ndinotungamira seiko
pakadai ini
ndakarasikawo.Ndirimutungamiri
ri akaita seiko kana
ndakadai.Ndingave munhu here
kana ndichiramba
ndakasungirira chigumbu
kwenguva yese iyi.Asi Mambo
Zvandareva vaida kundiuraya
ndikagona kuvaregerera
wani.Aiwa ndinofanira
kuvaregerera amai vangu"
ndakadaro ndichifunga hangu
ndakagara mungoro yataienda
nayo kumuzinda wedu.

Ndakasvika ndichichingamidzwa
nemachinda angu andaive
ndasarudza .Ndakanogara navo
padare ndikanzwa vachiti amai
vaPanganai vanova amai vangu
vaive kuimba yesvikiro vaive
vawanikwa vanwa muchetura
.Ndakapererwa mufunge
.Ndakatanga kufunga zvavaive
musi wandapedzisira kuvaona
.Mashoko andakataura aive
avekudzoka mumusoro mangu
manje.Ndakanyatsomazeya
ndikazvibvunza kuti dai ndaive
ini ndakamaudzwa ndaizoita
sei.Ndakaona kuti ndaive
ndakakanganisa.

Ipapa ndipo pandakadzidza kuti


mashoko atinotaura takatsamwa
anouraya.Ndakadzidza kuti kana
munhu wakatsamwa runyararo
rwunokosha nekuti hauzive kuti
mashoko ako anosvika sei
kumunhu waunenge uchiudza
.Ndakabva pandaive ndikaenda
paive naNakai
naChipo.Ndakavaudza shoko
randaive ndaudzwa .

"Aaa ngazviende " akadaro


Chipo.Ndakatarisa Nakai
ndikaona akanditarisawo
.Ndakatura mafemo ndikatarisa
Chipo mumaziso.Ndakakwanisa
kuona kuti aibatikana asi aizama
kuzviviga.

"Nditarisewo mumaziso
udzokorodze zvawareva Chipo"
"Aah mukoma ndati nga nga
aah"

"Chipo mwana wamai vangu


vanhu vashoma shoma
vanopihwa mukana wakaita
sewatawana uyu.Vamwe
vanpshaikirwa nana amai vari
vacheche.Vedu havo vakatisiya
asi vachiripo ,hongu vakaita
hupenzi vakatisiya asi
hazvichinje kuti ndivo mai vedu
ivava.Kuregerera kwakakosha
muhupenyu mwana wamai
vangu,Kuchengeta chigumbi
kunokanganisira iyewe
munhu,chigumbu chinenge inda
,inda inoruma
akaitakura,chigumbu
chinocherawo moyo wako
iwe.Unoitira vanhu vese hasha
uchivapedzera
shungu.Wawakatsamwira
anogona kusatoziva kuti
wakamutsamwira asi
unokanganisa hukama hwako
nevanhu varipedyo
newe.Imbondipindurawo
mubvunzo mumwechete uyu
Chipo,Amai ava vakanzi vafa
nhasi moyo wako unofara
here?"

"Mukoma....." Haana kupedza


kutaura Chipo pasvika Tichaona
umwe wemachinda
angu,akasvika achiti:
"Nematambudziko
mambo,ndanzwa kuti amai
venyu vafuka ravo voga"

Ndakamutarisa Ticha ndikati:

"Aewaka hazviite hazvitoite


hazviite"

"Inzira yedu tese


mambo,chinosiyana inguva
nemaendero asi tese tichafa"

Handina kuda kumupindura


ndakangopinda mumugwagwa
unoenda kumba
kwesvikiro.Ndakanzwa munhu
aifemera mugotsi mangu
ndikaona ari Chipo.

Misodzi yaiyerera pamatama


ake achimhanya .Ndakapukuta
ziya nekuseri kweruoko
.Ndakasvika pamba pesvikiro
ndikaona rakamira pamukova
rakafuratira .Harina kana
kucheuka kuti rione kuti ndiani
asi ndakanzwa richiti.......

*Ndipo paperera chitsauko 22*

Moita muchindiregerera
ndakabatikana
[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

23

*Rondedzero*

Shoko rekuti amai vaTashinga


vanwa muchetura rakasvika
kunaNakai asati aenda kudunhu
kwavo
kweNyasha.Akatombotanga aita
zvekunzvenga Tashinga
nevamwe akaenda nengoro
kunoona amwene
vake.Akasvika vachiratidza kuti
vaive mumarwadzo asi svikiro
rakamutaurira kuti
vanopona.Kunzwa mashoko
akadaro achibva kusvikiro akave
nemufaro mumoyo.

Akagara pedyo naamai vacho


achibva atanga kutaura
navo.Akavaonesa kuti
kuzviuraya hakuna
zvakwaizombobatsira nekuti
kunyangwe paizofawo Chipo
naTashinga vaisambowadzana
navo.Akavaonesawo zvese
zvaaive akasangana nazvo
panguva yaainzi aroorwe
naPanganai.Akavaudza
nezvekuda kuzviuraya kwake
akapedzisira achiti:

"Asi nhai amai ndiudzeiwo kuti


dai ndaive ndakabudirira
pandaida kufa pacho ndingadai
ndakakanganisira hupenyu
hwevanhu vangani.Panguva
iyoyo ndaisambofunga
ndaingobatikana ,ndaive
nehasha ndaingoita
zvandafunga sezvamaitawo
apa.Imimi dai manga mafa
munoziva here kuti
maikanganisa
zvakawanda.Chekutanga
Tashinga naChipo vaizogara
vachizvituka kwehupenyu hwese
vachiti ndivo
vakuuraisai.Chechipiri ini
naTashinga taizogara
tichinetsana ndichiti ndakakuti
regerera amai ukaita sei.Chetatu
Tashinga aizotonga sei vanhu
mudunhu muno iye achinzi
akauraisa amai nekusaregerera
aiwa pafungei".

"Hongu munogona kubudirira


mofa asika zvenyu ndizvo
zvinenge zvaita ,vanosara
munenge mambofungawo kuti
vanosara vakamira pai
here.Munofunga kuti tese
hatikudei here amai.Inga
ndakakuratidzai rudo wani.Inga
ndakakuvimbisai kuti
ndichataura naye Tashinga wani
saka zvave zvii izvi.Makatadza
kungovimbawo neni momirira
zvandinogonawo kuita here"
akadaro Nakai akapedzisira
avekutosvimha
misodzi.Akasimuka achida
kubuda amai vacho vakamubata
ruoko akavatarisa akaona
vachichemawo .Vakazvishingisa
kupfugama iye ndokubva
avagarisa pavaive vagere.

"Nyadzi chaidzo ndidzo dzasaka


ndidai Nakai mwanangu.Rudo
rwaurikundiratidza
handirwukodzere ini,chokwadi
chaicho handikodzere"

"Akabereka murume wangu


ndiani?"

"Ndini ka asi......."

"Kana muriimi zvinoreva


munokodzera.Kutomuunza
panyika kwamakaita ndiro basa
guru ramakandiitira ,chero
musina kuzomuyarutsa asi iroro
ramakaita rakakurisa saka
ndinoramba ndichikutendai.Amai
izvi zvamaita apa handina
kuzvifarira .Ndinoda muzive kuti
zvamakaita hazvigone kuti
munhu amuke achingoti
ndakuregererai.Vana venyu
vane hasha nechigumbu nemi
vapei nguva.Chandinoziva rudo
rwavainarwo kwamuri rwukuru
pane hasha dzavo.Zvese
zvinodzokera panzvimbo
musatye,Izvi musazvidzokorore
ini ndavekudzokera manje"

"Waita hako mwanangu"


vakadaro pakabuda
Nakai.Akasvikoona machinda
aTashinga akagara nawo.pasi
akavaraira zvaaifanira kuzoita
panouya Tashinga.Vese havana
kupikisana naye akabva
adzokera hake kumuzinda
kwababa vake.Sezvo paive
pedyo hapana aive amboona
kuti vaive asipo saka zvaive
zvakamunakira.Munhu
waakaudza zvaiitika
ndiWadzanai.Vakasimbisana
zvavo vari vaviri ndokuita kunge
zvese zvakaringana kune
vamwe.

