Continuous Assessment Learning Activity
Name : Mikaela Chigora
Learning area : Chishona
Syllabus Topic : Tsika nemagariro evanhu
Sub-topic : Nzira dzokuwanana nadzo
pasichigare
Competence skills : Research
Communication
Identification
Critical thinking
Problem solving
Chidzidzo : Chishona
Rugwaro : Rwechinomwe
Musoro : Tsika nemagariro evanhu
Musoro : Nzira dzokuwanana (kurorana) nadzo pasichigare
Nhorondo: Zvakaonekwa kuti vanhu vazhinji vemazuva nemazwi zvachose nzira
dzaishandiswa nevekare kuroorana. Mumaziso avo vanoona nzira idzi dzakashoreka. CALA
iyi ine zvidimbu zviviri zvinoti A ne B mudzidzisi anosungirwa kupindura zvidimbu zvose
zviri zviviri.
Nhanganyaya: Vanhu vemazuva ano havazive nzira dzaishandiswa kuroorana pasichigare.
Pakauya bvunzo yenzira dzekuroorana pasichigare vana vakawanda vanokundanwa vofoira
bvunzo iyoyo. Vana vanofanira kuziva nzira dzekuroorana pasichigare kuti vakunde vamwe
vana mubvunzo.
Mazwi oudzamu
Nzira –
Dzaishandiswa –
Kuroorana –
Shoreka –
Zvidimbu –
Mudzidzisi –
CHIKAMU A
Nzira dzaishandiswa pakuroorana pasi chigare
1. Kukumbira
2. Kutizira
3. Musengabere
4. Kuganha
5. Kuzvarira
Kutsanangura nzira dzekuroorana
Kukumbira – munzira iyi mukomana anobvunza vabereki vemusikana kuti aroore
mwana wavo. Kana vabereki vabvuma zvinhu zvekuroorana zvinotanga sekuitwa
mupasi chigare.
Kutizira – munzira iyi musikana anotizira achienda kumba wemukomana wake. Izvi
zvinowanzoitika kana aita pamuviri asingadi kuti paonekwe asati aroorwa uye
mukomana anenge otsenga-tsenga mukanwa. Dzimwe nguva vabereki vaisaziva kuti
mukunda wavo atizira.
Musengabere – nzira iyi inowanzoitwa kana mukomana anyenga musikana,
akarambwa.
Kuganha - mukomana anogona kufarira musikana weimwe imba iye otuma
vanomumiririra kuvabereki vemusikana pamwe naiye musikana kusvikira vawirirana.
Kuzvarira – mumba munogona mapinda nzara mbishi zvekuti zvekukanda mukanwa
panenge pasina. Vamwe vapindwa nenzara ndipo pavanotora mwanasikana wavo
vomuendesa kuya kune vanowana kuti awanikwe vagopihwa kudya. Havatarisiri
kuwana mari asi kutivmatura avo akukumukewo vagowana chokudya. Izvi hazvinei
kuti mwanasikanaanoda here kana kweteasi kuti chinotuma izvi inzara.
Nzira yekuwanana yakanaka
Pakufunga kwangu, kukumbira inzira yakanaka. Ini ndinofunga izvi nekuti mukomana
anoenda kuvabereki emusikana, okumbira kuroora mwana wavo. Izvi zvakasiyana nekutizira
nemusengabere nekuti vabereki vanoziva kuti musikana wavo arikuda kuroorwa.
CHIKAMU B
Tsumo dzaishandiswa mune zvewanano
1. Chidamoyo hamba yakada makwati.
2. Pfavira ngoma, husiku hurefu.
3. Mwana kuberekwa vaviri, mugota haichemi kacheche.
4. Simbi inorohwa ichapisa.
5. Zviuya hazviwanane.