NAKAI
NAKAI
Akanyora ndi
Nickiewacho
~Nicola~
(1)
Mambo Zvandareva
Ndakamuka mangwanani
ndikatanga kufamba zvangu
ndichiona dunhu rangu
zvarakanga rakaita.Ndakatarisa
Tinei jinda rangu
ndikanyemwerera .
"Mambo wangu"
Ndakacheuka ndikaona
ndikaona ari mumwe
wemachinda angu
Tinazvo.Ndakamutarisa kuti
ataure nyaya yake zvakanaka.
"Ndine hurombo
nezvandavekutaura asi ndaona
zvakakodzera kuti ndikuudzei
nekuti handina kuzvifarirawo
kana ini"
"Haaaa nyarara!,sheedza
Ndinindabaya naHondondizvo
vasvike pano ndisati ndabwaira
katatu".
"Wonai Tinazvo,akuudzei
munhu waarikuti
arikufambidzana
naNakai.Munhu iyeye
ndirikumuda pano pasina
kukundikana mazvinzwa here"
ndakadaro ndichisimuka
pandanga ndagara.
"Ndanga ndichitwasanudza
makumbo baba,hakuna kure
kwandaenda hangu".
Handina kumupindura
ndakangoti heyaa ndokubva
ndanyarara zvangu.Akatanga
kutaura naamai vake zvake
,ndakatanga ndakazvisunga
ndakazopedzisirawo ndave
kutoseka hangu .Nyaya
yekudanana kwaNakai
nemukomana wake haina
kubuda mumusoro
mangu.Ndakaramba ndichifunga
nezvazvo,apa moyo wanga
usina kugadzikana ndichifunga
kuti machinda akange asati
adzoka akange aonana nei.
Nguva yekuti tidye zvemasikati
yakasvika .Takadya tikapedza
ndipo pakasvikawo mambo
Mupiniwaguka.Ndakavatambira
ndega ,ndaiziva zvangu kuti
vakange vafambira nyaya yekuti
mwana wavo aroorane
naNakai.Takanga tambotaura
nyaya yacho kare saka apa
tanga tasarirwa nekuronga zuva
ravaizoroorana.Takakwazisana
tikanogara zvedu mumba
.Takataura tikaronga kuti
vaizouya kuzoroorana svondo
raitevera racho.
Ndakasangana naTakunda
mwanakomana wangu nguva
iyoyo.Ndanga ndisina
kumbobvira ndamuona zuva
rese .
"Mambo wangu,maswera
zvakanaka here" akadaro
achigwadama pamberi
pangu.Ndakamubata
ndikamusimudza
ndikamumbundikira
ndichisekerera
zvangu.Ndakamupindura
ndikazoti:
"Ndanga ndichitenderera
zvangu mumasango umu zvino
iii ndapotsa ndauraiwa
nechikara "
"Kuuraiwa nechikara?,chikara
chakadii ichocho,ko wazokunda
sei?"ndakabvunza
"Maisazomboona kana mutumbi
wangu baba.Zvanga
zvakaoma.Ndanga ndadyiwa
neshumba chaiyo.Ko ndanga
ndamboinzwa here ,ndanga
ndakadekara zvangu ndiri
pamumvuri.Ndatozocheuka
ndanzwa yadzvova kumashure
kwangu.Ndaona yaiswa pfumo
,museve uchitevera ".
Akadaro Takunda
.Ndakasekerera zve ndichinzwa
zvanga zvaitika
zvacho.Ndakanzwa mweya
wangu kuzorora apa hana
yakange yambobika manhanga
ndichifunga kuti saka mwana
aigona kungotsakatika
ndototadza kuziva kuti chii
chaitika
kwaari.Ndakamumbundira
zvakare ndikati:
"Ko ndiani abaya shumba
yacho.Ndinoda kumutenda
nezvese zvaachareva "
"Mune
chamurikutsvaga?",ndakanzwa
izwi raTakunda
richidaro.Ndakacheuka
ndikatarisana naye ndikati:
"Aewa ndirikungofurwa
nekamhepo zvangu ndichifunga
kuti angange auraya shumba
iyoyo ndiani.Kuti haasi
Ndinindabaya kana
Hondondizvo.Ndivoka
vatinotemba pamuzinda pano
panyaya dzekukanda mapfumo
nemuseve".
"Hapana zvakanyanya
zvirikunetsa mukadzi
wangu.Kungoti ndatuma Ndini
naHondo zuva richirikurova
nhongonya,nanhasi havasati
vadzoka.Havana kubvira
vatumira shoko rekuti chii
chanetsa uyezve nyaya
yekuroorwa kwaNakai ndiyo
imwe yandirikufunga nezvayo
.Mupiniwaguka anga aripano
kauyu tati tozviita svondo
rinouya irori"
"Munorevei kana
muchidaro?,arikufambidzana
nani Nakai?Mazviwana kupi
zvamurikutaura zvandisina
kunge ndanzwa ini mai vake ."
"Musandityire
baba.Chakachenjedza
ndechakatanga.Apa
ndavekuziva zvangu
handidzokereko zvekare
.Ndichatamba tsoro dzangu
ndakangwarira"
"Zvakanaka
mwanangu.Ndinenge ndiripano
pamuzinda .Ukawana
chawawana usaregedze
kunditaurira"
"Pada vasangana
nezvimhingaidzo zvakawanda
mambo,imbomirai kufungisisa"
akadaro Macheka umwe
wemachinda.Takataura hedu
zvaida kutaurwa ,tichipedzawo
ndipo pandakaona Hondo
naNdini vachisvika nemunhu
wavanga vakabatirana.
Ndakafamba ndichienda
kunosangana
navo.Pandakasvika pedyo ndipo
pandakaona kuti vanga
vakabata...........
*Magumo echitsauko 1*
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(2)
*Tashinga*
"Tsviiiiiiiiiiii tsviyoooooooo!"
"Unoruta Chipo"
"Akasaroorwa nemuvhimi
achatinetsa Chipo uyu".
"Kuzokuonai ka mukoma,ko
makakonana papiko inga munhu
kwaye wani?Ko
makanyanyoitana seiko"
"Inyaya hombe
Chipo.Tichaitaura mumwe
musi,zvanhasi ndirikuda
kupindazve musango "
"Uchimushaya nei?,Iyewe
vasikana vanokurwira nekuti
urimunhu chaiye ka,ndiani
asingakude mudunhu menyu
muye,kana imo muno tusikana
tunoshamwaridzana naMutsai
uyu nekuda iyewe naiye
Mubatsiri uyu zvino mese ah
munoita kunge mune
zvakakugarai"
"Zvino munoti
mashoma?,Munoti murikudzoka
kuita pwere?Kutokura
kwamurikuita uku vezera renyu
vave nemhuri imi makangoti
vavava.Itai zvinoita vakomana
.Nguva haisi yedu iyi"
"Tazvinzwa tete
tichapagadzirisa"
Ndakangoti ndaizoendawo
mangwana kumba
kwacho.Takagara tichiudzwa
nyambo natete tichiseka hedu
.Takazoenda kugota naMubatsiri
tikambotanga kutaura nyaya
hedu .
"Saka mazuvano kunaaniko?"
Ndakabvunza iye akanzwisisa
zvandaireva achibva ati:
"Hazvinzwarwo kani
,kungobatsirana batsirana "
"Ndinenge ndanga
ndichirota.Ndirikuda kunzwisisa
wambotaura zvekuti wanunura
mwana wamambo anga odyiwa
nechikara"akadaro ndikaseka
kugegedzera chaiko.
"Ehe ndadaro,saka
ndozvawandimutsira izvozvo"
ndakadaro ndichirikungoseka.
Ndakasvika kuchakasviba
ndakabva ndangotora badza
ndikaenda kumunda.Kumunda
kwacho kwaive nemufambo
saka ndakazosvika
kwatochenerera.Ndakarova
ndima yangu ndikaisa badza
pamufudzi zuva rakwira
ndikafamba ndichidzokera
kumba.
Ndakasvika chivanze
chatotsvairwa nemumba manga
maitsvairwawo.Sadza raive
pedyo nemoto
richishinyira.Ndanga ndaziya
nenzara asi ndaimirira
hanzvadzi yangu kuti tizodya
tose pamwechete.Ndaingotarisa
mugwagwa asi mwana waamai
vangu ndaisamuona.
"Ndinozvikuvadza nenzara
ndakamirira munhu arikutamba
nanaShupikai".ndakadaro
ndichitopakura sadza rangu
ndikatanga kudya.Ndakadya
ndikapedza .Ndakapinda
munzira yekutsime ndichitsvaga
mwana wamai
vangu.Ndakasangana naNetsai
mumwe aigara pedyo nesu.
"Wamukasei
Netsai,wamboonawo Chipo here
kutsime kwawabva uko"
"Aaaah Ndinindabaya
naHondondizvo?!Ko vati
mhosva yake
ndeyeiko?"ndakadaro
ndichifamba famba.Ndanga
ndatotsamwa .
"Ndambonzwa zvichinzi
vaikutsvaga nezuro hameno kuti
nyaya yacho ndeyei"
*Magumo echitsauko 2*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi_ :
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(3)
*Nakai*
"Hiiii Wadzanai,hiiiiii ko wasvika
nguvaiko hiiii ndafara kani"
ndakadaro ndichimbundikira
Wadza wacho.Ndakaramba
ndakamumbundikira ,misodzi
yakatanga kubuda ipapo ipapo.
"Mukazondireva sendisipo
kudaro" ndakadaro
ndakavatarisa amai
nemwana.Ivo vakabva
vanditarisa vakaseka zvavo.
"Hapana Wadza"
"Ndine hurombo.Ndinoitwa
Chipo,ndanga ndichiti...."
"Ndirikuda kukubatsira
Chipo.Ndirimunhuwo anenge
iwewe.Ndinokwanisa kuita
zvese zvaunoitawo
iwe.Chindibatsira kutsiga tione"
.Ndakataura ndichitoisa hata
pakati pemusoro
wangu.Ndakabatsirwa kutsiga
ndikambodzedzereka
ndichitadza kumira zvakanaka
nekuremerwa.Ndakazokwanisa
kufamba,Chipo aindirairidza
pekufamba napo.Ndaiti
ndikafamba nhanho mbiri
ndainzwa oti:
"Kana maneta ndipei nditakure "
"Ndinofara makadiiwo"
"Mukoma Tashinga
,ndakunotora mugomo
wandasiya kutsime ndodzoka
manje manje ,svutugadzike
inenge yadziyawo.Mutakura
haudi kudyiwa wega"
"Rega.ndikuperekedze"
akadarowo Wadza.Vakasiya
vavhara gonhi,mumba macho
makabva maita karima
mbichana".
"Hapana zvaakapara
Chipo.Abatwa nekuti vanga
vachida kuwana kubata inini"
"Ko zvirikunzi wakapara mhosva
yei?"ndakabvunza nekuti
aisaratidza semunhu angapare
mhosva.
"Yekudanana nemwana
wamambo" ,hana yangu
yakarova pandakanzwa
mashoko iwawo .
"Aaah eeeh
ummm"ndakagadzirisa pahuro
pakange pasina kana
chinhu.Ndakasimudza kumeso
ndikaona akanditarisa neziso
rizere rudo.Ndakakurumidza
kutizisa maziso angu ndakabva
ndatosimuka ndikabvunza nzira
inoenda kutsime.
"Mwanasikana
wamambo".akadaro achindibata
chirebvu kuti nditarise chiso
chake.Ko ndaimbozvigona here
,ndakangoti:
Ndakasimudza musoro
ndikaona akanditarisa
achisekerera .Nyemwerero yake
yakaita kuti ndinzwe zvimwe
zvinhu zvichifamba mudumbu
mangu umu.
"Handidi kurova imbwa
ndakaviga mupini Nakai.Mukana
wandawana ndiwowu,sekuziva
kwako midzimu haipe
kaviri,pada handizombofe
ndakawana mumwe mukana
wakaita saiwowu zvekare
.Ndirikuda kukuzivisa kuti ndiwe
musikana mumwechete
arikundishaisa hope .Kubvira
patakasangana paye ,kusvika
nanhasi moyo wangu hauna
zororo.Ndaigara ndichichemera
vadzimu kuti vandipewo mukana
wakaita seuno.Ndinoziva
handina kodzero yekutaura
newe mashoko erudo,unondipa
hako mutongo waunoda asi
ndataura zviri pamoyo
wangu.Kutaura chokwadi inini
ndinokuda Nakai.Handina umwe
wandichambofunga kunze
kwako.Wandikanganisa
mafungiro pamwechete
nemaitiro.Ndikakufunga chero
ndiine chii chinenge
chichindinetsa ndinonzwa moyo
wangu uchizorora .Ndifare
kudarika ani naani zvake
ukandiudza kuti
unondidawo"akadaro akanditi
nde-e mumaziso.Ndainge
ndakamutarisawo uku hana
yangu ichirova zviye zvekufarira
kusvitswa shoko rerudo
nemunhu waunoda .
"Ndofara here
Nakai?,Unondidawo here " .Ini
ndakange ndisisagone
nekunyara manje.
"Ndinoita
sendakunyanyokumhanyisa asi
handina nguva
Nakai.Kwekukuwana
handina,uye handitobvumidzwe
kuwanikwa ndiinewe .Ndagara
ndirikutofungirwa kuti ini newe
tinodanana.Pandaenda
kwaMambo uko ndaudzwa kuti
vakangonzwa kuti ndaonekwa
ndiinewe ndirikudemburwa
musoro,handityr kudemburwa
musoro ini,kana uchidemburwa
hawo wandipa moyo wako
ndinofa ndichifara.Ndidewo
Nakai".akadaro zve
Tashinga.Ndanga ndanzwa zita
rake kaa paakadanwa naChipo.
"Ndichambofunga" ndakadaro
ndakamutarisa ndikaona
achinyemwerera zvake.Dai
aiziva zvaaikonzeresa paanoita
zvaaiita izvozvo ka,airega
kundiomesera.Akandibata
muchiuno akandiswededza
pedyo naye .Akasevezera
munzeve dzangu kuti:
"Ndapanzwa muridzi
wemoyo,kubva kana zvakadaro
zvakanaka.Ndichakuona zuva
rinotevera racho"
Ndakazosheedzwa naWadza
achiti tichienda .Ndakambundira
mukomana wangu ndikabva
ndabuda ndakabata mugomo
uye .Ndakabatirana naWadza
pamukova .Tashinga haana
kutiperekedza nekuti taisada
kungwadza vavengi.Tete Chipo
havana kutisvitsawo kure zvavo
.Pavakadzokera Wadza akaisa
mugoro pasi akati:
"Zvafamba sei?,"akavhura
akatanga kutodya magoriyondo
achigara padombo..
*Magumo echitsauko 3*
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
*Tashinga*
"Zvamataura handipikise
mambo,asi ndinoda kuziva kuti
yangu mhosva ndeyei?"
"Zvakanakai mambo
wangu,ndapanzwa
ndavekuchinoita zvandakanga
ndisingaite zvacho"
Ndakangomubata ruoko
tikafamba tichibvapo.Takasvika
kumba akaisa mvura pamoto
akanditova musana waive
wakadhinda chamboko.Hameno
mashizha aakanotora
akatswanya tswanya akandizora
muto wacho.Ndakarara zvangu
ndichifunga kuti
ndaizomuwanepi Nakai.