Mangwana acho pavakaenda


kumuzinda ndipo
pavakasvikoudzwa zvekunzi
amai vafa.Nakai haana
kumboshamisika sezvo ariiye
anga azvironga
hake.Akanyatsoona kubatikana
kwaive kwakaita Tashinga.Tete
vake Chipo vaida kuita
sevazvishingisa asi marwadzo
aive mumoyo mavo aionekwa
nemunhu wese.Vakabereka
tsoka vakananga kumba
kwesvikiro,Nakai akasara
achitsvaga Kundai achibva
amuudza zvaiitika.Kundai
akatenda Nakai nezvaive aita
nekuti iye nyaya iyi
yaitomurwadzawo.

Aida kuti Chipo awiriranewo


naamai vake asi aive asina kana
pekutangira nyaya yacho.Pese
paaida kuitaura Chipo aibva
achinja nyaya,Kundai kuti
arambe achiisimudzira
zvaitozonetsa .Aitotyawo kuti
aigona
kurambwa.Vakateverawo.kuimb
a yesvikiro kwaiitwa
mashura.Chipo naTashinga
vaive vangogara pasi svikiro
rakafuratira
richipopota.Chakashamisa
ndechekuti raisataura nezwi
raro.Tashinga naChipo ndivo
vaiziva muridzi wezwi
raishandiswa nesvikiro.

"Kufuratira kwandakaita apa


ndiko kwandakakuitai,handina
hondo dzandichakuvhikirai
nekuti ndirikuona kuti imi
hamuna kudzidza
zvandakakudzidzisai.Mada
kutora moyo mukukutu
sewaamai venyu ka,saka
masiyana papi?Hamudi
kuregerera ka saka ini ndini ani
ndingakuregererei
nekusateereera dzidziso
dzangu.Zita rangu ndiroka
rinosviba kuchinzi vakakura
nababa havana kuvadzidzisa
ndizvo zvamunoda ,ndizvo
here?"

Tashinga naChipo wacho


havana kupindura vese
.Vaingochema chete,tete vavo
mai Mubatsiri vakabva vasvika
vakapfugama vachiombera
vachiti:
"Aewa dziva musadaro ,vana
vaduku ava munozviziva
imi.Munoziva wani kuti
zvinorema kuregerera zvakadai
vakasiiwa nemukaka pamhuno
zvinoda nguva izvi,musafuratire
vana ndakumbira"

Svikiro rakacheuka ndokutarisa


kwavaive rikati:
"Ndine zvakawanda zvandaiti
ndichagadzirisa ndisati
ndaenda.Ndine vakawanda
vandaiti ndichasunungura.Ndine
zvakawanda zvandaiti ndichaita
asika ndakazongoenda ndisina
zvandaita,nguva haisi
yedu.Nguva ine muridzi
wayo.Ngatiregei kuverengera
zvedu.Tese tirivatadzi pano
ngatisati tichazo nekuti zvimwe
kuda nguva yauchada kuzo
yacho hauiwane.Iwe Tashinga
wakazviwanira mukadzi
akanaka.Ramba uri mubatanidzi
mwanangu...Kubatana kwenyu
kwakandifadza mese zvenyu
rambai makadaro.Ndaenda"

Svikiro rakabva rangodonha


kwekanguva ndokumuka
zvaro.Amai vanaTashinga
vakakambaira vachibuda
muimba yavaive.Vaive vazama
kwazvo kuti vanoonawo zvaiitika
panze ,vaida kukumbirawo
ruregerero kumurume wavo asi
marwadzo akaita kuti vatadze
kusvika achiripo.Chipo achiona
vachikambaira nekugomera
moyo wakarwadza
akaendako.Akaedza
kuvasimudza ega akatadza
ndopakasvikawo Tashinga
vakabatsirana vakaisa amai
vavo pamumvuri.Vana
vakayeredza misodzi yaive
yakasangana yemufaro
neyekusuwa.Vaifara ka kuti
amai vavo vaive vachiri
vapenyu,vosuwazve kuti vaive
mumarwadzo,asi marwadzo
acho vaikodzerana nawo zvavo.

"Amai" vakadaro vese


pamwechete,amai vacho vakaita
kunge hameno zvavanzwa.Kuti
vana vavo vavadana kuti amai
kwakaisa mufaro mumoyo
mavo.Mufaro wavasina
kumbenge vanzwa pese
pavainzi amai
naPanganai.Vakapfugama
vakatanga kuchema pamberi
pevana vavo vachikumbira
ruregerero.Vana vacho sevanhu
vaive vaonawo kuti amai vavo
vaigona kungofa vasati
vavaregerera,zvavaive vanzwa
pavakanzi vafa zvakaita kuti
vazive kuti amai vavo vaive
vachirikuvada.

Vakavaregerera
zvavo,zvainhatsooneka hazvo
kuti vaive vavaregerera
nemoyo.Chipo akatotanga
kupopotera amai vacho kuti
vaive vanwirei mushonga.Vanhu
vese vakafara havo
nekubatanidzwa kwaive kwaitwa
vanhu.Vese vakatenda Nakai
sezvo ariiye aive akanyanyoita
basa guru pakubatanidza iye
zvekutendwa aisada hake nekuti
aiziva kuti raive basa rake
remuroora kubatanidza .

Kune rumwe rutivi Tinazvo


naShupikai zvaive zvisina
kunyatsovamirira
zvakanaka.Mabasa avaive
vakanzi vaite airema zvekuti
Tinazvo akamboda
kuzvipfuudza katatu kese
akaendeswa kuna mambo
Takunda ,pese paaionekwa ada
kuzviuraya mambo vacho
vaingoti zvidhinha zvake
zvaanenge akakanyawo zvacho
zvipwanywe.Akapedzisira aona
kuti aizvidzosera kumashure
,apa aigara akakombewa
nemachinda amambo
aisambokwanisa kutiza.

Muimba yavo Tinazvo


naShupikai vakambotanga vari
gonzo nachin'ai vachitosvorana
zvekurevesa asi nekufamba
kwenguva vakatanga kuona kuti
zvavaiita hapana
kwazvaimbovasvitsa.Sevanhu
vaive vambodanana vakafunga
kugadzirisa zvinhu zvavo
vakatotanga kupanana
rudo.Nekufamba kwemazuva
vakatozotanga kudemba nguva
yese havaitambisa vachida
kukanganisa vanhu
vanodanana.Vakatozonzwisisa
kuti ivo vari vaviri vaive
vakasikirwana.Tinazvo aive ave
kutoda Shupikai zvekusvika
pakutobatawo mutsvairo
achitsvairawo naye pachivanze
vanhu vavete.

Mumwe musi Takunda


akazviona hake
akasekerera.Aida kuona kuti
Tinazvo aizviita nerudo here
kana kuti saka akaenda pavaive
akasvika achiti sezvo Shupikai
abatsirwa kutsvaira aifanira
kubatsirawo Tinazvo kukanya
zvidhinha.Tinazvo akapfugama
pamberi paTakunda akati:

"Kwete mambo wangu


kwete.Ndokumbirawo zvangu
musadaro.Ndangoti
ndibatsirewo mudzimai wangu
nemwana zvino zvinozoita here
kuti munhukadzi akazvitakura
akanye zvidhinha.Kana kuda
kwandinoita Shupikai iri mhosva
ipai inini mutongo wamunoda asi
ndokumbirisisawo kuti
musazondipesanise naye
Shupikai.Ndinomuda ini"
akapedzisira ave kutochema
izvo zvakashamisa Takunda
.Haana kumbotaura
zvakawanda akangovati vaende
kumba.Akamirira hake kuti
kunyatsochena achibva abuda
achida kuenda kwanaTashinga
kunomuudza shura raive raitika
kudunhu kwake.

Akatosanganawo naTashinga
naNakai vachitopindawo
mudunhu make,vaive vauyaka
kuzoona ana amai vavo nana
baba sezvo paive pave
nemwedzi miviri vasina kugona
kudzoka kumuzinda
kwaZvandareva.Vakachingamid
zana Takunda semunhu aive
aremerwa akaudza Tashinga
nyaya yake ipapo
ipapo.Tashinga akaputika
nekuseka hake sezvo
zvaaiudzwa natsano vake
zvaitoita senyambo.Vakaronga
zano rekuti vazovadongorera
nguva
dzemashambanzou.Vakaita
zvavaive
varangana,pachokwadiwo
vakaona Tinazvo akabata
mutsvairo achibatsira
chipondamoyo chake.Tashinga
zvakamunakidza akagegedzera
zvake achiendako.Akataura
navo akanyatsoona kuti
zvechokwadi vanhu vacho vaive
vave kudanana zvavo.

