Hweru, gweru, dzimba (Aardvark or antbear in English) imhuka yemusango ine muromo murefu neganda rinenge renguruve inochera zimwena zihombe pasi. Hweru kana kuti Hwiribidi inowanikwa muAfrica chete.

Munguva yehondo yerusununguko kune muimbi Tineyi Chikupo akaimba rwiyo rwaikurudzira varwi vehondo yerusununguko rwainzi, Hwiribidi famba nepasi, nyika dzekwedu inyika dzemvura.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • Chewa inoti dzimba (great ant-eater) kureva hweru. Tiriki inoti lihaka (n. ant-bear, ant-eater, aardvark, earth pig) kureva hweru.
  • Tonga inoti inenga (ant-bear) kureva hweru. Takwane vanoti zimba (n. aardvark) kureva dzimba.
  • MaZulu vanoti isambane (ant-bear or ant-eater) kureva hweru. Chirevo: Ngenze umsebenzi wesambane (I have worked for others) - hweru inochera mwena unogarwa nedzimwe mhuka.
  • Nyanja inoti kuyera (of whiteness, cleanliness, brightness, clearness, purity, holiness) kureva kuchena.
  • Nyanja inoti kuera (to be white or light) kureva kuchena.
  • Lugwere vanoti bweru (1. whiteness, 2. transparency, honesty, intergrity) kureva huchena. Herero vanoti oku-yerisa (v. to glorify, exalt).
  • Kikuyu vanoti -eru (adj. white) kureva huchena. Mamwe mazwi: weru (adj. whiteness).

Dariro remifananidzo

chinjirudza