Shona Cala o Level Sample
Shona Cala o Level Sample
Shona Cala o Level Sample
Dingani Publishers
Between 10th & 11th Avenue
Robert Mugabe, Bulawayo
All rights reserved. No part of this book may be reproduced or utilized in any form or
by any means, electronic or mechanical, including photocopying, recording or by an
information storage and retrieval system, without permission in writing from the
Publisher. Inquiries should be addressed to Dingani Publishers.
2
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
RUZIVO NECHENJEDZO PAMUSORO PEMACALA
MaCALA zvipimo zvekudzidza kwevadzidzi kwenguva refu tichitarisa bumbiro ravo
rechidzidzo, nekudaro anofanira kuitwa kubva fomu yokutanga kana tiri kutaura
zvesekondari. Mabumbiro ezvidzidzo mukaatarisa haasisina kunzi fomu 1 ne2 kana
kuti 3 ne4, tongoti hapasisina ZJC neO’ LEVEL zvakaparadzana, pave nemabumbiro
akanzi fomu 1 – 4. Kureva kuti bumbiro iri rave kutotangirwa kufomu yekutanga.
NB: Kana maCALA akasanoitwa kubva fomu yekutanga, haazonyanyi kupa basa
kana kuti haazonyanyi kuwandira pafomu yechina. Zvakanaka kuti vana vaite
maCALA kubva ari fomu yekutanga. Zvino vazhinji vachine pfungwa yekuti
maCALA anotangira pafomu yechitatu chete, zvinova zviri kuzoita kuti vafe
nebasa panguva yokupedzisira
3
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
NHUNGAMIDZO
Basa remaCALA rine basa rekuti vadzidzisi nevadzidzi vaite basa kuti ZIMSEC
nemapazi anoona nezvedzidzo agoona basa rakaitwa pakupera kwedanho regore
rechinomwe, fomu yechina kana fomu yetanhatu. Padanho rino takanangana
nevadzidzi vesekondari. CALA twubasa twudiki twakanangana nekutsvaga pane
dambudziko nekuti ringapedzwe sei. Panogona kunge pasina dambudziko asi kuti
pachida kuonekwa unyanzvi hwekuti chinoitwa sei kana kuti chingachengetedzwe kana
kusimudzirwa sei. CALA aya anobva mubumbiro rechidzidzo. Kubva pumusoro wega
wega wezvinofanira kudzidzwa mubumbiro rechidzidzo, panobuda CALA kana
maCALA. Panodiwa unyanzvi hwekuumba misoro yetsvagurudzo chete. Pane
tsvagurudzo inoda kuitwa pazvirungamutauro, mamumbirwo emutauro, misambo,
nzwisiso, pfupiso kana rondedzero. Ndizvo zvimwe chetewo nekuuvaranomwe
takanangana nezvinofanira kudzidzwa kunyanya zvinyukwa zvine chekuita netsika
nemagariro evanhu ekare naanhasi. Harisi basa rinofanirwa kurema kunge purojekiti
yekuyunivhesiti, ngaive tsvagurudzo inopedzeka nenguva diki kuitira kuti vadzidzi
vakwanise kuwana nguva yekuita zvimwewo zvakaita sekuverenga, kunyora manotsi,
nezvimwe zviitwa zvemukirasi zvemazuva ose. Zvakare ngazvive zvisingadhuri, vadzidzi
ngavashandise zvavanowana munharaunda yavo.