Kwanyatsoyedza Takunda
naTashinga vaive vagere
pamushana vachidya nyaya,
vakaona vanhu vatatu vaisvika
pamuzinda wavo.Umwe wacho
aipenya penya kuratidza kuti
aive mwana waMambo
.Vakamugachira
zvakanaka,dunhu rake havana
kunge variziva .Vakakwazisana
zvakanaka naka mukomana uye
ndokuzvizivisa kuti ainzi
Mukudzei,mumwe mukomana
aivepo vakati ainzi Zivai
.Mumwe wacho aive ati kurei
vakati vainzi vaMutema ndivo
vakasvitsa nyaya yavaive
vafambira kuna Tashinga
naTakunda.
"Muchiona tauyawo pano kudai
tirikutsvagawo anotibikira
sadza.Takawana ruva redu
mumuzinda menyu muno zvino
tafunga kuritanha"

"Ndiani wamakasarura" akadaro


Takunda nezwi rinoratidza
hubaba,murume uye akapindura
zvinyoro nyoro achiti:
"Wadzanai ishe wangu"

"Ndine hurombo,Wadzanai
akawanikwa makadya
manonoko ,uyu wandigere naye
pano uyu ndiye murume wake"
akadaro achireva
Tashinga.Mukudzei uye akabva
ati:

"Hazvigone,hazvitoite.Wadzanai
ndewangu uye ndewangu ndoga
.Handingamusiye achitorwa
neumwe murume ndakatarisa
izvozvo ndaramba.Pakati pedu
tiri vaviri pane anofanira kufa
anosara hake ndiye anotora
musikana.Ini ndazvipira kufa
nekuda kwaWadzanai,uye
ndazvipira kuuraya zvakare
nekuda kwaWadzanai" akadaro
nezwi gobvu raive rakazara
shungu.Takunda akada kutaura
akamiswa naTashinga akati:
"Kuti angouya kuzotora
Wadzanai zvakadai hazvigone
handibvume.Regai tirwe tione
kuti mukuru ndiani.Akandikurira
anotora hake Wadzanai "
akadaro achibvisa ngundu
yehushe Tashinga.Vakapihwa
nzvimbo yekurwira vanhu
vakaunganidzwa.Nakai aibva
kunorutsa hake akasvikoona
murume achisvetuka svetuka
zvemunhu arikuda kurwa
zviye.Nakai aive ave
nepamuviri,kana iyewo
Chengeto wacho.

Wadzanai aibva kunotsvaga


nhengeni dzaidiwa nana mbuya
tumbwa ndipo paakasvikoona
Mukudzei wake achigadzirira
kurwa naTashinga.Mukudzei
akacheuka akasanganidza
maziso naWadzanai.Zvaiita here
kuti Wadzanai amusiye
achiroorwa neumwe murume
,izvo zvakamurambira akabva
atoona sekunge Wadza wake
aive akambunyikidzwa.Akavira
nehasha ndokuti chibagera
kunaTashinga,Tashinga wacho
akapuruzira paaive arohwa
akaseka hondo yacho ndokubva
yatanga.

Vakatanga vachiita zvemaoko


kusvika vave kushandisa
mapakatwa.Vanhu vaigona
kurwa zvavo ivavo,hapana ainzi
akunda umwe vese vaive
vakafanana.Wadzanai naNakai
vaingobatira ura mumaoko ko
vaimboziva kuti varikurwa
varikurwirei here .ArisaNakai
aimboziva kuti arikurwa
naTashinga wacho aimbove
ani.Vakazama kuda kunobata
asi vaisatenderwa kusvika
kwairwiwa.Nguva dzakafamba
pasina aikundwa,vanhu vacho
vaive vaneta asi aida kusiya
paive pasina.Takunda akatoona
kuti kwaidoka ndiye
akazovamisa.
Vakapinda vese mumba
semhuri anababa ndipo
pavakazopihwa shoko rekuti
Mukudzei aida kutora mukunda
wavo.Mukudzei akashamiswa
achinzwa ana baba vacho
vachibvuma Tashinga
aripo,ndipo paakazoziviswa kuti
aive babamudiki wake
.Akazviseka kuti chokwadi aive
apedza simba nenguva achirwa
nemunhu akaroora kare.
"Ndafara ndaona kuti mukadzi
wangu arikuenda mumaoko
emunhu anogona
kumuchengeta.Dai urimbwende
ungadai wagara watiza kare
,ndaona kuti Wadzanai
unomuda Mukudzei urambe
wakadaro" akadaro hake
Tashinga paaitaura neumwe
wake vari vaviri.Wadzanai
akasvikapo akambundira
mudiwa wake.
"Wakandinyepera kuti waidzoka
mudiwa ,ipapa ndanga
ndavekunzi ndiroore chero
munhu kuti ndigadzwe
pachigaro zvino ndakaramba
ndokusaka waona ndasvika
pano ,apa handisikukusiya
bodo,ndatouya kuzokuroora
toenda kwedu"

"Ndanga ndakusuwa
Muku.Kudzoka ndaida uye
ndaiuya asi apa zvaisaita kuti
ndibve kuno nekuti kwakamboita
hondo ndanga ndave pedyo
nekuuya ,ndinotenda
nekundimirira uye kundivinga
mudiwa wangu ndafara"
akadaro achimumbundira
zvakare .Vakazosiya Mukudzei
avekuita zvekutaura naTashinga
vachironga zvekuti pfuma yake
ingauye sei
nekukurumidza.Tashinga aive
atove parinani paupfumi saka
akafanokweretesa mumwe wake
,paaidzokera kumuzinda kwake
mombe dzaTashinga aibva
adzitumira ndizvo
zvavakatenderana.

Zvakafamba zvakanaka
Wadzanai akabva aroorwawo
zvaidadisa nemunhu wake
waaidawo.

"Rega paye unditi hazvikuudzwa


ndofanira kuzvionera ,aewa
wakawana munhu anokodzera
hapana chekushora apa"
akadaro Nakai achitaura
naWadzanai uyo aisagonawo
nemufaro.

Tashinga naNakai
vakaperekedza Wadza
naMukudzei wake vachinoona
kwavainogara,vakaita svondo
variko ndokudzokera kudunhu
kwavo kwavakasvikoudzwa kuti
Chipo aishaikwa....
*Ndipo paperera chitsauko 23*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ

Vachada ekumashure pindai


umu

https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275

24

*Tashinga*

Zvinhu zvese zvanga


zvaringana manje,wega
waingonyemwerera wega
uchiona kubatana kwaive kwaita
zvinhu.Nyaya dzevanhu
ndaitonga nehuchenjeri zvekuti
vanenge vauya nenyaya dzavo
vese vaifarira mutongo
wavanenge vapihwa.

Tinazvo naShupikai ndakatoona


vatovewo vanhu kwavo.Takaita
mazuva tichivaongorora
vasirikutiona.Taida kuona kuti
vaive vachinja zvechokwadi
here.Ko kana wajaira kuona
rwaivhi richichinja ruvara
zvinonetsa kaa kuzoona kuti apa
ravekugara neruvara
rumwechete.Mushure mekunge
taona kuti vaive vachinja
zvechokwadi ndakati
varegererwe.

Wadzanai akawanikwa
zvakanaka,takanomusiya kumba
kwake akatambirwa hake
zvakanakisisa.Takaita mazuva
maviri tiri kumuzinda
kwanaWadzanai.Tichidzokera
kwedu takasvika manyama
amire nerongo.Vanhu vaiita
chipata pata vachitsvaga
Chipo.Vaive vaona kuti Chipo
naNakai vaive pamoyo pangu
saka kuti vandiudze kuti
vamushaya vakangogara
ndozvaisamboita.

Ndakasheedza vanhu vese


ndikavagarisa pasi ndikati:
"Arikupi Chipo?"

Handina kuwana mhinduro asi


ndaiziva kuti pavanhu vese
vaivepo paisashaya aiziva
kwaari.Ndaive ndaenda kumba
kwana Kundai ndikamushaya
hangu asi hana yangu
yaisamborova izvo
zvakandiudza kuti aive mutano
saka kumwe kwaaive aenda
ndekupi.
Ndakasimuka ndikatanga
kutenderera zvangu
ndichinan'anidza zviso
zvevanhu.Ndakasvika pana
amai ndikaona maziso avo akati
piriviri kutsvuka ndikaziva kuti
vaive vanzwa
nekuchema.Ndakatarisa chiso
chatete vangu vaiva parutivi
paamai vangu ndikawana
mhinduro yandaida.Ndakatarisa
Nakai aive agere pachigaro
chake ndikaona achiita
kakuvhundukira hake ndakabva
ndatanga kuseka hangu.

