Nzwara
Mataridziko
Nzwara (ku Chingezi: nail; nails) kana nzara i nhengo inowanikwa kunoperera zvigunwe nechepamusoro, uye nhengo iyi inoramba ichikura nguva dzose nyangwe munhu achembera. Nzwara dzinowanikwa ku (zvigunwe zve) tsoka zvose nemaoko.
Zita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Iro zita rekuti nzara ngarisa sanganiswe nenzara (kana zhara) yemunhu paanenge asati arya.
Mitauro ye Chibantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGungu vanoti luzala kana nzala (n. finger nail, toe nail) kureva nzara. VaBemba vanoti lwala (n. fingernail, toe nail) zvichireva nzara.
- Kirundi vanoti urwara (fingernail, toenail, claw) kureva nzara. Kimbundu vanoti kiala (nail, fingernail, toenail) kureva nzara.
- Shambala vanoti kombe kana makombe pakuwanda (n. nail) kureva nzara.
- VaSango vanoti nzana kana nzené (n. a fingernail, a claw) kureva nzara.