4
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
BHUKU RINO RAKAUMBWA SEZVINOTEVERA:
A: maCALA makumi maviri:
Basa reCALA →Mudonzvo wemudzidzisi →Chipimo chebasa→ Mhinduro
dzingatarisirwe
B: Mimwe mibvunzo yetsvagurudzo
NHENDO
Rutendo kwamuri imi vadzidzi
5
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUMIKIDZO
Hero basa vadzidzisi, hero basa vadzidzi! “Pasina vanhu hapana vadzidzisi, pasina
vadzidzisi hapana vanhu. Vadzidzisi muri vatumwa vaMwari, dai Mwari afambawo
nemi mubasa renyu”
Kune vese vari kuita basa, muri kufira basa muchiziva kuti rine basa, vakafa vari kuti
kufa kune basa veduwe. Saka basa sebasa, ukaona basa rine basa serisina basa
mumabasa emabasa ako, uchashaiwa basa rine basa mumabasa emabasa ako, saka
shanda basa kuti ugowana basa rine basa mumabasa emabasa ako. Iro basa rinoita
serine basa harina basa kana ukada kunyatsotarisa basa racho sebasa. Kune vese vari
kuita basa, shandai muchiziva kuti basa rine basa rine basa, uye basa risina basa rine
basa rebasa rekupa basa vatenzi mabasa emabasa makuru. VaMabasa vakatoramba
zvebasa rinovapa basa risina basa pamabasa avo.
6
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Contents
RUZIVO NECHENJEDZO PAMUSORO PEMACALA............................................................ 3
NHUNGAMIDZO ........................................................................................................................ 4
NHENDO ..................................................................................................................................... 5
KUMIKIDZO ............................................................................................................................... 6
CALA 1 MAHWINDI .................................................................................................................. 8
CALA 2 ZVIRAHWE ................................................................................................................ 14
CALA 3 TSUMO ....................................................................................................................... 20
CALA 4 NHARE ....................................................................................................................... 25
CALA 5 MAZITA ...................................................................................................................... 30
CALA 6 NYAUDZOSINGWI ................................................................................................... 36
CALA 7 MUSAMBO WECHINYARIKANI ............................................................................ 40
CALA 8 MITUPO ...................................................................................................................... 46
CALA 9 MICHATO YEMAZUVA ANO ................................................................................. 51
CALA 10 KUTORA ZVINODHAKA ....................................................................................... 56
CALA 11 KUDZIDZA SHONA NECHISHONA CHETE ....................................................... 61
CALA 12 ZVIRWERE............................................................................................................... 66
CALA 13 KUCHEMA MUFI .................................................................................................... 72
CALA 14 KUTARISIRWA PASI KWECHIDZIDZO CHECHISHONA ................................ 82
CALA 15 BASA REUDZIDZISI ............................................................................................... 88
CALA 16 MAZWI ANOPERETERWA ZVAKAFANANA (HOMOGIRAFU) ..................... 94