Kutaura chokwadi mwanasikana
waMambo ndakange
ndakamuda kare asi ndakaudza
moyo wangu kuti dzikama,tanha
dzaunosvikira.Ndakadanana
naShupikai zvangu,asi pane
vaida kukanganisa
chete,ndakazosviba moyo
ndaona Shupikai akarara
naTinazvo muchikwenzi,zvino
Shupikai wacho akatanga kuti
Tinazvo akange amumanikidza
,aisamuda aida inini.Tinazvo
aida Shupikai zvino Shupikai
aisadawo kubva pandiri zvinova
izvo zvakazokonzera kuti
Tinazvo aruke nhema kuna
mambo.Chinangwa chake
chaive chekuti ndibviswe
mudunhu kana kutourawa
chaiko.
Ndakazomurondedzera zvose
zvakanga zvaitika
zvaaisaziva.Nyaya yepfumo
ndakamuudza zvakare yese .Asi
ndakamuudza kuti asataurire
kana munhu umwechete
zvake.Ndaiziva yangu kuti
aisave nehana nhete ndokusaka
ndakamutaurira.
"Mangwana uchamuka uchienda
kwatete mai Mubatsiri"
"Ah kunobatei?"
Takaswera zvakanaka
zvedu,Shupikai akauya
akaonekwa naChipo achiri
nechekure akashurwa shurwa
.Handifunge kuti aizomboda
kusvika pachivanze chedu
zvakare.Zuva richingodoka
ndakabuda zvangu mumba.
"Mafungepi
mukoma,imbozorodzaiwo
muviri"
"Kuti ndarwara here nhai
Chipo,tibvire po ndirikuda
kumbofamba famba zvangu"
"Hongu"
Ndakaita zvekujamba
ndichiburuka ,iye akabva aita
zvekudonha
nekuvhunduka.Handina
kukwanisa kudzora setswa
dzangu.Ndakaseka ndikati:
"Usandijairire Tashinga"
"Ndiudzei zvinofadza
mukoma"akadaro Chipo achibva
kunoperekedza anaNakai.
"Ndakambokunyepera here
Chipo"
"Kwana iwewe,ndaitanha
dzandinosvikira.Kungoti rudo
ibofu unoti Nakai nezvaari izvi
angadewo iniwo zvangu"
"Ah Chikoneso nhai mukoma
Tashi,chiii chinotadzisa
ipapa,makarurama kaimi
hapana kana umwechete anoti
pwee pamuri,parunako
munokunda vose ,muviri wenyu
wakaringana zvakatosiyana
nevanhu vemudunhu muno
vane zvimatumbu zvemasese
aiwa bodo.Mudunhu rino
hamuna kana mumwechete
anopinda pamuri pazvese "
"Ungagotiiko handiti ndiri mwana
waamai vako,ipapa
ndichawanawo mukwasha here
nematauriro aurikuita iwaya"
"Musatye mukwasha
muchamuwana asi kwete
wemudunhu rino aiwa bodo"
"Chisiya azondizora
pandichamuona"
"Haihwawo pamwe muchaonana
mwedzi unouya,ko kunoendeka
here kumuzinda"
"Enda unopengera
kwawakaroiwa Shupikai.Unoti
tete kunaChipo urimwana
wangu here iwewe.Zvangu
newe zvakaperera pasi
pemuonde wandakakuona
wakarara naTinazvo,pano
urikudei?Handichina chekuita
newe ini.Pesanisa tsoka dzako
uende kumba kwenyu ndisati
ndashatirwa"
"Ndinokuda hangu
Tashinga,Tinazvo aka....."
"Handirove vakadzi Shupikai
ndokumbirawo usanditume
,famba uende kumba kwenyu
uchiri wakabatana ukaramba
uriipapo uchaenda
ndakudimbura ahiii",ndakadaro
achibva atofamba achibvapo
asinakucheuka nekuti.izwi rangu
raitonzwika kuti ndakange
ndatotsamwa.
Takazopedza zuva redu
zvakanaka.Mangwana acho
ndakaswera ndichiita mabasa
angu zvangu.Ndakazofunga
kuenda kunotsvaga tsambatsi
dzekuzopa chipondamoyo
changu pandaichiona
mangwana acho.Ndichifamba
kudaro ndakashamisika
ndichiona.......
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(5)
*Nakai*
"Ndirikutotadza kuzvizvisisawo
ini.Mira timbonzwa kurikuenda
nyaya yacho.
"Hamumureverere
kaa,mambomuona pamuzinda
here nhasi?,Mazuva ano
haasikugara pasi
arikungotekaira nenyika
achinoona kaa iko kakomana
kake manje ndirikuda
kuzvipedza .Ndirikuda kukaisa
museve pamoyo nyaya yacho
ibve yatopera zvayo" ,hana
yangu yakarova pandakanzwa
mashoko iwawo.Ndakabatikana
ndikada kufamba ndichipinda
imomo asi Wadza akandibata .
Ndakamutarisa akazunguza
musoro achibva ati:
"Dzikama Nakai,dzungu rinoisa
Tashinga naChipo
panjodzi.Ngatipindei
takadzikama ,ava hasikuziva
kwatabva
varikufungidzira.Ndativaudzei
zvatagara
taronga.Usamboratidze
kubatikana nezvatanzwa
,nyangwe vakataura zvimwe
usabatikane" akadaro Wadza
achichibva atotungamira
achipinda maive nevabereki
vedu.Ndakatarisa Goriyondo
yaive muruoko mangu
ndikafunga munhu anga
andipa.Ndakasekerera
ndikaruma kambadzi
kamwechete ndikapinda maive
nevamwe.
"Wadza,Nakai murikubvepi
vanangu?"vakabvunza
bamunini.Ndakavatarisa ndikati:
"Tinenge tanyanyonakirwa
zverudziiko kusvika
pakukanganwa vabereki "
ndakadaro ndikaseka.
"Maria ,Maria huya
nemagoriyondo" akadaro
Wadzanai.Baba vainge
vachingoita kunge kahuku
kanaiwa zvino havana
kumbobvira vati
bufu.Ndakatorana naWadza
wangu tikabudamo.
Ndakamurondedzera zvese
zvakaitika kubvira pavakanga
vabuda .Akatanga kujamba
jamba achifara .
"Aaaa Wadzanai"
ndakamutarisa ndakavhura ziso
nemuromo achibva aseka
zvake.
"Koiwewe hauna
kuzombondiudza kaa.Urikuita
sei nenyaya dzerudo idzi"
ndakadaro ndichigara
zvakanaka ndichitarisa
Wadzanai.Iye akasekerera akati:
"Haa zvipikowo.Ndinenge
ndapinda mumasango umu
ndichiona ona zvangu
nzvimbo.Musafare kaa muchiti
kune muroora,ko nditsvagireika
anoita kuroora"
Takaramba takatarisa
ikoko,Wadza akandizevezera
kuti:
"Amai!" Ndakadaro
ndarwadziwa pasi petsoka
,ndakatarisa ndikaona munzwa
wemupangara wanga wabaya
pashangu yangu.Panganai
akaubvisa achibva andisimudza
akandiisa kusana.
Akaramba akanditarisa
,akatarisa Panganai,ndakaona
kuti anga atsamwa akabva
atorwa naWadza vakasara vari
vaviri .Haana kumbotaura nesu
zvake .Wadza haana kuita
nguva aina Tashinga nekuti
tanga takutosvika
pamuzinda.Takasangana
nababa vakafara kwazvo
vachiona ndiina
Panganai.Ndoda nekuiswa
kumusana kwandaive
ndakaitwa.
"Hapana zvatataura
zvakawanda ,ndangomutaurira
kuti wabaiwa nemupangara
,Panga akakutakura.Hazvina
kumubata zvakanaka zvazvo
.Ndaona kuti munhu anehasha
dzakanyanya".akadaro Wadza
ndikatura mafemo
"Zvino pandichamutaurira
zvirikurongwa nanababa achati
kudii nezvaaona
izvi.Haazofunge kuti
ndirikungoisa hupenyu hwake
panjodzi here ini
ndichifambidzana naPanganai"
"Zvaanofunga nezvaachaita
tichatozviona kana wamuudza
zviripo Nakai.Iwewe mangwana
paunomuona usarege
kumutaurira "
"Vasikana imimi
murikumbozvifambisa
sei?"ndakanzwa amai vachidaro
"Zvakawanda zvamurikuvanza
.Mafariro arikuita Nakai mazuva
ano haana kana Panganai
mukati izvozvo
ndirikuzviziva.Wakawana
anokuitira here Nakai?"
"Kurohwa?,munorevei kana
muchidaro.Mazuva apera
api,zvariinhi izvozvo.Ivo baba
vacho vanongoita zvavanoda
vanodii kutanga vabvunza
zvirikuitika"ndakadaro ndave
kutopopota.Wadza
akandidzikamisa ndave
kutobuda kuenda kuna baba.
"Ndewekupi mukomana
wacho"amainini vakabvunza
ndikati:
"Asi mukoma
imbonyatsotitaurirai,hakusati
kwave nemuroora here uko
murikuda kuzoroora rinhiwo
nhai".ndakadaro ndakavatarisa
zvangu .Vakanditarisa vakaseka
vachibva vati:
"Varoora havasi venhamo
hanzvadzi
dzangu.Ndichakuratidzai
mosarudza wamunoda"
",Kutsika madziro?,munoreva
kutoramba iyemi
mukoma.Munhu akaita seiko
iyeye?"ndakabvunza
ndichikanuka.
"Ndichakuratidzai ,hamudi
kufamba neni kaimi hameno
kwamunoswera"
",Mukoma tinomuka musisipo
pano imi,zvino pavanhu venyu
avo mukanzi muroore nhasi
muchatora upi?" Akabvunza
Wadza mukoma vasati
vapindura ndakabva
ndabvunzawo kuti:
Ndakanogara naWadzanai
nevasikana vatinofamba navo
tichitaura zvedu nyaya kusvika
nguva yekudya zvemauro
yakwana.Takadya zvedu tikabva
taenda kunoyenzera.Hope
dzacho dzakambobata here
ndaive nemufaro wekuti
ndirikunoona munhu wangu
pakwaiyedza .
"Rara Nakai rara " akadaro
Wadza achiseka .Hameno kuti
dzakazondibawo nguvai hope
.Ndakatorota ndiina Tashinga
wangu zvangu
tichinakidzwa.Ndakazomuka
kwatoyedza .Ndakangonogeza
,kudya handina
kumbodya.Takafamba naWadza
tikashevedzwa nababa
takakwazisana zvakanaka naka
vachibva vazoti:
"Kubva nhasi kusvika
pacharoorwa
Nakai,hamusikutenderwa kubva
pamuzinda uno" ndakapererwa
ndakatarisa Wadza ndikazoti:
Takabvapo naWadza
tikagadzirira sevanhu
varikuenda
kwaMupiniwaguka.Takaona
mukoma Takunda ndivo
vatakabuda navo.Takavataurira
kuti pane watainoona asi
tanyepera baba
,vakatiperekedza vakatisiya
kudhuze nekwanaTashinga
ndokutivimbisa kuti
vaizotimiririra kana zvanetsa.
*Magumo echitsauko 5*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(6)
*Tashinga*
"Munotambirei amai"
"Hupenyu mwanangu"
Takakwazisana zvakanaka naka
.Ndakapihwa pekugara
ndikagara
zvangu.Ndakazoziviswa kuti
aBandawe vacho vaive
kumunda .Ndakaendako
kumunda kwacho
ndikakwazisana
navo.Ndakatombovabatsira
kusakura kwavaiita ndikabva
ndazotaura nyaya yangu
yandanga ndafambira.
"Ko pfumo rababa vako wariita
sei Tashinga.Vairida kwazvo
iroro iwe waparadza"
"Urikuendepi Tashi"
"Pandakakupfimba ndaive
ndatomborohwa ka nenyaya
yako.Kurohwa kwandakaitwa
ikoko kwaive kutosimbisa rudo
rwangu kwauri.Ukatarisa
musana wangu une mavanga
ekuroverwa iwe
Nakai.Ndinosarudza kurohwa
kusvikira ndafa zvangu asi
kukusiya handife ndakakusiya"
ndakadaro ndikaona ave
kuyeredza misodzi.
"Kungoti ndino......"
"Haurevesi Tashinga.Ndikadaro
zvodii?vouya vokutora
vokuuraya ?"
"Hazviitike izvozvo
.Panongotanga hondo chete "
"Usatye hapana
chinondiwana.Kana uchindida
ita zvandinoreva.Ngatirwirei
rudo rwedu mukadzi wangu".
"Amai varikurutivi
rwedu.Mukoma Takunda
varikurutivi rweduwo zvakare "
akadaro ndikasekerera
Takatsvodana zvenzara
zviye.Mbatya dzaaive
akapfekawo dzaiita kuti
ndikanise kubata zvandaida
kubata zvakanaka.Ndakapinza
maoko angu ndikatanga kubata
mazamu ake zvinyoro
nyoro.Ndakaona kuti
ndaizotadza kukunda miyedzo
nezvaipinda mupfungwa dzangu
saka ndakabva ndasiyana
nazvo.Ndakaona kuti
zvakamubhowa asi haana
zvaakataura zvake.
Handina kumupindura
ndakaseka nechemumoyo
ndikadzosera maoko anngu
ndakanzwa munhu ave
kushinyira .Ndakaisa muromo
wangu pane wake tikatanga
kutsvodana.Ndakamurarisa
parupasa pangu ipapo ,paive
nemagumbeze zvapo .Ini
ndakatoendawo pamusoro
pake.Taive tichiri
kungotsvodana zvedu
"Zvawaida zvaitaka
Chipo"ndakadaro Chipo wacho
akaseka achiziva nyaya dzake.
"Tashinga"
"Nakai"
"Ndaive ndakazvichengeta
kuitira munhu achazondiroora
asi apa ndirikutobatikana
nekuzvichengeta kwandakaita"
"Ndingazvichengete kuti
ndizobviswa humhandara
naPanganai here
Tashinga.Ndokumbira kuti
undibvise hako iwewe" akadaro
achiburitsa misodzi.
Ndakamupukuta misodzi
ndikamutora
ndikamumbundira.Ndakafambis
a maoko angu zvinyoro nyoro
pamuviri wake .Ndakakatanura
mbatya dzake ndikatanga
kubata muviri wake
chaiwo.Iniwo dzangu
dzakabviswa ndikamubatisa
chinhu changu ndikaona achiita
kakuvhundukira so.Ndakaona
anga ave nekakutya ko yaive
yakakura zvisiri zvekunyepa ka.
Takaenderera mberi
nezvataiita.Takafamba
tichitsvodana kusvika tasvika
pandinorara.Ndainyatsonzwa
kuti pane zvirikuitika
zvaikomborera .Ndakatora
nguva yangu ndichimubata
muviri wake ,ndakamira
zvandaiita ndikamutarisa
ndikaona akatsinzina
.Ndakatanga kunyatsoongorora
muviri wake ndikaona
wakaringana.
"Asi wakazotaura
zvepfumo?"akabvunza Mubatsiri
ndikati:
"Aewa
kwete,handisikuzombotaura
nezvazvo ini handidi kuita
sendabiririra ndinoda kuita
zvinhu zvangu negwara
rakanaka"
"Nditevere Tashinga" vakadaro
tete vakatomira
pamukova.Ndakasimuka
ndikatevera tikapinda mugota
maMubatsiri.Vasati vataura
chinhu ndakabva ndati:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(7)
*Mambo Zvandareva*
Pandakatuma Hondo naNdini
ndakaona vachiuya
vakabatirana
munhu.Ndakafamba
ndikanovachingura ndikaona
vakatakura
musikana.Ndakashaya kuti
zvaibatana papi nemukomana
waNakai.
Akarohwa akaenda
zvake.Ndakafara zvangu
ndichiona Nakai achiuya
akaberekwa
naPanganai.Ndakatoona kuti
aive nerudo nemwana wangu
ndakafara nazvo
kani.Ndakazoisa mutemo wekuti
Nakai naWadza vasabude
pamba pedu kusvikira Nakai
atorwa nemurume wake
Panganai.