"Une chokwadi ungaseke


panguva yakadai.Tashinga
tsvaga hanzvadzi yako
ndinokumbirawo.Ndiigirewo
Chipo pano ndakumbira
Tashinga" vakadaro amai
vapfugama pamberi pangu
ndikati:
"Simukai amai
,musacheme,Chipo wenyu aripo
uye achauya,hapana arikufanira
kumutsvaga siyai zvakadaro"

"Haubatsire nhai.Wakangwarira
paduri sehuku iwe,dai dziri
nyaya dzevamwe wamhanya
mhanya asi waamai vako hona
wakatodekara ,ko kana adyiwa
nezvikara "vakadaro
vachiwedzera kuchema.
"Kutsvaga munhu
hakusikungonovhundunyura
makwenzi musango umu
amai.Unotsvaga zvingakubatsire
kuwana kune munhu wako.Apa
ndabatsirika munoti dai Chipo
aive mudambudziko tete mai
Mubatsiri vangadai vasvika
nhasi iro shoko rekuti haapo
rakabuda marumwezuro.Munoti
Nakai angadai akadekara
zvaakaita izvi pachishaikwa
Chipo chaiye?" Ndakadaro
ndichibva ndafamba ndikaenda
panaNakai ndakasvika
ndichizevezera kuti:

"Uudze vanhu vako kuti mazuva


maviri akapera vasina
kusheedzera hondo yacho
havaikunde"ndakadaro ndikabva
ndabuda hangu.Ndakanogara
pasi pemuonde ndichifunga kuti
chokwadi here Chipo aive atove
nemusha wake .Ndainetsekana
kuti aizozvigona here ,kwaive
kungonetseka sababa vemunhu
asi ndaiziva hangu kuti
zvaisazonyanyomushupa
semunhu akakura asina amai
,ndaive ndakamudzidzisa hangu
zvese zvaida kuitwa nemukadzi.

Ndakagara kudaro ndakaona


tuhanzvadzi twangu
nekamunin'ina tuchiuya
pandaive.Twaive tuvana
twaamai vangu
naMupiniwaguka.Ndaivada
semadiro andaiita Chipo,ko
handiti vaivewo vana vaamai
vangu .Ndakatoona kuti ndaive
nebasa ,ndaifanira kumira
sababa kwavari ndaisada kuti
vaone kuti baba vavo vaive
vakashaya.Ndakagara navo
zvangu vakatanga kundinetsa
vachindiyemera.Maiguru vacho
vaisada kusaririra ndakaona
vauyawo kaundiudza kuti vaida
kudya sadza netserenga musi
wacho.
"Nhai ndoibatira papi ,ko
ndikarova njiva iri apo iyo"
ndakadaro ndichitoburitsa rekeni
yangu.Ndakaisa dombo
ndikairova kamunin'ina kangu
kakanonhonga ndikanzwa Nakai
achiti:

"Wundurai mugoche
bamunini,Tashinga ndati
ndirikuda tserenga,handina kuti
ndirikuda shiri yese yese.Nguva
dzekudya zvemasikati
dzavekutokwana
ndikurumidzirewo ndapota"
akadaro achibva atobva hake
.Ndakashaya kuti aive avekuda
kutsiva zvandaive ndasiya
ndataura here kana
kuti.Ndakaramba ndakagara
zvangu ndakaona vasvika
pandaive amai vaNakai.

Ko vaive vake ka nekuti pese


pese vaingoita kurutivi rwake
vasina kutombonzwawo yangu
nyaya seipapa vakasvika vachiti:

"Usandishungurudzirewo
muroora wangu iwewe,uyu
akakusiya haufe wakawana
mumwe anenge iye
,ungatambudze munhu ane
pamuviri ipapa arikuchema
mumba umu,handi waramba
kumubatira shiri yaarikuda
.Urikuedza kuita sei apa.Simuka
tione unoita zvaarikuda "

Ndakapererwa ndikasimuka
ndichimhanya ndaona
ndatosimudzirwa
dombo.Ndakatanga kufamba
ndichitsvaga tsvaga,ndaiteerera
hangu machemero aiita shiri
dzaive mumiti,ndakanzwa
kwaichema tserenga dzacho
ndikatanga kufamba
ndichiendako.Ndakakwenya
pasi varume,ko ndaigodiiko
kana mambokadzi vatonga
vainge vatotonga.

Ndakatoona kuti mwana aive


mudumbu macho aive akafana
amai vake zvesw natete vake
Chipo ,zvino pavaizoita vatatu
ndaivagona sei vane hunhu
hwakafanana.Kana watumwa
chinhu waisatenderwa kutuma
kutuma mumwe munhu haa
yaisapera mushe nyaya yacho.
Ndakaita rombo rakanakawo
ndakaona dziri pedyo nepaive
nemufuku dzichida kunwa
mvura .Ndakaita dzekuteya
ndokubva ndabata dzaive
dzakati wandei.Ndakadzokera
kumba ndakatuisa
manhava.Ndakatsvaga hakwa
ndikaenda nadzo zvakare
kumbaNdakasvika
ndakatomirirwa munhu achida
zvinhu zvake,ndakaseka
ndichiona sadza raive ratobikwa
rikasiiwa zvichinzi muriwo
ndainzi ndini ndinawo.Zvino dai
ndaive ndisina kubata
aizodiiko.Ndakatendwa
nemutupo shiri dziye dzikabikwa
naamai ndokupa muroora
wavo.Isu takadya hedu
nemukaka.

Tichipedza kudya ndakanzwa


munhu aorova gusvu muberere
ndikaziva kuti kwawiiwa .Akauya
munyai waKundai akabvisa
hake tsvakirai
kuno,ndokuvimbisa kuti
zvichinge zvamunakira
aizobvisa zvainge
zvasara.Handina kuomesa
moyo ndakabvumirana nazvo ko
ndaimurambidzirei,chakaksaha
mufaro wemwana wangu.

Papera mazuva matatu


Nakai,tete ,amai,Chengeto
naWadza vakanoona kumba
kweumwe wavo,Wadza aive
auya musi iwowo nemurume
wake kuzomgodongorerawo
kumba kwedu akabva ati
kurikunoonekwa Chipo
handisare.Ndakasara
nemurume wake tikaronga
kunoona tsano Takunda.

Tichangoti fambei tichibuda


mumuzinda takasangana
naKundai aine miseve yake uku
akabata mhembwe .Akatanga
achiita kakuvhundukira kutaura
neni ndofunga aiti
ndakatsamwira kuti Chipo atizira
.Ndakamuudza kuti ndaive
ndisina chigumbu navo
ndopaakazoti
nyevenukei.Takatopinda naye
mumugwagwa ndokuenda tese
kwatsano
Takunda.Takasanganazve
naMubatsiri hameno kwaaibva
nako tikaenda naye
kwataiendawo.Ndiye mumwe
aive achangobva kuisa mukadzi
pamba kaiyeyu.Aive akatizisawo
mazuva apera acho ndokubva
tazoendesa pfuma hedu.

Takasvika tikatambirwa
zvakanakisisisa here
,Takakwazisana nana amai
nana baba ndokupihwa
zvokudya ,tapedza takatorana
ini,Takunda,Kundai,Mukudzei
naMubatsiri ndokunogara hedu
pamumvuri tichitaura nyaya.Ko
nyaya dzacho dzingaite dzei
kana dzisiri dzekurumbidza
madzimai edu hedu.

"Haa asi inini nhumbu


yandishusha iyi mhoti Chengeto
haanwe mvura iri mumba hanzi
inenge iri mumugomo inenge
ichinhuwa hunyoro ndoda
inotobva mutsime saka pese
paanzwa nyota toenda patsime
chero hukaita husiku" vakadaro
tsano Takunda tikaoma
nekuseka.Mvura inganzi
yanhuwa hunyoro here
vakomana.Ndakaona kuti Nakai
wangu wandaiti anonetsa
aisanyanya nhai.Ndokusaka
vakuru vanhu vachinzi vataure
nyaya dzavo
pavanoonana.Unenge uchiti
ndini ndine matambudziko asi
mukutaura nevamwe
unotozoona kuti iwewe urinani
hako.