CALA 17 ZVIRWERE ZVAKANETSA MUZIMBABWE ...................................................... 99
CALA 18 KUTANDA BOTSO ............................................................................................... 105
CALA 19 KUONGORORA KUKOSHAKWEMACALA MUKUDZIDZWA
KWECHISHONA .................................................................................................................... 110
7
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 1 MAHWINDI
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
KUONGORORA MASHANDIRO EMAHWINDI NEKUGADZIRISA PANE DAMBUDZIKO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUDZ
O
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuita tsvagurudzo yevanhu vanonzi mahwindi: zvakanaka zvavanoita, zvakaipa
zvavanoita uye zvingaitwe kuderedza hunhu hwakaipa hwavo
8
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO CHEBASA
UNHU HWEMAHWINDI
Zita reCALA: KUONGORORA MASHANDIRO EMAHWINDI NEKUGADZIRISA PANE
DAMBUDZIKO
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
C D E
Uremu A B
AEDZA ZVIRI AEDZAW AOMERW
neunyanzvi SHANGWITI AGONA
NANI O A
Kunyora Zviri
zvakaron Zvakarongek Zvakachena Zvakasviba kunetsa
Zvakacheneses
geka uye a asi zviine asi zvisina uye zvisina kutevedza
a nekurongeka
zvakache kautsvina kurongeka kurongeka zvakanyany
5
na 4 3 2 a
5 marks 1
Kutsanangura
hwindi
nekunyora Anyora Anyora Anyora
Anyora Anyora
zvakanaka
zvinoitwa 7-8 3-4 1-2
9-10 5-6
nemahwindi
10 Marks
Kutsanangura
zvakaipa Anyora Anyora Anyora
Anyora Anyora
zvinoitwa
nemahwindi 7-8 3-4 1-2
9-10 5-6
10 marks
Kutsanangura
zvingaitwe
kuderedza Agona zvese Agona Agona Agona
unhu izvi Agona zvina
zvitatu zviviri chimwe
hwakaipa 4 3 2 1
hwemahwind 5
i
5 marks
Total 30
marks
11
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
i. Tsananguro yechinonzi mahwindi [2]
-munhu anoshanda panokwirirwa michovha achidaidzira vafambi kuti vapinde
mumota iye achizopiwa kamuripo nevaridzi vemota
12
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 2 ZVIRAHWE
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
ZVIRAHWE SENZIRA YEKUDZIDZISA NAYO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUD
ZO
14
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
ZVIRAHWE
HWARO
Chiitwa: A
Kunyurura zvirahwe gumi nedudziro dzazvo
[10]
Chiitwa: B
Basa rezvirahwe muupenyu hweVaShona
[10]
Chiitwa: C
Chikonzero chave kuita kuti zvisakosheswe
[5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
15
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
ZVIRAHWE
Zita reCALA: KUONGORORA MABASA EZVIRAHWE SENZIRA YEKUDZIDZISA MUUPENYU
HWEVASHONA
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWIT AGONA AEDZA ZVIRI AEDZA AOMER
I NANI WO WA
Kunyora Zvakachen Zvakarongek Zvakachena Zvakasv Zviri
zvakarongeka uye esesa a asi zviine asi zvisina iba uye kunetsa
zvakachena nekuronge kautsvina kurongeka zvisina kutevedz
5 marks ka 4 3 kuronge a
5 ka zvakanya
2 nya
1
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvirahwe gumi
nedudziro
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvazvakakoshera
10 marks 9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
17
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kunyora zvirahwe gumi nedudziro dzazvo
[10]
1. Rakazvirova rikazhamba =jongwe
2. Kamuroyi kagere pacheya = rurimi
3. Chitima chemusango = zongororo
4. Pota neuko tisangane = bhande
5. Vakomana vekwedu vanotamba bambujaivhi neshaya =maputi/mhandire
6. Ndapinda musango ndikaona guru reropa = nhengeni
7. Ndakwira mugomo ndikaona sevheni =demo/sanhu
8. Vakomana vekwedu vanotamba bhora vakatsva musoro = mhandire
9. Chikomo chinopfungaira mhute = sadza