Ndakabudawo ndikanoona
machinda angu .Ndanga
ndakatsamwa nezvanga
zvataurwa naNakai.Ndaisada
zvevanhu vanopikisana neni
ini.Apa aive avekusarudza
mukomana achisiya ini
manje.Pakukura kwake hapana
zvaaimbondirambira asi
panyaya iyi aive atosarudza
kundipikisa zvake
,ndakabatikana.
"Musade kunyepedzera
kusaziva zvandirikutaura
murikuzviziva zvenyu"
"Zvamanzwa
ndizvozvo.Murikuita kunge
pwere munoziva.Chii
chamurikuzama kuita
apa.Vanhu vese vanokunamatai
mudunhu rino vachikurumbidzai
nekugona kutonga.Chii
chinosakisa kuti munhu uitire
vamwe zvakanaka kunze uko
asi vako vana chaivo
uchivatadzira.Kana mwana
atombokuudzawo kuti pane
waarikuda ko zvadiiko kungoti
ungomira nezvirikudiwa
nemwana.Hakuna munhu
anotadza achitoziva ka ,kazhinji
unenge uchiti ndirikugona asi ka
kana wawana anokutsiura
achikuudzawo kuti izvi hazvisi
chirega kuisa zvitanda munzeve
ka.Inini makanditora kuti ndive
mubatsiri wenyu ka.Kubatsira
kwacho kuripapi kana
musingade kunzwawo mashoko
angu.Kunyanya ipapa pane
vana vangu mukati .Panganai
iyeye anonokarova mazuva ese
kaNakai aka zvodii.Mwana
anochema nemi pese pese
achiti ndibaba
vakanditsvagira.Zvinobatsireiko
kuti mwana adye achiguta asi
asina zororo remoyo.Honzeri
muriimi munozviti baba vake
.Zvimwe zvatinoita sevabereki
zvinotikanganisa nevana
vedu.Mangwana chaiye
munoona Nakai akarembera
mumuti azvisungirira moti chii
manje ,hazvidi kuzoyeuka bako
munhu watonaiwa kare .Pachiri
nenguva dai mapagadzirisa
zvenyu panyaya iyoyi" akadaro
mamoyo achibva abuda hake
ndisati ndapindura.
"Zvakanaka "
"Chengeto unotonakidzwa
nekundiona ndichikufambira
zuva rega rega kuti
uzondiramba zvako
unechokwadi?" .
"Aewa zvakanaka.Ndambozama
kukufambirawo
nekunyengerera.Kukuda
ndinokuda asi kana iwe
usingandide handina
zvandinogona kuzviita
zvangu,ukamanikidzira kupfeka
shangu isingakwane
unorwadziwa chete kutugunwe
utwo.Ko kuzoti kumanikidza
moyo wemunhu.Magumo azvo
unochema chete.Rega
ndichisiyana nazvo"
"Saka hauchatodzoke?"
"Ndinoona sekudaro"ndakadaro
ndichibva ndatotanga kufamba
ndichibva ipapo.Handina
kumbomucheukira .Ndakapinda
pane kamwe kamugwagwa
kaingopoterera kodzokera zve
pandaive ndakamira
naChengeto.Ndakasvika paaive
ndikamira kuseri kwemuuyu
waive pedyo.Ndakaona Chenai
munin'ina waChengeto achienda
pane mukoma wake aive agara
muvhu chaimo.
Chenai akasvika achimubata
paakadimudza uso ndipo
pandakaona kuti aichema.
"Ko maitwasei
mukoma,murikuchemei?"akadar
o Chenai
"Ndinomuda Takunda
Chenai.Ndinomuda ini"
"Aramwaka.Ndakambokuudza
kare kuti siya zvekuda kunzi
unoramba ramba.Oh chiona
manje aenda mukomana wacho
uchamuwana kupi mumwe
anenge iye .Mwana wamambo
kukufambira kuuya kuno
mazuva ese achibva kure
uko,Iwe wotoramba
uchimufambisa zvako ndiko
kudii ikoko .Handikunyararidze
chema hako ,mazvokuda
mavanga enyora aya.Handina
kukuruma nzeve kakawanda
here ini nezvenyaya iyoyi"
"Ndaiona sendinenge
ndakurumidza kubvuma
ini.Ndaitonyara kumubvuma
kwacho ini"akadaro
Chengeto.Ndakabudikira paseri
pemuuyu wandaive ndichibva
ndati:
"Wandityisa Takunda
,ndinokuda ini"
"Ndakufanira.kuchiwana munhu
uyu mazuva acho afamba
aya.Nyaya dzirikuda inini
dzirikuwandisa.YaNakai irikuda
kutokurumidzirwawo" ndakadaro
ndichibva ndatobuda naro
pfumo racho.Ndakananga paive
nemachinda .Tinazvo akaramba
akaudyura maziso anenge
nyimo .
"Ndirikupindura
izvozvo.Mukunda wamambo
anwa muchetura"
"Dzokorodza zvawareva!"
Ndakangosvika ndichibhagura
baba vangu vakanyondera pasi
nemuromo.Ndakada kuvahaka
varipasi ipapo ndakabva
ndabatwa nababamunini.
"Murikundibatirei ndisiyei
ndipedzerane nemunhu uyu
mhani"
"Handidzikame ka pakadai.Chii
chaanoita munhu uyu.Mubereki
werudziiko akadai.Amai vaive
vapera here vakomana kusvika
pakusarura kuroorwa
nembiti,inga makanakawo
wani,chiiko
chakakubatai.Makamanikidzwa
here sezvirikuitwa Nakai
nemunhu uyo munhu
uyu.Bamnini ndisiyei
mhani".ndakadaro ndichibva
ndazvipomorera pasi ndikatanga
kuchema neshungu.Babamunini
vakaramba vakandibata.Baba
havana kana kuti bufu.
"Ndambokuyambira ukaisa
zvitanda munzeve zvikazara kuti
ta-a.Wati rema iri harina
zvarinoziva ndinoziva zvekuita
nevana vangu
hezvoka,haasiriye here Takunda
anokukudza mazuva ese
arikudai uyu.Nakai aitei apa
nekuda kwako.Namata hako
apone ,akasapona uchachera
guva rako wozviviga
urimupenyu"Vakadarowo amai.
"Chimbomirai kudaro
.Munosimudza mhepo apa
nguva yatiri haisi
yekukakavadzana iyi.Ngatimirei
semhuri imwechete tombomira
kupanana mhosva
to....."vakadaro amainini
ndikavamisa vasati vapedza
kutaura.
",Mirai makadaro
mhai,kupanana mhosva here
kana kuti kuudzana chokwadi
apa" ndakadaro.Svikiro
rakabuda rikatidzinga takanzi
tozodzoka mangwana acho.
Svikiro rakandibata
pabendekete apa ndokuzunguza
musoro mbichana,ndokuzoti......
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(8)
*Nakai*
Ndakanakidzwa zvangu
pandakanoona mwana
wavamwene wangu.Takaswera
tichiita hedu zvinogara
zvakadaro.Nyaya yakanetsa
yaive yekuti andibvise
humhandara.Ndaitoona hangu
kunge ndizvo zvaigona
kutibatsira panekuti uyu
wekwaMupiniwaguka uyu
azondidembura tsinga yangu
aiwa zvaisandiitira.Tashinga
akazviramba hake.Ndakafara
ndichionawo kuti aitondikoshesa
hake .
Ndakarohwa nehana
paakandiudza kuti ndiudze baba
vangu kuti ndaifambidzana
naye.Ndaiziva kuti ndikaudza
baba vangu nyaya yacho
yaisambopera zvakanaka asiwo
ndaifanira kungoita zvandaive
ndaudzwawo nemurume wangu
ka.Ndiye aiziva hake zvaaida
kuita asi chokwadi
zvaitondiremera .
Ndakaudza Wadza zvanga
zvataurwa
naTashinga.Akandisimbisa kuti
ndingoshinga ndivaudze baba
vacho zvaiitika.Ndakamirira
zuva randakanzi nditaure
.Ndakaenda ndikanoona baba
vacho ndikavaudza nezvekuti
ndaida Tashinga
chete.Ndakatozobvamo
ndavekuchemawo zvangu
ndanzwa vachindiudza kuti hee
ndinoziva zvakakunakira .
"Manzwa zvaitwa
Tashinga?"akadaro umwe
wacho,umwe ndokuti:
"Kupisirwa mumba?,Tashinga
ndiani?" Akabvunzawo umwe
"Hausikumuziva here
arikufambidzana nemukunda
wamambo uyo ndiye a......."
Handina kuzomboteerera
zvangu musoro wangu wanga
wavekutotenderera.Ndakafamba
ndikaenda paive nevasikana
vacho ndikabvunza
zvavaitaura.Vakandiudza kuti
Tashinga aive auraiwa
nemachinda ababa vangu.Moyo
wangu wakarwadza
.Ndakabvapo ndichimhanya
ndikanozvivharira muimba
yangu.
"Ndaive nemushonga
wemakonzo muno kaini"
ndakadaro
ndichisekerera.Ndakatsvaga
pese pese,ndakazouwana
ndatambura ndichibva ndatonwa
wese waivemo.
*TASHINGA*
"Hatina nguva
Mubatsiri.Tirikufanira kuburitsa
zvinhu zvese zvakakosha muno
nekukurumidza"
Ndakadaro ndichitounganidza
zvinhu zvacho zvandaida
zvacho.Takazvitakura tikaisa
mumba maChipo
zvese.Tichipedza takapinda
musango
,takavaka kamusakasa kedu
kunze kwemisha..Tapedza
ndakatsvaga horomba
ndikaribaya ndikaenda naro
kumba.
"Tashinga!,Tashinga!Tashinga!!!
" Akadeedzera Tinazvo ,aive
nemufaro muzhinji
kwazvo.Ndakaramba ndiri zii
zvangu .Vakaita nguva
vachitsvaga.Imba yangu
ndainge ndaikiya nemukati
ndikabuda ka.Vachiona isina
kuvharwa nekunze asi
isingavhurike vakabva vafunga
kuti ndaiveno mukati.
"Apa tirikunetsekana
nei,zvirikuratidza kuti arimo
mumba ka,mambo vati tiuraye
saka ngatimupisirei ka mumba
macho" akadaro Hondondizvo .
Ndakavasiya vachibatidza imba
yangu.Hozi yaive kumashure
kwemba yangu saka
ndakashevedzera ndirimo
pairirima moto.
"Ita so Mubatsiri,kuno
hauziikanwe ka,ndirikuda ubude
muno uende kumuzinda .Ita
semupfuuri arikubvunza nzira
.Ndirikuda kuti unzwe kuti zvii
zvirikutora nzvimbo panapa"
ndakadaro .Ndakaburitsa
musoro nepandaive ndaboora
kuti ndiburitse napo miseve
ndakatarisa tarisa kuti kwaisave
nevaiona here.Hapana
wandakaona ,Mubatsiri akabva
aenda zvake ndikasara ndega.
Ndakarara nemanhede zvangu
ndikatanga kufunga zvaive
zvaitika musi
wacho.Ndakanzwisisa kuti
mwana waMambo zvedi raive
ruva riripakati nepakati pesanzu
rinobaya.Kuti ndisvitse ruoko
rwangu zvaitoda hushingi asi
ndaizoritanha chete vavengi
vakatarisa.
Ndakadaro ndakarara
nemanhede.Ndakazonzwa
pamukova pehozi pazarurwa
ndikaziva kuti Mubatsiri aive
adzoka.Apa kwanga
kwatodokawo zvekuti taigona
kubva taenda kukamusakasa
kedu kunorara.
"Pazvasvika papi,Mubatsiri
hausi n'anga iwewe.Mira
kutaura nemadimikira
wondiudza zvirikutora nzvimbo".
"Tavekutoenda ikoko"
ndakadaro ndichitosimuka.
"Mira nditarise kuti panze
hapana muvengi here" akadaro
Mubatsiri achibuda.Ndakasara
ndakabata
kumeso.Ndairwadziwa ,ko Nakai
wacho akafa ndaizodii nhai?
"Muchazvibvisa mazino
mukatadza kunakirwa
nezvinobikwa nababamunini
venyu maiguru".Ndakadaro
achibva asekerera
"Aaaaaaah Tashinga!!!!!!!"
Akadaro Wadzanai.Akafamba
akasvika achindibata achibva
ati:
"Godobori ndinokumbirawo
mushonga
wemaziso"ndakanzwa tsano
Takunda vachidaro
varikumashure kwangu.
Ndakapfugama nebvi
rimwechete ndikamhoresa tsano
Takunda.Ko vaive tezvara
kaava.Mubatsiri
akagwadamawo.
"Tichamhoresana,parizvino
ndiudzeiwo zvirikutora nzvimbo
kufamba murima ndaramba
vakomana"
"Tichapindura
mambo.Ndokumbirawo kutanga
ndaona Nakai".ndakadaro
ndichinzwa maziso angu
achivavira
nemisodzi.Kungofunga
marwadzo aive neumwe wangu
uye ndichiziva kuti ndini honzeri
ndakangoona misodzi yave
kuyerera.
"Wakandinunura ,ini
ndotadzawo kukununura unoti
dai wafa ndaisara ndichifara
here dai paine zvaitika
kwauri.Kurarama uchizvipa
mhosva kwaizonakidza here
,munhu akakununura ourawa
nababa vako"
vakadaro,pekupedzisira pacho
vaive vashatisa kumeso
nehasha.Ndakanyatsoona kuti
vaive nechigumbu nababa vavo
.Ndakavabata ndikati:
"Nekuda kwei
Tashinga.Urimunhu akaita sei
iwewe?,nyaya yekundinunura
kwawakaita ikataurwa baba
vanokupa Nakai vega
.Vakataura nemuromo wavo kuti
akandinunura vachamupa
zvaanoda saka chirikunetsa chii
apa"
"Izvozvo ndizvo
zvandisirikuda.Nakai handidi
kumupihwa nekuda
kwezvandakakuitirai.Ndikadaro
ndinenge ndisisina kusiyana
naPanganai.Nyaya iyi inofanira
kungoitwa semaitirwo ayo
pasina yepfumo
mukati.Ndinorwira rudo rwangu
kusvikira mambo vabvuma vega
kuti ndinokodzera kutora mwana
wavo.Nyaya yekuti vana
vamambo vanoroorana pachavo
inofanira kubviswa .Ndizvo
zvandirikuda kurwisana
nayo".ndakapedza tsano vangu
vave kuuchira maoko.
Chekutanga,hapana arikufanira
kuziva kuti ndiri
mupenyu.Chechipiri hapana
anofanira kuziva kuti ndini
ndakakuyamurai
paye.Chechitatu handidi kuti
muvenge baba nezvakaitika
apa".
"Ndichitadza kuvavenga
nei,ndirikusvikovaisa
museve.Munhu wepi akaoma
moyo kudaro"
"Zvawareva ndazvinzwa
Tashinga asi zvinonzwisa hasha
kuziva kuti baba vako vane
moyo mukukutu.Dai arimumwe
munhu zviri nani.Nakai
aripanguva yakaoma nekuda
kwavo".
Takarara,kwaingove kuzorodza
nyama asi mweya nepfungwa
zvaingodzungaira ndichifunga
kuti chii chandaizoita
zvakare.Kuchiyedza Wadzanai
akaenda kumuzinda.Akadzoka
nana amai asi ndakavahwanda
zvangu ndaisada vandione.
"Vanopenga here,havana
kuudzwa kuti Nakai arikurwara
anomuroora sei zvakadai?"
Vakadaro tsano Takunda
vashatirwa.Ndakaona kuti
munhu aive nehasha
dzakanyanya.
