Zvipfeko
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuMhishu)
Zvipfeko zvinhu zvinorukwa zvichishandiswa kuvhara muviri wemunhu. Vanhu vanosimira zvipfeko nezvikonzero zvakasiyana zvinoti:
- Kupa muviri chiremera nokuti zvinonyadzisa kufamba munhu ari musvo.
- Kushongedza muviri zvichiratidzawo hupfumi hwemunhu netsika dzaanokoshesa.
- Kuvhara muvhiri kuti udziyirwe.
- Kudzivirira kukuvadzwa kwemuviri kana munhu ari kuita mabasa akarema.
- Kupfeka semucherechedzo wemhemberero dzakasiyanasiyana.
- Kana chipfeko chichinzi chinonjenjemera kureva kuti chinowonesa zviri mukati - see through, sheer, transparent.
- Mutambariko, mutambiko, mutariro kana mutariko (line stretched between poles for hanging things e.g. clothes).
Mazita ezvipfeko
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chiyambaro (article of clothing) zvichireva chipfeko. Kuyambara ndiko kupfeka.
- Bhachi
- Chishongo (Article of clothing appropriate to the occasion; 2. War decoration) apa kureva zvipfeko zvakafanirana nenhambo yacho.
- Mudhebhe
- Nguwani
- Mujivha
- Hanzu kana hazu (outer garment; clothes; covering).
- Rokwe
- Jasi (coat).
- Mukonde (bead belt worn by women).
- Hembe (Shirt) zvichibva pazwi reAfrikaans rinoti hemp.
- chibudura
- Mbikiza (Short skirt) apa kureva siketi pfupi.
- Handa (Laces). Kana iri imwe yonzi ruhanda.
- Bhatani, gopero, butawu (button)
burugwe.( under wear)
- Konopo (stud, button). Afrikaans inoti knoop (n. button).
- Musiwa (scanty clothing, nakedness).
- Mhishu kana chimhini (short article of clothing). Anga akapfeka mhishu yedhirezi.
- Hanzu, nguwo, nguo, zvisimiro kana chafukwa (clothes).
- Kuhiya (decorate excessively) zvireva kushongedza zvapfuura mwero. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mahiya?
- Gwarava (leather bag).
- Gwanda (Shirt with short sleeves).
- Zvinemeso (jewelry) apa kureva zvishongo zvakadai semhete, ringi, mabhen'oro zvinopfekerwa mucheno. Kazhinji zvinogadzirwa nesimbi dzakakosha dzakadai sendarama, sirivha kana platinamu.
Mucheno
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Shoko rokuti kupuvira kana kupurira rinoreva kuita chinhu nomutowo wakapfurikidza mwero wakaterama. Apa chiri kuitwa chingava: kupfeka mbatya dzakanakisa pamucheno; kukaringa kana kurunga chokudya chabikwa; huwandu zvezvinhu zvaunzwa kana kutengwa , zvichingodaro.
- Mbuya vaChido vanga vakaita mucheno wokupurira pamuchato wemuzukuru wavo.
- Gamuchirai akapuvira dovi mubota raakabikira Sekuru.
- Kushonga (dress infine clothes).
- Kupfekedza, kusimidza (to dress someone else).
- Kupfeka, kufuka, kusimira (to dress oneself).
- Kupfekenura, kukutunura, apa kureva kubvisa mbatya.
- Kushandika, kushandura (to have inside out) apa kureva kupindurudza.
- Kubvumbuka (to be worn thin, to be easily torn).
- Kunema (smart, dressy and so perhaps to be vain as to one's appearance).
Zvipfeko Zvechinyakare
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Nyaudzosingwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Mbwandi, vandi kana petere (ideophone of Arranging clothing when sitting down).
- Kumbwandira (Arrange clothing when sitting down).
- kundu (ideophone of being uncovered e.g. without blanket; 2. of exposed e.g when wind blows up clothing).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaVenda vanoti muambaro (n. fashion). Mamwe mazwi tshiambaro (n. clothing; garment; dress). -ambara, -ambadza (v. clothe; dress).
- VaBukusu vanoti chifwaara (n. outfit) kureva chipfeko. Mamwe mazwi: khuufwaara (v. wear, put on clothes, dress, arm, put on armor).
- VaTaita vanoti mavalo (clothes) kureva zvipfeko. VaGanda vanoti kanzu (shirt) kureva sheti.