"Zvaita nhasi ndazokujumhai


muri mese manje ,ndaida
kutaura nemi mese kubva
pamakaroora asi ndaisave
nekwekukuwanai" akadaro
Sozinyo sahwira wemumusha
maMambo Zvandareva
achitogara nesu.

"Watanga Sozinyo pese pese


unenge uchida kupihwa doro
manje nhasi hatina" akadaro
Takunda Sozinyo wacho
ndokuti:
"Ndokuti mambo
kauku,nyangwe musati manzwa
nyaya yangu mabva matondipa
pekutangira aiwa ka
magona.Saka ndakutotangira
pakuomera ipapa apa.Munhu
wamambo ungandiudze kuti
hauna hwahwa hwaunogona
kungoudza vanhu kuti vabike
apa ndonwa.Kuomera chete
ikoko ,kuomera nezviyo
zvausina kumborima ,ipapa
kana mukadzi
unozombomupawo chinhu here
uchinyima hwahwa
hunokanganisa pfungwa
zvahwo"

"Unotoziva hako kuti


hunokanganisa saka
unonwirei?" Ndakadaro tikaseka
iye ndokuti:

"Hatisikuda kutaura nezvangu


panapa.Mese imimi hamunwe
hwahwa ka,saka
makanaka,ngatiregei kupedza
nguva kuzvinhu zvisina basa "
akadaro aita kakusunga chiso
so.Takaseka hedu ndikati:

"Tapanzwa iisei mudariro


tinzwe"

"Munoona vakomana ,mese


makadadisa makabuda
mugota.Zvinokudzwa izvozvo
uye tinozvitenda.Asi chionaika
nyaya haisi pakungobuda
mugota.Kutobuda mugota ikoko
kunoratidza kuti watove
nezvinhu zvakawanda
zvaunotarisirwa kuita nekuti
wave murume weumwe munhu
tirikunzwanana"

"Hongu " takabvumira tese


tichinyatsogarisika.
"Tatombotaura nyaya
yekuomera kaa pahwahwa
paye,kwandiri womerai zvenyu
mundinyime asi vanhu
vamakatora ava ndevenyu.Vane
zvakawanda zvavanenge
vachitarisira kubva
kwamuri.Vanogona kusakumbira
zvavo asi zviripo zvavanenge
vachida.Iwe semurume
unofanira kungongwarawo wega
so woziva kuti mukadzi
ndikamupawo chakati
anofara.Hupfumi hausi hwenyu
mega varume,pamombe dzenyu
dzamuinadzo idzi mupewo
dzake ,pakaita yabereka womuti
iyo mhuru ndeyako mukadzi
wangu anotofara,ingave hwai
kana mbudzi mupe kwete kuda
kungonzi ndinazvo.Munhukadzi
ndiye anotambira vaenzi
pamba,ndiye anovagashira
anofanira kungosunungukawo
kuti aah shamwari yauya kana
amai vauya regai ndivabaisire
mbudzi iyi vadye,pamwe iwe
unenge usipo hako unotodzoka
vanhu vatopedza kudya,kwete
zvekuti anokwenya musoro
pakauya vanhu achishaya kana
pekutangira kuti vodyei,iwe
pamba pacho haupo,akatora
asina kukuudza inoita
hondo.Vasunungurei muvape
zvavo zvavanoita zvavanoda
nazvo"

"Mudzimai wako mude


vakomana ,kumuda chaiko.Kuda
hakuonekwe nemashoko
bedzi,rudo runotoratidzwa .Gara
uchimuudza kuti unomuda ,gara
uchimuratidza kuti unomuda
.Kurova munhu hakufe
kwakaratidza rudo rwako kwaari
bodo.Rudo rwunoonekwa
nekumuremekedza.Rudo
rwunoonekwa nekuita zvinoita
kuti agare
achinyemwerera.Mese
makandifadza
,pandakangonzwa kuti
kwakuitika zvehondo hondo
ndakatiza ini,ah ko ndaifirei ini
mukadzi ndiinaye nhai" akadaro
akambonyarara tichiseka

"Saka ndati ndakafara


hangu,ndaive nenzeve
nemaziso pano zvekuti hapana
chakaitika chandisina kunzwa
.Aewa zviroverei maoko
makaratidza kuti muri
varume.Makarwira vanhu venyu
zvikaonekwa nenyika yese kuti
munovada.Nekuda
kwamunovaita ikoko ibvai
maziva kuti dzimba dzenyu
hadzisikuzomboita
mutserendende.Hongu vakadzi
venyu munovada ivo
vanokudaiwo asi ndikakutarisai
apa ndirikuona muri
mhitsa,makayamwa mukaguta
ka.Nyama yatirikuona yakakura
kura iyi ndiyo inokonzeresa
zvese .Muri vanhu
venyama,vanhu vese venyama
chero vakadii vanokanganisa
chete.Dzimwe nguva unenge
uchitoti urikugona asi hautozive
kuti ariparutivi anozvitora sei
.Saka imi nevakadzi venyu
muchakanganisirana ,mukuziva
nemukusaziva.Izvozvo
zviriko,chakakosha
ndechekungoziva kuti
kukanganisa kuri
muvanhu,chakakosha
ndechekukumbira ruregerero
kana uchinge waona umwe
wako atsamwa.Mumwe neumwe
akapihwa pfungwa dzakasiyana
nedzeumwe saka zvakakosha
kunzwisisana ."
"Chipuka chinonzi hasha
chakaparadza zvakawanda
zvakanaka.Kana uchinzwa kuti
watsamwa rara,kana uchinzwa
kuti watsamwa tora mapfumo
nemuseve wodzoka nenyanga
yenzou toziva kuti uri murume
pane kupedzera hasha
patuvanhu tusina kusimba
tuye.Tunotonzwisa tsitsi kani
handizive kuti anosimudza ruoko
achirova anenge achiti arikurova
chii ipapaye.Hana haitorove
nhaimi kuti ko akafa?.Haikona
kumurova,mutsiure
nerudo,muudze zvakanaka
anonzwisisa.Iwewo woziva kuti
unotadzawo tiri tese?"

"Hongu " takabvumira tese.

"Mutende pakese kadiki


kaakuitira ,chinhu chinogona
kuita sechidiki diki asi hauzive
kuti anenge abva nepapi kuti
azogona kuita chinhu
ichocho.Tese tinoziva kuti
kutendwa kunopa
manyawi,zvino ukamutenda wati
mangwana anorega kuita
zvimwe here.Tenda pese pese
mungave muimba
yemukati,akudzvovesa
akupedzera paye muudze kuti
nhasi wandigona munotapira
amai,unoona mangwana
anonanzva hake pasi kuti
unakirwe.Iwewe wachowo
gutsawo mwana ,handichataure
zvesadza ,pamwe kwakabva
aibika mugomo wese ariega asi
akasarudza kuusiya achivinga
iwe.Iwe ndiwe wega une
zvaunogona kumupa
zvaasingawane kumwe saka
ipapo nyatsoisa kana ririsimba
rese isa,ko rinoshanda kupi
kumwe iwewe ita zvekuti mwana
anogutsikana chete oziva kuti
pana Dziva aewa
ndakazvibatira.Hazvinei
nekukura kwezvimwe
zvinhu,mashandisirwo azvo
ndiwo akakosha,ndinogona
kushandisa muyenzaniso
wemunyu,munyu wemagodo
wakakura ka ,uye ishasha
pakuvhundutsira zvidhoma
nezvikwambo.Chiuya pakuuisa
mumuriwo haumboenzane
newakatsetseka uye
unotoutswanya kuti ukwane
,ndozvandati kukura kwechinhu
hatisikukuverenga"
Aive ataura pachikuru Sozinyo
taive tanzwa hedu kwaienda
shoko akaenderera mberi achiti:

"Kana munhu waroora hupenyu


hwako hauchazi hwako
wega,usati watoita zvaunoda
kuita mubvunze kuti nhai amai
zvinoita here izvi,bvunzawo
maonero ake usati waita
zvaunoda iwewe.Munoudzana
mafungiro enyu mese ,zano
ndega akasiya jira mumasese
wani.Pakutaura mese ipapo
pfungwa dzevaviri dzikasangana
munoburitsa zvinhu
zvakanaka.Usangoti sezvo
ndirini murume ndini baba ndoita
zvandinoda aewa ka.Kuti uve
baba ndiye mukadzi
iyeye,ungave musoro usina
muviri ukagara here ?
Unorarama here? Saka
zvirikureva kuti nyangwe ukave
iwe musoro haugone kugara
uriwega zvoreva kuti haufanire
kungoita zvaunoda iwewe
inzwawo zvaanoda iye"