Takaswerapo,ndakazonotsvaga
magoriyondo zuva
rodoka.Ndaiziva kuti ndaisvika
Nakai amukawo ,uye Wadza
aimadawo saka ndaifanira
kuvaikira.
Takatakura zvinhu zvedu
tikafamba tichienda kwaive
naNakai.Ndakasvika
ndichiona..........
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
*Panganai*
"Ndakakutsvagira akanaka
pachiso,pachimiro uye
mahunhu.Ukamuona haufunge
kaviri Panga mwanangu.Asika
tomboti pamwe uribofu
hako,ukasamufarira
unotenderwa kuroora vamwe ko
vakadzi vanopera here"
"Ndapanzwa baba ,regai
ndimbomuona ndiyere kuti iye
naTambudzai ndeupi
anokodzera kuita
vahosi.Handingazoite mukadzi
mumwechete ka semunhu
achaita mambo kudai"
ndakadaro ndichinyemwerera
.Baba vakanyemwererawo
vachifara kuti ndaizoitawo savo
vaive nevakadzi vanomwe .Ini
ndaitoda kuzovapfuura zvangu
.Ko nemawandiro akaita vakadzi
zvinozomboda kuita
mumwechete here ,aiwaka kana
vadzimu vanganditsamwire.
"Kuzvinetsa kweiko
Panganai.Ndasara nemazuva
mashoma ekuzviita izvi .Kana
waroora ndinenge
ndichambowana mukana
wekusvika pedyo newe here
mira ndiite izvi ndichiine nguva
yacho"
"Zvaamai zvakaoma veduwee"
ndakadaro ndikaseka
ndikatanga kupakiswa
zvokudya.Ndakadya ndikapedza
zvangu amai vachibva vazoenda
zvavo.Vaisave mukadzi wababa
wekutanga,kureva kuti amai
vangu vaisave vahosi,vaive
mukadzi wechitatu pavanomwe
vaive nababa.
Takataura zvakawanda
nababa.Ndakazobvapo
ndikambotenderera ndichiona
muzinda .Mazuva akafamba
zvawo taigadzirira zvedu
kunotora mudzimai wangu
Nakai.Ndainzwa kufara
kani,ndanga ndave kuzobudawo
mugota sevamwe.
Mumwe musi ndaive ndakagara
zvangu padare nababa
nemamwe machinda ndipo
pandakaona nhume yamambo
Zvandareva ichisvika
pataive.Kwaive kwasara mazuva
maviri chete kuti ndinotora
mudiwa wangu.
"Mazoona ndakusheedzai
pano.Nyaya iripo ndeyekuti
takawirwa nedambudziko"
"Dambudziko? Idambudziko rei
Zvandareva kwaita hondo here
,urikuda rubatsiro here asi
zvakaitika gore riye
zvadzokorodza?" Vakadaro
baba ndikaramba ndakavatarisa
ndichishaya kuti igore ripi
ravaireva.
Ndakaramba ndakanyarara
zvangu ndichitarisa vanhu vese
.Mubvunzo wangu waive pakuti
kana Nakai aisandida aizouya
sei kumuzinda wedu
kuzonditsvaga.Ndaive
nemibvunzo yakawanda ,iye ega
ndiye aikwanisa kuipindura
Nakai.
"Panganai naNakai
varikuroorana" ndakanzwa baba
vaNakai vachidaro.
Hatina kuzombotaura
zvakawanda hedu takabva
tasimuka nababa.Ndaida
kuenda kunaNakai kunomuona
asi vakati vaive varambidzwa
kusvikako nesvikiro kwaidiwa
Takunda naWadzanai voga.
"Zvakanaka,tichamuona kana
vave kutendera ,mogadzirira
mangwana tirikuuya kuzobvisa
pfuma" vakadaro baba tichibva
tapinda mumugwagwa unoenda
kwedu.
"Baba chii chakaitika pakati
penyu naMambo
Zvandareva,ndaona kuti pane
zvamanga muchida kutaura
vakakuvharai musati maburitsa
mashoko"
"Zvakaitika ndezvekuti........"
*NAKAI*
"Nzira yawatora haisiriyo
inoenda kwaurikufanira kuenda"
ndakanzwa izwi remunhurume
richidaro.Ndakacheuka
nekukasika nekuti ndaive
ndarifananidza neraTashinga.
"Unonyepa Tashinga.Dai
wakafa hupenyu hwacho
hwaisazombove sezvahuri
.Zvinobatsirei kufema mweya
unopisa"
Vakomana vakazobuda
ndikasara
naWadzanai.Ndakaona amai
vauyawo vakafara vachiona
ndamuka.Ndakarwadziwa
ndichiona vachisvimha misodzi
.Ndakavavimbisa kuti
ndaisazombofa ndakadzokorora
zvandaive ndakaita zvakare .
"Wagona mukadzi
tirikunetsekana neiko
apa.Mangwana ndongoti
kunaPanganai honaka
shamwari,Nakai mukadzi wangu
inini uyu anonzi Wadzanai ndiye
ave mukadzi wako wawaroora
uyu ,tora hako haana munhu
uyu"
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(10)
*Takunda*
Pandakatsanangurirwa
hurongwa hwaTashinga
hwakaita kuti azobuda
munyatwa maaive apinzwa
nababa ndakakatyamadzwa
.Uchimuona Tashinga
waisambofungira kuti munhu
ane njere dzakarodza kudaro.
"Zvakanaka ndichaita
sezvawareva"
"Tashinga,ndinokurasisa sei
uriiwe munhu akandibvisa
mukanwa meshumba.Kuti ndive
mupenyu nhasi ndiwe uyezve
ndiwe unounza nyamwerero
pachiso chehanzvadzi
yangu.Ndikasaita kuti umuroore
iwewe anoroorwa
nani,nedzangu dzakakwana
unoti ndingape Panganai
mwana wamai vangu
here"ndakadaro tikabva
tambundirana.
"Takunda mwanangu.Pavanhu
vese ungati ndingamire
nezvakapusa kudaro.Ipapa
ndirikuda kutodzokera kumba
kwangu.Handikwanise kuvepo
pamarooro aNakai".
Ndakaseka nechemumoyo
zvangu ndikaenderera mberi
nenyaya yangu ndikati:
Ndakangofamba ndikanovabata
pabendekete.Ivo vakanditarisa
ndikati:
"Baba ndinoziva kuti muri
mambo wakanaka kuvanhu.Muri
baba vakanaka kwatiri....."
"Hakuna chinhu
chisingagadzirike
baba.Ndokumbirawo
munditaurire zvakaitika zvirikuita
kuti muve zvamusiri.Mude
zvamusingade,chii chakaitika"
"Kusakwana kwaPanganai
kwacho ndakuona paaiti arikuda
kutora munhu arikurwisana
nerufu.Hazvitoite kuti Nakai
atorwe nemunhu akadaro
"vakadaro babamudiki
"Zororai zvenyu,ndimi
makabvuma kuti atorwe
naPanganai penyu makasakura
mukazunza ,inini ndichaita kuti
asatorwe naPanganai wacho"
ndakadaro ndichitofamba
ndichibuda .
Mubatsiri akateverawo
tinakanorara,kwaingove
kuzorodza nyama asi pfungwa
dzanga dzakawandirwa.Zuva
robuda ndipo patakanoona
Tashinga pataive takawirirana
.Takasvika atovepo asi aive
akazvivhara kumeso kuti
asaonekwe.
Takakwazisana ,ndakabvunza
hutano hwaNakai akandiudza
kuti aive asimba
hake.Ndakamutsanangurira
zvaive zvataurwa nababa
panyaya yaPanganai.
"Ndirikufanira kuendawo
kumuzinda manje pane
zvatirikufanira kuita ikoko asi
handifanire kuonekwa" akadaro
Tashinga ndikamuti
"zvakanaka usatye "
Ndakataura zvimwe
zvaisambove nemusoro
.Ndakanzwa kamuridzo
ndikaziva kuti Tashinga aive
apedza zvaanga
afambira.Ndaisamboziva kuti
aiitei zvangu.Ndakangobva pane
vamwe ndokupinda muimba
yababa ,ndakavashaya imomo
ndikatanga kutsvaga kune
dzimwe dzimba dzese
ndakavashaya.
Ndakasangana naamai
ndikavabvunza vakatiwo vanga
vasina kuona baba.Takatsvaga
pese pese nemachinda asi
mambo hatina kuvawana .Tichiri
kutsvaga kudaro ndipo
pandakaona anaPanganai
vachisvikawo.Vakachingamidzw
a nemachinda vakauya
vakapinda mumba.Ndakabuda
zvangu ndichitsvaga baba
ndaive ndave kunetsekana
nekuti vaigona kuitawo saNakai
ka.
Ndakatuma Mubatsiri
kunaTashinga ndaida kunzwa
kuti aiziva kwaive nababa here
.Mubatsiri akadzoka akanditi:
"Hanzi musatya,varipo
pamuzinda asi anaPanganai
varikufanira kuudzwa kuti
mambo havasi kuoneka"
"Zvakanaka"
Ndakanogara zvangu paive
nevamwe ndikakwazisa vese
zvakanaka ndikazoti:
Ndakaunganidza mauto
ndikamati agadzirire hondo
,ndakanotora Tashinga tikaenda
kumba kwesvikiro
kwatakasvikoona
mashura.Svikiro raisavepo.
"Handina wandinotya.Ndikaenda
ndega zvakanaka nekuti imimi
mukaenda ndimi murikutodiwa
.Inini hapana anondiziva
ndonoita zvinhu zvangu
zvakanaka.Musandityire uye
kana ndiripo mwana wekumba
kwenyu hapana
chinomuwana.Ndinodzoka
manje manje"akadaro
achitofamba achienda.
"Sarai naWadzanai inini
ndavekutevera
Tashinga"akadaro Mubatsiri
achitorawo uta nemuseve
achiteverawo Tashinga.
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(11)
*Nakai*
Pandakamuka ndipo
pandakanyatsonzwisisa kuti
pamwe pacho tinenge tichitoti
tagona asi pasina zvatinenge
taita.Hongu unogona kubudirira
kufa asi kufa kwacho unoziva
here kuti vanosara vanosara
vachiitawo sei.Kazhinji rufu
rweumwechete runokonzera
dzimwe ndufu dzakawanda
seipapa dai
ndakanyatsofa,Tashinga,amai,b
aba handifunge kuti
vaizomborarama.Ehe kurarama
tomboti vairarama asi
vaisazombofa vakava nemufaro
sewavaiva vainawo kare .
"Muchanzwisisa nekufamba
kwenguva.Ikozvino inwai
mushonga uyu.Muchamuka
kana masvika
kwamurikuendeswa ,musatye
vadzimu vanemi" vakadaro
vachitondipa mishonga
yacho.Ndakangonwa pfungwa
dzichitenderera.Vakabva
vabuda godobori vacho.Hapana
kuita nguva refu ndakanzwa
mhere mhere panze .Izwi
raWadza ndakarinzwira
pamusoro asi ndaive ndisina
simba .Ndakabva ndangoti zii.
Ndakadzokera pamagudza
pandaive ndasiiwa ,pfungww
ndidzo dzaitenderera zvadzo
nekuti ndaisaziva kuti
ndaizokwanisa kupabuda here
ipapa .Ndakaramba ndakarara
zvangu ndakabva
ndanzwa.........
*Chipo*
"Zvakanaka ndirikuuya"
ndakadaro ndichitosimuka
ndichienda kwandaive
ndashevedzwa.Takatakura
zvinhu zvedu zvekugezesa
tikabva tabuda .Takasiya tete
varivega pamba zvavo
vakatitsindidza kuti
tigokurumidza kudzoka.
"Aah nhaimi!"
Nenyadzi ndakabva
ndangojambira mumvura.Ko
ndaimboziva kuti paive
pakadzika kudaro here apa
kubhaguja ndaidatogona zvangu
.Ndakatanga kunyura handina
kuzoziva zvakaitika .
"Hanzvadzi yako
unongoiziva.Haana
kumbosiyana nababa
vako,nharo ndipo pamusha"
vakadaro tete vadzoka
"Ko dzavo mainini Chipo munoti
dzishoma nhai?" Akadaro
Mutsa.Ndakaisa hangu
mutakura ndikadya.Hatina
kuzombonyanya kutaura
nezvanaTashinga,asi moyo
wangu wanga usina
kumbogadzikana zvawo.Zuva
rodoka ndakabuda ndichinotora
mandiro aive padara anga
asukwa naMutsa.
"Tisvikewo"
Izwi racho ndaisada kuudzwa
kuti nderani nekuti ndaive
ndatoriziva.Ndakaramba
ndakamira pandaive
ndichishaya kuti ndodaira here
kana kuti ndorega.
Ko akuramba achidzokera
dzeiwo zvakare nhai" ndakadaro
ndichiridza mutswinyu.Mutsa
akangosvika pandaive achiseka.
"Haiwa usaseke ndiwe
wakonzeresa apa.Wanga uchiti
urikunditarisira vanhu apa
wanga wakanditarisa,une meso
kugotsi here iwewe"
"Akadai pachii?"
"Ndokumbirawo usajambire
mumvura ndapota nhasi
wakapfeka wani" ndakanzwa
izwi raKundai richidaro.
"Aaah makadii zvenyu"
ndakadaro ndakangotarisa
mubhavhu rangu ndichitsokota
mbatya yaive yachena kare.
Paakadaro ndakangorudunura
nyaya yaTashinga naNakai yese
semaziviro andaiita.Ndakaona
abata musoro chiso chake
chaive nekakunetseka zviye
zvemunhu ane zvaarikuziva asi
asingazive kuti ozvitaura sei.
"Ndirikurevesa Chipo.Kubva
pandakatanga kukuona moyo
wangu urikudokwairira kuva
newe iwewe.Kugara ndirikure
newe zvirikundiremera unoziva
handichatozvikwanise
ini.Ndaikumbirawo mukana
mumwechete ndikuratidze rudo"
akadaro ndikabva ndasimuka
akandibata ruoko
Akadaro ndikapererwa
zvangu.Ndakashaya kuti
ndoitasei ,ndaiziva kuti
anaTashinga vaida rubatsiro asi
ndaityira mumwe
wanguwo.Akafamba akauya
akandibata mapendekete
.Ndakamutarisa mumaziso akati:
"Usandityire Chipo,asi
mangwana haaziikanwe pakaita
chaitikawo chingoziva kuti
ndinokuda nemoyo wese
wanzwa "
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
~*Nicola*~
(12)
*Panganai*
"Ndakutsvaga ndikakushaya
ndatofunga kuti zvimwe
hamenowo kwawaenda kaini,ko
unotofunga kudai?" Vakadaro
baba ndikaseka.
"Ha ha hauna!?"
"Hongu tenzi wangu handina"
ndakadaro ndikavarondedzera
zvandaive ndaita machinda avo
kuti afunge kuti aive andipisira
mumba ndakaona
vachikatyamadzwa
nazvo.Ndakagwadama pamberi
pavo ndikati
Pakasvika anaPanganai
ndakaona hangu zvese
zvakaitika.Pavakaenda
ndakabva ndaendawo kumba
kwesvikiro .Ndichiona Nakai
asipo uye Wadza akarohwa
ndakabva ndati tsano Takunda
vasare.Zvandaida chaizvo
ndizvo zvaive zvaitika .Yakange
yasvika nguva yekuti ini
naPanganai tiratidzane
masimba.
"Zvakanaka,apa hatina
zvatingamboite asi kuti
zvitinakire Rudo anofanira
kutoenda kunatete nevaanogara
navo anogara nani?"