10. Ndakwira mugomo ndikaona vadzimu vakanyenama = dohwe
Chiitwa: B
Basa rezvirahwe muupenyu hweVaShona [10]
-kungwadza vanhu
-kudzidzisa zviwanikwa zvemunharaunda
-kutandadza
-kufunga neudzamu
-kudzidzisa tsika nemagariro
-kudzidzisa mutauro
-kudzidzisa mazwi matsva
-kuumbiridza hunhu hwakanaka
-kudzidzisa kutonga mhosva
-kudzidzisa kuchengeta zvinhu mupfungwa
18
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chiitwa: C
Chikonzero chave kuita kuti zvisakosheswe
[5]
-kuuya kwemitambo yepamafoni/pamakombiyuta
-kusagara pamwe chete semhuri
-kushaya vane ruzivo nazvo
-kuuya kwedzidzo yemuzvikoro
-kuuya kwezvitendero nekutarisirwa pasi kwetsika dzevatema etc
19
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 3 TSUMO
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
KUONGORORA TSUMO DZINE MAZITA EVANHUKADZI
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUDZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Mabasa etsumo muupenyu hweVaShona
*
20
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
NHARE
HWARO
Chiitwa: A
Zvakanakira nhare mukudzidza muzvikoro [10]
Chiitwa: B
Matambudziko aunzwa nenhare muvadzidzi [10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza matambudziko [5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
MANOTSI EMUDZIDZISI
26
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
NHARE
Zita reCALA: KUONGORORA MASHANDISIRWO ENHARE NEVADZIDZI MUZVIKORO
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWIT AGONA AEDZA ZVIRI AEDZAWO AOMER
I NANI WA
Kunyora Zvakachen Zvakarongek Zvakachena Zvakasviba Zviri
zvakarongek esesa a asi zviine asi zvisina uye zvisina kunetsa
a uye nekuronge kautsvina kurongeka kurongeka kuteved
zvakachena ka 4 3 2 za
5 marks 5 zvakany
anya
1
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvakakoshera
nhare
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvakaipira nhare
10 marks 9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
27
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 5 MAZITA
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
MAZITA ANOREVA ZVAKAFANANA
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUD
ZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuita tsvagurudzo yemazita anoreva zvakafanana, kuaisa mumipanda yawo uye
kuaumba zvakanaka
30
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kunyora mazita gumi ekuzvifungira anoreva zvimwe chete asi akaumbwa
zvakasiyana [5]
uswa/bundo/sora
mwena/guru
doro/hwahwa/mhamba
dhaka/dope
rukukwe/rupasa/bonde
bura/mbambaira/dima
gonhi/sasa
barika/guru
godo/shanje
nyada/vende
Chiitwa: B
Kuisa mazita ese mumipanda yawo
[5]
Zita Mupanda
uswa/bundo/sora 14, 5, 5
mwena/guru 3 / 4, 5
doro/hwahwa/mhamba 5. 14, 9/10
dhaka/dope 5, 5
rukukwe/rupasa/bonde 11, 11, 5
33
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
NYAUDZOSINGWI
Zita reCALA: KUONGORORA MASHANDIRO ENYAUDZOSINGWI
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWI AGONA AEDZA AEDZAWO AOMERWA
TI ZVIRI NANI
Kunyora Zvakach Zvakaro Zvakachen Zvakasviba uye Zviri
zvakarongek enesesa ngeka a asi zvisina kunetsa
a uye nekuron asi zvisina kurongeka kutevedza
zvakachena geka zviine kurongeka 2 zvakanyany
5 marks 5 kautsvin 3 a
a 1
4
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kunyora
nyaudzosingwi
12 10 8 6 1-4
dzinoenderana
nezviito
6 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kunyora
mhando
7 6 5 4 1-3
dzenyaudzosing
wi nemienzaniso
14 marks
Kunyora zviito Agona Agona Agona zviviri Agona
zvinoenderana Agona zvina
zvese zvitatu 3 chimwe
nenyaudzosingw izvi 8 6 1-2
i
5 marks 10
Total 30 marks
38