"Imi ana Mambo,dzichauya


nyaya dzinokutemesai musoro
so.Wakazviwanira mubatsiri
akakufanira muudzewo ugoona
anotaura zvaanofunga
ukatowana zano.Chimwezve
ndechekuti muchengetedze
,mufukidze mumapapiro ako
,vavengi tinenge tiinavo
vakawanda ,pavanouya
ngavaone iwe kwete iye,hondo
dzako nedzake ndiwe ucharwa
dzese,hakuna anofanira kuisa
mukadzi pamberi kana paita
muvengi,ipapa zvamunoti ndini
musoro ndini musoro ndipo
pazvinoshanda apa,kwete
kwamunoda kuzvishandisa
,kana zvaipa mave kuenda
kumashure,wakambotungamidz
a makumbo osvika mberi uko
musoro
urikumashure?,unodonha
negotsi ka,chinouya ngachione
iwe.Vamwe vanohungurudza
ihama chaidzo,ana amai
venyu,hanzvadzi dzenyu nana
atete,mukadzi akanetswa
neveukama haambokuudze
nekuti anenge achiti
ndozoparadza mhuri.Rinenge
ratove basa rako kuti uone kuti
nyemwerero ine umwe wako
haisi yenhema here?,ita
tsvakurudzo wozomira
nearikudzvanyirirwa"

"Pangu ndasakura
ndazunza,asina kunzwawo iii
raabasa remukadzi wako
kukubvisa mafunze munzeve"

"Aewa ndokuti sahwira kauku


ane nzeve azvinzwira apa
mashanda apa.Regai tigadzirise
titsvage hwahwa munyautse
pahuro" ndakadaro achibva
afara.Ndakaenda naye kune
vaihubika ndikati vamupe
hwaaida .Takarara pamuzinda
apa musi uyu tichiudzana
zvakawanda.Takatsinhira
mashoko aSizinyo
ndokuwedzera tonyatsoudzana
hedu zvemuimba
yemukati,tanga tave naTinazvo
iiiii aiziva zvakawanda panyaya
idzodzo takadzidza hedu,isu kuti
unyatsosununguka kutaura
tsano vaizoti hanzvadzi yangu iri
munhamo.Kundai aitotyawo
izvozvo,Mukudzei ndizvozvowo .

Takazoparadzana hedu
mangwana acho,ndakasvika
pamuzinda pachifarwa
semazuva ese.Ndakaenda
muimba yekurara ndakasvika
ndichiona........

*Ndipo paperera chitsauko 24*


[11/22, 3:02 AM] Nickie:

*NAKAI*

https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu

https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ

_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*

0787 971 774


0716 010 275
25

*Nakai*

Takapfuura nepatete vaRudo


tichivatorawo sezvo taida
kuzodzoka nekwatete kwaiva na
Rudo kana tamboona tete
Chipo.

Tiri munzira ndakaona tete


vakutsauka vachibva vanhonga
kasanzu kemupangara
tikangotiwo panwe vanoda
kutumbura munzwa zvimwe
kuda vakabaiwa.

"Kana zvirizvo zvandiri kufunga


tichaonerera" vakadaro amai
takangocheuka kuvatarisa
bvavaseka zvavo pamwe nana
tete

"Nhai amai manakidzwa neiko


zvimwe kuda tete vakabaiwa asi
kungoshinga semunhu mukuru"
akadaro Wadzanai ndikatoona
kuti handisini ndega ndaifunga
kudaro. Takabva taenderera
mberi nerwendo
takanyararidzana asi ini
pfungwa dzaingopishana kuti
chingava chii chanakidza Amai
natete vaRudo zvokubva
vagegedza vachisiya meno
pachena. Chete zvevanhu
vakuru haungazvitedze
ukazvigona.

Runyararo rwakazodzimurwa
na Chengeto anga anzwa
nenyota apa akaramba
tikumbire mumisha mataipfuura
namo hanzi inenge inedova
mangwanani ano haiite kunwa.
Akairidza mhere inemaungira
sepafiwa akagara parutivi
penzira. Tete vakangoti fambai
tiende asare ega achidyiwa
nezvikara. Takaona munhu
ateera achimhanya misodzi iri
pamatama. Akatozonyarara
tasvika parwizi ndokuita
kupfugama paruvare achinwa
mvura nemuromo
"Nhai muroora wangu wago
chipfuyo here chisina maoko
unobva waita zvekuisa muromo
murwizi wadii washandisa
maoko"

"Tete mukutonditi ndiri mombe


kaa ndikuzviona hamundide
ndabva kwese uko ndichichema
maramba kunditsvagira mvura
yekunwa mutsime asi tete Nakai
vataura izwi rimwe chete manga
motofemera mugotsi mavo
nenhengeni"
"Zvawakutochema nhai Chenge,
siyana naye Wadza uyu inwa
hako mvura mwanangu tifambe
kusati kwapisa" vakadaro amai
vakatarisa Wadza neziso
raitaura apa ana tete vanga
vakabata muromo zvaitooneka
kuti vakabatwa nesetswa

Takazosvika pana Kundai


takatambirwa zvakanaka apa
tete Chipo vanga vatowedzera
kutsvinda naiyo nguva diki
yavanga vawanikwa.

Tete Chipo vakamhanya


mhanya kuuraya huku vachibva
vatobika tichivabatsira apa ini
ndaitoda mazai ehanga
yemusango chaiyo ndakanyara
kutaura. Zvisinei sadza rakaibva
tikapakurirwa vamwe vaidya
wainatsoona kuti varikunakirwa.
Wadza akazongosumuka
ndokunhonga nyama mundiro
yamai neya tete Chipo
ndokunatsogonya achidya
nyama yoga ndokusundira ndiro
yesadza kuchoto

Ndakaona vanhu vabata


muromo asi hapana akataura
apa iye aitsenga achitsunzunya
achinyemwerera ega, ndakabva
ndabuda mumba
ndikanochemera kuseri kwemba
ndakatozovhunduka ndanzwa
kutaura

"Ko urikuchemei nhai Nakai, asi


ndabika zvinoshata nekuti
wasiya sadza risina kudyiwa"

"Nda- umm aaaah"

"Taura kani usatye ndiudze zviri


kukunetsa, kana ari Tashinga
nditomuendera izvozvi
anonondiona nhasi"

"Aiwa tete Tashinga anondida


hake kungoti chete ndanga
ndichida sadza nemazai
ehanga yemusango"
"Iiiii mai Dziva ndomawanepi,
Kundai abuda kare dai aripo
ambonokutsvagirai, chokwadi
wauya kuno kuzochemera
mazai aaah zvakaoma
ngatichienda kune vamwe
tioneke tete vati timbonoona
kumba kwavo"

Ndakatozoona Chenge na
Wadza vachisuka vamwe
vagere pamumvuri
vachikurukura. Ana severe
vairatidza kufarirana
vaitokurukura dzepasichigare
vachiseka.

Takatozobvako tese tichienda


kwatete mai Mubatsiri
takanotandara tichiudzwa
dzehumhandara nana severe
vaiva vasangana.

Ndakasveturika Rudo nemufaro


kunge tichadonha ndamuona
achisasika tuhorwe pamoto.
Ndakabva ndagadza
shambakodzi yakati kuririre
pamoto kwakumona kasadza
katete tete kerukweza.

Ndakabva ndazvipakurira
kwakutora shiri dzangu
bvandanatsopfunya
chibondokoto ndichidya ziya
richiyerera.

"Pakurai renyu rasara muhari"


ndakadaro ndaona ndakombwa
nemusha wese

"Mainini Nakai zvamunenge


mapedza usavi hwacho apa
sadza masiya shoma"

"Mutsa vamwe vose vadya ava


iwewe tsvaga usavi hwako na
Rudo mudye pano pamusha
patete vangu pane zvose siyai
ndidye ndandofa nenzara"

Rudo akabva asunga chiso


ainge otoda kuchema ndakaziva
kuti tuhorwe twake twandaidya
ndotwaatsamwira.
Ndakazonzwa tete voti:
"Rudo chiwedzera sadza
mumbiya yaNakai modya mese
isu todya rasara nemukaka"

Ndakaona osekerera achiuya


kuzogara pandiri nekutonokora
msuwa asati ageza maoko.
Mutsa akatozouya nemvura
yekugeza maoko tapedza kudya
ini ndakatoramba kugeza
maoko, ndakangotambira
mukombe wemvura ndokunwa
nekuti maoko angu ndaida
kuzomananzva ainge akanunira
mafuta shiri.