Takasvika tikatambirwa
zvakanaka hedu.Ndakaona tete
vaRudo naMubatsiri vaitozivana
zvakanyanya.Taive tatogadzirwa
poto pamoto ndikati:
"Musazvinetse zvenyu,kudya
tichadya mazuva mazhinji.Apa
tauya kuzokukumbirai kuti
mumbobva mudunhu rino nekuti
pane zvirikuda kuitika".
"Ikozvino kwamunokwanisa
kungoenda kumba kwedu
tete,zvakawanda
munozonzwisisa nekufamba
kwenguva asi parizvino ingoitai
sezvatirikureva hatina nguva"
akadaro Mubatsiri havana
kuzomboita nharo.Rudo aiziva
kumba kwemukomana wake
saka vaizosvika zvavo ,ikokowo
Mutsa aimuziva saka ndiye
aizoudzawo tete mai Mubatsiri.
"Zvotoita pano
ndezvekudai,iwewe
uchanotobatidza moto pahuswa
huripaseri apo.Huswa uhwo
hwakakurisa zvekuti moto
ukaregerererwa ikoko hunopisa
dzimba .Ukabatidza uko ibva
wamhanya wonobatidza uko
kuitira kuti moto wacho
ukurumidze kufamba. Vanhu
vese vachamhanyira kunodzima
moto inini ndinenge
ndichipindawo kunotora Nakai".
"Wotoenda naye
iwewe".ndakadaro
akabvumira.Takatora
mugwagwa waienda kwanaTete
,ndaingovaperekedza mbichana
ndaida kudzoka kuzopedzisa
hondo yacho.
"Ndirikukuvimbisa kuti
ndinouya.Kubva patazivana
pane pandakakuvimbisa chinhu
ndikasaita here.Usacheme
mudiwa wangu ,zvinopers manje
manje izvi.Rega ndirwire
rusununguko rwedu tigodanana
zvakanaka.Chirega kuita nharo
woita zvandinoreva,siira zvese
kwandiri wazvinzwa" ndakadaro
ndikaona achigutsirira musoro
achibvumira.Takatanga
kuenderera mberi
nerwendo.Hatina kure
kwatakaenda takaona Rudo
natete vake vakamira neumwe
mukomana.
Ndakatarisana naMubatsiri
ndikamuti amire naNakai
ndikafamba
ndichiendako.Ndakashamisika
ndichinzwa achibvunza
zvehondo.
"Mubatsiri? Ukamuona
unomuziva?"
"Tete?" Akadaro
Mubatsiri,Kundai akakwenya
musoro akati
"Vanhu vakwaMupiniwaguka
havasikufanira kuuya kwedu
kuzotsvaga
Nakai.Vakamutsvaga
vakamushaya vanoparadza
dunhu rese.Mubatsiri chienda
unoona kuti anaTsano Takunda
variko here vauye nevamwe
vese kuno inini ndichamira pano
ndichiona kuti vekwaMupini
varikudii" ndakadaro patanga
tave parwizi rwunopatsanura
matunhu acho ari maviri.
"Murikunzwawo
zvandanzwa?"akadaro Kundai
ndikati
"Musikana wako!"
"Zvawanzwa ndizvozvo,ndati
aripi!??"
"Haundibvunze zvemukadzi
wangu wa....." Haana kupedza
kutaura nehasha achibva andipa
mambama
maviri.Ndakagumbuka
ndikamupa chematsenga
nzungu achibva awira
pasi.Vanhu vake vakada kubata
ndipo pavakabatwawo
nevekwedu vakatanga
kutsemurana.Panga akasimuka
akatanga kufemereka
akanditarisa .Iniwo ndaive
ndakutonzwa hasha
dzandisingagone
kutsanangura.Takatanga
kurovana zvekuti vanhu vese
vaive vamira vakatarisa isusu.
"Panganaiiiiiiiiiiii!!!!" Ndakanzwa
izwi rechikadzi
rakadaro.Ndakasiya huro
yaPanga ndikasimudza musoro
ndichida kuona muridzi
weizwi,ndakanga ndariziva izwi
iroro,ndakatarisa muridzi waro
ndichida kuona kuti ndiye here
wandaifungira .Ndakaona zvedi
nzeve dzangu dzaive dzisina
kundirasisa.
Ndakasimuka ndichibva
panaPanganai.Mai vaye
vakanditarisa vakati:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(13)
*Takunda*
Zvimwe zvatinoitirwa nen'anga
dzedu sooka.Munhu asiya Nakai
achiendwa naye ,Wadza
achirohwa ,apedza auya agara
hake pamugwagwa isu tichida
kuenda kwaMupiniwaguka.
"Kumhanya handiko
kusvika.Imbodzokerai mambo
vane maviri matatu nemi"
vakadaro vakanditarisa .
"Baba?,ko varipi?
Havasikuonekwa wani"
"Dzokerai munovatsvaga
zvakare"
"Ipapo haureve
nhema.Ndanzwa kunyara
nezvese zvandakaita
kumashure.Ndatoona kuti
ndanga ndakarasika uye
ndafara kuti agona kubuda
pachena pachiri nenguva yekuti
ndigadzirise pakaresveka.Endai
kwaMupini munotora hanzvadzi
yako Takunda"
"Vakatukwa nedenga
vanosimudza maromo anenge
ehove vachiti mai mai
kumahure" .
Panganai akaita hasha
akasimuka achida kurova
Tashinga asi ndiye akazopihwa
chibhakera chimwechete
achibva aruma ivhu.
"Murikuchemei amai?,Amai
kani!" Akadaro Panga achibata
amai vake .Tashinga aive
akamira hake achisekerera
achiburitsa misodzi.Akapukuta
misodzi achibva ati:
"Chinzwaka
Panganai.Munhurume wese
anofanira kunge aine vakadzi
vaviri vakamukoshera
mukurarama kwake.Kubva
achizvarwa kusvika akura
anofanira kuda nekudiwa
naamai .Hatisi tese tinoitirwa
rombo rakanaka zvedu kuti
tipihwe anamai vane
rudo.Ndaona hangu iwe
wakaitirwa nyasha wakapihwa
amai vanokuda .Inini handina
kumbobvira ndawanawo
amai.Chinzwaka,mukadzi
wechipiri akakosha ndiye
shamwari yemoyo anova iye
mudzimai waunenge
wazviwanira.Iniwo apa ndakaita
rombo rakanaka ndakawana
muridzi wemoyo wangu
Nakai.Ngatichiitai sevanhu
vakuru ka togovana pano.Iwewe
wotora amai vako inini
ndotorawo musikana wangu
handiti ndizvo"
"Tashinga!!!!"
"Saka nhai
mambokadzi.Makasiya baba
vangu kuti vatambure nesu
nekuda kwekuti muwanikwe
namambo.Makavasiya nekuti
vaive vasina hupfumi
sehwaMupiniwaguka.Makati
hondo yepabarika
munoikwanisa ,munorwa
mumire kurwira mwana
weumwe mukadzi venyu
makafuratira ,moyo
makaisepiko.Saka hamuna kana
kumbofunga nezvedu kana musi
umwechete here?.Makarera
Panganai zvakanaka nekuda
kwekuti ndiye achaita mambo
kana baba vake vafa ka.Saka
kuchema kwaPanganai kwaaiita
hamuna kumbofungawo
machemero andingange
ndichiitawo here " akambomira
kutaura achibva azoti:
"Zvakanaka toti inini handina
basa ndaive ndakura ka ndaive
nemakore gumi pamakabva ,ko
Chipo zvake Chipo.Mungasiye
mwana musikana mumaoko
emunhurume nekuda
kuroorwa,pabarika futi.Ko dai
akauraiwa kana kubatwa
chibharo nekushaya
amai.Haoana akakurambidzai
kurambana nababa
imi.Makaramba kutitora
zvandichirikunyatsorangarira asi
makazodiiko kungouyawo
muchidongorera.Kungoyambuka
rwizi urwo moti wakadii
Tashinga,wakadii Chipo
ndokudai vana vangu.Ndizvo
zvega zvataida
isu.Makazvitadza ndakabva
ndakuvengai.Nazvino
ndinokuzvidzai
ini,ndakakuvengai kusvika
pekupedzisira.Ndingadai
ndisisazive chiso chenyu asi
handina kukwanisa
kuchikanganwa.Mazuva ese
pandinovhara maziso ndinoona
chiso ichochi ndoti mumwe musi
ndichachipara para
nebakatwa.Ndinoda kusiya
mavanga amakasiya mumoyo
mangu pachiso chenyu manzwa
.Ndakakuvengai mhani"
"Tashinga mwanangu!"
"Nyarara Tashinga
handisikutaura newe"
Tashinga akavajunga
pachipfuva nekamunwe achibva
ati:
"Waonaka kuti
kwaMupiniwaguka tinotora
zvese zvatinoda "
"Zvamavekutaura izvo
handisisina hangu basa
nazvo.Dai ndisina kuuya kuno
maizombozvitaura here.Inini
hazvisirizvo zvandambovingawo
zvangu.Ndafambira mukadzi
wangu ini,vedu vanokodzera
kurwirwa".
"Ndofunga zvandataura
zvanzwika.Apa tauya
tirivashomanana asi
zvatinogona kuita
mazviona.Kana mukada kuuya
kuzoita zvehondo chaizvo
munouya kumuzinda tiriko,asi
nyangwe zvikadii kana kudii
ndati Nakai hausikumutora "
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi:_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(14)
*Chipo*
"Gogogoi"
Ndakatarisana natete,Mutsa
ndiye akadaira akanotora vanhu
vacho panze .Ndakazoita
zvekusvetuka ndaona
Nakai.Mutsawo hameno
musikana waanga ambundirana
naye vachifarawo.Tete ndivo
vakatozokwazisa mukadzi
aivepo.
Nakai paakapedza
kurondedzera tese
takamboramba takati zii
tichifunga kuti panguva iyi vaive
varipapi vakomana
vacho.Ndaingonamatira kuti
pasawane anokuvara pavari
vese .
"Pandaive kwaMupiniwaguka
uko ndakanzwa munhu ane izwi
rinenge renyu.Pandakanzwa
izwi raamai vaPanganai
ndakapotsa ndasvinura kuti
ndivaone ,izwi ravo nerenyu
ungati nderemunhu
mumwechete".
Takambotandara mbichana
tichidya nyaya.Hatina
kunyanyogarisa nekuti vamwe
vedu vaive vafamba rwendo
rurefu vaifanira
kuzorora.Takanorara zvedu asi
hope dzakanonoka kundibata
ndichifunga vanhu vaive
mumasango.
Dzakazongondibawo hope
ndikarara .Ndakanonoka
kumuka ndakashamisika
ndichiona paruvanze
patotsvairwa .Mutsa aive
mumba achibika zvekunwisa
svutugadzike.Ndakaona Rudo
naNakai vakatobata migomo
yekuenda kutsime.Ndakatorawo
wangu ndikaenda navo kumvura
.Takachera hedu tikadzoka
tichidya nyaya.
"Titambire!!,,tanga tatomirira
imimi kuti tidye pamwechete"
vakadaro tete vachitura varoora
vavo migomo.Ndakafara kuona
Nakai asvika nemvura yake
ichakazara.Ndakaona anga ave
kudzidzawo mabasa anoitwa
nevasikana.Ndakanyatsoona
kuti mukoma vangu vaive
vazvibatira zvavo.
"Ndaisambovimba kuti
tinoikunda hondo iyi
tete.Pakutanga ndaitoona kunge
tirikurwa hondo yakapera kare
asi ndakazoratidzwa
zvimwe.Kubuda kwakaita
Tashinga muhurongwa
hwemachinda ababa
zvakandiratidza kuti
igamba.Murume pane vamwe
varume uye ane
dzinodhonza.Ndakaisa ruvimbo
rwangu maari tete.Handina kana
chimwechete chandirikutya
parizvino.Ndinoziva kuti
vanopakunda chete"
"Kana wadaro
zvakanaka.Neniwo ndinovimba
navo vese" ndakadaro Mutsa
akasvika achiti:
"Kunyanya Kundai!"
"Aaah nhaiwe Mutsa" ndakadaro
ndichibata chiso changu
ndichinyara ndikazoona
ndavekutosekwa .Ndakapedza
zvekusuka ndikatora mufushwa
wemunyemba wataida kuzodya
masikati acho ndikagadza
pamoto.Rudo akati aida kubika
handina kumbopikisana naye
,ndakatofara ko ndaizodya
zvanga zvabikwawo nemuroora
ka .
Ndakabuda naMutsa naNakai
tikamboenda kumunda
.Takambosakura sakura
tikazodzokera kumba nguva
dzekudya dzatokwana.Taive
tatochovha hedu ndima yacho.
Takapedza kudya
tichingomurumbidza
hedu.Takabatsirana kusuka
ndiro ,tichipedza takabva taenda
kurwizi kunogeza.Takaenda
kwandaive ndakasangana
naKundai,Mutsawo nedzungu
akabva audza anaNakai zvaive
zvakaitika musi wandaive
ndatanga kuonana naKundai.
"Mukaramba muchindiseka
kudaro ndichajambira zvakare
mumvura macho aa pane
anozogona kundinyurura here"
*Tashinga*
Chandakazviudza ndechekuti
zvaive zvakaitika kunababa
vangu zvaisazombofa zvakaitika
kwandiriwo.Panganai nababa
vake vaive vakajaidzwa
vakajaira zvino ndaida
kuvadembura miswe yavo yaive
yarebesa.
"Usanyanyekufungisisa
Tashinga.Pahondo iyi tatokunda
,hanzvadzi yangu yatove yako
kwehupenyu hwese hakuna
umwe anokwanisa kumutora
apa" ndakanzwa tsano vangu
vachidaro
ndikanyemwerera.Ndakatarisa
Kundai aive akanyarara hake.
"Zvino kamai kaye hakanyare
here nyaya dzako dzabuda
pamberi pemukwasha"
ndakadaro nechemumoyo
zvangu .Takafamba
tichingotaura dzimwe nyaya
kusvika tasvika kumuzinda
.Takaona mambo Zvandareva
vakatotimirira.Takasvika
tikagwadama pamberi
pavo,ndakaona vaitarisisa
ndikaziva kuti vaitsvaga
mwanasikana wavo.
"Ndakambokutaurira Tinazvo
kuti pakati pangu newe hapana
anofa kusvika nyaya iyi yapera
.Ndiwe wakaitanga ini changu
kupedzisa ,ndaiti unondiziva
kaini izvo unotopengawo
zvako,ungafunge kuti iyeni
chaiye ndingatsvire mumba ini
ah kuti
kwauyei?".Ndakamutarisa
ndikaona achinetsekana pachiso
chake.Ndakangonyemwerera
ndikaona aisa rwoko rwake
pane rangu akanditsunya
ndikaseka ndikati:
"Tinazvo,zvekuti munhu
anoyuwira nemarwadzo kana
atsunywa kuti aonekwe kuti
mupenyu zvinoitwa kuvakadzi
kwete kwandiri.Chokwadi
ndingacheme kuti ndatsunywa
chokwadi.Chimira ndikutsunye
iwewe unzwe kuti ndirimupenyu"
ndakadaro ndichitomutsunya
akatanga kuyuwira .Mambo
vakafamba vakasvika pataive
vakati:
",Tinazvo,ngakave kekutanga
nekuguma kuswededza ruoko
rwako panaTashinga
uchimutsunya.Mwanakomana
wangu zvichireva kuti rukudzo
neruremekedzo rwaunopa
Takunda uchange uchirupawo
kunaTashinga kubva nhasi"
.vakambonyarara
vakazoenderera mberi vachiti:
"Ndinovimba zvandirikutaura
murikuisa munzeve mese
machinda nekuti handisikutaura
naTinazvo oga
apa.Vanakomana vangu ava
muchavachengeta neupenyu
hwenyu,hapana chinofanira
kuvawana imi muripo
tanzwanana?"