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kunyora nyaudzosingwi dzakawanda dzinoenderana nechiito chakapiwa [6]
Kudonha Kuchena
dhii ngwerewere
puu ngwee
rwii mbuu
ngondo ngondo weke
bhii mburetete
do toto
Chiitwa: B
Kunyora mhando dzenyaudzosingwi nekupa mienzaniso inokodzera [14]
Dzakadzokor Dzine vara Dzakab Dzakab Dzakavam Dzemurir Dzepfumvu
orwa rekupedzisir va va bwa iro nuro
ngondo a kuzvipa kuzviito dzakadaro wechinhu katanu
ngondo rakadzokoro uro fambe do mhuu fukunu
tasa tasa rwa tsvukuru bate ndoo kuguru
haradada cheneru
mburetete
Chiitwa: C
Kunyora zviito zvinoenderana nenyaudzosingwi dzakapiwa [5]
chechetere - kuenzana
maku – kuzara
tote – kumira
piti piti – kupinda
sai sai - kuzvimba
39
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 7 MUSAMBO WECHINYARIKANI
MASHANDISIRWO EMUSAMBO WECHINYARIKANI
MHANDO MUSAMBO
YETSVAGURUDZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Mashandisirwo emusambo wechinyarikani nezvibingaidzo
40
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
MUSAMBO WECHINYARIKANI
Zita reCALA: MASHANDISIRWO EMUSAMBO WECHINYARIKANI
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWITI AGONA AEDZA ZVIRI AEDZAW AOMER
NANI O WA
Kunyora Zvakachen Zvakaron Zvakachena asi Zvakasvib Zviri
zvakarongeka uye esesa geka asi zvisina a uye kunetsa
zvakachena nekurongek zviine kurongeka zvisina kuteved
5 marks a kautsvina 3 kurongeka za
5 4 2 zvakan
yanya
1
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyor
Kudoma nekupa
a
zvakanakira musambo
9-10 7-8 5-6 3-4
uyu
1-2
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyor
Kusakosheswa
a
kwemusambo
9-10 7-8 5-6 3-4
wechinyarikani
1-2
10 marks
Zvingaitwe Agona Agona zvitatu Agona Agona
kusimudzira musambo Agona zvina
zvese izvi 3 zviviri chimwe
wechinyarikani 4 2 1
5 marks 5
Total 30 marks
43
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 8 MITUPO
MHANDO GAKAVA
YETSVAGURUDZO
46
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuti vanhu vaikoshese [5]
-kudzidzisa vadzidzi muzvikoro nezvemitupo nemarudzi
-kugarisana paukama
-kuva nezvinyorwa zvekuverenga zvakawanda zvinobata zvemitupo nemadzinza
-kushambadza pamhepo kana mapepanhau nezvekukosha kwemitupo
-kudaidzana nemitupo senzira yekuremekedzana nayo mazuva ose etc
50
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 9 MICHATO YEMAZUVA ANO
CHIDZIDZO SHONA DANHO FOMU YECHINA
LANGUAGE
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGUR
UDZO
51
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
KUCHEMA VAFI
Zita reCALA: KUONGORORA MACHEMERWO ARI KUITWA VAFI MAZUVA ANO
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGW AGONA AEDZA AEDZA AOMERWA
ITI ZVIRI NANI WO
Kunyora Zvakac Zvakarong Zvakachen Zvakasv Zviri kunetsa
zvakaron heneses eka asi a asi iba uye kutevedza
geka uye a zviine zvisina zvisina zvakanyanya
zvakache nekuro kautsvina kurongeka kuronge 1
na ngeka 4 3 ka
5 marks 5 2
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Machemerwo
evafi mazuva
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
ano
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Matambudzik
o aunzwa
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
10 marks
Kuderedza Agona Agona Agona Agona chimwe
matambudzik Agona zvina
zvese zvitatu zviviri 1
o izvi 4 3 2
5 marks
5
Total 30
marks
74
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Machemerwo ari kuitwa vafi mazuva ano [10]
-kuenda panhamo
-kuridza mhere panhamo
-kubatsira mabasa eparufu
-kubvisa chema
-kushandisa makambani anochema vafi
-kutumira nhume neshoko
-kushandisa watsiapu, fesibhuku kana kufona ochema pafoni etc
-kusatoenda kurufu munhu ochema ari kwaari
-kuimba /kuridza ngoma panhamo etc