Amwene vatete Chipo


vakazodzokera zuva rovira asi
tete Chipo vakasara vakanzi
vamboona vamwe.

Ava manheru tete vakauya


natete va Rudo na Amai
munhanga maMutsa mataida
kurara apa vaiva vakabata
sanzu ravo riya.
"Nhasi hakusi kurarwa tine
pungwe tichitamba
muchongoyo" vakadaro tete
vaRudo

"Vasikana mese zvenyu bvisai


zvipfeko zvenyu musare
nezvivhara ngozi badzi"
vakadaro tete takabva tangoita
zvarehwa

Tete vakabva vadimbura


minzwa iya yamupangara kuita
zvibazi zvitanhatu ndokuironga
pasi yakaenderana
vachibatsirana vari vatatu. Tete
vakabva varara pakasimudza
musana vakaita kakuvhura
makumbo vakatsika pasi
nezvigunwe vachibva vatanga
kukurunga chiuno kwenguva diki
takatarisa.

Takazonzi mumwe nemumwe


aende pane wake mupangara
titevedzere zvavanga vachiita.
Takatanga tichachema tichiti
taneta kusvika tanyarara
takunatsokurunga zviuno
tichishinyira. Kuti tidzikise
musana zvaisaita taitya kubaiwa
neminzwa sezvo taive musvo.

Takakurunga zviuno kusvika


musana wakupisa mabhonzo
ekumativi aiita seapesana aya
apa vanatete vaikuza zvavo
kunge taiva pamakundano.
Amai vairidza mheterwa anatete
vachiombera nekuimba kunge
paiva nejiti kungoti tairwadziwa
asi zvavaiita zvaisekesa.
Vakazobvisa minzwa yavo
tichibva tamborara.

"Vasikana chimukai mazorora


imi, mukai timbokurukura
zvishoma" ndakabatikana
ndichinzwa tete vachidaro nekuti
ndaiva ndaneta uye hope dzaiva
dzondishanyira

"Amai inini ndakurara hangu


sezvo ndisati ndawanikwa"

"Muzukuru wangu simuka ipapo


nekukasira ndiwe wandiri
kunyanyoda unzwe shoko iri
uzowanikwa waibva
ugonodadisa kwauchaenda"
vakadaro amai tichibva tagara
tese takateya nzeve

Vasikana muchiona kudai


matokura. Ndaona vazhinji
venyu mazvitakura zvinova
zvinofadza asi mimba idzi
dzinochishandutsa zvakawanda.
Imwe unokunzwisa unyope,
imwe unonyenama sepfambi
yabatikidzwa iri pamusha
wevanhu.

"Iiii tete madii kutii imwe


unoyema sendumure
musakanganwe zvaitika
munzira"

"Wadzanai imboterera iwe


usade kumutsa zvakarara,
ndandirikuti hongu
ungasanganidzane nezvose
izvozvo nekuda
kwechawakatakura asi
munhukadzi shinga. Nhumbu
isingade ushande iwe vavarira
kushambidza muviri wako
nemusha wako nekuti hakuna
murume anoda pfende. Basa
mangwanani vasikana vavarirai
kumuka mochenesa mudzimba
kwete zvokuzopa vana bota
mumba mune marara. Kana
samusha vasingade
kukwidibirirwa sadza mirawo
vasvike wozokamona. Izvi
zvekuti kwanhingi vanobika
vogadzika pamarasha kuti
risapore ndezve ikoko imi itai
zvenyu nekuti kwenyu hakusi
kwanhingi" vakabva vanyarara
tete mai ndokusimudzira

Ini samai venyu ndoda kuti


makaona zvakaitika pandiri.
Ndinoda mudzidze kubva ipapo
kuti ruchiva rwakaipa munhu
gutsikana nemararamiro ako
pfuma yenhaka inoparadza
hukama. Vakai hwenyu hupenyu
morimawo zvinoita vamwe
mimwe misi munochinjanisawo
magwere nehuku mukatotanga
hwenyu hupfumi. Munhukadzi
iva mai vanogona kumiririra
musha wavo. Wakamira
paruvanze rwako
wonatsozvirova dundundu uchiti
musha uno ndewangu nekuti
musha mukadzi. Pakuronga
zvemusha musabva matemera
kupedza uye hamubva mapikisa
baba pazere vanhu. Unovatora
moenda padivi wotiwo shewe
apa ndandichifunga kuti
mukadai nekudai zvinogona
kuita, mangwana unotozonzwa
vari padare nevamwe vakutaura
zvamakawirirana iwe wosekera
hako mudundundu uchiziva
zvaita naivo havazonziwo
vanotongwa nemukadzi nekuti
makawirirana penyu mega.
Haikona kumira pakati
peruvanze uchivati makapusa
zvamaronga hazviite murume
mukuru asingafunge. Kungodaro
badzi munenge madzibopa
nekumuswe hadzidhonzi.
Murume ngaakudzwe
aremekedzwe. Mupei chigaro
nokuti ndivo samusha.

Inini ndinoda kungotaura


zvandaisimboudza Rudo kuti
mwanasikana maoko
ngaasimbe. Pakutaura nevakuru
mova nerukudzo. Musazvidza
hama dzake kunyangwe akava
muroyi zvizivire mumoyo woziva
pekugumira. Kunze uko
motamba zvinemuganhu
morega kungofukura hapwa
pese pese munokachidza
vanhu. Munoziva zvakaita
michero mukaitsvaga imwe
munototanga maigeza musati
madya ndizvo zvimwechete
nekwevakuwasha uko kunotoda
kushambidzwa baba vadyewo
muchero wakachena. Iwo
ukachena unobva wanakawo
kudya hauzonan'anidze
seunehonye kaa." Takabva
taridza chikwe-e tichi rovana
maoko sezvo takanzwisisa
zvairehwa
Pane vaya vanetsika yekuti
kungozvara vana vatatu
akutozviti ndane midzi
kwakutokakatirana chituro
nababa. Vasikana haikona
kunyeperana hamusi muti imi
muri vanhu. Kunyangwe iwo
muti ukamera pasingaite unongo
rigirwa pasi nedemo nyangwe
ukava musasa wakaoma
unoswera wava pasi. Ndoda
mukazowana hwereshenga
unogoda kutogomorwa nemidzi
yacho pakasara pasina chiripo.
Vanenungo ndovanosiya
chigutsa vochidiridzira kusvika
chatunga mamwe mapazi.
Unotozopepuka pfuma
yawakashandira ravarifa
romumwe mukadzi nekuti
chikomo chiremera kunevarikure
varipedyo vanotamba nacho.

"Apa ndinovimba mose manzwa


chitipai mvura timbonwa imi
muchiita zvimwe zvandoda
muzoitira varume venyu "
vakadaro tete ndichibva
ndavatambidza mukombe sezvo
ndairara nemvura yandaimuka
ndichinwa husiku.

Vakabva vasimuka ndokutonona


sevakagara vachitambisa
magad****. Ndakatomboseka
nekuti ndaisazvitarisira kuti
vangagone kuchukucha chiuno
naiwo muviri wavo wainge nzou

"Huyai apa vasikana


muteedzere zvandiri kuita.
Ndinoziva patsika dzedu
kutambisa magadzik* nechiuno
sezvizvi zvinonyadzisa hazvidi
pavanhu asi muri mega henyu
aiwa chiuno ngachitepuke
zvikomo zviviri izvo
zvichizunungutswa zvemberi."
takatanga kuita zvarehwa
takanzwa mai voti:

"Rudo usakanganwe pana


vamwene ukazunungutsa
kudaro vanobatira hana
mumaoko kaa vachiziva
hapachina anobata gejo
samusha vauraiwa musana"
takadonha pasi tose tichiseka

Amai nana tete vakazooneka


kwakutochena zvekuti hatina
kuzomborara tokurukura
dzevarume vedu nezvatainge
tadzidziswa. Wadza aiseka
nhumbu ya tete Chipo yaikara
nyama. Takazodzokera
kumuzinda tapedza basa asi
tete vakambosara nemuroora
wavo pamwe naChipo uyo
aizoenda kwake asi Mutsa
takaenda naye ndaida
amboonawo pamusha pedu.