Ndakaona machinda
achibvumira.Tinazvo
zvakamunetsa
kugamuchira.Ndakamurova rova
pabendekete akanditarisa
ndikamutsonya ndikafamba
nanamambo tichinopinda
mumba.
Takambogara tichikwazisana
nevamwe ,ndakaona
babamudiki vaNakai vakafara
,anaamai vakandifarirawo vese
zvakare .
Takakwazisana nezvanhu
tikabva taita kuti vabyatsozivana
zvakanaka tiripo.KaChipo kaida
kuona kundai ndakanyatsoona
kuti mwana wekumba kwedu
aive azopinda murudo manje.
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
*Takunda*
"Ndini ko......."
"Ndinokuda Chengeto"
ndakadaro ndamutarisa manje
iye akangoseka akati:
"Wanetsa kupindura
mukasarudza kuzvambarara
pamusoro
pemubvunzo.Heya,pamaonero
andakazviita vasikana vese
vemudunhu menyu ndevako
ka,ini handikwanise hangu kuita
makwikwi nevamwe.Zvirinani
tigare tasiyana nazvo pachiri
pedyo.Zvekuurairwa murume
hure handidi" akadaro achibva
atomhanyira Chenai.
Simba rekumutevera
ndakarishaya.Mashoko ake
aingotenderera mupfungwa
dzangu.Ko ndianiko anga
akataura naye uye aive
akamuudza kuti
kudii.Ndakazvuva makumbo
angu ndichienda kumba kwedu.
"Iiiiika "
achibva atanga kusekawo
"Nhai mukoma!!!Hatina
kukuudzai paye naNakai kuti
siyanai nevamwe avo moita
zvaChengeto wamunoda
.Chionai manje mamiriro akaita
zvinhu.Ipapa muchaita sei
manje.Makadii kugara
mamuudza haaa veduweeee"
akadaro Wadza
achinyatsoratidza kuti
agumbuka.
"Ndiwe wabika?"
"Ehe ndosaka
ndisirikukusekererai,mukai ipapo
mudye tione"
"Aaaa ndega?"
"Ndizvo zvirikundinetsa
izvozvo.Ngatitaurei naye ,ndiye
achatiudza kuti ndiani akauya
kuno"
Ndakaona kachinetsekana
nekufuridza moto.Hutsi
hwakamutambisa nhova apa
aive anzi abike muriwo une dovi
zvino
aimbouziva.Ndakamufuridzira
moto ndikasiya achidzidziswa
kubika naambuya.
Ndakabuda hangu panze
ndakatora demo ndikatanga
kutsemura matanda andakaona
aripo panze .Ndakatsemura
tsemura ese pasina kana
nguva,ko chikoneso ndaive
ndakayamwa ndikaguta
kaini.Ndakapukuta ziya nekuseri
kweruoko ndichipedza
ndakakanda demo
pasi.Ndakasimudza musoro
ndikaona Chengeto akamira
akanditarisa akashama
muromo.Handina kumbotaura
naye ini ndakangofamba
ndichipinda mumba
mandakaona Wadza
akutopedza kupakura.Chengeto
akapindawo akaratidza
kushamisika nezvaaiona.
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(16)
*Panganai*
Ndakanyemwerera ndichifunga
matorero andaive ndaita Nakai
kumbwa kwesvikiro.Raive
risinawo simba svikiro rekwavo
ringadai rakaonaka kuti kune
zvirikuda kuitika manje
raisatovepo.
"Wochiita zvekuchimbidza
kundipa muzukuru iwe nda....."
"Urikutiiko Dzetse?"
Ndakafamba nezvidhakwa
zvangu asi ndakazongoti
shoyoyo ndaona mumwe
mukomana aive akamira parwizi
akanditarisa neziso randisina
kutarisa kaviri.
Ndakademba chandaivr
ndaregerera kunwa doro painwa
vamwe varume.Kurohwa usina
kudhakwa zvinhu
zvinonyadzisa,pamusoro pazvo
worohwa pamberi pevanhu
vaunotungamirira.Midzimu yedu
inenge yaive ivete musi
uyu,baba vakauyawo
vachitaurisa ini ndaive ndarohwa
kare.Ndakaona varohwawo apa
hapana kana zvandaigona kuita
kuti ndibatsirewo.
Nyaya yakazonditemesa musoro
magadziko akanyarara
ndeyekuti ini naTashinga taive
nehukama.Amai vangu vaizonzi
ndevaTashinga seiko nhai.Amai
nababa vaive nevamwe vana
vaive kumashure kwangu
zvichireva kuti hukama hwedu
hwacho hwaive hwatosimba ka.
Zvaindinetsawo kunzwisisa
ndofunga inyaya yekuti ndaive
ndapihwa zvibhagera mumusoro
zvaive zvakanganisawo
mafungiro angu.Patakasara
ndakasimuka ndikananaira
kuenda kuimba yangu.Baba
vakasimudzwa nemachinda avo
vakaendeswa kuimba yavo
yekurara.
Ndakabatwa nehope
ndatatozopepuka
kwatodoka.Ndakavhura gonhi
rangu ndikawana amai varipo
vakamira nendiro
yechikafu.Maziso avo aive
akatsvuka kuratidza kuti vaive
vachema kwenguva
refu.Ndaisaziva kuti ndotaura
navo kutii,ndakangovadzuurira
kuti vapinde.Takagara pazvigaro
zvaivapo ndikanzwa vachiti:
*NAKAI*
"Ko tete maitwasei
murikuchemei?".Ndakabvunza
ndakatarisa tete Chipo
vaichema zvainzwisa tsitsi
vakabatwa
naTashinga.Ndakatarisa
Tashinga ndikaona akashatisa
chiso kuratidza kuti aive
akatsamwa zvekuti.
"Nhai tete
maitwaseiko?Matukwa
naTashinga here?,ndiKundai
here taurai neni chii?"
Ndakafamba ndichitevera
kwaive kwaenda
Tashinga.Ndakamubata achibva
angobata ruoko rwangu
akatanga kufamba neni
.Takasvika pasi pemuhacha
tikabva tagara pamatombo
aivepo.
Akasimudza musoro
akanditarisa .Akatura mafemo
zvemunhu arikushaya
pekutangira zviye.Ndakaramba
ndakanyarara
hangu,ndakangonyemwerera
zviye zvekuti aone kuti ndirikuda
kunzwa nyaya yake uye
ndaizomusimbisa .
"Zvimwe zvinoitwa nevatinoti
vabereki zvakaoma" akadaro
achibva azoenderera mberi
achirondedzera zvaive
zvakaitika kwana
Panganai.Kutaura chokwadi
ndakarwadziwa.Ndakaedza
kufunga kuti kana ini
ndarwadziwa kudaro ko iye
Tashinga natete Chipo vainzwa
sei.Chokwadi kusiiwa muchiri
vadiki wozoona kuti wakasiiwa
kuti munhu achengete muvengi
wako.
"Ndine hurombo
nezvandichataura apa.Ndinoziva
kuti hauzvide asi hapana
zvimwe zvandingagone kuita"
akadaro ndikanzwa kahana
kangu kachirova.Ndakamutarisa
ndikati:
"Chii Tashinga"
"Ndakudzokera kudunhu
kwedu.Mamiriro akaita nyaya
haasikunditendera kuti ndigarise
kuno.Muvengi anogona kurwisa
chero nguva.Kumba
handichatodzokere Chipo
haafanire kuona kuti ndaenda
arikuda kuendawo zvino
hazviite"
Ndakapukuta misodzi yangu
ndikati:
Ndakasekerera ndikadedemera
kusvika muromo wangu newake
wagumana.Takatsvodana
kwenguva yakareba achifambisa
maoko ake pamuviri
wangu.Takange tofemera
padenga tese paakandisiya
achibva akwira mumuti
akanditemhera
hacha.Ndakatanga kuyema
hangu akatanga kundidyisa
.Takazobvapo akandisiya pedyo
nepamba .
"Undimhoreserewo Wadza
ndamusuwa ini"
"Ndinokuda Nakai"
"Ndinokudawo Tashinga"
Akangosekerera hake achibva
ati:
"Ndakumboenda mukadzi
wangu"
"Arikumbosara .Chipo
haasikufanira kuziva kuti taenda
.Tikabuda tese anozviona
rinodoka asvika
kwaMupiniwaguka uko"
"Ndanzwisisa mudiwa"
"Zvakanaka chienda
kumba,usare zvakanaka handiti
undichengeterewo tete vako
ndapota"Akadaro achibva
anditsvoda zvakare .Haana
kuzoita nguva aineni akabva
atofamba achienda
.Ndakapukuta tumisodzi
twaiyerera ndikafamba
ndichienda kumba.
"Unorevei ko Tashinga
naMubatsiri wavakanganwa sei"
"Aewa murikutadza
kunzwisisana.Rudo anga achida
kusiya chikafu chavo muhari
umo yosara pedyo nemoto
vozowanawo ichidziya parizvino
havapo" ndakadaro ndiko
kupera kwakaita nyaya yacho .
"Ndirikuendako
kwaMupiniwaguka kwacho
ndirikuda kuona anondimisa"
vakadaro vachitobhidhaira
vachienda.Ndakapererwa
,mashoko aTashinga
akadzokazve mumusoro mangu
aiti:
Kungozvifunga izvozvo
ndakabva nda..........
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(17)
*Tinazvo*
Tashinga ndaive
ndisisamunzwisise ini.Ndaive
ndabvira kare ndichironga
zvekuti Tashinga anyure asi
hazvina kumbobvira
zvaita.Kupukunyuka kwaakaita
pataiti atsvira mumba
kwakandinetsa.Ndakarohwa
nechadzimira ndichimuona
amire pamberi pangu ari pedyo
namambo.Saka vakuru vaireva
idi here pavaiti kukava datya
kuriyambutsa.
Mambo vakatiraira kuti
tichengetedze Tashinga
semachengetedzero ataiita
Takunda asi zvaiitawo here.Iyeni
Tinazvo kuchengetedza
Tashinga aiwaka zvaisabuda
hazvo.
"Zvikafamba semarongero
andazviita izvi uchawana
Tashinga wako.Ini
ndinopihwawo mukunda
wamambo zvese zvoenda
panzvimbo.Muti wekubvisa
pamuviri ndokutsvagira "
ndakadaro ndichitofamba
ndichibvapo.Ndakatanga
kufamba ndichienda
kwandakamboona Mambo
Takunda vachienda .Ndaive
ndakaona kuti vaive vakateya
mariva avo ikoko.
"Ndinofara makadiiwo"
"Mwanakomana wamambo
vekwedu ane musikana
waanofambidzana naye anogara
kunoku.Zvino hupenyu
hwemusikana iyeye ndaona
hwapinda panjodzi sekutamba
sekuseka so.Ndiye wandirikuda
kuruma nzeve nekuti hazvina
kumira zvakanaka" .Ndakaona
hangu asisina kugadzikana
.Akangozvishingisa kutaura
akati:
"Mabva kupi?"
"Ndabva kumusoro kwaMambo
Zvandareva uko"ndakadaro
ndakadzikamira
ndichinyatsogarisika zvangu
ndakatarisa mwanasikana.
"Ndatotevera iwe
Tashinga.Ndiwe unoziva
kunouya Takunda iwe hande
unondiratidza munhu
waarikufambidzana naye tione"
"Aah ko Mambokadzi masvika
nguvai kuno?" Ndakadaro
ndichinyepedzera kudzungaira
.Iye Shupikai wachowo akaita
zvandaive ndamuudza
chaizvo.Akakuka nehasha
achipopota achiti akaona
musikana waTakunda aida
kumuuraisa
naMambo.Ndakaona pasvika
mumwe musikana ,maitiro ake
akaratidza kuti aive anzwa
zvese.Akasvika achimira
pamberi paShupikai asi
akabatwa naChengeto asati
ataura zvaaida kutaura
.Chengeto akamuti anyarare
ndokubva vatofamba
vachibvapo.
Ndakasara naShupikai
tikarovana maoko basa taive
tapedza ka.Takadungamidzana
hedu tichidzokera kumba
nemufaro.
*CHENGETO*
"Zvakanakai mukoma.Chero
musina henyu kutyorwa gumbo
zvirinani.Nekufamba kwenguva
moyo unobatana asi
humhandara idambakamwe
,hukayerekana hwatobva
hakuchina kumwe
kwekuhuwana"
"Chenai inga watokura "
ndakadaro ndichisekerera
nemisodzi mumaziso.Iye
akaitawo zvimwechete tichibva
tambundirana
hedu.Takazobvapo tikaenda
kumba tichiimba hedu.Ndaisada
kuti ambuya vangu vaone kuti
pane zvaindinetsa.Ivo naChenai
ndivo vaive zvese zvangu.Pasi
panodya,vabereki vangu vaive
vakafuka avo voga tichiri vadiki.
Ndaive ndaberekeswa Chenai
ndichimunyararidza achichema
tiri kumunda.Ndakafamba famba
naye achichema kudaro
ndichimuimbira kuti
anyarare.Kuti ndidzokere kwaive
nana amai aibva atanga
kuchema Chenai uye zvekuti
amai vakazonditi ndigare
kwandaive naye kure navo
,vozouya kuzotitora tave kuenda
kumba.Handina kupikisa
ndakaita sekudaro.
Ndakagara kusvika
ndaneta,ndakasimuka
ndikamhotenderera ndikadii asi
ana amai havana kuuya
kuzonditora kuti tiende
kumba.Kunze kwaive kwatovira
apa matumbu angu aive ave
kutobvunza kuti nhasi taparei
mudumbu imomo nekuti ndaive
ndaziya
nenzara.Ndakasungurira mwana
kumusana ndokuenda
mumunda maive nana amai
umo mandakasvika
ndichisangana nemashura
.Ndakaona mitumbi miviri yaive
padivi nepadivi.
"Nhai Musikavanhu
mandisekereiko kudai"vakadaro
ambuya vachibva
vangodonhawo ndokuti
zii.Unopererwa
mhoti.Pakazouyawo mumwe
murume akadira ambuya mvura
vakamuka.Ndiye akazotaura kuti
ana amai vaive varumwa
nerovambira .Ndaingoudzwa
kuti nyoka yacho yaingoruma
nekutouraya ipapo ipapo ndichiti
inyambo asi ndaive
ndazozvionera .Takazoenda
kumba.Zvitunha zvakavigwa
hazvo ndiko kutanga kugara
nagogo kwatakaita kusvika
tayarukawo kudai.
"Ko zvamave kudarikira pamba
nhai murikufungeiko" akadaro
Chenai akandibata ndikaseka
ndikati:
"Ndokumbirawo kutanga
ndataura naChengeto ambuya"
akadaro musikana
aivepo.Ambuya havana
kuramba.Takabuda tese panze
ndokubvatanomira pahozi.
"Ndakakanganisa tete"
ndakangonzwa ndadaro
ndikaona vachisekerera.
Ndakatsanangura zvese
.Pandakataura zita rekuti
Tashinga vakaseka zvavo.
"Chengeto,anonzi Tashinga
mukomana wemunin'ina wangu
Nakai.Ini ndinoitwa
Wadzanai.Tashinga aive
naTakunda kuhondo
kwaMupiniwaguka uko nekuti
Nakai aive apambwa.Zvino
chindiudza iwewe kuti Tashinga
angabveko here kuzokuti siyana
natsano vake achisiya zvaNakai
wake uko.Tashinga naTakunda
vakadzoka vese
nezuro,Takunda achiuya
kuno,Tashinga achienda
kwatete vake kwavakaisa Nakai"
Ndakatanga kutoona kuti ndaive
ndaita dzungu .Nyaya yacho
yaitoratidza kuti yaive yakakura
kaa.