Chiitwa: B
Zvave kutadzisa vanhu kuchema vafi zvakanaka nhasi uno
[10]
-kuvengana mumhuri
-urombo hwakanyanya
-kusatokoshesa rufu
-kusatoziva zvinofanira kuitwa
-kugara kumadhorobha
-kuenda kunze kwenyika
-kugara vanhu vakasangana vasiri veukama/kugara nevatorwa
-kusakoshesa ukama
-kuuya kwezvitendero zvakasiyana-siyana
-kudada etc
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuti vanhu vakoshese rufu sakare [5]
75
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CALA 14 KUTARISIRWA PASI KWECHIDZIDZO CHECHISHONA
CHIDZIDZO SHONA DANHO FOMU
LANGUAGE YECHINA
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUDZO
KUONGORORA KUDZIKISIRWA
MUSORO
KWECHIDZIDZO CHECHISHONA MUZVIKORO
CHIPIMO
KUDZIKISIRWA KWECHISHONA
82
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Zita reCALA: KUONGORORA MADZIKISIRWO ARI KUITWA CHIDZIDZO
CHECHISHONA
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWI AGONA AEDZA ZVIRI AEDZAW AOMERW
TI NANI O A
Kunyora Zvakach Zvakarong Zvakachena Zvakasvi Zviri
zvakaronge enesesa eka asi asi zvisina ba uye kunetsa
ka uye nekuron zviine kurongeka zvisina kutevedza
zvakachena geka kautsvina 3 kurongek zvakanyan
5 marks 5 4 a ya
2 1
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvakakoshera
chidzidzo
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
cheShona
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kudzikisirwa
kwechidzidzo
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
ichi
10 marks
Zvingaitwe Agona Agona Agona Agona
kuderedza Agona zvina
zvese zvitatu zviviri chimwe
kudzikisirwa 4 3 2 1
5 marks 5
Total 30 marks
83
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
HWARO
Chiitwa: A
Zvakanakira kudzidza chidzidzo cheChiShona
[10]
Chiitwa: B
Kudzikisirwa kuri kuitwa chidzidzo cheChiShona
[10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza kudzikisirwa uku
[5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
84
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Zvakanakira kudzidza chidzidzo cheChiShona [10]
-chinodzidzisa mutauro wevagari vemunyika
-chinoita kuti pachengetedzwe tsika nemagariro
-chinopa nhoroondo yerudzi/dzinza zviri nyore
-chinozivisa zviwanikwa zvemunzvimbo /nharaunda uye nenzvimbo dzacho zviri
nyore
-chinobatika nyore semutauro wekuberekwa nekukura nawo
-chinoita kuti vanhu vawane mabasa
-chinokurudzira kusimudzirwa kwemutauro weShona
-chinobvisa matambudziko ekusanzwisisa anounzwa nekusanganiswa
kwemitauro
-chinonochengetedza mutauro kuti usafe zvachose
-chinoita kuti mutauro upfume etc
Chiitwa: B
Kudzikisirwa kuri kuitwa chidzidzo cheChiShona [10]
-nyika haisi kupa bhezari kuvadzidzi veShona, asi vemasainzi
-mabasa anoitwa nevaiti veShona mashoma
-vabereki havaikoshesi pakudzidza kwevana
-vanodzidzisa zvimwe zvidzidzo vanoshora Shona
-vadzidzi vacho havana rudo kana hanya nechidzidzo chacho
-Shona hainyanyi kushanda kune dzimwe nyika sezvinoita ChiRungu
-pakutsvaga mabasa makambani mashoma anotaura kuti anoda Shona
-Shona iri kukwereta mamwe mazwi kubva kune mimwe mutauro, mamwe
achitoshaya nhurikiro
-kuiswa kwakitwa Shona kumaatsi ayo anoshaorwa kare, pachinzvimbo
86
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIPIMO
KUTANDA BOTSO
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANG AGONA AEDZA AEDZAWO AOMERWA
WITI ZVIRI NANI
Kunyora Zvaka Zvakaron Zvakache Zvakasviba Zviri
zvakarongeka chenes geka asi na asi uye zvisina kunetsa
uye zvakachena esa zviine zvisina kurongeka kutevedza
5 marks nekur kautsvina kurongek 2 zvakanyany
ongek 4 a a
a 3 1
5
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvaiitwa pakutanda
botso
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvakanakaira &
zvakaipira kutanda
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
botso
10 marks
Zvave kukonzera kuti Agona Agona Agona zviviri Agona
botso risatandwe Agona zvina
zvese zvitatu 2 chimwe
5 marks izvi 4 3 1
5
Total 30 marks
107
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGAPIWE
Chiitwa: A
Zvaiitwa pakutanda botso [10]
Nyakutadza:
-kupfeka mamvemve /masaga
-kufamba nesaga rekuisa zviyo
-kufamba achipemha zviyo
-kufamba achitaura mhosva yake kuvanhu
-kutsvaga mombe inodyiwa musi wekuchenurwa
-kutsvaga zvekudya zvevanhu kana vazoungana
-kugara kunze kwemusha kusvika azochenurwa
-kusadya nyama kana zvidyiwa zvepabira iri
-kusadzosera paanotukwa kana paanorohwa nevanhu
-kusarudza zviyo paanenge adzoka kunopemha etc
Vanhu:
-kurova / kutuka mutandi webotso
-kuseka nekusveeredza mutandi webotso
-kumuisira zviyo, chibage nezvimwewo musaga rimwe chete etc
Chiitwa: B
Zvakanakira kutanda botso [5]
-zvinounza kubatana kwemhuri
-vamwe vana vanodzidza kuita hunhu hwakanaka nguva dzose
-nyakutadza anochenurwa, akatadzirwa anosunungukawo
-nyakutadzirwa anosunungukawo
-nyakutadza anorwadziwawo nekutanda botso sekurwadza kunoitawo
mashoko kana kutadza kwake etc
108
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUITWA KWEMACALA MUZVIKORO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGUR
UDZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuongorora kukosha kwemaCALA mukudzidzwa kweChiShona
110
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kupa yemuro yezvakanakira maCALA [10]
-anoita kuti vadzidzi vawane zvibodzwa nyore izvo zvinozoshandiswa
pabvunzo dzavo
-vadzidzi vanodzidza kuita tsvagurudzo vasati vaenda kuyunivhesiti kana
koreji
-anoita kuti vadzidzi vakoshese dzidzo
-anodzidzisa vadzidzi kufunga zvine udzamu
-mudzidzi anokwanisa kubatsirwa nevamwe kana nemudzidzisi wake
-mudzidzi akafoira bvunzo anogona kushandisa maCALA ake ekare iwayo
-anopa mwana tarisiro yekupasa bvunzo dzake kana akagona maCALA ake
-anoita kuti vadzidzi vadzidzire kushanda pamwe
-anosimbaradza ukama pakati pemudzidzisi nemudzidzi
-anoderedza vadzidzi vasingaiti basa muzvikoro etc
Chiitwa: B
Kunyora zvakaipa zvakauya nekuda kwemaCALA [10]
-anowanzira vadzidzi basa pamusoro perekuverenga, manotsi nekudzidza
kwavagara vachiita
-anowanzirawo mudzidzisi basa rekuita/rekumaka nekuongorora
-ari kupa vadzidzisi basa guru rekusonana nevasingadi kuita maCALA kana
vanorovha
-bazi reZIMSEC rakapa vadzidzisi basa asi harisi kuvabhadhara pakumaka
maCALA
-aunza huori muzvikoro pakati pevadzidzisi nevadzidzi vechikoro
-ari kuwedzera mutoro webasa kune zvidzidzo zvagara zvichiita mapurojekiti
114
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
zvakaita seBuiding, Agriculture
-ari kuita kuti vadzidzi vakoshese maCALA kukunda kugadzirira bvunzo
dzekupedzisira
-maCALA acho anenge akasiyana muzvikoro saka zvinonetsa kuyera vadzidzi
pakupedzisira
-vadzidizisi vari kunetseka nepekuchengetera maCALA evadzidzi kunyanya
zvikoro zvidiki zvisati zvanyatsovakwa
-ari kudhurira vabereki sezvo pachidikwa mafaira neumbowo hwetsvagurudzo
etc
Chiitwa: C
Zvingaitwe kupedza matambudziko acho [5]
-maCALA ngaaite mashoma kana rimwe chete kuti vadzidzi vawane nguva
yemamwe mabasa
-zvidzidzo zvagara zviine mapurojekiti ngazvisaite maCALA
-maCALA ngaafananidzwe nyika yese kuti vadzidzi vapimwe zvakaenderana
-vadzidzisi ngavabhadharwe zvakakwana pabasa ravo kuti huori huderere
-vadzidzisi nevadzidzi ngavadzidziswe zvizere pamusoro pemaCALA acho etc
115
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
RIMWE BASA RETSVAGURUDZO
116
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com