Takasvika Tashinga achinzi


akaenda kumuzinda
kwevabereki vangu nezuro
wacho aive asati
adzoka.Ndakanyemwerera
zvangu nekuti ndaive ndaona
kuti murume wangu aidawo
hama dzangu.Hatigone kutaura
hedu kuti dai wambonoonawo
hama asi sevakadzi tinenge
tichitozvidawo.Munhu akaonawo
hama dzako zvinoratidza kuti
anonzwisisawo kuti wakabva
kuvanhu ,uye zvinoratidza kuti
rudo haape iwewe wega.Kwete
kuti munhu haafe
akawanikwawo kumba
kwenyu,mukatomuwana
motoziva kuti paita rufu
,ndokunge awanikwa zvakare
umwe haatoende nekurufu
kwacho.
Ndakanyatsogadzira mumba
mangu zvakanaka zvaikwezva
moyo,ndakatsvaga tumaruva
tunonhuwira ndokuisa
mumba.Ndakanyemwerera
ndichiona manakiro.amaive
maita.Ndakaenda muimba
yekubikira ndokubvonga
kasadza kangu nechimukuyu
chenzou .Ndakagara
ndakamirira Tashinga nekuti
ndaiziva kuti aive ave
kusvika.Akasvika
ndikamumhanyira zvangu
ndokupakura tikabva tadya hedu
mundiro imwe.Tichipedza
takanogeza tese
,ndaimurambidza kundibata
hangu ndichiziva zvandaive
ndakamurongera.

Ndakaona abhowekana hake


achibva anoona machinda ake
.Ndakapinda muimba yekurara
ndokukatanura zvese kusara
ndiri musvo
hangu.Ndakamumirira haana
kunonoka kuuya ndokubva
ndatanga hangu zvandaive
ndakadzidziswa kwataive
tabva.Ndakaita zvinogara
zvakadaro hangu ,ndaive
ndanyatsodzidza ndikadzidzisika
.

"Wakazviwanepi izvi Nakai"


akadaro paaive ondipukuta
sikarudzi ndakanyemwerera
ndikati:
"Kwandabva uko baba mwana" .

Iye ndaive ndaonawo kuti aive


akadzidza zvimwe kwaaive
abva.Aiwa zvaipisa
kani,takanakirwa musi uyu
nekuti taiedza zvese zvataive
tadzidza .Takazorara
tanyatsoneta ,ndakakurumidza
kumuka hangu semunhu aiziva
kuti munhukadzi haatangirwe
kumuka nezuva.Hongu ndaive
mambokadzi,paive nevashandi
vaiita basa asi ndaisazoitirwa
zvemurume wangu ini
ndiripo.Vazhinji tinoti tikawana
vabatsiri tinenge
tavekukanganwa kuti tine
mabasa atinofanira kuitawo
isusu,tomirira kuitirwa zvese
,murume akaona kuti
uriwekugara badzi
anokudii?Anongoona ka kuti
zvirinani nditore arikuita wacho
ungamudii?.
Pakapera mazuva maviri
ndakaona tete vaRudo,tete mai
Mubatsiri naAmai vapihwa
mbudzi umwe yake yake
.Ndakaziva kuti shasha yaitenda
dzidziso yavaive vakapa
,zvakandipa shungu
dzekuramba ndichiwedzera kuti
ndinyatsogona zvaiita ana
amai.Iniwo ndakabva ndapihwa
mhou tema yaive yakakura .
Mukufamba kwaiita nguva
mumba medu rudo rwaivemo
zvarwo.Hongu tainetsana asi
taisarara tisina
kugadzirisana.Murume wangu
ndaimukudza ,ndaimupa
nzvimbo yake sababa ,iye
achiitawo zvimwechete.Nehama
taive takabatana
isu,taisasarudzana
hedu,taishanyirana uye
taisataura zvakaipa pamusoro
peumwe.Anenge atadza
aitsiurwa ipapo ipapo zvine rudo
mukati.

*Rondedzero*

...Nguva inofamba,mwedzi
waTinazvo naShupikai
wakasvika mimba ndokubva
yarwadza ,akashinga kushupika
Shupikai kusvika apona kano
kasikana kasvinu
kavakatumidza zita rekuti
Nakai.Ivo vanoti vakazviitira kuti
atodze hunhu,hungwaru
nerunako rwamambokadzi
Nakai.Vanhu vese vakavapa
zvipo zvekufarira rusvava rwavo
.

Chipo wedu akatakura pamuviri


kwemwedzi mitatu chete
ndokubva asvodza .Akabatikana
akachema kwazvo kuti Mwari
mandiseka asi vanhu vese
vakamira naye.Murume wake
Kundai akamusimbisa
kunyangwe zvairwadza
hazvo.Amai vake Chipo
vakamira naye ,vakamupa rudo
rwese rwavaifanira kumupa kare
.Vakabata basa guru kuti
mwana wavo adzoke panzvimbo
yaaiziikanwa ari.Kukosha kwavo
muhupenyu kwakaonekwa

Nakai naChengeto
vakarwadziwa musi
umwechete.Hamuna
chamakaona imi vanhu vaiteta
zvavo ivavo ,ana mbuya
nyamukuta vakaita basa ravo
nemazvo vakakwanisa
kugashira madzimambo avo
sezvo vese vaive vabara
zvikomana.

Varume vavo vakabata denga


vakafara zvisati zvamboonekwa
pasi pano.Takunda akati wake
mwana ainzi Tashinga.Aida
atore hushingi kubva
kunaTashinga mukuru.WaNakai
naTashinga akanzi Mukundi.

Wadzanai naRudo vakaponawo


vakaita vana vasikana vese
,waWadza akanzi
Runyararo,waRudo ndokunzi
Tapiwa.

Chipo akaita makore maviri asati


abata pamwe pamuviri ,murume
wake aimira naye
zvakadaro.Vamwe vavo
vaingovasimbisa ,Akazobatawo
pamuviri ndokuropafadzwa
nemapatya,mukomana
nemusikana vakapihwa mazita
ekuti Tanyaradzwa
naTinotenda.Zvaisave nyore asi
vaive vatsungirira ,Mwari
ndokuvapawo zvavaishuwira.

Tashinga naNakai vakazoita


vamwe vana vatatu,saka kwaive
kwoti Mukundi naMunyaradzi
vaive vakomana ,kwozoita
Mufaro naMazvita vaive
vasikana.

Wadzanai naMukudzei
vakagumira
pavatatu,Runyararo,Batsiranai
naSheunesu.

Rudo naMubatsiri vakaita


Tapiwa ,Tonderai, Tendai
Chipo naKundai vakaita
Tanyaradzwa naTinotenda

Chengeto naTakunda vakaitawo


vavo
Tashinga,Munashe,Kudakwashe
naTinevimbo.

Chenai munin'ina waChengeto


akawanikwawo nemurume
wakewo wemudunhu
ranaChengeto iroro.
Vanhu ava vakaramba
vakabatana mukurarama
kwavo.Vaiti kukaita chauya
,ingava hondo chaiyo
vairwirana.Zvino zvavo
zvaivafambira .Vana vavo
vakavakudza zvakanaka kuti
vakure vakabatana.Vaiti wese
asvika makore gumi vaibva
vatotanga kumudzidzisa kurwa
,kunyangwe aive
musikana.Vanhu vese
vaiyemura hukama hwaive
pavanhu ava,vanhu
vakatangawo kutobatana
pahukama hwavo vachiyemura
madzimambo avo.Amai
vaTashinga vaive
vavekuzivikanwa nekurera
shirikadzi nenherera uye kuraira
vana vadiki.Wese aivaona
ainyatsoona kuti vaive
vakabvuma kudzidza kubva
kunyaya yavo yekukashure .
Kunetsana kunowanikwa
mukugarisana ,asi kuyanana
kwakakosha,kuwadzana
kwakakosha,rudo
rwunokosha,kuregererana
kwakakosha uye kubatana
kwakanaka.

*MAGUMO*

Book redu raperera apa,thank


you so much
vaisupporter,vaishayer
book,vaiisa macomments
nevaindipawo airtime.Thank you
nekuve patient ndakasangana
nezvakawanda pandainyora asi
makamirira thanks a lot,God
bless you all.

#PDF CREATED BY LORITY


MOTION PICTURES#

You might also like