Ndakambonyarara ndichifunga
kuti ndaive ndombosiyana
naambuya naChenai.Asi
ndakaona kuti zvandaida
kunoita zvaive zvakakosha
kudarika kungogara.Takapinda
mumba ndikabvuma kuenda
nanaTakunda.Chenai
akakatyamadzwa nemaitiro
angu ndikamusheedza panze
ndikamuudza zvandaive
ndaudzwa.Ndakamutsindidza
kuti asare achichengeta ambuya
kwenguva pfupi
yandaizoshaikwa
pamba.Akandivimbisa kuti
vaizosara zvakanaka.
Takangofamba mbichana
tikaona vanhu vaiuya
nemabhiza .Takabva tanzi
tikwire hedu .
"Iiii ndanga ndakutoda
kuberekwa" vakadaro tete
Wadza tikaseka Takunda akati:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
*Kundai*
Ndakabuda
ndikanomuona,tsano vakanditi
vaifanoenda naMubatsiri inini
ndiina Chipo.
"Tirikufanira kuonana tisati
taenda,saka ngatitii kana
wapedza kutaura naChipo kana
adzikama unouya wotiona
pamuwonde uripazasi apo"
vakadaro tsano.Takabvumirana
ndokubuda hangu ndichinoona
munhu wangu.Ndakaenda naye
kurwizi kwatakatanga
kusangana.Ndakazama zvangu
nepese pandinogona napo kuti
ndidzosere nyemwerero pachiso
chake .
"Pedzisa Chipo"
"Aah naamai"
"Saka iwewe urikuona here kuti
dai amai venyu vakakurerai
mungadai makaita
saPanganai?"ndakadaro
akaramba akanyarara achiita
seari kufunga.Ndakamusiya
akadaro ndikati:
Ndakadaro ndikanzwa
kandimbundira .Takataura
zvimwe mbichana sevanhu
vaive vasuwana .Takatsvodana
hedu ndokuzonomusiya kumba
kwavo.Ndakamupa tsuro dzake
ndichibva ndaenda .Nyaya
hombe yanga yakutyisa
ndeyekuti aizodii akaona kuti
ana Tashinga
vaisavepo.Ndakaenda
kwandaive ndawirirana
kusangana navo ndokubva
ndaona varipo vakandigaririra.
"Regai ndiende
kwaMupiniwaguka"
"Mambo Panganai,ndauyawo
nenyaya yangu.Handizive kuti
munoitorawo sei asi ndanga
ndichikumbirawo kuti
mundipewo mukana wekutaura
nyaya yangu"
Akambonditarisa kwechinguva
achibva azoti zvakanaka taura.
"Maita henyu,ndofunga
makamboona ndauya nana
Tashinga paye,ndaifunga kuti
tiripamwe chete handina kuziva
kuti ane moyo wakasindimara
kaini.Aive akandiudza kuti
murikuda kutora musikana wake
izvo kwaani,ndatozoziva nhasi
kuti ndiye arikutora munhu
wenyu wamakapihwa kare "
ndakambomira ndikati:
"Chipo ndiani?"
*Tashinga*
Zvakafamba semarongero
andanga ndaita,Kundai
akatiudza kuti vaiuya ,akatiudza
zvombo zvavaive nazvo tikabva
tanogadzirira hondo.Tanga
tamuti anouya nevazhinji vacho
nekuruware rwaive kuseri uko
kwataiziva kuti vaingoti
vakatsika vaibva vatodonha
vorovera pamatombo.
Ndakapedzerana nevashanu
vandairwa navo
ndopandakanzwa mhere
nechepadhuze nepandaive.Izwi
ndakariziva ndikabva
ndamhanyirako.Ndakapfuura
nepanaHondondizvo ndikaona
haikona aiita seasvikirwa
achisetuka kunge tsikamutanda
aona chidhoma chechikadzi.
Ndakanzwa kamhepo kuti feee
neparutivi pangu ndakatarisa
ndikaona uri museve waienda
kumunhu
wekwanaPanganai,wakasvikoba
ya nechepagurokuro
apa.Ndakaona varitsano vangu
Takunda vaive vakanda ,apa
kwavaive kwacho
,ndakasekerera.
Ndakasimudzira nekutsvaga
Kundai wandaive ndanzwa
achichema.Ndakaona Panganai
achizvomora bakatwa raive
rakabaya padumbu
paKundai.Akarisimudza achida
kubaya pamoyo asi akadya
manonoko.Ndakangosvika
ndichibanha ruoko rwaive
nevakatwa rikabva
radonha.Nguva iyoyo
ndakatarisa Kundai ndikaona
achinyemwerera achibva
atodonhawo.Ndakatarisa
Panganai ndichinzwa hasha
dzangu dzese dzichiungana.
Handina kupindura
ndakaregedzera umwe
uchinobaya rimwe racho
ndikaona akudubuka
mukomana.Ndakafamba
ndikaendako ndikasvika
ndichi........
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(19)
Nakai
"Na..Nakai" vakadaro
vachimhanya kudzoka pandaive
.Vakasvikotora banga raive
mumaoko angu vakarikanda
kure ndokundimbundira
vachichema.Ndakachemawo
navo kusvika shungu
dzapera.Tete mai Mubatsiri
natete vaRudo vakatitora
vakatanga kutaura nesu
.Takazobvapo hedu tave
kutonzwa zvirinani.Tete Chipo
vanga vavekungoteera na neni
kwese kwandaive vachitya kuti
ndaizozviuraya.Ininiwo ndizvo
zvandakda nekuti hapana
kwavaizoenda
Ndakanotora Chipo
ndikamuratidzawo
Chengeto.Wadzanai akatanga
kutitsanangurira zvaive
zvakaitika tisipo.Akatiudza
hurongwa hwaTinazvo ndikavira
nehasha.Aimbozviona saaniko
mukomana uye.Akatiudza
marongero aanga akaita nyaya
yake tikamafarira.
Akazotsanangurawo zvehondo
yakaitika,Tete Chipo
vakabvunza nezvakundai ndipo
pakasvika Takunda akati inini
naChipo taidiwa
naTashinga.Takaendako
tikawana akamira kuseri
kwemba akazembera muti
waivepo.Paive nezvigaro zviviri
takanzi tigare ipapa.
"Chekutanga ndinoda kukumbira
ruregerero kwauri Chipo.Kuti
Kundai ange ari paari izvezvi
ndini honzeri"
"Arikumba kwesvikiro.Akabaiwa
nebakatwa naPanganai nanhasi
haasati amuka .Svikiro
ririkuyedza neparinogona napo
asi...." Haana kupedza kutaura
akangotarisa kurutivi akapukuta
misodzi yake.Tete Chipo
vakasimuka chinyararire ,ini
ndakasimukawo ndikavabata
ndikaenda navo kumba
kwesvikiro.Takanzi tipinde hedu
,takapinda tete vakabata
mukomana wavo ruoko
kwekanguva vakanyarara
vachibva vati:
"Panganai
wacho.aripi?"vakabvunza tete
Chipo ndaitoda kuzivawo
zvikanzi nemukoma Takunda ,
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/I06J4
xLmKeR1ezUxOwd6GO
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
(20)
*Tashinga*
Tichitaura zvevabereki
ndakafara mufunge ndichiona
rudo rwaipihwa hanzvadzi yangu
naamwene vayo.Ndaingoti dai
vanaamwene vese vaive
nemoyo unenge waamai
vaKundai.Vazhinji ana amwene
vanoita kunge ameno
ameno,varoora vanovaona
sevashandi vavo ,vamwe
vanovaona sevanhu
vekupedzera hasha asi mhosva
yavo varoora vacho inenge iri
yei?Yekuda mwana wako here.
Vamwe vanhu
vamunozoshungurudza vaye
vanenge vakakura hupenyu
hwakaoma
mufunge,,kudzidziswawo kana
naamai anenge asina ,iwe
ukaona auya ndiwe watove amai
paatadza dzidzisa kwete
kutuka.Funga kuti zvaurikuitira
mwana wevamwe wako
akaitirwa zvakadaro unofara
nazvo here.
"Asi Chipo......"
"Pandakazvarwa maivepo
kaimi,ndakazvarwa ndiine
mombe here inini.Akandipa
mombe ndiani ndinotadza nei
kukupaiwo kuti
mubatsirike.Patakapihwa
taimboziva here kuti
dzichawanda sezvadzaita
izvi.Zvaizvezvi ndati shandisai
dzese pfuma inouya ichipfuura
kwouya imwe tichawana dzimwe
dzakatodarika idzo.Handiti inini
ndicharoorwawo.Musandiudze
kuti murikuda kundiendesa
mahara nekuti Kundai akarwa
hondo" akadaro avhura ziso
rimwechete rimwe rakaita
kakutsinzinira ndikaseka
zvangu.
Ndakasimuka ndikanobata
Chipo achibva atanga kupopota.
"Musandibate
mukoma.Kwamakabva nako
kure kuti musvike pamasvika
nhasi.Zvingani zvakakonzerwa
naye uyu naTinazvo
muchingovasiya.Asi imi
munatwowo pamakambodanana
nemunhu uyu maisaziva kuti
mambo vane mwana musikana
here .Manga
manyatsoshayeiko,anga
akuudzai kuti murume
anodanana nevamwe varume
ndiani mukadzi here
uyu,makatarisa kana chiso
chake murikuonawo paine
chinoratidza kuti musikana
here.Haiwa nxa richingoti
mhuno inenge nhanga"
"Ko munovabatireiko,pfambi
dzakadai dzisina nyadzi
ngadzirohwe kusvika
dzafa.Munhu angashinge kuda
kuparadza dzimba mbiri kuti
amise yake nemanyepo ndiye
womoti asarohwe?"
"Aaaaah ndaisambobvuma
kuroorwa nemunhu anenge
goritoto uyo ,aaah nyangwe
zvikanzi hazvo nhai baba
maizombondiendesawo kune
munhu anoita kunge chigure
chero akatochena chena,Iiiiiii
haa ndaisarudza hangu kuita
mukadzi wesvikiro zvaive nani "
akadaro Nakai vanhu vakaseka.
Ndakashamisika nemarongerwo
aive aitwa nevasikana ava kuti
vakwanise kupindurudza
hurongwa hwemuvengi kuti
vahushandise kuti vamuwisire
pasi.Ndakanyatsoona kuti
munhukadzi haafanire
kutarisirwa pasi vanhu vacho
vane pfungwa dzakarodza
zvavo.
"Ndikubateiwo ipapo
tsano,Tinazvo akatadza hongu
asi kuti tinge tiripano nhasi
ndiye.Dai asina kunyepera
mambl kuti ndinodanana
naNakai ndingadai ndisina
kumbowana hushingi
hwekusvika pakumuroora
nhasi.Dai Tinazvo asina kutora
Shupikai pamwe ndingadai
ndakazoroora bere kuriisa
pamba.Ndinokumbira kuti
mudzore mutongo wenyu"
ndakadaro ndakagwadama
nebvi rimwechete zvangu
"Kwete hanzvadzi
yangu.Handisikuti Tinazvo
asiiwe achienda akadaro
kwete.Mutongo ngaapihwe asi
usiri werufu"
"Mwanakomana wangu
Tashinga urikuti ava vanhu
tovapa mutongo wakaita seupi"
vakadaro mambo Zvandareva.
"Chekutanga Tinazvo
naShupikai vachatanga kugara
vese semukadzi nemurume
kubva nhasi.Mwana wavo
anofanira kukura nevabereki
vake vese.Uyo anonzi Tinazvo
nditeerere uteererese.Ndinoda
kuti ukanye zvidhinha
zvinokwana kuita mazana
mashanu,mvura uchinochera
mvura kurwizi
rwekwaMupiniwaguka,unoshand
isa nzira inopfuura nemugomo
umo .Kana wapedza kukanya
ndinoda kuti uvake masvingo
pakati pemuzinda uno
uchiturikidzanisa zvidhinha
zvako pasina dhaka kana
mvura.Kana pakaita zvidhinha
zvadonha zvikatsemuka
paunenge uchivaka,unokanya
zvimwe kwekuchera mvura
ndakuudza,usakanganwe kuti
ndati unofamba nemugomo"
"Ndokumbirawo ruregerero Ishe
ndokumbirawo chokwadi
ndokumbirawo ndinoita zvese
zvamunoreva asi....."
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
21
*Mai Tashinga*
Ndakatanga kungonetsana
nababa vaTashinga kuti
ndiwane mabviro
pamba.Ndaiziva kuti zvaisaita
kuti ndibve tichiwirirana
aizouraiwa pamwechete
nevana.Ndakasvika kwaMupini
ndikatanga kurarama hupenyu
hunodakadza.Ndini ndaitoitwa
mambokadzi chaivo nekuti ndini
ndanga ndave mai vemwana
mukomana ka.Hupenyu
hwaitondinakidza ini,hongu
ndaimboita ndichifunga vana
vandakasiya asi ndaiziva kuti
nyaya yacho yaisatangika
kunaMupini.Aizoona kunge
ndichiri kudanana nababa
vaTashinga
zvikanetsa.Ndaisada
kuzvikanganisira hupenyu
hwandaive ndawana saka
ndakangogara hangu
ndisingavaone vana vacho.
"Musazvipe
mhosva,musazvitongese,musac
heme dzimwe nguva tinenge
tichiti tirikugona asi
tichitadza.Dzimwe nguva
tinenge tichitoziva kuti
tirikutadza asi toramba tichizviita
nekuti tinenge tisirisu tirikuita
tinenge tichishandiswa
newakaipa"
"Ndirikukutsvaga mudiwa ko
urikuitei pano wega"
"Ndega?!"akabvunza Nakai
,Tashinga akatoseka akati:
Pandakatarisa Tashinga,maziso
ake akandiudza kuti hapana
chavaimboda
chakanyanya.Chavaingodawo
kunzwa rudo
rwaamai.Chavaingodawo kuona
tichirarama hupenyu hwakanaka
semuri imwechete mukufara
nemukusuwa.Asi inini wacho
*NAKAI*
"Ndazvinzwa shewe,ndine
hurombo nekukupikisai
,ndaikumbirawo kungoona Rudo
natete vake ndisati ndadzokera"
ndakadaro
akabvuma.Ndakaenda pamba
pavo ndikasvika
varipo.Semunhu aive akamirirwa
handina kurova imbwa
ndakaviga
mupini.Ndakangotaura
zvandaive ndafambira ivo
havana kurambawo zvavo.
"Handigone kukutendai
zvakakwana" ndakadaro
ndakapeta maoko angu ivo
vakandibata vachiti:
"Musadaro
mambokadzi",ndakangoseka
hangu nekuti vaida
kundidenha.Ndakaenda navo
ndikavasiya paive naamai
ndokuzoenda hangu kwaive
nemurume wangu.Haana
kumbotaura neni zvekudaro aive
abhowekana nekundiona
ndichitaura naamai vake.
"Ndokumbirawo ka
kusunungirirwa rokwe rangu
kumusana uko" .Haana
kupikisana neni akauya
akasunungura iniwo ndakabva
ndatoriregedza richidonha rese
ndikasara nezvipfeko zvemukati
chete.Ndaive munhu anonyara
asi apa ndakaona kuti nekuoma
musoro kwakaita munhu wangu
ndikada kutaura naye
zvakanaka aisambondipa
mukana.Ndakamutarisa
ndichibiridzira ndikaona shasha
ichimedzerera
tumate.Ndakakotama
ndichinhonga rokwe ndikabva
ndamudhuma hangu ndikaona
akochekera ruoko rwake
muchiuno changu.
Ndakasimuka akanditendeudza
achibva azevezera munzeve
dzangu kuti:
"Urikundikanganisa Nakai"izwi
rake raive rakashoshomera
zvakaita kuti ndinzwe zvimwe
zvinhu.Ndakaona kuti
zvikaramba zvakadaro ndini
ndaitozotadza
kukunda.Ndakamutarisa ndikati:
"Hapana paunondirasisa
mudiwa wangu ndinovimba
newe" mhinduro yake
yakandifadza ndikatanga
kumutsvoda.Takatsvodana
kwenguva refu ndikabva
ndazvibvisa paari.Aive avekuita
kakufemera padenga so.
"Ndakaitwa mambokadzi,imi
mambo wangu ndimi makati
hamutonge vakadzi makagezera
nyaya dzevanhukadzi
kwandiri.Munofunga kuti
ndinozvikwanisa here inini?"
"Zvawataura ndazvinzwa
mukadzi wangu.Mashoko ako
ndamachengeta
panodziya.Ndaona kuti
ndakazviwanira munhu akanaka
chiso zvese nemoyo.Munhu
anokodzera kutonga
dunhu,munhu asingazeze kuti iyi
nyaya yakadzika aewa apa
vadzimu vangu vakandionesa
ndinokuda Nakai".
"Aaaaaa" ndakadaro
ndichiteerera zvaaiita. ,ndaive
ndisisade kuti arege.Pasina
nguva ndakanzwa ndabviswa
chivharangozi
changu.Ndakamubatsirawo
kubvisa mbatya dzaaive nadzo
ndokusara tave musvo tese.
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
....
22
*Takunda*
Ndakafara pakabatanidzwa
hanzvadzi yangu Nakai
nemunhu wake waaida
Taahinga.Ndakafarazve
vapihwa chigaro kudunhu
raimbove
raMupiniwaguka.Tashinga
aikodzera hake kuita
mambo,zvehutungamiriri
aizvigona ndaitodzidza
zvakawanda kubva kwaari.
"Ndiwe wasara mombe dzangu
ngadzichiuya ndodzandirikuda
kushandisa pakuroora
Chengeto" ndakadaro kuna
Wadzanai akaseka hake
.Takambotaura mbichana
ndichimutenda nezvaaive
akaita.Dai Wadza aisavepo
pamwe Tinazvo naShupikai
vangadai vakabudirira
pahurongwa hwavo.Tingadai
taisave panzvimbo yatainge tave
panguva iyi.
"Mambo baba venyu
varikukudanai" ndakanzwa
Indaineni achidaro,ndakasiya
Wadza ndikaenda kwandaidiwa
kwacho.
"Murikuchemeiko mbuya"
ndakadaro ndichangosvika
pavaive.Zvavaichemera
ndaizviziva hangu saka
ndakangovapukuta misodzi
ndichisekerera.
Ndakakurumidza zvangu
kuenda
kunorara.Ndakasvikorara
nemanhede ndiri musvo zvangu
ndakamirira mukadzi wangu
zvino mukadzi wacho
angauye.Ndakagara kwenguva
yakareba munhu asina
kuuya.Ndakapfeka mbatya
ndikabuda kuti
ndinomutarisa.Ndakaperwa
ndichimuona akamira hake
muberere memba.Iye
achindiona akabva akurumidza
kuti:
*Tashinga*
"Isa Tashinga"
Ndakabudirira.Takaita mutambo
wevakuru zvakanaka
naka.Takarara hedu tikazomuka
mangwana acho
kwatoedza.Ndakazotanga
kufunga kuti ndaive
ndakakangisa.Ko ndaive
ndakanganwa ka kuti ndaive
pamba
paatezvara.Ndakazvituka
nekutadza kumirira kuti
ndizorara nemunhu wangu tave
kwedu tega.Ipapa zvaive
zvotonetsa kunogara patafura
nevamwe.Ndakaona tsano
Takunda ,chiso chavo
chakandiudza kuti ndaisave
ndega .Dai vaisave tezvara
taitogara pasi toizeya manje apa
aah.Ndakangonzvenga
ndikadzokera muimba yataive
tarara.
Ndakasvikorara nemanhede
ndokubva ndatobatwa nehope
ndakatozopeputswa naNakai
aindibata bata ,ndakasekerera
ndakamurisa achibva auya
akaigarira.Akandipedzera zvake
handidi kunyepa.Mangwana
acho masikati ndipo
patakaoneka tavekuenda
kumuzinda kwedu nekuti yedu
imba yaive yazopera manje.
Ndakasvika ndichichingamidzwa
nemachinda angu andaive
ndasarudza .Ndakanogara navo
padare ndikanzwa vachiti amai
vaPanganai vanova amai vangu
vaive kuimba yesvikiro vaive
vawanikwa vanwa muchetura
.Ndakapererwa mufunge
.Ndakatanga kufunga zvavaive
musi wandapedzisira kuvaona
.Mashoko andakataura aive
avekudzoka mumusoro mangu
manje.Ndakanyatsomazeya
ndikazvibvunza kuti dai ndaive
ini ndakamaudzwa ndaizoita
sei.Ndakaona kuti ndaive
ndakakanganisa.
"Nditarisewo mumaziso
udzokorodze zvawareva Chipo"
"Aah mukoma ndati nga nga
aah"
Moita muchindiregerera
ndakabatikana
[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
23
*Rondedzero*
"Ndini ka asi......."
Vakavaregerera
zvavo,zvainhatsooneka hazvo
kuti vaive vavaregerera
nemoyo.Chipo akatotanga
kupopotera amai vacho kuti
vaive vanwirei mushonga.Vanhu
vese vakafara havo
nekubatanidzwa kwaive kwaitwa
vanhu.Vese vakatenda Nakai
sezvo ariiye aive akanyanyoita
basa guru pakubatanidza iye
zvekutendwa aisada hake nekuti
aiziva kuti raive basa rake
remuroora kubatanidza .
Akatosanganawo naTashinga
naNakai vachitopindawo
mudunhu make,vaive vauyaka
kuzoona ana amai vavo nana
baba sezvo paive pave
nemwedzi miviri vasina kugona
kudzoka kumuzinda
kwaZvandareva.Vakachingamid
zana Takunda semunhu aive
aremerwa akaudza Tashinga
nyaya yake ipapo
ipapo.Tashinga akaputika
nekuseka hake sezvo
zvaaiudzwa natsano vake
zvaitoita senyambo.Vakaronga
zano rekuti vazovadongorera
nguva
dzemashambanzou.Vakaita
zvavaive
varangana,pachokwadiwo
vakaona Tinazvo akabata
mutsvairo achibatsira
chipondamoyo chake.Tashinga
zvakamunakidza akagegedzera
zvake achiendako.Akataura
navo akanyatsoona kuti
zvechokwadi vanhu vacho vaive
vave kudanana zvavo.
Kwanyatsoyedza Takunda
naTashinga vaive vagere
pamushana vachidya nyaya,
vakaona vanhu vatatu vaisvika
pamuzinda wavo.Umwe wacho
aipenya penya kuratidza kuti
aive mwana waMambo
.Vakamugachira
zvakanaka,dunhu rake havana
kunge variziva .Vakakwazisana
zvakanaka naka mukomana uye
ndokuzvizivisa kuti ainzi
Mukudzei,mumwe mukomana
aivepo vakati ainzi Zivai
.Mumwe wacho aive ati kurei
vakati vainzi vaMutema ndivo
vakasvitsa nyaya yavaive
vafambira kuna Tashinga
naTakunda.
"Muchiona tauyawo pano kudai
tirikutsvagawo anotibikira
sadza.Takawana ruva redu
mumuzinda menyu muno zvino
tafunga kuritanha"
"Ndine hurombo,Wadzanai
akawanikwa makadya
manonoko ,uyu wandigere naye
pano uyu ndiye murume wake"
akadaro achireva
Tashinga.Mukudzei uye akabva
ati:
"Hazvigone,hazvitoite.Wadzanai
ndewangu uye ndewangu ndoga
.Handingamusiye achitorwa
neumwe murume ndakatarisa
izvozvo ndaramba.Pakati pedu
tiri vaviri pane anofanira kufa
anosara hake ndiye anotora
musikana.Ini ndazvipira kufa
nekuda kwaWadzanai,uye
ndazvipira kuuraya zvakare
nekuda kwaWadzanai" akadaro
nezwi gobvu raive rakazara
shungu.Takunda akada kutaura
akamiswa naTashinga akati:
"Kuti angouya kuzotora
Wadzanai zvakadai hazvigone
handibvume.Regai tirwe tione
kuti mukuru ndiani.Akandikurira
anotora hake Wadzanai "
akadaro achibvisa ngundu
yehushe Tashinga.Vakapihwa
nzvimbo yekurwira vanhu
vakaunganidzwa.Nakai aibva
kunorutsa hake akasvikoona
murume achisvetuka svetuka
zvemunhu arikuda kurwa
zviye.Nakai aive ave
nepamuviri,kana iyewo
Chengeto wacho.
"Ndanga ndakusuwa
Muku.Kudzoka ndaida uye
ndaiuya asi apa zvaisaita kuti
ndibve kuno nekuti kwakamboita
hondo ndanga ndave pedyo
nekuuya ,ndinotenda
nekundimirira uye kundivinga
mudiwa wangu ndafara"
akadaro achimumbundira
zvakare .Vakazosiya Mukudzei
avekuita zvekutaura naTashinga
vachironga zvekuti pfuma yake
ingauye sei
nekukurumidza.Tashinga aive
atove parinani paupfumi saka
akafanokweretesa mumwe wake
,paaidzokera kumuzinda kwake
mombe dzaTashinga aibva
adzitumira ndizvo
zvavakatenderana.
Zvakafamba zvakanaka
Wadzanai akabva aroorwawo
zvaidadisa nemunhu wake
waaidawo.
Tashinga naNakai
vakaperekedza Wadza
naMukudzei wake vachinoona
kwavainogara,vakaita svondo
variko ndokudzokera kudunhu
kwavo kwavakasvikoudzwa kuti
Chipo aishaikwa....
*Ndipo paperera chitsauko 23*
[11/22, 3:02 AM] Nickie:
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
24
*Tashinga*
Wadzanai akawanikwa
zvakanaka,takanomusiya kumba
kwake akatambirwa hake
zvakanakisisa.Takaita mazuva
maviri tiri kumuzinda
kwanaWadzanai.Tichidzokera
kwedu takasvika manyama
amire nerongo.Vanhu vaiita
chipata pata vachitsvaga
Chipo.Vaive vaona kuti Chipo
naNakai vaive pamoyo pangu
saka kuti vandiudze kuti
vamushaya vakangogara
ndozvaisamboita.
"Haubatsire nhai.Wakangwarira
paduri sehuku iwe,dai dziri
nyaya dzevamwe wamhanya
mhanya asi waamai vako hona
wakatodekara ,ko kana adyiwa
nezvikara "vakadaro
vachiwedzera kuchema.
"Kutsvaga munhu
hakusikungonovhundunyura
makwenzi musango umu
amai.Unotsvaga zvingakubatsire
kuwana kune munhu wako.Apa
ndabatsirika munoti dai Chipo
aive mudambudziko tete mai
Mubatsiri vangadai vasvika
nhasi iro shoko rekuti haapo
rakabuda marumwezuro.Munoti
Nakai angadai akadekara
zvaakaita izvi pachishaikwa
Chipo chaiye?" Ndakadaro
ndichibva ndafamba ndikaenda
panaNakai ndakasvika
ndichizevezera kuti:
"Wundurai mugoche
bamunini,Tashinga ndati
ndirikuda tserenga,handina kuti
ndirikuda shiri yese yese.Nguva
dzekudya zvemasikati
dzavekutokwana
ndikurumidzirewo ndapota"
akadaro achibva atobva hake
.Ndakashaya kuti aive avekuda
kutsiva zvandaive ndasiya
ndataura here kana
kuti.Ndakaramba ndakagara
zvangu ndakaona vasvika
pandaive amai vaNakai.
"Usandishungurudzirewo
muroora wangu iwewe,uyu
akakusiya haufe wakawana
mumwe anenge iye
,ungatambudze munhu ane
pamuviri ipapa arikuchema
mumba umu,handi waramba
kumubatira shiri yaarikuda
.Urikuedza kuita sei apa.Simuka
tione unoita zvaarikuda "
Ndakapererwa ndikasimuka
ndichimhanya ndaona
ndatosimudzirwa
dombo.Ndakatanga kufamba
ndichitsvaga tsvaga,ndaiteerera
hangu machemero aiita shiri
dzaive mumiti,ndakanzwa
kwaichema tserenga dzacho
ndikatanga kufamba
ndichiendako.Ndakakwenya
pasi varume,ko ndaigodiiko
kana mambokadzi vatonga
vainge vatotonga.
Takasvika tikatambirwa
zvakanakisisisa here
,Takakwazisana nana amai
nana baba ndokupihwa
zvokudya ,tapedza takatorana
ini,Takunda,Kundai,Mukudzei
naMubatsiri ndokunogara hedu
pamumvuri tichitaura nyaya.Ko
nyaya dzacho dzingaite dzei
kana dzisiri dzekurumbidza
madzimai edu hedu.
"Pangu ndasakura
ndazunza,asina kunzwawo iii
raabasa remukadzi wako
kukubvisa mafunze munzeve"
Takazoparadzana hedu
mangwana acho,ndakasvika
pamuzinda pachifarwa
semazuva ese.Ndakaenda
muimba yekurara ndakasvika
ndichiona........
*NAKAI*
https://chat.whatsapp.com/KMLz
TWfclVkEhOw9Mc06BZ
Vachada ekumashure pindai
umu
https://chat.whatsapp.com/FKRT
SLmPevJ6hXRClL4JDZ
_Akanyora ndi_
*Nickiewacho*
*~Nicola~*
*Nakai*
Runyararo rwakazodzimurwa
na Chengeto anga anzwa
nenyota apa akaramba
tikumbire mumisha mataipfuura
namo hanzi inenge inedova
mangwanani ano haiite kunwa.
Akairidza mhere inemaungira
sepafiwa akagara parutivi
penzira. Tete vakangoti fambai
tiende asare ega achidyiwa
nezvikara. Takaona munhu
ateera achimhanya misodzi iri
pamatama. Akatozonyarara
tasvika parwizi ndokuita
kupfugama paruvare achinwa
mvura nemuromo
"Nhai muroora wangu wago
chipfuyo here chisina maoko
unobva waita zvekuisa muromo
murwizi wadii washandisa
maoko"
Ndakatozoona Chenge na
Wadza vachisuka vamwe
vagere pamumvuri
vachikurukura. Ana severe
vairatidza kufarirana
vaitokurukura dzepasichigare
vachiseka.
Ndakabva ndazvipakurira
kwakutora shiri dzangu
bvandanatsopfunya
chibondokoto ndichidya ziya
richiyerera.
*Rondedzero*
...Nguva inofamba,mwedzi
waTinazvo naShupikai
wakasvika mimba ndokubva
yarwadza ,akashinga kushupika
Shupikai kusvika apona kano
kasikana kasvinu
kavakatumidza zita rekuti
Nakai.Ivo vanoti vakazviitira kuti
atodze hunhu,hungwaru
nerunako rwamambokadzi
Nakai.Vanhu vese vakavapa
zvipo zvekufarira rusvava rwavo
.
Nakai naChengeto
vakarwadziwa musi
umwechete.Hamuna
chamakaona imi vanhu vaiteta
zvavo ivavo ,ana mbuya
nyamukuta vakaita basa ravo
nemazvo vakakwanisa
kugashira madzimambo avo
sezvo vese vaive vabara
zvikomana.
Wadzanai naMukudzei
vakagumira
pavatatu,Runyararo,Batsiranai
naSheunesu.
*MAGUMO*